Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
MATTHEW
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 24
Matt Shona 24:1  Zvino Jesu wakabuda akabva patembere; vadzidzi vake ndokuswedera kuzomuratidza zvivakwa zvetembere.
Matt Shona 24:2  Jesu akati kwavari: Hamuoni zvinhu izvi zvese here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakungatozongosiiwi pano ibwe pamusoro pebwe risingatongoputsirwi pasi.
Matt Shona 24:3  Kuzoti agere pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari vega vachiti: Tiudzei, zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chekuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipi?
Matt Shona 24:4  Jesu akapindura akati kwavari: Chenjerai kuti kusava neanokutsausai;
Matt Shona 24:5  nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye vachatsausa vazhinji.
Matt Shona 24:6  Zvino muchanzwa zvehondo nerunyerekupe rwehondo; chenjerai, musakanganiswa; nokuti zvese zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.
Matt Shona 24:7  Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe, uye kuchava nenzara nematenda nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana.
Matt Shona 24:9  Ipapo vachakukumikidzai mukutambudzika, uye vachakuurayai; uye muchavengwa nemarudzi ese nekuda kwezita rangu.
Matt Shona 24:10  Zvino ipapo vazhinji vachagumbuswa, uye vachatengesana, nekuvengana.
Matt Shona 24:11  Uye vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vatsause vazhinji.
Matt Shona 24:12  Uye nekuda kwekuti uipi huchawanda, rudo rwevazhinji rwuchatonhora.
Matt Shona 24:13  Asi anotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye achaponeswa.
Matt Shona 24:14  Uye evhangeri iyi yeushe ichaparidzwa munyika yese chive uchapupu kumarudzi ese; ipapo kuguma kuchasvika.
Matt Shona 24:15  Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakarehwa naDhanyeri muporofita, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaanzwisise),
Matt Shona 24:17  ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora chinhu kubva mumba make;
Matt Shona 24:18  neari kumunda ngaarege kudzokera shure kunotora nguvo dzake.
Matt Shona 24:19  Asi mune nhamo vane mimba nevanonwisa nemazuva iwayo!
Matt Shona 24:20  Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando, kana nesabata.
Matt Shona 24:21  Nokuti ipapo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakavapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye kusingazovipozve.
Matt Shona 24:22  Dai mazuva ayo asaipfupiswa, hakuna nyama zvachose yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa mazuva ayo achapfupiswa.
Matt Shona 24:23  Zvino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu pano, kana apo, musatenda.
Matt Shona 24:24  Nokuti kuchamuka vana kristu venhema nevaporofita venhema, vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso, zvekuti kana zvichibvira, vatsause nevasanangurwa.
Matt Shona 24:26  Naizvozvo kana vakati kwamuri: Tarirai, ari murenje, musabuda; tarirai ari mudzimba dzemukati, musatenda.
Matt Shona 24:27  Nokuti semheni inobuda kumabvazuva ichipenya kusvikira kumavirira, kuchava saizvozvo nekuuya kweMwanakomana wemunhu.
Matt Shona 24:28  Nokuti pese-pese pane chitunha, ndipo pachaunganidzwa magora.
Matt Shona 24:29  Pakarepo shure kwekutambudzika kwemazuva ayo zuva richasvibiswa, nemwedzi hauzopi chiedza chawo, uye nyeredzi dzichawa kudenga, nemasimba ekumatenga achazungunuswa.
Matt Shona 24:30  Uye ipapo kuchaonekwa chiratidzo cheMwanakomana wemunhu kudenga; uye ipapo marudzi ese enyika achachema, uye achaona Mwanakomana wemunhu achiuya pamakore ekudenga nesimba nekubwinya kukuru.
Matt Shona 24:31  Uye achatuma vatumwa vake nekurira kukuru kwehwamanda, vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumigumo yematenga kusvikira kumigumo yawo.
Matt Shona 24:32  Asi dzidzai mufananidzo kubva pamuonde: Kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha rava pedo.
Matt Shona 24:33  Saizvozvo nemwi, kana moona izvozvi zvese, zivai kuti zvava pedo pamikova.
Matt Shona 24:34  Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri kusvikira izvozvi zvese zvaitika.
Matt Shona 24:35  Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
Matt Shona 24:36  Asi zvezuva iro neawa hakuna anozviziva, kwete kunyange vatumwa vekumatenga, asi Baba vangu chete.
Matt Shona 24:37  Asi semazuva aNowa, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
Matt Shona 24:38  Nokuti sepamazuva akatangira mafashame, vaidya nekunwa, vachiwana nekuwaniswa, kusvikira zuva Nowa raakapinda muareka,
Matt Shona 24:39  uye vakange vasingazivi, kusvikira kwasvika mafashame avabvisa vese, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
Matt Shona 24:40  Ipapo vaviri vachava mumunda; umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa.
Matt Shona 24:41  Vakadzi vaviri vachikuya paguyo; umwe achatorwa, neumwe achasiiwa.
Matt Shona 24:42  Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaachauya.
Matt Shona 24:43  Asi zivai izvi, kuti dai mwene weimba aiziva kuti inguva yekurinda ipi ichasvika mbavha, angadai airinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.
Matt Shona 24:44  Naizvozvo imwiwo ivai makagadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri, Mwanakomana wemunhu anouya.
Matt Shona 24:45  Ko ndiani muranda wakatendeka, wakangwara, ishe wake wakamugadza pamusoro pevaranda vake kuti avape kudya nenguva yakafanira?
Matt Shona 24:46  Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika anomuwana achiita saizvozvo.
Matt Shona 24:47  Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achamugadza pamusoro pezvese zvaanazvo.
Matt Shona 24:48  Asi kana muranda uyo wakaipa akati mumoyo make: Ishe wangu anonoka kuuya;
Matt Shona 24:49  ndokutanga kurova vamwe varanda vanobata pamwe naye, nekudya nekunwa nevararadzi,
Matt Shona 24:50  ishe wemuranda uyo achasvika nezuva raasingatariri neawa raasingazivi,
Matt Shona 24:51  akamugura nepakati, agoisa mugove wake pamwe nevanyepedzeri; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.