Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
MATTHEW
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 27
Matt Shona 27:1  Kwakati kwaedza, vapristi vakuru vese nevakuru vevanhu vakarangana kupikisa Jesu kuti vamuuraye.
Matt Shona 27:2  Vakati vamusunga vakamutungamidza ndokunomukumikidza kuna Pondiyo Pirato mutungamiriri.
Matt Shona 27:3  Zvino Judhasi wakange amutengesa aona kuti wapiwa mhosva, akazvidya moyo akadzosera makobiri esirivheri makumi matatu kuvapristi vakuru nevakuru,
Matt Shona 27:4  achiti: Ndatadza, ndatengesa ropa risina mhosva. Vakati: Zvinei nesu? Zvionere iwe.
Matt Shona 27:5  Akakanda makobiri esirivheri mutembere, akabva akaenda akanozvisungirira.
Matt Shona 27:6  Vapristi vakuru vakatora makobiri esirivheri vakati: Hazvitenderwi kuaisa muchivigiro chezvipo, nokuti mutengo weropa.
Matt Shona 27:7  Vakarangana, vakatenga nawo munda wemuumbi wehari, uve wekuviga vatorwa.
Matt Shona 27:8  Naizvozvo munda uyo wakanzi munda weropa kusvikira nhasi.
Matt Shona 27:9  Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti: Vakabva vatora makobiri esirivheri makumi matatu, mutengo waiye wakatarirwa mutengo, iye vana vaIsraeri wavakatarira mutengo;
Matt Shona 27:10  vakaaripira munda wemuumbi wehari, saShe zvaakandiraira.
Matt Shona 27:11  Zvino Jesu wakamira pamberi pemutungamiriri. Mutungamiriri akamubvunza achiti: Iwe uri mambo weVaJudha here? Jesu akati kwaari: Unoreva iwe.
Matt Shona 27:12  Asi wakati achipomerwa mhosva nevapristi vakuru nevakuru, haana kupindura chinhu.
Matt Shona 27:13  Pirato ndokuti kwaari: Haunzwi kuti zvinhu zvingani zvavanopupura kupokana newe here?
Matt Shona 27:14  Asi haana kumupindura kunyange pashoko rimwe chete, zvekuti mutungamiriri wakashamisika zvikuru.
Matt Shona 27:15  Zvino pamutambo mutungamiriri aiva netsika yekusunungurira chaunga musungwa umwe wavanenge vada.
Matt Shona 27:16  Uye nenguva iyo vaiva nemusungwa wakakurumbira wainzi Bharabhasi.
Matt Shona 27:17  Naizvozvo vakati vaungana, Pirato akati kwavari: Ndeupi wamunoda kuti ndikusunungurirei: Bharabhasi kana Jesu anonzi Kristu?
Matt Shona 27:18  Nokuti wakange achiziva kuti vakange vamukumikidza negodo.
Matt Shona 27:19  Zvino wakati agara pachigaro chekutonga, mukadzi wake akatumira kwaari, achiti: Usava nechokuita neuyo wakarurama, nokuti ndatambudzika zvinhu zvizhinji nhasi muchiroto pamusoro pake.
Matt Shona 27:20  Asi vapristi vakuru nevakuru vakakumbirisa zvaunga kuti vakumbire Bharabhasi, vaparadze Jesu.
Matt Shona 27:21  Mutungamiriri akapindura akati kwavari: Ndeupi wevaviri wamunoda kuti ndikusunungurirei? Ivo vakati: Bharabhasi.
Matt Shona 27:22  Pirato akati kwavari: Ko ndichamuitei Jesu anonzi Kristu? Vese vakati kwaari: Ngaarovererwe pamuchinjikwa.
Matt Shona 27:23  Zvino mutungamiriri akati: Nokuti wakaita chii chakaipa? Asi vakanyanya kudanidzira vachiti: Ngaarovererwe pamuchinjikwa!
Matt Shona 27:24  Pirato wakati achiona kuti hazvibatsiri chinhu asi kutoti poita bongozozo, wakatora mvura akageza maoko pamberi pechaunga achiti: Handina mhosva neropa reuyu wakarurama; muchazvionera imwi.
Matt Shona 27:25  Vanhu vese ndokupindura vakati: Ropa rake ngarive pamusoro pedu nepamusoro pevana vedu.
Matt Shona 27:26  Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi wakati arova Jesu netyava, akamukumikidza kuti arovererwe pamuchinjikwa.
Matt Shona 27:27  Zvino mauto emutungamiriri akaisa Jesu mumba memutungamiriri, hondo yese ikaunganira kwaari.
Matt Shona 27:29  Vakati varuka korona yeminzwa, ndokupfekedza musoro wake, nerutsanga muruoko rwake rwerudyi. Vakafugama pamberi pake vakamuseka vachiti: Hekanhi, Mambo weVaJudha!
Matt Shona 27:30  Vakamupfira, ndokutora rutsanga vakamurova mumusoro wake.
Matt Shona 27:31  Vakati vamuseka, vakamukurura nguvo, vakamupfekedza nguvo dzake vakamuendesa kunoroverera pamuchinjikwa.
