Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
I TIMOTHY
Up
1 2 3 4 5 6
Toggle notes
Chapter 1
I Ti Shona 1:1  Pauro, muapositori waJesu Kristu nekuraira kwaMwari Muponesi wedu, nekwaIshe Jesu Kristu tariro yedu,
I Ti Shona 1:2  kuna Timotio mwana wangu chaiye parutendo: Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naJesu Kristu Ishe wedu.
I Ti Shona 1:3  Sezvandakakukurudzira kuti ramba ugere paEfeso, ndichienda kuMakedhonia, kuti uraire vamwe kuti varege kudzidzisa imwe dzidziso,
I Ti Shona 1:4  kana kuchenjerera ngano nenhoroondo dzemadzinza dzisingaperi, dzinomutsa gakava pane kuvaka kwaMwari kuri murutendo.
I Ti Shona 1:5  Asi chinangwa chemurairo rudo rwunobva pamoyo wakachena nehana yakanaka nerutendo rusinganyepedzeri;
I Ti Shona 1:6  pane izvozvi vamwe vakatsvedza vakatsaukira kukutaura kusina maturo,
I Ti Shona 1:7  vachida kuva vadzidzisi vemurairo, vasinganzwisisi kana zvavanoreva, kana maererano nezvavanosimbisa.
I Ti Shona 1:8  Asi tinoziva kuti murairo wakanaka, kana munhu achiushandisa zviri pamurairo,
I Ti Shona 1:9  achiziva izvi, kuti murairo hauna kuitirwa wakarurama, asi vasina murairo nevasingateereri, vasingadi Mwari nevatadzi, vasiri vatsvene nevasina hanya naMwari, mhondi dzemadzibaba nemhondi dzana amai, vanouraya vanhu,
I Ti Shona 1:10  mhombwe, ngochani, vanopamba vanhu, vanyepi, vaputsi vemhiko, uye kana chimwe chiriko chinopesana nedzidziso yakagwinya,
I Ti Shona 1:11  maererano neevhangeri yekubwinya kwaMwari wakaropafadzwa yandakabatiswa.
I Ti Shona 1:12  Uye ndinovonga wakandigonesa, Kristu Jesu Ishe wedu, kuti wakandiona ndakatendeka, akandiisa paushumiri,
I Ti Shona 1:13  ini ndaimbova munyombi nemushushi nemutuki; asi ndakawana tsitsi, nokuti ndakaita nekusaziva pakusatenda;
I Ti Shona 1:14  asi nyasha dzaIshe wedu dzakawedzeresa pamwe nerutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu.
I Ti Shona 1:15  Ishoko rakatendeka uye rinofanira kugamuchirwa chese, kuti Kristu Jesu wakauya munyika kuzoponesa vatadzi, vandiri ini mukuru wavo;
I Ti Shona 1:16  asi nekuda kweizvi ndakawana tsitsi, kuti mandiri ndinova mukuru, Jesu Kristu aratidze moyo murefu wese, uve muenzaniso kune vanozotenda kwaari, paupenyu husingaperi.
I Ti Shona 1:17  Zvino kuna Mambo wekusingaperi, asingafi, asingaonekwi, Mwari wega wakachenjera, ngakuve nekukudzwa nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
I Ti Shona 1:18  Murairo uyu ndinokumikidza kwauri, mwana wangu Timotio, sezviporofita zvakatanga pamusoro pako, kuti nazvo urwe kurwa kwakanaka;
I Ti Shona 1:19  wakabata rutendo nehana yakanaka, vamwe vakati vairasa zvichienderana nerutendo vakaputsikirwa nechikepe,
I Ti Shona 1:20  vamwe vavo ndiHimenayosi naArekizandro, vandakakumikidza kuna Satani, kuti vadzidze kusanyomba.
Chapter 2
I Ti Shona 2:1  Naizvozvo kutanga pazvese ndinokurudzira kuti mikumbiro, minyengetero, kureverera nekupa kuvonga zviitirwe vanhu vese;
I Ti Shona 2:2  pamadzimambo nevese vari panzvimbo dzakakwirira kuti tirarame upenyu hwerugare nerunyararo pakunamata Mwari kwese nerukudzo;
I Ti Shona 2:3  nokuti izvi zvakanaka uye zvinogamuchirwa pamberi paMwari Muponesi wedu,
I Ti Shona 2:4  uyo anoda kuti vanhu vese vaponeswe uye vasvike pakuziva chokwadi.
I Ti Shona 2:5  Nokuti kuna Mwari umwe, nemurevereri umwe pakati paMwari nevanhu, ndiye munhu Kristu Jesu,
I Ti Shona 2:6  wakazvipa iye kuva rudzikunuro rwevese, chive chapupu panguva dzakafanira,
I Ti Shona 2:7  icho chandagadzirwa ini kuva muparidzi nemuapositori (ndinoreva chokwadi muna Kristu, handitauri nhema), mudzidzisi wevahedheni parutendo nechokwadi.
