Toggle notes
Chapter 1
I Pe | Shona | 1:1 | Petro, muapositori waJesu Kristu, kuvaeni vakasanangurwa vekupararira kwePonto, Garatia, Kapadhokiasi, Asia, neBhitiniasi, | |
I Pe | Shona | 1:2 | maererano nekuziva zviri mberi kwaMwari Baba, mukuita vatsvene kweMweya, pakuteerera nekusasa kweropa raJesu Kristu: Nyasha nerugare ngazviwanzwe kwamuri. | |
I Pe | Shona | 1:3 | Wakaropafadzwa Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye zvichienderana nekuwanda kwetsitsi dzake wakatiberekazve patariro inorarama kubudikidza nekumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa, | |
I Pe | Shona | 1:4 | panhaka isingaori neisina kusvibiswa uye isingabvuruvari, yakachengeterwa imwi kumatenga, | |
I Pe | Shona | 1:5 | imwi munochengetwa nesimba raMwari kubudikidza nerutendo kuruponeso rwakagadzirirwa kuzarurwa panguva yekupedzisira. | |
I Pe | Shona | 1:6 | Yamunofara mairi zvikuru, kunyange ikozvino kwechinguvana, kana zvichifanira, muri pakushungurudzwa mumiedzo yakasiyana-siyana, | |
I Pe | Shona | 1:7 | kuti kuedzwa kwerutendo rwenyu kunokosha zvikuru kupfuura kwegoridhe rinoparara, kunyange ichiidzwa nemoto, kuwanikwe mukurumbidzwa nerukudzo nekubwinya pakuonekwa kwaJesu Kristu; | |
I Pe | Shona | 1:8 | iye musina kumuona munomuda; iye ikozvino musingamuoni asi munotenda kwaari, munofara nemufaro usingatauriki uye unorumbidzwa, | |
I Pe | Shona | 1:10 | Nezveruponeso urwu vaporofita vakabvunzisisa nekunzvera, ivo vakaporofita zvenyasha dzinouya kwamuri; | |
I Pe | Shona | 1:11 | vachinzvera kuti panguva ipi kana yakadini Mweya waKristu akange ari mavari yaakaratidza, paakagara apupura matambudziko maererano naKristu, nekubwinya shure kweizvi. | |
I Pe | Shona | 1:12 | Kwavari kwakaratidzwa kuti kwete kwavari ivo, asi kwatiri vaishandira zvinhu izvi, zvamunoparidzirwa ikozvino nevakakuparidzirai evhangeri neMweya Mutsvene wakatumwa kubva kudenga, zvinhu izvo vatumwa zvavanoshuva kunyatsoongorora. | |
I Pe | Shona | 1:13 | Naizvozvo masunga zviuno zvemurangariro wenyu, zvidzorei, mutaririre zvakakwana kunyasha dzinouyiswa kwamuri pakuratidzwa kwaJesu Kristu; | |
I Pe | Shona | 1:17 | Zvino kana muchimuidza Baba, iye pasina rusarura anotonga zvinoenderana nebasa reumwe neumwe, garai panguva yeutorwa hwenyu mukutya; | |
I Pe | Shona | 1:18 | muchiziva kuti hamuna kudzikunurwa nezvinoora, sirivheri kana goridhe, pamafambiro enyu asina maturo amakagamuchira kumadzibaba enyu; | |
I Pe | Shona | 1:20 | Iye zvirokwazvo wakagara azikanwa nyika isati yavambwa, asi wakaratidzwa panguva dzekupedzisira nekuda kwenyu, | |
I Pe | Shona | 1:21 | iye wamunotenda naye kuna Mwari, wakamumutsa kubva kuvakafa, akamupa kubwinya; kuti rutendo rwenyu netariro zvive kuna Mwari. | |
I Pe | Shona | 1:22 | Manatsa mweya yenyu pakuteerera chokwadi kubudikidza neMweya mukuda hama nekusanyengera, dananai zvikuru nemoyo wakachena; | |
I Pe | Shona | 1:23 | maberekwa kutsva kwete zvichibva pambeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari rinorarama nekugara nekusingaperi. | |
I Pe | Shona | 1:24 | Nokuti nyama yese yakaita seuswa, nekubwinya kwese kwemunhu seruva reuswa. Uswa hwunosvava, neruva rahwo rinodonha; | |
Chapter 2
