Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
COLOSSIANS
Up
1 2 3 4
Toggle notes
Chapter 1
Colo Shona 1:1  Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naTimotio hama,
Colo Shona 1:2  kuvatsvene nehama dzakatendeka muna Kristu dziri paKorose: Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
Colo Shona 1:3  Tinovonga Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, tichikunyengetererai nguva dzese,
Colo Shona 1:4  sezvo takanzwa zverutendo rwenyu muna Kristu Jesu, uye zverudo kuvatsvene vese,
Colo Shona 1:5  nekuda kwetariro yakaisirwa imwi kumatenga, yamakagara manzwa pashoko rechokwadi cheevhangeri,
Colo Shona 1:6  yasvika kwamuri sepanyika yesewo; ichibereka chibereko, sezvainoitawo kwamuri, kubvira pazuva ramakanzwa nekuziva nyasha dzaMwari muchokwadi;
Colo Shona 1:7  sezvamakadzidzawo kuna Epafrasi, muranda anodikanwa pamwe nesu, anova mushumiri wakatendeka waKristu nekuda kwenyu,
Colo Shona 1:9  Nekuda kweizvi isuwo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatimiri kukunyengetererai, nekukumbira kuti muzadzwe neruzivo rwechido chake pauchenjeri hwese nekunzwisisa kwemweya,
Colo Shona 1:10  kuti mufambe zvinofanira Ishe pane zvese zvinofadza, muchibereka zvibereko pabasa rese rakanaka, muchikura paruzivo rwaMwari;
Colo Shona 1:11  muchisimbiswa nesimba rese, zvichienderana nesimba rekubwinya kwake, pamoyo murefu wese nekutsungirira pamwe nemufaro;
Colo Shona 1:12  muchivonga kuna Baba, vakatiita kuti tifanire kugoverana kwenhaka yevatsvene muchiedza,
Colo Shona 1:13  vakatinunura pasimba rerima, vakatishandurira muushe hweMwanakomana werudo rwavo,
Colo Shona 1:14  watine dzikunuro maari neropa rake, ndiko kukanganwirwa kwezvivi.
Colo Shona 1:15  Anova mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rechisikwa chega-chega.
Colo Shona 1:16  Nokuti maari zvinhu zvese zvakasikwa, zviri kumatenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kana zviri zvigaro zveushe, kana umambo, kana ukuru, kana masimba; zvinhu zvese zvakasikwa naye, zvikasikirwa iye.
Colo Shona 1:17  Ndiyewo anotangira zvinhu zvese, uye zvinhu zvese zvakabatanidzwa maari.
Colo Shona 1:18  Uye iye musoro wemuviri, wekereke; anova kutanga, dangwe kubva kune vakafa; kuti pazvese iye ave wekutanga;
Colo Shona 1:19  nokuti zvakafadza Baba, kuti kuzara kwese kugare maari,
Colo Shona 1:20  uye ayananisa naye zvinhu zvese kwaari, aita rugare neropa remuchinjikwa wake kubudikidza naiye, kunyange zviri panyika kunyange zviri kumatenga.
Colo Shona 1:21  Nemwi maimbova vaeni nevavengi mufungwa nemabasa akaipa, asi ikozvinowo wayanana nemwi
Colo Shona 1:22  mumuviri wenyama yake kubudikidza nerufu, akukumikidzei muri vatsvene uye musina mhosva uye musingamhuriki pamberi pake;
Colo Shona 1:23  zvino kana muchirambira parutendo makateyiwa uye makasimbiswa, uye hamubviswi patariro yeevhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa chisikwa chega-chega chiri pasi pedenga; iyo yandakaitwa mushumiri wayo ini Pauro.
Colo Shona 1:24  Zvino ikozvino ndinofara pamatambudziko angu nekuda kwenyu, nekuzadzisa zvakasara pamatambudziko aKristu munyama yangu nekuda kwemuviri wake, unova kereke;
Colo Shona 1:25  ini yandakaitwa mushumiri wayo zvichienderana nekubatiswa kwaMwari chandakapiwa pamusoro penyu, kuzadzisa shoko raMwari,
Colo Shona 1:26  chakavanzika chakange chakavanzwa kubvira kare uye kubva kumazera, asi ikozvino chinoratidzwa kuvatsvene vake,
Colo Shona 1:27  kune ivo Mwari vaakada kuzivisa kuti fuma yekubwinya kwechakavanzika ichi pakati pevahedheni chii, chinova Kristu mamuri, tariro yekubwinya;
Colo Shona 1:28  watinoparidza isu, tichiyambira munhu umwe neumwe, nekudzidzisa munhu umwe neumwe munjere dzese, kuti tikumikidze munhu umwe neumwe akakwana muna Kristu Jesu;
Colo Shona 1:29  ndizvo zvandinoshingairirawo, ndichirwa zvinoenderana nekubata kwake kunobata mandiri nesimba.
