LUKE
Chapter 2
Luke | Shona | 2:1 | Zvino zvakaitika nemazuva iwayo, chisungo chakabuda kubva kuna Kesari Agasto, kuti nyika yese inyorwe. | |
Luke | Shona | 2:4 | NaJosefawo akakwira achibva Garirea muguta Nazareta, akaenda Judhiya kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetirehemu, nokuti waiva weimba nedzinza raDhavhidhi, | |
Luke | Shona | 2:7 | ndokuzvara mwanakomana wake wedangwe, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro, nokuti makange musina nzvimbo yavo muimba yevaeni. | |
Luke | Shona | 2:8 | Zvino kwakange kune vafudzi munyika iyoyo vaigara kuuragu vachichengetedza nguva dzekurinda boka ravo usiku. | |
Luke | Shona | 2:9 | Zvino tarira, mutumwa waIshe akamira pedo navo, nekubwinya kwaIshe kukapenya kwakavakomba; vakatya nekutya kukuru. | |
Luke | Shona | 2:10 | Zvino mutumwa akati kwavari: Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko akanaka emufaro mukuru, uchava kuvanhu vese; | |
Luke | Shona | 2:12 | Zvino ichi chiratidzo kwamuri: Muchawana mucheche akaputirwa nemicheka, arere muchidyiro. | |
Luke | Shona | 2:13 | Uye pakarepo kukavapo pamwe nemutumwa chaunga chehondo yekudenga vachirumbidza Mwari, vachiti: | |
Luke | Shona | 2:15 | Zvino kwakaitika kuti vatumwa vabva kwavari vaenda kudenga, vanhu vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende ikozvino Bhetirehemu, tinoona chinhu ichi chakaitika, Ishe chaatizivisa. | |
Luke | Shona | 2:16 | Zvino vakakurumidza kusvika, vakawana vese Maria naJosefa, nemucheche arere muchidyiro. | |
Luke | Shona | 2:20 | Zvino vafudzi vakadzokera, vachikudza nekurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvese zvavakange vanzwa nekuona, sezvakange zvataurwa kwavari. | |
Luke | Shona | 2:21 | Mazuva masere akati apera kuti mucheche adzingiswe, zita rake ndokunzi Jesu, raakange atumidzwa nemutumwa asati agamuchirwa mudumbu. | |
Luke | Shona | 2:22 | Zvino mazuva ekunatswa kwake nemurairo waMozisi akati apera, vakauya naye kuJerusarema, kuti vamukumikidze kuna Ishe, | |
Luke | Shona | 2:23 | (sezvazvakanyorwa pamurairo waIshe kuti: Chirume chese chinozarura chizvaro, chichanzi chitsvene kuna Ishe), | |
Luke | Shona | 2:24 | uye vabaire chibairo sezvazvakarehwa pamurairo waIshe, njiva mbiri, kana vana vaviri vehangaiwa. | |
Luke | Shona | 2:25 | Zvino tarira, kwakange kune munhu muJerusarema, zita rake raiva Simioni, ndiyewo munhu waiva akarurama akazvipira kushumira Mwari, akamirira kunyaradzwa kwaIsraeri, neMweya Mutsvene wakange uri pamusoro pake. | |
Luke | Shona | 2:26 | Zvino zvakange zvaratidzwa kwaari neMweya Mutsvene, kuti haangaoni rufu asati aona Kristu waIshe. | |
Luke | Shona | 2:27 | Wakapinda mutembere neMweya; zvino vabereki vakati vachiuisa mucheche Jesu mukati, kuti vaite pamusoro pake netsika yemurairo, | |
Luke | Shona | 2:34 | Zvino Simioni akavaropafadza, akati kuna Maria mai vake: Tarira, uyu wakaisirwa kuwa nekumuka kwevazhinji muna Israeri, nekuva chiratidzo chichapikiswa; | |
Luke | Shona | 2:35 | uye newe, munondo uchagura nemumweya wako pachako; kuti ndangariro dzemoyo mizhinji dzifukurwe. | |
Luke | Shona | 2:36 | Zvino kwakange kuna Ana muporofitakadzi, mukunda waFanueri, wedzinza raAsheri; wakange akwegura kwazvo, wakararama nemurume makore manomwe kubvira paumhandara hwake. | |
Luke | Shona | 2:37 | Uye ari chirikadzi yemakore angava makumi masere nemana, wakange asingabvi mutembere, achishumira nemitsanyo neminyengetero usiku nemasikati. | |
Luke | Shona | 2:38 | Naiye wakati achisvika nenguva iyoyo akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kuna vese vakange vachitarisira kusunungurwa muJerusarema. | |
Luke | Shona | 2:39 | Zvino vakati vapedza zvinhu zvese zvaienderana nemurairo waIshe, vakadzokera Garirea kuguta ravo Nazareta. | |
Luke | Shona | 2:40 | Mucheche akakura, akasimba mumweya, akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzakange dziri pamusoro pake. | |
Luke | Shona | 2:42 | Zvino wakati ava nemakore gumi nemaviri, vakakwira kuJerusarema zvichienderana netsika yemutambo, | |
Luke | Shona | 2:43 | vakati vapedza mazuva, pakudzoka kwavo, mwana Jesu akasara kuJerusarema, asi Josefa namai vake vasingazvizivi, | |
Luke | Shona | 2:44 | asi vaimufungira kuva mune vamwe vevakange vachifamba navo, vakafamba mufambo wezuva, vakazomutsvaka pakati pehama nekuvazikanwi. | |
Luke | Shona | 2:46 | Zvino zvakaitika shure kwemazuva matatu, vakamuwana mutembere, agere pakati pevadzidzisi, achivateerera, achivabvunza. | |
Luke | Shona | 2:48 | Zvino vakati vamuona vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitirei zvakadai kwatiri? Tarira, baba vako neni tanga tichikutsvaka tichirwadziwa. | |
Luke | Shona | 2:49 | Akati kwavari: Mainditsvakirei? Manga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here? | |
Luke | Shona | 2:51 | Zvino akaburuka navo, akasvika Nazareta; akazviisa pasi pavo. Asi mai vake vakachengeta mashoko awa ese mumoyo mavo. | |