Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
I CORINTHIANS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 15
I Co Shona 15:1  Naizvozvo, hama, ndinokuzivisai evhangeri yandakakuparidzirai, yamagamuchirawo, neyamumire mairi;
I Co Shona 15:2  uye yamunoponeswawo nayo, kana muchibatisisa inzwi reevhangeri randakaparidza kwamuri, kunze kwekuti makatenda pasina.
I Co Shona 15:3  Nokuti ndakakumikidza kwamuri pakutanga izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu wakafira zvivi zvedu, zvichienderana nemagwaro;
I Co Shona 15:4  uye kuti wakavigwa, uye kuti wakamutswa nezuva retatu, zvichienderana nemagwaro;
I Co Shona 15:5  uye kuti wakaonekwa kuna Kefasi, pashure kune vanegumi nevaviri;
I Co Shona 15:6  shure kweizvozvo wakaonekwa kuhama dzinopfuura mazana mashanu nguva imwe, vazhinji vavo vachiripo kusvikira ikozvino, asi vamwewo varara;
I Co Shona 15:7  shure kweizvozvo wakaonekwa kuna Jakobho; pashure kuvaapositori vese.
I Co Shona 15:8  Uye pakupedzisira kwevese akaonekwa neniwo, sekune wakazvarwa nguva isina kufanira.
I Co Shona 15:9  Nokuti ini ndiri mudikisa wevaapositori, handifaniri kunzi muapositori, nokuti ndakashusha kereke yaMwari.
I Co Shona 15:10  Asi nenyasha dzaMwari ndiri zvandiri, uye nyasha dzake dziri pandiri hadzina kuva pasina; asi ndakabata zvikuru kupfuura vese; zvakadaro handisi ini, asi nyasha dzaMwari dzineni.
I Co Shona 15:11  Naizvozvo, kana ndiri ini kana ivo, saizvozvo tinoparidza uye saizvozvo makatenda.
I Co Shona 15:12  Zvino kana Kristu achiparidzwa kuti wakamutswa kubva kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva sei kuti hakuna kumuka kwevakafa?
I Co Shona 15:13  Asi dai pasina kumuka kwevakafa, naKristu haana kumutswa;
I Co Shona 15:14  uye kana Kristu asina kumutswa, naizvozvo kuparidza kwedu hakuna maturo, nerutendo rwenyuwo harwuna maturo.
I Co Shona 15:15  Nesuwo tinowanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nokuti takapupura zvaMwari kuti wakamutsa Kristu iye waasina kumutsa, kana kuri kuti vakafa havamutswi.
I Co Shona 15:16  Nokuti dai vakafa vasingamutswi, Kristu haanawo kumutswa;
I Co Shona 15:17  uye dai Kristu asina kumutswa, rutendo rwenyu haruna maturo; muchiri muzvivi zvenyu.
I Co Shona 15:19  Dai muupenyu huno tine tariro muna Kristu chete, tinonzwisa tsitsi kukunda vanhu vese.
I Co Shona 15:20  Asi ikozvinowo Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chekutanga chevarere.
I Co Shona 15:21  Nokuti sezvo nemunhu rufu rwakauya, kumuka kwevakafawo kwakauya nemunhu.
I Co Shona 15:22  Nokuti vese muna Adhamu sezvavanofa, saizvozvowo vese muna Kristu vachararamiswa.
I Co Shona 15:23  Asi umwe neumwe padzoro rake; Kristu chibereko chekutanga, tevere avo vari vaKristu pakuuya kwake,
I Co Shona 15:24  kozouya kuguma, paachazokumikidza umambo kuna Mwari, ivo Baba, paachaparadza kutonga kwese neushe hwese nesimba.
I Co Shona 15:25  Nokuti anofanira iye kutonga, kusvikira aisa vese vavengi pasi petsoka dzake.
I Co Shona 15:26  Muvengi wekupedzisira uchaparadzwa ndirwo rufu.
I Co Shona 15:27  Nokuti wakaisa zvinhu zvese pasi petsoka dzake. Asi kana achiti zvinhu zvese zvakaiswa pasi pake, zviri pachena kuti ari kunze wakaisa zvinhu zvese pasi pake.
I Co Shona 15:28  Zvino kana zvinhu zvese zvaiswa pasi pake, ipapo Mwanakomanawo amene achaiswa pasi paiye wakaisa zvese pasi pake, kuti Mwari ave zvese mune zvese.
I Co Shona 15:29  Ko, vanobhabhatidzirwa vakafa vachaita sei kana vakafa vasingatongomutswi? Vakagobhabhatidzirwa vakafa nemhaka yei?
