Toggle notes
Chapter 1
II T | Shona | 1:1 | Pauro, muapositori waJesu Kristu kubudikidza nechido chaMwari, zvichienderana nechivimbiso cheupenyu huri muna Kristu Jesu, | |
II T | Shona | 1:2 | kuna Timotio mwana wangu unodikanwa: Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu. | |
II T | Shona | 1:3 | Ndinovonga Mwari, wandinoshumira kubva kumadziteteguru muhana yakachena, kuti ndisingamiri ndinokurangarira paminyengetero yangu siku nesikati, | |
II T | Shona | 1:5 | ndichiisa mumurangariro rutendo rusinganyepedzeri rwuri mauri, rwaimbogara muna mbuya vako Roisi namai vako Yunisi, uye ndinovimba kuti rwuri mauriwo. | |
II T | Shona | 1:6 | Nemhaka yeizvi ndinokuyeudzira kuti ukutidzire chipo chaMwari, chiri mauri nekuiswa kwemaoko angu. | |
II T | Shona | 1:8 | Naizvozvo usanyadziswa neuchapupu hwaIshe wedu, kana hwangu musungwa wake; asi utambudzikire evhangeri pamwe neni zvichienderana nesimba raMwari, | |
II T | Shona | 1:9 | wakatiponesa, akatidana nekudana kutsvene, kwete zvichienderana nemabasa edu, asi zvichienderana nezano rake pachake, nenyasha dzakapiwa kwatiri muna Kristu Jesu nhambo dzenguva dzisati dzavapo, | |
II T | Shona | 1:10 | asi ikozvino kunoratidzwa nekuonekwa kweMuponesi wedu Jesu Kristu, wakaparadza rufu, akabudisa pachena upenyu nekusafa kubudikidza neevhangeri, | |
II T | Shona | 1:12 | Nemhaka yeizvi neni ndinotambudzika zvinhu izvi, zvakadaro handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndine chokwadi kuti anogona kuchengeta chandakaisa muruoko kusvikira zuva iroro. | |
II T | Shona | 1:13 | Batisisa muenzaniso wemashoko mapenyu awakanzwa kwandiri murutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu. | |
II T | Shona | 1:14 | Icho chinhu chakanaka chakaiswa mumaoko mako chengeta neMweya Mutsvene anogara matiri. | |
II T | Shona | 1:15 | Unozviziva izvi, kuti vese vari paAsia vakandifuratira; pakati pavo pana Figero naHemogene. | |
II T | Shona | 1:16 | Ishe ngaape tsitsi kuimba yaOnesiforo; nokuti kazhinji wakandivandudza, uye haana kunyadziswa neketani yangu, | |
Chapter 2
II T | Shona | 2:2 | Nezvinhu zvawakanzwa kwandiri pakati pezvapupu zvizhinji, uzvikumikidze izvozvo kuvanhu vakatendeka vachagonawo kudzidzisa vamwe. | |
II T | Shona | 2:4 | Hakuna munhu anobata semurwi anozvipinganidza nezviitiko zveupenyu, kuti afadze uyo wakamupinza basa. | |
II T | Shona | 2:5 | Uye kana munhuwo achikwikwidza, haashongedzwi korona kana asina kukwikwidza zviri pamurairo. | |
II T | Shona | 2:8 | Rangarira Jesu Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, wembeu yaDhavhidhi, zvichienderana neevhangeri yangu; | |
II T | Shona | 2:9 | yandinotambudzika mairi zvakaipa, kusvikira pazvisungo, semuiti wezvakaipa; asi shoko raMwari harina kusungwa. | |
II T | Shona | 2:10 | Saka ndinotsungirira zvinhu zvese nekuda kwevakasanangurwa, kuti naivo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, pamwe nekubwinya kusingaperi. | |
II T | Shona | 2:14 | Uvarangaridze zvinhu izvi, uchirairisa pamberi paIshe kusapikisa pamashoko kusingabatsiri chinhu asi kutsausa vanonzwa. | |
II T | Shona | 2:15 | Shingaira kuti uzviratidze kuna Mwari uri wakatendeka, mushandi asingafaniri kunyadziswa, anonyatsoruramisa shoko rechokwadi. | |
II T | Shona | 2:16 | Asi nzvenga kutaura kwetsvina kusina maturo; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusatya Mwari, | |
II T | Shona | 2:18 | ivo vakatsauka pachokwadi, vachiti kumuka kwatovapo, vachipidigura rutendo rwevamwe. | |
II T | Shona | 2:19 | Kunyange zvakadaro nheyo yaMwari inomira yakasimba, ine mucherechedzo uyu: Ishe anoziva vari vake, uye kuti: Umwe neumwe anoreva zita raKristu ngaabve pakusarurama. | |
II T | Shona | 2:20 | Asi muimba huru hamuna midziyo yegoridhe neyesirivheri chete, asiwo yematanda neyevhu, uye imwe ndeyekukudzwa asi imwe ndeyekusakudzwa. | |
