Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
JAMES
Up
1 2 3 4 5
Toggle notes
Chapter 1
Jame Shona 1:1  Jakobho, muranda waMwari newaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi nemaviri ari mukupararira: Kwaziwai.
Jame Shona 1:2  Zvitorei semufaro wese, hama dzangu, kana muchiwira mumiedzo yakasiyana-siyana,
Jame Shona 1:3  muchiziva kuti kuedzwa kwerutendo rwenyu kunobudisa kutsungirira;
Jame Shona 1:4  asi kutsungirira ngakuve nebasa rakapedzeredzwa, kuti muve vakapedzeredzwa nekukwana, musingatairi pachinhu.
Jame Shona 1:5  Uye kana umwe wenyu achishaiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopavhurira vese, uye asingatuki, zvino achadzipiwa.
Jame Shona 1:6  Asi ngaakumbire murutendo, asiri asina chokwadi nechinhu; nokuti asina chokwadi wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richidzungaidzwa.
Jame Shona 1:7  Nokuti munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu kuna Ishe.
Jame Shona 1:8  Murume ane moyo miviri anoshanduka-shanduka panzira dzake dzese.
Jame Shona 1:9  Asi hama yakaderera ngaizvikudze pakukudzwa kwake;
Jame Shona 1:10  nemufumi pakuderedzwa kwake; nokuti seruva reuswa achapfuura.
Jame Shona 1:11  Nokuti zuva rinobuda pamwe nekupisa, ndokuomesa uswa, neruva rahwo rinowira pasi, nekunaka kwechimiro chahwo kwakaparara; saizvozvowo mufumi achabvuruvara panzira dzake.
Jame Shona 1:12  Wakaropafadzwa munhu anotsungirira pamuedzo; nokuti kana atendwa, achagamuchira korona yeupenyu, Ishe yaakavimbisa kune vanomuda.
Jame Shona 1:13  Kusava nemunhu anoti achiidzwa ati: Ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, naiye amene haaidzi munhu.
Jame Shona 1:14  Asi umwe neumwe anoidzwa, kana achikwehwa nekuchiva kwake pachake, nekukwezwa.
Jame Shona 1:15  Ipapo kuchiva kana kwarema kunozvara chivi; nechivi kana chaperedzerwa, chinobereka rufu.
Jame Shona 1:17  Chipo chese chakanaka nechipiwa chese chakaperedzerwa chinobva kumusoro, chichiburuka kubva kuna Baba vezviedza, navo pasina kupinduka, kana mumvuri wekushanduka.
Jame Shona 1:18  Nekuda kwake wakabereka isu neshoko rechokwadi, kuti isu tive sechibereko chekutanga chezvisikwa zvake.
Jame Shona 1:19  Naizvozvo, hama dzangu dzinodiwa, munhu umwe neumwe ngaave anokurumidza pakunzwa, anononoka pakutaura, anononoka pakutsamwa;
Jame Shona 1:20  nokuti kutsamwa kwemunhu hakuiti kururama kwaMwari.
Jame Shona 1:21  Naizvozvo bvisai zvinyangadzo zvese nekuwandisa kwekuipa, mugamuchire nemoyo munyoro shoko rakabatanidzwa pamuri, rinogona kuponesa mweya yenyu.
Jame Shona 1:22  Asi ivai vaiti veshoko, uye kwete vanzwi chete, muchizvinyengera pachenyu.
Jame Shona 1:23  Nokuti kana umwe ari munzwi weshoko uye asiri muiti, iye wakafanana nemunhu anoona chiso chake chechisikirwo muchionioni;
Jame Shona 1:24  nokuti anozviona pachake, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wanga akadini.
Jame Shona 1:25  Asi uyo anotarisisa mumurairo wakaperedzerwa werusununguko ndokurambirirapo, uyo asati ari munzwi anokanganwa asi muiti webasa, uyu acharopafadzwa pakuita kwake.
Jame Shona 1:26  Kana umwe pakati penyu achiti anotenda, kana asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera moyo wake, chitendero cheuyu hachina maturo.
Jame Shona 1:27  Chitendero chakachena chisina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba ndechichi: Kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, azvichengete asina gwapa kubva kunyika.
Chapter 2
Jame Shona 2:1  Hama dzangu, kwete nerusarura muve nerutendo rwaIshe wedu Jesu Kristu wekubwinya.
