Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
I THESSALONIANS
Up
1 2 3 4 5
Toggle notes
Chapter 1
I Th Shona 1:1  Pauro naSivhano naTimotio, kukereke yeVaTesaronika muna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu: Nyasha kwamuri nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu, naIshe Jesu Kristu.
I Th Shona 1:2  Tinovonga Mwari nguva dzese pamusoro penyu mese, tichikutaurai muminyengetero yedu,
I Th Shona 1:3  tichiramba tichirangarira basa renyu rerutendo nebasa rinorema rerudo nekutsungirira kwetariro muna Ishe wedu Jesu Kristu pamberi paMwari naBaba vedu;
I Th Shona 1:4  tichiziva hama dzinodikanwa, kusanangurwa kwenyu naMwari;
I Th Shona 1:5  nokuti evhangeri yedu haina kuuya kwamuri mushoko chete, asiwo musimba, nemuMweya Mutsvene, nemukuvimbisa kukuru, sezvamunoziva kuti takange tiri vanhu vakadini pakati penyu nekuda kwenyu.
I Th Shona 1:6  Nemwi makava vateveri vedu nevaIshe, magamuchira shoko mukutambudzika kukuru, nemufaro weMweya Mutsvene,
I Th Shona 1:7  zvekuti makava mienzaniso kune vese vanotenda muMakedhonia neAkaya.
I Th Shona 1:8  Nokuti kwamuri kwakanzwikwa shoko raIshe, kwete muMakedhonia neAkaya chete, asiwo kunzvimbo imwe neimwe rutendo rwenyu kuna Mwari rwakabudira kunze, zvekuti hatifaniri kutaura chinhu.
I Th Shona 1:9  Nokuti ivo vamene vanoparidza pamusoro pedu kuti takapinda nemutoo upi kwamuri; uye kuti makatendeukira sei kuna Mwari muchibva pazvifananidzo, kuti mushumire Mwari mupenyu uye wechokwadi,
I Th Shona 1:10  uye makamirira Mwanakomana wake achibva kumatenga, waakamutsa kuvakafa, ndiye Jesu anotinunura pahasha dzinouya.
Chapter 2
I Th Shona 2:1  Nokuti munoziva imwi, hama, kupinda kwedu kwamuri, kuti hakuna kuva pasina;
I Th Shona 2:2  asi kunyange takambotambudzika nekuitirwa zvakaipa, sezvamunoziva, paFiripi, takatsunga muna Mwari wedu kutaura kwamuri evhangeri yaMwari pakati pekupikiswa kukuru.
I Th Shona 2:3  Nokuti kurudziro yedu haina kubva pakunyengera, uye haina kubva patsvina, hainawo kubva pamano-mano;
I Th Shona 2:4  asi sezvatakatendiwa naMwari, kuti tibatiswe evhangeri, saizvozvo tinotaura; kwete sekufadza vanhu, asi Mwari anoidza moyo yedu.
I Th Shona 2:5  Nokuti hatina kutongouya nemashoko ekubata kumeso, sezvamunoziva, kana nemano-mano eruchiva; Mwari chapupu;
I Th Shona 2:6  tisingatsvaki rukudzo kuvanhu, kana rwunobva kwamuri kana kuvamwe, kunyange taigona kukuremedzai sevaapositori vaKristu.
I Th Shona 2:7  Asi takange tiri vanyoro pakati penyu, semureri achivaraidza vana vake;
I Th Shona 2:8  sezvatinokushuvai kwazvo, takada zvikuru kukupai kwete evhangeri yaMwari chete, asi mweya yedu pacheduwo, nokuti makange muri vadikanwi kwatiri.
I Th Shona 2:9  Nokuti munorangarira, hama, kushingaira nekurwisa kwedu; nokuti taibata siku nesikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu, takakuparidzirai evhangeri yaMwari.
I Th Shona 2:10  Imwi muri zvapupu, naMwari, kuti taiva vatsvene sei uye takarurama tisina chatingapomerwa kwamuri vanotenda.
I Th Shona 2:11  Sezvamunoziva kuti umwe neumwe wenyu, sababa kuvana vavo takakukurudzirai sei nekunyaradza nekupupura,
I Th Shona 2:12  kuti mufambe zvakafanira Mwari, anokudanirai kuushe hwake nekubwinya.
I Th Shona 2:13  Nekuda kwaizvozvi nesu hatimiri kuvonga Mwari, kuti pamakagamuchira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, makarigamuchira kwete seshoko revanhu, asi seriri chokwadi, shoko raMwari rinoshandawo mamuri imwi munotenda.