Chapter 2
Colo Shona 2:1  Nokuti ndinoda kuti muzive kuti kurwa kukuru zvakadini kwandinako pamusoro penyu, nevari paRaodhikia, nevese vasina kuona chiso changu panyama,
Colo Shona 2:2  kuti moyo yavo inyaradzwe, vasonanidzwe murudo, nemufuma yese yekuvimbiswa kwakakwana kwekunzwisisa, paruzivo rwechakavanzika chaMwari naBaba, nechaKristu,
Colo Shona 2:3  maari fuma yese yeuchenjeri neyeruzivo yakavigwa.
Colo Shona 2:4  Ndinoreva izvi, kuti kusava nemunhu anokunyengerai nemashoko anonyengera.
Colo Shona 2:5  Nokuti kunyange ndisipo panyama, zvakadaro ndinemwi pamweya, ndichifara nekuvona kurongeka kwenyu, nekusimba kwerutendo rwenyu muna Kristu.
Colo Shona 2:6  Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu Ishe, fambai maari,
Colo Shona 2:7  makadzika midzi nekuvakwa maari, nekusimbiswa murutendo, sezvamakadzidziswa, muchiwedzera makuri nekuvonga.
Colo Shona 2:8  Chenjerai, zvimwe umwe munhu angakupambai neuchenjeri, nekunyengera kusina maturo, setsika dzevanhu, sedzidziso dzekuvamba dzenyika, uye kwete sekuna Kristu.
Colo Shona 2:9  Nokuti kuzara kwese kweuMwari kunogara maari pamuviri.
Colo Shona 2:10  Uye makazadziswa maari, iye musoro weutungamiriri hwese nesimba;
Colo Shona 2:11  wamakadzingiswawo maari nedzingiso isina kuitwa nemaoko, pakubvisa muviri wezvivi zvenyama, pakudzingisa kwaKristu;
Colo Shona 2:12  makavigwa pamwe naye pabhabhatidzo, pamakamutswawo pamwe naye nerutendo rwekuita kwaMwari, wakamumutsa kubva kuvakafa.
Colo Shona 2:13  Nemwi makafa mukudarika nekusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakuitai vapenyu pamwe naye, akukanganwirai kudarika kwese,
Colo Shona 2:14  akadzima rugwaro rwezviga rwaipikisana nesu, rwaipesana nesu, akarubvisa pakati, aruroverera pamuchinjikwa;
Colo Shona 2:15  akurura vatungamiriri nemasimba, akavabudisa pachena, akatungamira kuvakunda mauri.
Colo Shona 2:16  Naizvozvo kusava nemunhu anokutongai pakudya kana pachinwiwa, kana panhau yemutambo kana yekugara kwemwedzi kana yemasabata;
Colo Shona 2:17  zvinova mumvuri wezvinhu zvichauya, asi muviri ndewa Kristu.
Colo Shona 2:18  Kusava nemunhu anokutorerai mubairo wenyu nemano, achifarira kuzvininipisa nekunamata vatumwa, achipindira pazvinhu zvaasina kuona, achizvikudza pasina nefungwa dzake dzenyama,
Colo Shona 2:19  uye asingabatisisi Musoro, uyo maari muviri wese nezvisungo nemarunda unoriritirwa, nekurukirwa pamwe, uchikura nekukura kwaMwari.
Colo Shona 2:20  Naizvozvo kana makafa pamwe naKristu kune dzidziso dzekuvamba dzenyika, munosungikanirei nemirairo semugere munyika,
Colo Shona 2:22  izvo zvese zvichaparara nekushandiswa) semirairo nedzidziso dzevanhu?
Colo Shona 2:23  Zvine chimiro cheuchenjeri pakuzvidira kunamata, nekuzvininipisa, nekutambudza muviri; hazvitongobatsiri kukunda kugutsa nyama.
Chapter 3
Colo Shona 3:1  Naizvozvo kana makamutswa pamwe naKristu, tsvakai zvekumusoro, uko kuna Kristu agere kuruoko rwerudyi rwaMwari.
Colo Shona 3:2  Rangarirai zviri kumusoro, kwete zviri panyika.
Colo Shona 3:3  Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa pamwe naKristu muna Mwari.
Colo Shona 3:4  Kana Kristu upenyu hwedu achionekwa, ipapo imwiwo muchaonekwa pamwe naye mukubwinya.
Colo Shona 3:5  Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, upombwe, tsvina, kushumba kwakaipa, kuda zvakaipa, uye kuchiva, kunova kunamata zvifananidzo.
Colo Shona 3:6  Nekuda kwezvinhu izvi, hasha dzaMwari dzinouya pavana vekusateerera;
Colo Shona 3:7  imwiwo maimbofamba mazviri, pamairarama mazviri.
Colo Shona 3:8  Asi ikozvino imwiwo bvisai zvese izvi, kutsamwa, hasha, uipi, kunyomba, nekutaura zvinonyadzisa kubva mumuromo wenyu;
Colo Shona 3:9  regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare nemabasa ake,
Colo Shona 3:10  mukapfeka mutsva, anovandudzwa paruzivo semufananidzo wewakamusika;
Colo Shona 3:11  apo pasina muGiriki uye muJudha, kudzingiswa uye kusadzingiswa, mutorwa, muSikitia, musungwa, wakasununguka; asi Kristu ndiye zvese, uye ari mune zvese.
