Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
LUKE
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 21
Luke Shona 21:1  Zvino wakati atarira kumusoro akaona vafumi vachikanda zvipo zvavo muchivigiro chezvipo.
Luke Shona 21:2  Uye wakaonawo imwe chirikadzi murombo ichikandamo tumari twemhangura tuviri.
Luke Shona 21:3  Ndokuti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda kupfuura vese;
Luke Shona 21:4  nokuti avo vese vakanda muzvipo zvaMwari pamuraudziro wavo, asi iye, paurombo hwake wakanda chese chaaiva nacho chaairarama nacho.
Luke Shona 21:5  Zvino vamwe vachiri kutaura pamusoro petembere, kuti yakange yakashongedzwa nemabwe akanaka nezvipo, wakati:
Luke Shona 21:6  Zvinhu izvi zvamunoona, mazuva achasvika okuti ibwe harizosiiwi pamusoro pebwe, risingazoputsirwi pasi.
Luke Shona 21:7  Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, ko zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chii, kana izvozvi zvoitika?
Luke Shona 21:8  Iye ndokuti: Chenjerai kuti musatsauswa; nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye: Nguva yaswedera. Naizvozvo musavatevera.
Luke Shona 21:9  Zvino kana muchinzwa zvehondo nenyonga-nyonga, musavhunduswa; nokuti zvinhu izvi zvinofanira kutanga kuitika; asi kuguma hakuvipo pakarepo.
Luke Shona 21:10  Ipapo wakati kwavari: Rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe.
Luke Shona 21:11  Uye kudengenyeka kwenyika kukuru kuchava kunzvimbo dzakasiyana-siyana, nenzara nematenda, uye zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvichabva kudenga zvichavapo.
Luke Shona 21:12  Asi mberi kwaizvozvi zvese vachaisa maoko avo pamuri, nekushusha, vachikukumikidzai kumasinagoge nemumatirongo, muchiiswa pamberi pemadzimambo nevabati, nekuda kwezita rangu.
Luke Shona 21:13  Uye izvi zvichashandukira kwamuri kuva uchapupu.
Luke Shona 21:14  Naizvozvo zviisei mumoyo menyu, kuti murege kufanofunganya zvamuchazvidavirira.
Luke Shona 21:15  Nokuti ini ndichakupai muromo nenjere, vavengi venyu vese zvavachakonewa kupikisa kana kuramba.
Luke Shona 21:16  Zvino muchatengeswa kunyange nevabereki, nevanakomana vamai venyu, nehama, neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.
Luke Shona 21:18  Asi hakungatongoparari ruvhudzi rwemusoro wenyu.
Luke Shona 21:20  Zvino kana muchiona Jerusarema rakombwa nemauto, zivai ipapo kuti kuparadzwa kwaro kwaswedera.
Luke Shona 21:21  Panguva iyo vari muJudhiya ngavatizire kumakomo; nevari mukati maro ngavabude; nevari kumaruwa ngavarege kupinda mariri.
Luke Shona 21:22  Nokuti awa mazuva etsividzo, kuti zvinhu zvese zvakanyorwa zvizadziswe.
Luke Shona 21:23  Asi vane nhamo vane mimba nevanonwisa mumazuva iwayo! Nokuti kuchavapo kutambudzika kukuru munyika, nehasha pamusoro perudzi urwu.
Luke Shona 21:24  Uye vachawa nemuromo wemunondo, nekutapirwa kumarudzi ese; uye Jerusarema richatsikirwa pasi nevechirudzi, kusvikira nguva dzevechirudzi dzazadziswa.
Luke Shona 21:25  Zvino zviratidzo zvichavapo pazuva nepamwedzi nepanyeredzi; nepanyika kutambudzika kwemarudzi nekukanganiswa; gungwa nemafungu zvichitinhira,
Luke Shona 21:26  vanhu vachapera simba nekutya nekutarisira zvinhu izvo zvinouya panyika; nokuti masimba ekumatenga achazungunuswa.
Luke Shona 21:27  Zvino ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mugore ane simba nekubwinya kukuru.
Luke Shona 21:28  Zvino kana zvinhu izvi zvichitanga kuitika, itii tasa, uye musimudze misoro yenyu, nokuti rudzikunuro rwenyu rwaswedera.
Luke Shona 21:29  Zvino wakavataurira mufananidzo achiti: Tarirai muonde nemiti yese;
Luke Shona 21:30  kana ikozvino yotunga, munozvionera nekuziva kuti zhizha ikozvino rava pedo.
Luke Shona 21:31  Saizvozvo imwiwo, kana moona zvinhu izvozvi zvichiitika, zivai kuti ushe hwaMwari hwava pedo.
Luke Shona 21:32  Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri, kusvikira zvese zvaitika.
Luke Shona 21:33  Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
Luke Shona 21:34  Zvino zvichenjererei, kuti moyo yenyu irege kuremedzwa nekudyisa nekuraradza nekufunganya zveupenyu huno, zuva iro rikusvikirei musingafungiri.
Luke Shona 21:35  Nokuti seriva richasvika pamusoro pevese vagere pachiso chenyika yese.
Luke Shona 21:36  Naizvozvo rindai panguva yese munyengetere kuti muverengwe makafanira kupukunyuka zvinhu izvi zvese zvichaitika, nekumira pamberi peMwanakomana wemunhu.
Luke Shona 21:37  Zvino waidzidzisa masikati mutembere; asi waibuda achipedzera usiku mugomo rinonzi reMiorivhi.
Luke Shona 21:38  Vanhu vese ndokuuya kwaari mangwanani-ngwanani mutembere kuti vamunzwe.