I Th Shona 2:14  Nokuti imwi, hama, makava vateveri vemakereke aMwari ari muJudhiya muna Kristu Jesu; nokuti imwiwo makatambudzika zvakadaro kune vekwenyu momene, sezvavakatambudzwa ivowo neVaJudha,
I Th Shona 2:15  ndivowo vakauraya Ishe Jesu nevaporofita vavo vomene, vakatishushawo isu, vasingafadziwo Mwari, uye vachipesana nevanhu vese,
I Th Shona 2:16  vachitidzivisa kutaurira vahedheni kuti vaponeswe, kuti vagare vachizadzisa zvivi zvavo; asi hasha dzakasvika pamusoro pavo kusvikira pakuguma.
I Th Shona 2:17  Zvino isu, hama, sezvo takaparadzaniswa nemwi kwechinguvana pazviso, kwete pamoyo, takashingairira zvikuru nechishuwo chikuru kuti tione chiso chenyu.
I Th Shona 2:18  Naizvozvo taida kuuya kwamuri, zvikuru ini Pauro, kamwe nekudzokorora, asi Satani wakatidzivisa.
I Th Shona 2:19  Nokuti tariro yedu chii, kana mufaro, kana korona yekuzvirumbidza? Hamusi imwizve here pamberi paIshe wedu Jesu Kristu pakuuya kwake?
Chapter 3
I Th Shona 3:1  Saka zvatakange tisisagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiiwe tiri tega paAtene,
I Th Shona 3:2  ndokutuma Timotio hama yedu nemushumiri waMwari nemushandi pamwe nesu muevhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nekukunyaradzai maererano nerutendo rwenyu,
I Th Shona 3:3  kuti kurege kuva neumwe anozununguswa nematambudziko awa, nokuti munoziva momene kuti takamisirwa izvozvi.
I Th Shona 3:4  Nokuti kunyange tichinemwi, takagara takuudzai kuti tava kuzotambudzwa, kunyange sezvazvakaitika, nemwi munoziva.
I Th Shona 3:5  Nekuda kweizvozviwo zvandakange ndisisagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive rutendo rwenyu, zvimwe pamwe muidzi wakakuidzai, basa redu rikava pasina.
I Th Shona 3:6  Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achibva kwamuri, wakatipira mashoko akanaka erutendo rwenyu nerudo, uye kuti mune murangariro wakanaka pamusoro pedu nguva dzese, muchishuva zvikuru kutiona, sesuwo imwi;
I Th Shona 3:7  nekuda kwezvizvi takanyaradzwa, hama, pamusoro penyu padambudziko redu rese nenhamo nerutendo rwenyu;
I Th Shona 3:8  nokuti ikozvino tinorarama, kana imwi mumire makasimba muna Ishe.
I Th Shona 3:9  Nokuti kuvonga kwakadini kwatingagona kuripira kuna Mwari pamusoro penyu, nemufaro wese watinofara nawo nekuda kwenyu pamberi paMwari wedu?
I Th Shona 3:10  Siku nesikati tichinyengetera zvikurusa kuti tione chiso chenyu, tizadzise zvakataira parutendo rwenyu.
I Th Shona 3:11  Zvino dai Mwari pachake naBaba vedu, naIshe wedu Jesu Kristu aruramisira nzira yedu kwamuri;
I Th Shona 3:12  uye dai Ishe akukurisai nekukuwanzirai rudo umwe kune umwe nekune vese, sesuwo kwamuri,
I Th Shona 3:13  kuti asimbise moyo yenyu isingamhuriki pautsvene pamberi paMwari, uye Baba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu pamwe nevatsvene vake vese.
Chapter 4
I Th Shona 4:1  Zvino zvimwe, hama, tinokukumbirisai, nekukurudzira naIshe Jesu, sezvamakagamuchira kwatiri kuti munofanira kufamba nekufadza Mwari sei, kuti muwanze nekuwanzisisa pazviri.
I Th Shona 4:2  Nokuti munoziva mirairo yakadini yatakakupai kubudikidza naIshe Jesu.
I Th Shona 4:3  Nokuti ichi ndicho chido chaMwari, kuitwa vatsvene kwenyu, kuti murege upombwe;
I Th Shona 4:4  kuti umwe neumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake mukuitwa mutsvene nemurukudzo,
I Th Shona 4:5  kwete pakuchiva kwechishuwo, kunyange sevahedheni vasingazivi Mwari;
I Th Shona 4:6  kusava neanopfuurikidza akanyengera hama yake pachiitiko; nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvese izvi, sezvatakagara takuudzaiwo nekupupura.
