Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
TITUS
Up
1 2 3
Toggle notes
Chapter 1
Titu Shona 1:1  Pauro, muranda waMwari, nemuapositori waJesu Kristu, zvichienderana nerutendo rwevasanangurwa vaMwari nekuziva chokwadi chiri pakunamata Mwari,
Titu Shona 1:2  patariro yeupenyu husingaperi, uhwo Mwari asingagoni kureva nhema hwaakavimbisa nhambo dzenguva dzisati dzavapo,
Titu Shona 1:3  asi panguva dzakafanira wakaratidza shoko rake nekuparidza kwakaiswa mumaoko angu zvichienderana nemurairo waMwari Muponesi wedu,
Titu Shona 1:4  kuna Tito, mwana wangu chaiye zvichienderana nerutendo rwatinodyidzana: Nyasha, tsitsi, rugare zvinobva kuna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu Muponesi wedu.
Titu Shona 1:5  Nekuda kwaizvozvi ndakakusiya paKrete, kuti ugadzirise zvakasara, uye ugadze vatariri muguta rega-rega, sezvandakakuraira ini;
Titu Shona 1:6  kana aripo asina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, ane vana vakatendeka, vasingapiwi mhosva yekusazvidzora, kana kusateerera.
Titu Shona 1:7  Nokuti mutariri anofanira kuva asina chaangapomerwa, semuchengeti weimba waMwari; asina mukundo, asingakurumidzi kutsamwa, asiri muraradzi, asiri murwi, asingakariri fuma yakaipa,
Titu Shona 1:8  asi anofarira kugamuchira vaenzi, anoda zvakanaka, anozvidzora, wakarurama, mutsvene, anozvibata,
Titu Shona 1:9  anobatisisa shoko rakatendeka sezvaakadzidziswa, kuti agone kukurudzira nedzidziso mhenyu, uye kupwisa vakakavari.
Titu Shona 1:10  Nokuti vazhinjiwo varipo vasingateereri, vanotaura zvisina maturo nevanyengeri, zvikuru avo vekudzingiswa,
Titu Shona 1:11  vanofanira kudzivira miromo yavo; vanopidigura misha yese, vachidzidzisa zvinhu zvavasingafaniri, nekuda kwefuma yakaipa.
Titu Shona 1:12  Umwe pakati pavo, anova muporofita wavo pachavo, wakati: VaKrete vagara vari varevi venhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara.
Titu Shona 1:13  Uchapupu uhu ndehwechokwadi. Nekuda kwechikonzero ichi uvatsiure zvakasimba, kuti vagwinye parutendo,
Titu Shona 1:14  vasingateereri ngano dzeVaJudha nemirairo yevanhu vanofuratira chokwadi.
Titu Shona 1:15  Kune vakachena zvinhu zvese zvakachena; asi kune vakasvibiswa nevasingatendi hakuna chakachena, asi kufunga kwavowo nehana zvakasvibiswa.
Titu Shona 1:16  Vanobvuma kuti vanoziva Mwari, asi pamabasa vanomuramba, vari vanyangadzi nevasingateereri uye vasingabatsiri pabasa rese rakanaka.
Chapter 2
Titu Shona 2:1  Zvino iwe taura zvinhu zvakafanira dzidziso yakagwinya.
Titu Shona 2:2  Varume vakuru kuti vazvibate, vanokudzwa, vakangwara, vakagwinya parutendo, parudo, pakutsungirira;
Titu Shona 2:3  saizvozvo vakadzi vakuru kuti pamafambiro vave sezvakafanira vatsvene, kwete vacheri, kwete varanda vewaini zhinji, vadzidzisi vezvinhu zvakanaka,
Titu Shona 2:4  kuti vadzidzise vakadzi vadiki kuchenjera, kuda varume vavo, nekuda vana vavo,
Titu Shona 2:5  vakazvibata, vakachena, vachengeti vemisha, vakanaka, vanozviisa pasi pevarume vavo pachavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa.