Jame Shona 2:2  Nokuti kana muungano yenyu mukapinda murume ane mhete yegoridhe nenguvo inopenya, mukapindawo murombo ane nguvo yakasviba,
Jame Shona 2:3  imwi ndokutarira uyo wakapfeka nguvo inopenya; ndokuti kwaari: Iwe gara pano zvakanaka; ndokuti kumurombo: Iwe mira ipapo; kana: Gara pano pasi pechitsiko chetsoka dzangu;
Jame Shona 2:4  hamunawo kusarura mukati menyu pachenyu mukavawo vatongi vendangariro dzakaipa here?
Jame Shona 2:5  Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa. Mwari haana here kusarudza varombo venyika ino, vakafuma parutendo, nevadyi venhaka yeushe hwaakavimbisa kune vanomuda?
Jame Shona 2:6  Asi imwi makazvidza murombo. Vafumi havakutsikiririi here, uye ndivo vanokukweverai kumatare?
Jame Shona 2:7  Ivo havanyombi zita rakanaka rakadanwa pamuri here?
Jame Shona 2:8  Kana zvirokwazvo muchizadzisa murairo weushe, zvinoenderana nerugwaro rwunoti: Ida wekwako sezvaunozvidaiwe, munoita zvakanaka;
Jame Shona 2:9  asi kana mune rusarura, munoita chivi, munopwiswa nemurairo sevadariki.
Jame Shona 2:10  Nokuti ani nani anochengeta murairo wese, asi akagumburwa pane umwe, anova nemhosva kune yese.
Jame Shona 2:11  Nokuti iye wakati: Usaita upombwe; wakatiwo: Usauraya; zvino kana usingaiti upombwe, asi uchiuraya, wava mudariki wemurairo.
Jame Shona 2:12  Taurai saizvozvo uye itai saizvozvo, sevachazotongwa nemurairo werusununguko.
Jame Shona 2:13  Nokuti kutonga kusina tsitsi ndekweasina kuita tsitsi; uye tsitsi dzinozvirumbidza pakukutonga.
Jame Shona 2:14  Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ane rutendo, asi asina mabasa? Rutendo urwu rwunogona kumuponesa here?
Jame Shona 2:15  Zvino kana hamarume kana hamakadzi yakashama uye achishaiwa kudya kwezuva rimwe nerimwe,
Jame Shona 2:16  umwe wenyu ndokuti kwavari: Ibvai murugare, mudziyirwe uye mugute; asi musingavapi zvinhu zvinodikanwa nemuviri, izvo zvinobatsirei?
Jame Shona 2:17  Saizvozvowo rutendo, kana rwusina mabasa, rwakafa pacharwo.
Jame Shona 2:18  Asi umwe achati: Iwe une rutendo, neni ndine mabasa; ndiratidze rutendo rwako kunze kwemabasa, neni pamabasa angu ndichakuratidza rutendo rwangu.
Jame Shona 2:19  Iwe unotenda kuti kuna Mwari umwe; unoita zvakanaka; nemadhimoni anotenda uye anodedera.
Jame Shona 2:20  Asi unoda kuziva here, haiwa dununu, kuti rutendo rwusina mabasa rwakafa?
Jame Shona 2:21  Abhurahama baba vedu havana kunzi vakarurama kubva pamabasa here, vabaira mwanakomana wavo Isaka pamusoro pearitari?
Jame Shona 2:22  Unoona kuti rutendo rwakabata pamwe nemabasa ake, uye kubva pamabasa rutendo rwakaperedzerwa here?
Jame Shona 2:23  Nerugwaro rukazadzisika rwunoti: NaAbhurahama wakatenda kuna Mwari, zvikaverengerwawo kwaari kuti ndiko kururama, akanziwo shamwari yaMwari.
Jame Shona 2:24  Naizvozvo munoona kuti munhu anonzi wakarurama kubva pamabasa, uye kwete kubva parutendo chete.
Jame Shona 2:25  Saizvozvowo naRakabhi chifeve haana kunzi wakarurama kubva pamabasa here, agamuchira vatumwa, nekuvabudisa neimwe nzira?
Jame Shona 2:26  Nokuti semuviri pasina mweya wakafa, saizvozvowo rutendo rwusina mabasa rwakafa.
Chapter 3
Jame Shona 3:1  Musava vadzidzisi vazhinji, hama dzangu, muchiziva kuti tichagamuchira kutongwa kukuru.
Jame Shona 3:2  Nokuti tese tinogumburwa pazvinhu zvizhinji. Kana umwe asingagumburwi pashoko, ndiye murume wakaperedzerwa, anogona kudzorawo muviri wese.
Jame Shona 3:3  Tarira, tinoisa matomu mumiromo yemabhiza kuti atiteerere, ndokutenderedza muviri wawo wese.
Jame Shona 3:4  Tarirai, nezvikepe, kunyange zviri zvikuru zvakadai, uye zvichitinhwa nemhepo dzine simba, zvinonangiswa nechidzoreso chidiki diki, chero kupi kunodikanwa nechishuwo chemufambisi.
Jame Shona 3:5  Rwakadarowo rurimi rwuri mutezo mudiki, uye rwunozvirumbidza zvikuru. Tarirai, moto mudiki unotungidza matanda akakura sei!
Jame Shona 3:6  Nerurimi moto, nyika yeuipi; ndizvo zvakaita rurimi rwakaiswa pakati pemitezo yedu, rwunosvibisa muviri wese, nekutungidza nzira yeupenyu, uye rwunotungidzwa negehena.
Jame Shona 3:7  Nokuti marudzi ese emhuka neeshiriwo, neezvesewo zvinokambaira neezvisikwa zvegungwa anopingudzwa uye akapingudzwa nechisikirwo chevanhu;
Jame Shona 3:8  asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi; uipi husingadzoreki, rwuzere nechepfu inouraya.
Jame Shona 3:9  Narwo tinorumbidza Mwari uye Baba, narwowo tinotuka vanhu vakaitwa nemufananidzo waMwari;
Jame Shona 3:10  mumuromo umwewo munobva kurumbidza nekutuka. Hazvina kufanira, hama dzangu, izvi zvive saizvozvo.
Jame Shona 3:11  Chitubu chingadzutura pamuromo umwe chinonaka nechinovava here?
Jame Shona 3:12  Hama dzangu, muonde unogona kubereka maorivhi here, kana muzambiringa maonde? Saizvozvo hakuna chitubu chinobudisa mvura inovava neinonaka.
Jame Shona 3:13  Ndiani wakachenjera neanonzwisisa pakati penyu? Ngaaratidze nemufambiro wakanaka mabasa ake neunyoro hweuchenjeri.
Jame Shona 3:14  Asi kana mune godo rinovava nerukave mumoyo wenyu, musazvirumbidza nekurevera chokwadi nhema.
Jame Shona 3:15  Uhu hausi uchenjeri hunoburuka kubva kumusoro, asi hwenyika, hwechisikirwo, hweudhimoni.
Jame Shona 3:16  Nokuti pane godo nerukave, ndipo pane nyongano nekuita kwese kwakaipa.
Jame Shona 3:17  Asi uchenjeri hunobva kumusoro pakutanga hwakachena, kozouya kuva nerugare, kunyorova, kuteerera, kuzara netsitsi nezvibereko zvakanaka, husina kutsaura, uye husina kunyengera.
Jame Shona 3:18  Uye chibereko chekururama chinodzvarwa murugare kune vanoita rugare.
Chapter 4
Jame Shona 4:1  Dzinobvepi hondo nekurwa pakati penyu? Hazvibvi apa here, pakuchiva kwenyu kunorwa pamitezo yenyu?
Jame Shona 4:2  Munoshuva, asi hamuna chinhu; munouraya uye munoshumba, asi hamugoni kuwana chinhu; munorwa muchiita hondo, asi hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri.
Jame Shona 4:3  Munokumbira, asi hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muparadze pakuchiva kwenyu.
Jame Shona 4:4  Imwi mhombwe nemhombwekadzi, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika ruvengo kuna Mwari? Naizvozvo umwe neumwe anoda kuva shamwari yenyika, anova muvengi waMwari.
Jame Shona 4:5  Kana munofunga kuti rugwaro rwunotaura pasina maturo here kuti: Mweya wakagara mukati medu anochivira godo?
Jame Shona 4:6  Asi anopa nyasha huru; saka anoti: Mwari anopikisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.
Jame Shona 4:7  Naizvozvo muzviise pasi kuna Mwari; pikisai dhiabhorosi, zvino achakutizai.
Jame Shona 4:8  Swederai kuna Mwari, naiye achaswedera kwamuri; shambai maoko, vatadzi, uye muchenure moyo, imwi vemoyo miviri.
Jame Shona 4:9  Tambudzikai uye chemai uye rirai; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nemufaro uve kusuruvara.
Jame Shona 4:10  Zvininipisei pamberi paIshe, uye achakusimudzai.
Jame Shona 4:11  Musareverana zvakaipa, hama. Anorevera hama zvakaipa uye kutonga hama yake, anorevera murairo zvakaipa, nekutonga murairo; zvino kana uchitonga murairo, hausi muiti wemurairo, asi mutongi.
Jame Shona 4:12  Umwe chete ndiye mutemi wemurairo, anogona kuponesa nekuparadza; iwe ndiwe ani anotonga umwe?
Jame Shona 4:13  Uyai ikozvino imwi munoti: Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta rekuti, tigogarako gore rimwe, tigotengeserana, tigowana mubairo;
Jame Shona 4:14  imwi musingazivi zvamangwana. Nokuti upenyu hwenyu chii? Nokuti imhute inoonekwa nguva diki, ipapo ndokunyangarika.
Jame Shona 4:15  Pakuti muti: Kana Ishe achida, tichararamawo, tigoita ichi kana icho.
Jame Shona 4:16  Asi ikozvino munozvirumbidza pakuzvikudza kwenyu; kuzvirumbidza kwese kwakadai kwakaipa.
Jame Shona 4:17  Naizvozvo anoziva kuita zvakanaka asingazviiti, chivi kwaari.
Chapter 5
Jame Shona 5:1  Uyai ikozvino imwi vafumi, rirai muridze mhere nekuda kwematambudziko enyu anokuwirai.
Jame Shona 5:2  Fuma yenyu yakaora, uye nguvo dzenyu dzakava dzakafusiwa.
Jame Shona 5:3  Goridhe renyu nesirivheri zvava nengura; uye urari hwazvo huchava chapupu kwamuri, uye huchadya nyama yenyu semoto. Makazvichengetera fuma pamazuva ekupedzisira.
Jame Shona 5:4  Tarira, mubairo wevaranda vakacheka minda yenyu, yakanyimwa nemwi nekunyengera, unodanidzira; nekuchema kwevacheki kwakasvika kunzeve dzaIshe wehondo.
Jame Shona 5:5  Makagara muumbozha panyika, uye makakarira zvinofadza; makakodza moyo yenyu sepazuva rekubaya.
Jame Shona 5:6  Makapa mhosva, makauraya wakarurama; haakupikisii.
Jame Shona 5:7  Naizvozvo ivai nemoyo murefu, hama, kusvikira pakuuya kwaIshe. Tarira, murimi anomirira chibereko chinokosha chevhu, anochiitira moyo murefu, kusvikira chagamuchira mvura yekutanga neyekupedzisira.
Jame Shona 5:8  Imwiwo ivai nemoyo murefu; simbisai moyo yenyu, nokuti kuuya kwaIshe kwaswedera.
Jame Shona 5:9  Musanyunyutirana, hama, kuti murege kupiwa mhosva; tarira, mutongi amire pamukova.
Jame Shona 5:10  Torai vaporofita semuenzaniso wekutambudzika, hama dzangu, newemoyo murefu, vakataura nezita raIshe.
Jame Shona 5:11  Tarira, tinoti vakaropafadzwa vanotsungirira; makanzwa zvekutsungirira kwaJobho, uye makaona kuguma kwaIshe, kuti Ishe ane moyo munyoro kwazvo uye ane tsitsi.
Jame Shona 5:12  Asi pamberi pezvese, hama dzangu, musapika, kana nedenga, kana nenyika, kana nekumwe kupika kupi; asi hongu yenyu ngaive hongu, uye kwete, kwete; kuti murege kuwira mukutongwa.
Jame Shona 5:13  Kune umwe anotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Pane anofara here? Ngaaimbe mapisarema.
Jame Shona 5:14  Pane anorwara pakati penyu here? Ngaadane vatariri vekereke; uye ngavanyengetere pamusoro pake, vachimuzodza namafuta muzita raIshe;
Jame Shona 5:15  uye munyengetero werutendo uchaponesa anorwara, uye Ishe achamumutsa; zvino kana akaita zvivi, achazvikanganwirwa.
Jame Shona 5:16  Reururiranai zvivi, uye nyengetereranai, kuti muporeswe. Munyengetero wakasimba wewakarurama une simba zvikuru.
Jame Shona 5:17  Eria wakange ari munhu wemanzwiro akafanana nesu, akanyengetera nemoyo wese kuti kusanaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu;
Jame Shona 5:18  zvino wakanyengeterazve; denga ndokupa mvura, nyika ikabereka chibereko chayo.
Jame Shona 5:19  Hama, kana umwe pakati penyu achitsauka kubva pachokwadi, umwewo akamudzora,
Jame Shona 5:20  ngaazive kuti uyo anodzora mutadzi pakutsauka kwenzira yake, achaponesa mweya parufu nekufukidza zvivi zvizhinji.