II T | Shona | 2:21 | Naizvozvo kana munhu achizvinatsa pazvinhu izvi, achava mudziyo wekukudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa basa rese rakanaka. | |
II T | Shona | 2:22 | Tizawo kuchiva kweudiki, asi uteverere kururama, rutendo, rudo, rugare, pamwe nevanodana kuna Ishe zvichibva pamoyo wakachena. | |
II T | Shona | 2:24 | Zvino muranda waIshe haafaniri kurwa, asi ave munyoro kune vese, anoziva kudzidzisa, ane moyo murefu, | |
II T | Shona | 2:25 | anoraira neunyoro avo vanozvipikisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeukira kuruzivo rwechokwadi, | |
Chapter 3
II T | Shona | 3:2 | Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vatuki, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasiri vatsvene, | |
II T | Shona | 3:3 | vasina rudo rwechisikirwo, vasingaregereri, vacheri, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvakanaka, | |
II T | Shona | 3:6 | Nokuti kwavari kunobva vanoverevedza mudzimba, vachitapa vakadzi nzenza, vakaremedzwa nezvivi, vachitungamirirwa nekuchiva kwakasiyana-siyana, | |
II T | Shona | 3:8 | Sezvowo Jane naJambere vakapikisa Mozisi, saizvozvowo ava vanoramba chokwadi, vanhu vendangariro dzakaodzwa, vakaraswa maererano nerutendo. | |
II T | Shona | 3:9 | Asi havachapfuuriri mberi; nokuti upenzi hwavo huchaonekwa kune vese, sezvakazoita hwavowo. | |
II T | Shona | 3:10 | Asi iwe wakanyatsoteverera dzidziso yangu, mufambiro, chinangwa, rutendo, moyo murefu, rudo, kutsungirira, | |
II T | Shona | 3:11 | kushushwa, nenhamo, zvakandiwira paAndiyokiya, paIkonio, nepaRistra, kushushwa kwakadini kwandakatsungirira makuri; uye Mwari wakandinunura kubva maari ese. | |
II T | Shona | 3:14 | Asi iwe rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakatendeswa, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna ani, | |
II T | Shona | 3:15 | uye kuti kubvira paucheche wakaziva magwaro matsvene, anogona kukuchenjedza kusvikira pakuponeswa kubudikidza nerutendo rwuri muna Kristu Jesu. | |
II T | Shona | 3:16 | Rugwaro rwese rwakafemerwa naMwari uye rwunobatsira padzidziso, pakutsiura, pakururamisa, nepakuraira kuri mukururama; | |
Chapter 4
II T | Shona | 4:1 | Naizvozvo ndinorairisa pamberi paMwari, naIshe Jesu Kristu, iye achatonga vapenyu nevakafa, pakuonekwa kwake neushe hwake: | |
II T | Shona | 4:2 | Paridza shoko; iva wakagadzirira nenguva yakafanira, panguva isakafanira, dzora, tsiura, kurudzira nemoyo murefu wese nedzidziso. | |
II T | Shona | 4:3 | Nokuti nguva ichavapo yavacharamba kutendera dzidziso mhenyu, asi zvichienderana nekuchiva kwavo pachavo vachazvivunganidzira vadzidzisi, vachirumwa nzeve; | |
II T | Shona | 4:5 | Asi iwe svinura pazvinhu zvese, utsungirire pamatambudziko, uite basa remuevhangeri, uzadzise basa rako. | |
II T | Shona | 4:8 | kubva ikozvino, ndakaisirwa korona yekururama Ishe yavachandipa, mutongi wakarurama nezuva iroro; kwetewo kwandiri ndega, asi nekune vese vanoda kuonekwa kwake. | |
II T | Shona | 4:10 | Nokuti Dhemasi wakandisiya, ada nyika yaikozvino, akaenda kuTesaronika; Kresike kuGaratia, Tito kuDharimatia. | |
II T | Shona | 4:13 | Nguvo yandakasiya paTroasi kuna Kapo, kana wouya uuye nayo, nemabhuku, zvikuru magwaro ematehwe. | |
II T | Shona | 4:14 | Arekisandiro mupfuri wendarira wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe achamutsiva zvinoenderana nemabasa ake; | |
II T | Shona | 4:16 | Pakuzvidavirira kwangu kwekutanga hapana wakamira neni, asi vese vakandisiya. Dai zvarega kuverengerwa kwavari. | |
II T | Shona | 4:17 | Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti neni kuparidza kukwaniswe, nevahedheni vese vanzwe; uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba. | |
II T | Shona | 4:18 | Uye Ishe achandirwira pabasa rese rakaipa, uye achandichengetera muushe hwake hwekudenga; kubwinya ngakuve kwaari rinhi narinhi. Ameni. | |
II T | Shona | 4:21 | Shingairira kuuya chando chisati chasvika. Yubhuro anokukwazisa, naPudheni, naRinosi, naKraudhia, nehama dzese. | |