I Pe | Shona | 2:2 | savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka usina kunyengera wakarongeka, kuti mukure nawo; | |
I Pe | Shona | 2:4 | Wamunouya kwaari, ibwe benyu, rakarambwa zvirokwazvo nevanhu, asi pana Mwari rakasarudzwa, rinokosha, | |
I Pe | Shona | 2:5 | imwiwo semabwe mapenyu makavakwa muve imba yemweya, upristi utsvene, kuti mubaire zvibairo zvemweya, zvinogamuchirika kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu. | |
I Pe | Shona | 2:6 | Naizvozvo murugwaro zvirimowo, zvinoti: Tarira, ndinoisa muZiyoni ibwe repakona, rakasanangurwa, rinokosha; neanotenda kwaari haangatongonyadziswi. | |
I Pe | Shona | 2:7 | Naizvozvo kwamuri munotenda anokosha; asi kune vasingateereri: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakazova musoro wekona, | |
I Pe | Shona | 2:8 | uye ibwe rekugumbusa nedombo rekupinga; vanogumburwa pashoko vasingariteereri; ndizvo zvavakaisirwawo. | |
I Pe | Shona | 2:9 | Asi imwi muri dzinza rakasarudzwa, upristi hweumambo, rudzi rutsvene, vanhu vakawanikwa, kuti muparidze kwese kunaka kwaiye wakadana imwi kubva parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa; | |
I Pe | Shona | 2:10 | imwi maimbova musi vanhu, asi ikozvino muri vanhu vaMwari; makange musina kunzwirwa tsitsi, asi ikozvino manzwirwa tsitsi. | |
I Pe | Shona | 2:11 | Vadiwa, ndinokukumbirisai sevatorwa nevapfuuri, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nemweya; | |
I Pe | Shona | 2:12 | mune mufambiro wenyu wakanaka pakati pevahedheni; kuti pavanokumhurai sevaiti vezvakaipa, pamabasa akanaka avanoona varumbidze Mwari nezuva rekushanyirwa. | |
I Pe | Shona | 2:13 | Naizvozvo muzviise pasi pechimiso chimwe nechimwe chevanhu nekuda kwaIshe; kana ari mambo, saiye anotonga; | |
I Pe | Shona | 2:14 | kana kuvatungamiriri, sekune vakatumwa naye pakurangwa zvirokwazvo kwevaiti vezvakaipa, asi ive rumbidzo yevanoita zvakanaka. | |
I Pe | Shona | 2:15 | Nokuti ndizvo zvinoita chido chaMwari, kuti nekuita zvakanaka munyaradze kusaziva kwevanhu mapenzi; | |
I Pe | Shona | 2:16 | sevakasununguka, asi musava nekusungunuka sechifukidzo chezvakaipa, asi sevaranda vaMwari. | |
I Pe | Shona | 2:18 | Varanda, zviisei pasi pemadzitenzi nekutya kwese, kwete kune vakanaka nevanyoro chete, asiwo kune vasakarurama. | |
I Pe | Shona | 2:19 | Nokuti idzi inyasha, kana nekuda kwehana kuna Mwari munhu achitsungirira kurwadziwa, achitambudzika zvisakafanira. | |
I Pe | Shona | 2:20 | Nokuti zvine rumbidzo yei, kana muchitadza ndokurohwa muchitsungirira? Asi kana muchiita zvakanaka uye muchitambudzika muchitsungirira, izvi inyasha kuna Mwari. | |
I Pe | Shona | 2:21 | Nokuti makadanirwa izvi, nokuti Kristuwo wakatambudzikira isu, akasiira isu muenzaniso, kuti mutevere makwara ake; | |
I Pe | Shona | 2:23 | iye wakati achituka haana kutukawo; achitambudzika haana kutyityidzira; asi wakazvikumikidza kune anotonga zvakarurama; | |
I Pe | Shona | 2:24 | iye amene wakatakura zvivi zvedu pamuviri wake pamuti, kuti tafa kuzvivi tiraramire kururama; iye wamakaporeswa nemavanga ake. | |
Chapter 3
I Pe | Shona | 3:1 | Saizvozvo vakadzi, muzviise pasi pevarume venyu pachenyu; kuti kanawo vamwe vasingateereri kushoko, vawanikwe nemafambiro evakadzi pasina shoko, | |