Colo Shona 3:12  Naizvozvo pfekai sevasanangurwa vaMwari, vatsvene nevanodikanwa, moyo yetsitsi, moyo munyoro, kuzvininipisa, unyoro, nemoyo murefu;
Colo Shona 3:13  muchiitirana moyo murefu, nekukanganwirana kana umwe ane mhosva neumwe; Kristu sezvaakakukanganwiraiwo, saizvozvowo imwi;
Colo Shona 3:14  zvino pamusoro pezvinhu zvese izvi pfekai rudo, ndicho chisungo chekupedzeredza.
Colo Shona 3:15  Nerugare rwaMwari ngarwutonge mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; uye ivai vanovonga.
Colo Shona 3:16  Shoko raKristu ngarigare mamuri neufumi muuchenjeri hwese; muchidzidzisana nekurairana mumapisarema, nenziyo, nenziyo dzemweya, muimbire Ishe nenyasha mumoyo wenyu;
Colo Shona 3:17  uye zvese chero chipi chamunoita pashoko kana pachiito, itai zvese muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari naBaba kubudikidza naye.
Colo Shona 3:18  Vakadzi zviisei pasi pevarume venyu pachenyu, sezvo zvakafanira muna Ishe.
Colo Shona 3:19  Varume, idai vakadzi venyu, uye regai kuvavavira.
Colo Shona 3:20  Vana, teererai vabereki pazvinhu zvese, nokuti izvi zvinofadza Ishe.
Colo Shona 3:21  Madzibaba, musatsamwisa vana venyu, kuti varege kuora moyo.
Colo Shona 3:22  Varanda, teererai pazvinhu zvese vari vatenzi venyu panyama; kwete nekushandira maziso sevafadzi vevanhu, asi nemoyo wakarurama, muchitya Mwari;
Colo Shona 3:23  uye zvese kunyange chipi chamunoita, itai nemoyo, sekuna Ishe, uye kwete kuvanhu;
Colo Shona 3:24  muchiziva kuti kuna Ishe muchagamuchira mubairo wenhaka; nokuti munoshandira Ishe Kristu.
Colo Shona 3:25  Asi anoita zvisakarurama achagamuchira zvisakarurama zvaakaita; uye hakuna kusarurwa kwavanhu.
Chapter 4
Colo Shona 4:1  Madzishe, ipai varanda zvakarurama nezvakaringana, muchiziva kuti imwiwo muna Ishe kumatenga.
Colo Shona 4:2  Tsungirirai pamunyengetero, murinde pakuri nekuvonga;
Colo Shona 4:3  mutinyengetererewo panguva imweyo, kuti Mwari atizarurire mukova weshoko, kutaura chakavanzika chaKristu, chandakasungirwawo;
Colo Shona 4:5  Fambai muuchenjeri kune vari kunze, muchidzikunura nguva.
Colo Shona 4:6  Shoko renyu ngarigare munyasha, rakarungwa nemunyu, kuti muzive kuti munofanira kupindura sei umwe neumwe.
Colo Shona 4:7  Zvese zvakanangana neni Tikiko achakuzivisai, hama inodikanwa nemushumiri wakatendeka, nemushandi pamwe neni muna Ishe;
Colo Shona 4:8  wandatumira kwamuri ichochi, kuti azive zviri maererano nemwi, nekunyaradza moyo yenyu;
Colo Shona 4:9  pamwe naOnesimo, hama yakatendeka inodikanwa, anova wekwenyu. Vachakuzivisai zvese zviri pano.
Colo Shona 4:10  Arisitako musungwa pamwe neni anokukwazisai, naMariko muzukuru waBhanabhasi, wamakagamuchira mirairo maererano naye; kana achisvika kwamuri, mumugamuchire,
Colo Shona 4:11  naJesu anonzi Justo, vevekudzingiswa; ivava chete vabati pamwe neni paushe hwaMwari, vaiva nyaradzo kwandiri.
Colo Shona 4:12  Epafrasi wekwenyu, muranda waKristu, anokukwazisai, achirwa nguva dzese muminyengetero nekuda kwenyu, kuti mumire makazara uye makakwana muchido chese chaMwari.
Colo Shona 4:13  Nokuti ndinomupupurira kuti ane shungu kwazvo nemwi, neveRaodhikia, neveHierapori.
Colo Shona 4:14  Anokukwazisai Ruka chiremba anodikanwa, naDhemasi.
Colo Shona 4:15  Kwazisai hama dziri Raodhikia, naNimifa, nekereke iri mumba make.
Colo Shona 4:16  Zvino kana tsamba iyi yaverengwa pakati penyu, itai kuti nemukereke yeVaRaodhikia iverengwe; kuti nemwi muverengewo inobva Raodhikia.
Colo Shona 4:17  Vudzai Akipo, muti: Chenjerera ushumiri hwawakagamuchira muna Ishe, kuti uhupedzise.
Colo Shona 4:18  Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro. Rangarirai zvisungo zvangu. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.