Titu Shona 2:6  Varume vadiki saizvozvo ukurudzire kuti vave vanozvidzora;
Titu Shona 2:7  pazvinhu zvese iwe uzviratidze uri mufananidzo wamabasa akanaka, padzidziso yechokwadi, mugariro unokudzwa nekuvimbika,
Titu Shona 2:8  shoko rakagwinya, risingashoreki, kuti uyo wedivi rinopikisa anyare, asina chinhu chakaipa chaangareva pamusoro penyu.
Titu Shona 2:9  Kurudzira varanda kuzviisa pasi pavatenzi vavo pachavo, kuti vafadze pazvese, vasingakakavari,
Titu Shona 2:10  vasinganyimi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kwese, kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvese.
Titu Shona 2:11  Nokuti nyasha dzaMwari dzinoponesa dzakaratidzwa kuvanhu vese,
Titu Shona 2:12  dzichidzidzisa isu kuti, tirambe kusanamata Mwari uye kuchiva kwenyika, tirarame nekuchenjera uye kururama nekunamata Mwari panyika yaikozvino,
Titu Shona 2:13  tichimirira tariro yakaropafadzwa nekuratidzwa kwekubwinya kwaMwari mukuru neMuponesi wedu Jesu Kristu,
Titu Shona 2:14  wakazvipira isu, kuti adzikunure isu pakuipa kwese, uye azvichenurire vanhu vakasanangurwa, vanoshingairira mabasa akanaka.
Titu Shona 2:15  Taura zvinhu izvi, uye kurudzira, uye tsiura nesimba rese. Kusava nemunhu anokuzvidza.
Chapter 3
Titu Shona 3:1  Uvayeudzire ivo kuzviisa pasi pevatungamiriri nevabati, vavateerere, vakazvigadzirira basa rese rakanaka,
Titu Shona 3:2  varege kuchera munhu, varege kuva vakakavari, vanyoro, vaitire vanhu vese unyoro hwese.
Titu Shona 3:3  Nokuti nesu pachedu taimbova matununu, vasingateereri, tichitsauswa, tichishumira kuchiva nemafaro zvakasiyana-siyana, tichirarama mukushata negodo, tichivenga, tichivengana.
Titu Shona 3:4  Asi apo unyoro nerudo kuvanhu zvaMwari Muponesi wedu zvoonekwa,
Titu Shona 3:5  kwete zvichibva pamabasa ekururama atakaita isu, asi zvichienderana netsitsi dzake wakatiponesa, kubudikidza nekushambidzwa kwekuberekwa kutsva nekuvandudzwa kweMweya Mutsvene,
Titu Shona 3:6  waakadururira achiwanza pamusoro pedu, kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu,
Titu Shona 3:7  kuti tichinzi takarurama nenyasha dzake, tive vadyi venhaka zvichienderana netariro yeupenyu husingaperi.
Titu Shona 3:8  Ishoko rakatendeka, uye izvi ndinoda kuti musimbise zvirokwazvo, kuti vakatenda kuna Mwari vachenjerere kuzvipira pamabasa akanaka. Ndizvo zvinhu zvakanaka uye zvinobatsira kuvanhu;
Titu Shona 3:9  asi nzvenga mibvunzo yeupenzi nenhoroondo dzemazita emadzinza nemakakatanwa nemakakava pamusoro pemurairo, nokuti hazvibatsiri uye hazvina maturo.
Titu Shona 3:10  Munhu anotsauka shure kwekurairwa kwekutanga nekwechipiri umurambe,
Titu Shona 3:11  uchiziva kuti uyo wakadaro wakatsauka, uye anotadza, achizvipa mhosva amene.
Titu Shona 3:12  Pandichatuma Aritema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuuya kwandiri kuNikopori; nokuti ndakazvipira kugarapo pachando.
Titu Shona 3:13  Shingaira kubatsira Zenasi mududziri wemurairo naAporo parwendo rwavo, kuti kusava nechinhu chinoshaikwa kwavari.
Titu Shona 3:14  Nevekweduwo ngavadzidze kuzvipira pamabasa akanaka anodikanwa pakushaiwa, kuti varege kuva vasina zvibereko.
Titu Shona 3:15  Vese vaneni vanokukwazisa. Kwazisa vanotida parutendo. Nyasha ngadzive nemwi mese. Ameni.