I Pe | Shona | 3:3 | Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwekunze kwekuruka vhudzi nekwekupfeka goridhe, kana kupfeka nguvo; | |
I Pe | Shona | 3:4 | asi ngakuve munhu wakavanzika wemoyo, pachinhu chisingaori chemweya munyoro wakanyarara, anokosha zvikuru pamberi paMwari. | |
I Pe | Shona | 3:5 | Nokuti karewo vakazvishongedza saizvozvo vakadzi vatsvene vaivimba naMwari, vachizviisa pasi pevarume vavo pachavo; | |
I Pe | Shona | 3:6 | saSara akateerera Abhurahama akamuidza ishe; vakunda vake vamuri imwi, kana muchiita zvakanaka, uye musingatyiswi nechipi nechipi chinovhundusa. | |
I Pe | Shona | 3:7 | Saizvozvo varume, garisanai nevakadzi venyu zvinoenderana neruzivo, muchikudza mukadzi sekumudziyo usina simba, sevadyiwo venhaka yenyasha dzeupenyu pamwe navo; kuti minyengetero yenyu irege kudzivirirwa. | |
I Pe | Shona | 3:8 | Pakupedzisirawo, ivai nemoyo umwe mese, muchinzwirana tsitsi, mude hama, muve nemoyo munyoro, mune rudo; | |
I Pe | Shona | 3:9 | musingatsivi chakaipa nechakaipa, kana kutuka nekutuka; asi pachinzvimbo chaizvozvo muchiropafadze, muchiziva kuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yeropafadzo. | |
I Pe | Shona | 3:10 | Nokuti uyo anoda kuda upenyu, nekuona mazuva akanaka, ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake kuti irege kutaura kunyengera. | |
I Pe | Shona | 3:12 | Nokuti meso aIshe ari pamusoro pevakarurama, nenzeve dzake pamunyengetero wavo. Asi chiso chaIshe chinopikisa vanoita zvakaipa. | |
I Pe | Shona | 3:14 | Asi kunyange kana imwi muchitambudzika nekuda kwekururama, makaropafadzwa; uye musatya kutyisa kwavo, kana kuvhiringidzwa; | |
I Pe | Shona | 3:15 | asi itai Ishe Mwari mutsvene mumoyo yenyu; mugare makazvigadzirira kupindura umwe neumwe anokubvunzai chikonzero chetariro iri mukati menyu, neunyoro nekutya; | |
I Pe | Shona | 3:16 | mune hana yakanaka, kuti pavanokucherai sevaiti vezvakaipa vanyare, ivo vanotuka mafambiro enyu akanaka muna Kristu. | |
I Pe | Shona | 3:17 | Nokuti zviri nani kutambudzika muchiita zvakanaka, kana chido chaMwari chichida, pane muchiita zvakaipa. | |
I Pe | Shona | 3:18 | Nokuti Kristuwo wakatambudzika kamwe nekuda kwezvivi, iye wakarurama pachinzvimbo chevasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; aurawa zvirokwazvo panyama, asi wakararamiswa neMweya; | |
I Pe | Shona | 3:20 | iyo yaimbova isingateereri, apo moyo murefu waMwari uchimirira, pamazuva aNowa apo areka ichagadzirwa, kukaponeswa mairi vashoma, ndiko kuti mweya misere nemvura. | |
I Pe | Shona | 3:21 | Mufananidzo wayo rubhabhatidzo rwunotiponesawo ikozvino, kwete kubviswa kwetsvina yenyama, asi kukumbira kwehana yakanaka kuna Mwari kubudikidza nekumukazve kwaJesu Kristu, | |
Chapter 4
I Pe | Shona | 4:1 | Naizvozvo Kristu zvaakatitamburira panyama, nemwi muzvishongedze nemurangariro wakadaro; nokuti iye watambudzika panyama, aregedzwa pachivi; | |
I Pe | Shona | 4:3 | Nokuti yakatiringana nguva yakapfuura yeupenyu kuita chido chevahedheni, patakafamba mukusazvibata, kuchiva, kuraradza, makaro, nemitambo yekunwa, nekunamata zvifananidzo zvisingatenderwi; | |
I Pe | Shona | 4:4 | zvavanoshamisika mazviri, kuti hamumhanyidzani navo pakuwandisa kumwe kwenyonga-nyonga, vachikutukai; | |