I Th Shona 4:7  Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuutsvene.
I Th Shona 4:8  Naizvozvo anozvidza, haazvidzi munhu, asi Mwari wakatipawo Mweya wake Mutsvene.
I Th Shona 4:9  Zvino maererano nerudo rweukama hamutsvaki kuti ndikunyorerei, nokuti imwi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudanane;
I Th Shona 4:10  nokuti nemwi munozviita kuhama dzese dziri paMakedhonia yese; asi tinokukurudzirai, hama, kuti muwanzise zvikuru,
I Th Shona 4:11  uye mushingairire kuva nerunyararo, nekuita basa renyu pachenyu, nekushanda nemaoko enyu pachenyu, sezvatakakurairai;
I Th Shona 4:12  kuti mufambe zvinoremekedzwa kune vari kunze, uye musashaya chinhu.
I Th Shona 4:13  Asi handidi kuti mushaiwe ruzivo, hama, maererano nevarere, kuti murege kushungurudzika sevamwewo vasina tariro.
I Th Shona 4:14  Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa uye wakamuka, saizvozvowo vakarara kubudikidza naJesu, Mwari achavauisa pamwe naye.
I Th Shona 4:15  Nokuti izvi tinokuudzai neshoko raIshe, kuti isu vapenyu, tinosiiwa kusvikira pakuuya kwaIshe, hatingatongotangiri vakarara.
I Th Shona 4:16  Nokuti Ishe amene achaburuka kubva kudenga nekudana kune simba, nenzwi remutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; zvino vakafa muna Kristu vachatanga kumuka;
I Th Shona 4:17  kozouya isu vanorarama vanosiiwa, tichabvutwa pamwe navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mumhepo; saizvozvowo tichava naIshe nekusingaperi.
Chapter 5
I Th Shona 5:1  Asi maererano nenguva nemwaka, hama, hamufaniri kuti munyorerwe,
I Th Shona 5:2  nokuti imwi mumene munoziva kwazvo kuti sembavha usiku, saizvozvo zuva raIshe rinosvika;
I Th Shona 5:3  nokuti pavanoti: Rugare nekugarika, pakarepo kuparadzwa kunovawira, sekurwadzwa nemimba kwemukadzi ane mimba; uye havangatongopukunyuki.
I Th Shona 5:4  Asi imwi, hama, hamusi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha.
I Th Shona 5:5  Imwi mese muri vana vechiedza nevana vemasikati; hatisi veusiku kana verima;
I Th Shona 5:6  naizvozvo zvino ngatirege kurara sevamwewo, asi ngatirinde, tipengenuke.
I Th Shona 5:7  Nokuti vanorara vanorara usiku; nevanoraradza vanoraradza usiku.
I Th Shona 5:8  Asi isu tiri vemasikati, ngatipengenuke, tichipfeka chidzitiro chechifuva cherutendo nerudo; netariro yeruponeso ive ngowani.
I Th Shona 5:9  Nokuti Mwari haana kutitemera hasha, asi kuwana ruponeso naIshe wedu Jesu Kristu,
I Th Shona 5:10  wakatifira, kuti kana tikarinda kana kurara, tirarame pamwe naye.
I Th Shona 5:12  Asi tinokukumbirai, hama, kuziva vanoshanda zvine simba pakati penyu, nevanokutungamirirai muna Ishe, nekukurairai,
I Th Shona 5:13  uye muvakudze zvikurusa murudo, nekuda kwebasa ravo. Ivai nerugare pakati penyu.
I Th Shona 5:14  Asi tinokukurudzirai, hama, yambirai vasina murairo, munyaradze vanopera moyo, tsigirai vasina simba, muve nemoyo murefu kune vese.
I Th Shona 5:15  Chenjerai kuti umwe arege kutsiva umwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzese teverai zvakanaka, zvese pakati penyu nekune vese.
I Th Shona 5:18  vongai pazvinhu zvese; nokuti ichi ndicho chido chaMwari muna Kristu Jesu maererano nemwi.
I Th Shona 5:23  NaMwari werugare amene ngaakuitei vatsvene zvakazara; nemweya wenyu wese, nemoyo, nemuviri, zvichengetwe zvisina zvazvingapomerwa pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.
I Th Shona 5:27  Ndinokupikirai naIshe, kuti tsamba iyi iverengerwe hama tsvene dzese.
I Th Shona 5:28  Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni.