MARK
Chapter 15
Mark | Shona | 15:1 | Zvino pakarepo mangwanani-ngwanani vapristi vakuru vakaita zano nevakuru nevanyori nedare remakurukota rese, vakasunga Jesu, vakamutakura, vakamukumikidza kuna Pirato. | |
Mark | Shona | 15:2 | Pirato ndokumubvunza achiti: Iwe uri Mambo weVaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Unoreva iwe. | |
Mark | Shona | 15:4 | Pirato akamubvunzazve achiti: Haupinduri chinhu here? Tarira, zvinhu zvingani zvavanokupupurira! | |
Mark | Shona | 15:7 | Zvino kwakange kune wainzi Bharabhasi, akasungwa pamwe nevakange vamutsa mhirizhonga naye, vakange vaita umhondi pamhirizhonga iyoyo. | |
Mark | Shona | 15:9 | Asi Pirato akavapindura, achiti: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo weVaJudha here? | |
Mark | Shona | 15:12 | Pirato akapindura akatizve kwavari: Naizvozvo munoda kuti ndimuitirei, wamunoti ndiMambo weVaJudha? | |
Mark | Shona | 15:14 | Asi Pirato akati kwavari: Nemhaka yei? Wakaita chakaipa chei? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Muroverere pamuchinjikwa! | |
Mark | Shona | 15:15 | Zvino Pirato, achida kuti agutse chaunga, akavasunungurira Bharabhasi; ndokukumikidza Jesu kwavari, amurova netyava, kuti arovererwe pamuchinjikwa. | |
Mark | Shona | 15:16 | Zvino mauto akamuisa mukati mechivanze, chinova imba yemutungamiriri, akadanira hondo yese pamwe; | |
Mark | Shona | 15:20 | Zvino vakati vamuseka, vakamubvisa zveruvara rwehute, ndokumupfekedza nguvo dzake pachake, vakabuda naye kunomuroverera pamuchinjikwa. | |
Mark | Shona | 15:21 | Vakamanikidza umwe waipfuura wainzi Simoni muKurini, achibva kuruwa, baba vaArekizandiro naRufo, kuti atakure muchinjikwa wake. | |
Mark | Shona | 15:22 | Vakamuisa kunzvimbo yainzi Gorogota, ndokuti kana zvichishandurwa: Nzvimbo yedehenya. | |
Mark | Shona | 15:24 | Zvino vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mujenya pamusoro padzo, kuti umwe neumwe achatorei. | |
Mark | Shona | 15:27 | Pamwe naye vakaroverera pamuchinjikwa makororo maviri, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe rwake. | |
Mark | Shona | 15:29 | Nevaipfuura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Ehe-e, iwe unoputsa tembere, nekuivaka nemazuva matatu, | |
Mark | Shona | 15:31 | Saizvozvo vapristiwo vakuru vakamuseka pamwe nevanyori pakati pavo, vachiti: Wakaponesa vamwe, haagoni kuzviponesa. | |
Mark | Shona | 15:32 | Kristu Mambo waIsraeri ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, kuti tione titende. Nevakange varovererwa pamuchinjikwa pamwe naye vakamunyomba. | |
Mark | Shona | 15:33 | Zvino awa rechitanhatu rakati rasvika, rima rikavapo panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe. | |
Mark | Shona | 15:34 | Zvino neawa repfumbamwe, Jesu akadana nenzwi guru, achiti: "Eroi, Eroi, rama sabhakitani!" Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiirei? | |
Mark | Shona | 15:36 | Ipapo umwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, akaisa parutsanga, akamupa kuti anwe, achiti: Regai, tione kana Eria achiuya kumuburusa. | |
Mark | Shona | 15:39 | Zvino mukuru wezana wakange amirepo pakatarisana naye, wakati achiona kuti wadanidzira zvakadaro akapa mweya, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wanga ari Mwanakomana waMwari. | |
Mark | Shona | 15:40 | Uye kwakange kune vakadziwo vakatarira vari kure, pakati pavo pakange pana Maria Magidhariniwo, naMaria mai vaJakobho mudiki naJose, naSarome, | |
Mark | Shona | 15:41 | (avowo vaimutevera achiri muGarirea, vachimushandira), nevamwe vakadzi vazhinji vakange vakwira kuJerusarema naye. | |
Mark | Shona | 15:43 | Josefa waiva weArimatia, nhengo yedare yairemekedzwa, wakange akamirirawo pachake ushe hwaMwari; wakauya akapinda kuna Pirato akatsunga, akakumbira chitunha chaJesu. | |
Mark | Shona | 15:44 | Pirato akashamisika nokuti wakange atofa; akadanira kwaari mukuru wezana, akamubvunza kana akange ava nenguva afa. | |
Mark | Shona | 15:46 | Akatenga mucheka wakaisvonaka, akamuburusa, akamuputira nemucheka wakapfava, ndokumuradzika muguva rakange rakacherwa muruware, ndokukungurusira ibwe pamukova weguva. | |