I Pe | Shona | 4:6 | Nokuti nekuda kwaizvozvi evhangeri yakaparidzirwa kune vakafawo, kuti vatongwe zvinoenderana nevanhu panyama, asi vararame zvinoenderana naMwari pamweya. | |
I Pe | Shona | 4:8 | Uye mberi kwezvinhu zvese ivai nerudo rwunopfuta pakati penyu, nokuti rudo ruchafukidzira zvivi zvizhinji-zhinji. | |
I Pe | Shona | 4:10 | Umwe neumwe sezvaakagamuchira chipo, shumiranai ichocho sevatariri vakanaka venyasha dzakasiyana-siyana dzaMwari. | |
I Pe | Shona | 4:11 | Kana umwe achitaura, ngaataure semashoko aMwari; kana umwe achishumira ngazviitwe sezvinobva kusimba Mwari raanopa; kuti Mwari akudzwe pazvinhu zvese kubudikidza naJesu Kristu, kwaari kune kukudzwa nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni. | |
I Pe | Shona | 4:12 | Vadiwa, musashamisika nemuedzo unopisa uri pamuri unokuidzai, sezvinonzi mawirwa nechisingazikanwi; | |
I Pe | Shona | 4:13 | asi sezvamuri vagovani vematambudziko aKristu, farai, kuti nepakuratidzwa kwekubwinya kwake mufare nemufaro mukurusa. | |
I Pe | Shona | 4:14 | Kana muchitukwa nekuda kwezita raKristu, makaropafadzwa; nokuti Mweya wekubwinya newaMwari agere pamusoro penyu; kwavari zvirokwazvo anonyombwa, asi kwamuri anokudzwa. | |
I Pe | Shona | 4:15 | Asi kusava neumwe wenyu anotambudzika semhondi, kana mbavha, kana muiti wezvakaipa, kana anongongwarira zvevamwe; | |
I Pe | Shona | 4:17 | Nokuti yava nguva yekuti kutonga kutange paimba yaMwari; zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwevasingateereri evhangeri yaMwari kuchavei? | |
I Pe | Shona | 4:18 | Uye kana wakarurama achiponeswa nemutsutsururu, asingadi Mwari nemutadzi vachaonekwepi? | |
Chapter 5
I Pe | Shona | 5:1 | Vatariri vari pakati penyu ndinovakurudzira, vandiri mutariri pamwe navo nechapupu chematambudziko aKristu, nemugovani wekubwinya kuchazoratidzwa. | |
I Pe | Shona | 5:2 | Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, muchitaridzira, kwete nekurovererwa asi nekuda, kwete nekuda kwekukarira fuma yakaipa, asi nechido, | |
I Pe | Shona | 5:5 | Saizvozvo, vadiki, zviisei pasi pevakuru, uye mese muzviise pasi umwe kune mumwe, mupfekedzwe nekuzvininipisa, nokuti Mwari anopikisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa. | |
I Pe | Shona | 5:6 | Naizvozvo zvininipisei pasi peruoko rwune simba rwaMwari, kuti akukudzei panguva yakafanira, | |
I Pe | Shona | 5:8 | Svinurai, rindai, nokuti mupikisi wenyu dhiabhorosi, seshumba inoomba anofamba-famba achitsvaka waangapedza; | |
I Pe | Shona | 5:9 | mumupikise makasimba parutendo, muchiziva kuti matambudziko iwawo anozadziswa kuhama dzenyu dziri panyika. | |
I Pe | Shona | 5:10 | Asi Mwari wenyasha dzese, iye wakatidanira mukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu Jesu, kana tatambudzika chinguvana, iye anokupedzeredzai nekukutsigisai, nekukupai simba, nekukuteyai. | |
I Pe | Shona | 5:12 | NaSirivhano hama yakatendeka kwamuri, pakufunga kwangu, ndanyora nepadiki, ndichikurudzira nekupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzechokwadi dzaMwari, dzamumire madziri. | |
I Pe | Shona | 5:13 | Kereke iri muBhabhironi yakasarudzwa pamwe nemwi inokukwazisai, naMariko mwanakomana wangu. | |