Matt Shona 27:32  Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, wainzi Simoni. Vakamumanikidza uyu kuti atakure muchinjikwa wake.
Matt Shona 27:33  Vakati vasvika panzvimbo inonzi Gorogota, ndiko kuti, Nzvimbo yedehenya,
Matt Shona 27:34  vakamupa vhiniga yakavhenganiswa nenduru kuti anwe; asi wakati aravira akasada kunwa.
Matt Shona 27:35  Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake vachikanda mujenya, kuti zvizadziswe zvakarehwa nemuporofita zvinoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakanda mujenya pamusoro pechekupfeka changu.
Matt Shona 27:37  Vakaisa pamusoro pemusoro wake rugwaro rwemhosva yake rwakanyorwa kuti: UYU NDIJESU MAMBO WEVAJUDHA.
Matt Shona 27:38  Ndokurovererwa pamuchinjikwa makororo maviri pamwe naye, umwe kuruoko rwerudyi, umwe kuruboshwe.
Matt Shona 27:39  Vakange vachipfuura vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo,
Matt Shona 27:40  vachiti: Iwe unoputsa tembere nekuivaka nemazuva matatu, zviponese; kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.
Matt Shona 27:41  Saizvozvowo vapristi vakuru vachimuseka nevanyori nevakuru vachiti:
Matt Shona 27:42  Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa. Kana ari Mambo waIsraeri, ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, tigomutenda.
Matt Shona 27:43  Waivimba naMwari; ngaachimusunungura ikozvino kana achimuda. Nokuti wakati: Ndiri Mwanakomana waMwari.
Matt Shona 27:44  Makororowo akarovererwa pamuchinjikwa pamwe naye, akamuseka saizvozvo.
Matt Shona 27:45  Zvino kubva paawa rechitanhatu kwakava nerima panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe.
Matt Shona 27:46  Neawa rinenge repfumbamwe Jesu wakadanidzira nenzwi guru achiti: "Eri, Eri rama sabakitani?" Ndiko kuti: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?
Matt Shona 27:47  Vamwe vevakange vamirepo vakati vanzwa vakati: Uyu anodana Eria.
Matt Shona 27:48  Pakarepo umwe wavo akamhanya, akatora chipanje, akazadza nevhiniga ndokuisa parutsanga, akamupa kuti anwe.
Matt Shona 27:49  Asi vamwe vakati: Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.
Matt Shona 27:50  Jesu ndokudanidzirazve nenzwi guru akapa mweya.
Matt Shona 27:51  Zvino tarira, vheiri retembere rakabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
Matt Shona 27:52  Makuva akazarurwa; nemitumbi mizhinji yevatsvene vakange varere ikamutswa.
Matt Shona 27:53  Vakati vabuda pamakuva shure kwekumuka kwake vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa kuvazhinji.
Matt Shona 27:54  Zvino mukuru wezana nevaiva naye vakarinda Jesu vakati vachiona kudengenyeka kwenyika nezvinhu zvakaitika, vakatya zvikuru vachiti: Zvirokwazvo uyu wakange ari Mwanakomana waMwari.
Matt Shona 27:55  Nevakadzi vazhinji vakange varipo, vakatarira vari kure, vakange vatevera Jesu vachibva Garirea vachimushandira.
Matt Shona 27:56  Pakati pavo paiva naMaria Magidharini, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vevanakomana vaZebhedhi.
Matt Shona 27:57  Zvino ava manheru kukasvika umwe mufumi achibva Arimatiya wainzi Josefa. Iyewo pachake waiva mudzidzi waJesu.
Matt Shona 27:58  Uyu wakaenda kuna Pirato akakumbira mutumbi waJesu. Ipapo Pirato akaraira kuti mutumbi aupiwe.
Matt Shona 27:59  Josefa wakati atora mutumbi, akauputira nemucheka werineni wakachena.
Matt Shona 27:60  Akauradzika muguva rake idzva, raakange achera muruware; akakungurusira ibwe guru pamukova weguva, akabva.
Matt Shona 27:61  Uye ipapo paiva naMaria Magidharini neumwe Maria, vagere pakatarisana neguva.
Matt Shona 27:62  Nezuva raitevera, raitevera zuva rekugadzirira, vapristi vakuru neVaFarisi vakaungana kuna Pirato,
Matt Shona 27:63  vachiti: Ishe, tinorangarira kuti munyepedzeri uyo wakati achiri mupenyu: Mushure memazuva matatu ndichamuka.
Matt Shona 27:64  Naizvozvo rairai kuti guva richengetwe kusvikira zuva retatu; zvimwe vadzidzi vake vangauya usiku vakamuba, vagoti kuvanhu: Wakamuka kuvakafa; kurasika kwekupedzisira kukazova kwakanyanya pane kwekutanga.
Matt Shona 27:65  Pirato akati kwavari: Mune varindi; endai murichengete sezvamunoziva.
Matt Shona 27:66  Vakaenda, vakanochengeta guva, vakaisa mucherechedzo pabwe, vane varindi.