I Co Shona 15:31  Ndinofa zuva nezuva, ndinopika nokuzvikudza pamusoro penyu kwandinako muna Kristu Jesu Ishe wedu.
I Co Shona 15:32  Kana ndakarwa nenzira yevanhu nezvikara paEfeso, zvinondibatsirei, kana vakafa vasingamutswi? Ngatidye nekunwa, nokuti mangwana tinofa.
I Co Shona 15:33  Musanyengerwa; kushamwaridzana nevakaipa kunoodza tsika dzakanaka.
I Co Shona 15:34  Pengenukai nenzira yekururama uye musatadza, nokuti vamwe vane kusaziva Mwari; ndinotaura kuti muve nenyadzi.
I Co Shona 15:35  Asi umwe achati: Vakafa vanomutswa sei? Uye vanouya nemuviri wakaita sei?
I Co Shona 15:36  Dununu, icho chaunodzvara iwe hachiitwi chipenyu kunze kwekuti chafa;
I Co Shona 15:37  uye icho chaunodzvara, haudzvari muviri uchavapo, asi tsanga isina chinhu, kana yezviyo kana yezvimwe;
I Co Shona 15:38  asi Mwari anoipa muviri paanoda napo, nekumbeu imwe neimwe muviri wayo pachayo.
I Co Shona 15:39  Nyama yese haisi nyama imwe; asi imwe inyama yevanhu, imwewo inyama yemhuka, imwewo yehove, imwewo yeshiri.
I Co Shona 15:40  Kune miviriwo yekudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyekudenga ndekumwe, asi kweyenyika ndekumwe.
I Co Shona 15:41  Kumwe kubwinya ndekwezuva, nekumwe kubwinya ndekwemwedzi, uye kumwe kubwinya ndekwenyeredzi, nokuti nyeredzi inosiyana neimwe nyeredzi pakubwinya.
I Co Shona 15:42  Kwakadarowo kumuka kwevakafa. Kunodzvarwa mukuora, kunomutswa mukusaora;
I Co Shona 15:43  kunodzvarwa mukuzvidzwa, kunomutswa mukubwinya; kunodzvarwa muutera, kunomutswa musimba.
I Co Shona 15:44  Kunodzvarwa kuri muviri wechisikirwo, kunomutswa kuri muviri wemweya. Kune muviri wechisikirwo, uye kune muviri wemweya.
I Co Shona 15:45  Zvakanyorwawo saizvozvo zvichinzi: Munhu wekutanga Adhamu wakaitwa munhu anorarama; Adhamu wekupedzisira mweya unoraramisa.
I Co Shona 15:46  Asi zvinotanga hazvisi zvemweya asi zvechisikirwo; tevere zvemweya.
I Co Shona 15:47  Munhu wekutanga wakabva panyika, ndewevhu; munhu wechipiri ndiIshe anobva kudenga.
I Co Shona 15:48  Sewevhu, vakadarowo avo vevhu; uye sewekudenga, vakadarowo vekudenga.
I Co Shona 15:49  Uye sezvatakatakura chimiro chewevhu, tichatakurawo chimiro chewekudenga.
I Co Shona 15:50  Zvino ndinoreva izvi, hama, kuti nyama neropa hazvingagoni kugara nhaka yeushe hwaMwari; nokuora hakungagari nhaka yekusaora.
I Co Shona 15:51  Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika: Hatingavati tese, asi tichashandurwa tese;
I Co Shona 15:52  nenguva diki-diki, mukuhwaira kweziso, pahwamanda yekupedzisira; nokuti hwamanda icharira, uye vakafa vachamutswa mukusaora, nesu tichashandurwa.
I Co Shona 15:53  Nokuti ichi chinoora chinofanira kupfeka kusaora, neichi chinofa chipfeke kusafa.
I Co Shona 15:54  Zvino kana ichi chinoora chapfeka kusaora, neichi chinofa chapfeka kusafa, ipapo kuchaitika shoko rakanyorwa rinoti: Rufu rwakamedzwa mukukunda.
I Co Shona 15:55  Iwe rufu, rumborera rwako rwuripi? Iwe guva, kukunda kwako kuripi?
I Co Shona 15:56  Rumborera rwerufu chivi, nesimba rechivi murairo.
I Co Shona 15:57  Zvino ngaavongwe Mwari anotipa kukunda naIshe wedu Jesu Kristu.
I Co Shona 15:58  Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, simbai, musingazungunuswi, nguva dzese muchiwedzerwa pabasa raIshe muchiziva kuti kubata kwenyu hakusi pasina muna Ishe.