I Ti Shona 2:8  Naizvozvo ndinoshuva kuti varume vanyengetere panzvimbo dzese, vachisimudza maoko matsvene, pasina kutsamwa nekupikisana.
I Ti Shona 2:9  Saizvozvowo vakadzi vazvishongedze nezvipfeko zvakafanira, vane kunyara nekuzvidzora, kwete nevhudzi rakarukwa, kana goridhe, kana maparera*, kana nguvo dzinodhura,
I Ti Shona 2:10  asi, zvakafanira vakadzi vanoti vanoshumira Mwari, nemabasa akanaka.
I Ti Shona 2:11  Mukadzi ngaadzidze mukunyarara nekuzvininipisa kwese.
I Ti Shona 2:12  Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pemurume, asi ave mukunyarara.
I Ti Shona 2:14  naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi anyengerwa wakava mukudarika,
I Ti Shona 2:15  asi achaponeswa kubudikidza nekubereka vana, kana vachirambira murutendo nerudo neutsvene pamwe nekuzvidzora.
Chapter 3
I Ti Shona 3:1  Ishoko rakatendeka rekuti: Kana munhu achishuva basa reutariri, anoshuva basa rakanaka.
I Ti Shona 3:2  Naizvozvo mutariri anofanira kuva asina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, wakazvibata, anozvidzora, ane chiremerera, anogamuchira vaeni, nyanzvi pakudzidzisa,
I Ti Shona 3:3  asiri muraradzi, asingafariri kurwa, asingakariri mibairo yakaipa, asi wakadzikama, asina gakava, asingakariri mari;
I Ti Shona 3:4  anobata imba yake pachake zvakanaka, anodzora vana vake nerukudzo rwese,
I Ti Shona 3:5  nokuti kana munhu asingazivi kubata imba yake pachake, achachengeta sei kereke yaMwari?
I Ti Shona 3:6  Asava mutendi mutsva, kuti nekukudzwa arege kuwira mukupiwa mhosva kwadhiabhorosi.
I Ti Shona 3:7  Uyezve anofanira kuva neuchapupu hwakanaka kubva kune vari kunze, kuti arege kuwira mukumhurwa nemumusungo wadhiabhorosi.
I Ti Shona 3:8  Saizvozvo vadhikoni* ngavave vanokudzwa, vasina manzwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri fuma yakaipa,
I Ti Shona 3:9  vanochengeta chakavanzika cherutendo muhana yakachena.
I Ti Shona 3:10  Naivava ngavatange kuedzwawo, ipapo vangashumire, kana vasina chavangapomerwa.
I Ti Shona 3:11  Saizvozvo vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, kwete vacheri, vanozvidzora, vakatendeka pazvese.
I Ti Shona 3:12  Vadhikoni ngavave varume vemukadzi umwe, vanobata vana vavo nedzimba dzavo pachavo zvakanaka.
I Ti Shona 3:13  Nokuti avo vakashumira zvakanaka, vanozviwanira chimiro chakanaka, nekutsunga kukuru parutendo rwuri muna Kristu Jesu.
I Ti Shona 3:14  Zvinhu izvi ndinokunyorera, ndichitarisira kuuya kwauri nekukurumidza;
I Ti Shona 3:15  asi kana ndikanonoka, kuti uzive kuti vanofanira kufamba sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nehwaro hwechokwadi.
I Ti Shona 3:16  Zvinotendekawo kuti chakavanzika chekunamata Mwari chikuru; Mwari wakaratidzwa panyama, wakanzi wakarurama paMweya, wakaonekwa nevatumwa, akaparidzwa kuvahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.
Chapter 4
I Ti Shona 4:1  Zvino Mweya anoreva zvakajeka, kuti panguva dzekupedzisira vamwe vachatsauka parutendo, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemadhimoni,
I Ti Shona 4:2  paunyepedzeri hwevanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo pachavo nedare rinopisa,
I Ti Shona 4:3  vachidzivisa kuwanana nekuraira kurega kudya Mwari kwaakasika kuti kugamuchirwe nekuvonga nevanotenda uye vanoziva chokwadi.
I Ti Shona 4:4  Nokuti chese chisikwa chaMwari chakanaka, uye hakuna chingafanira kuraswa kana chichigamuchirwa nekuvonga;
I Ti Shona 4:5  nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nemunyengetero.
I Ti Shona 4:6  Kana uchiraira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waJesu Kristu, wakafundwa nemashoko erutendo needzidziso yakanaka, yaunonyatsotevera.
I Ti Shona 4:7  Asi urambe ngano dzakaipa nedzechembere. Uzvirovedze pakunamata Mwari;
I Ti Shona 4:8  nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma; asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvese, zvahune chivimbiso cheupenyu hwazvino nehwunouya.
I Ti Shona 4:9  Shoko iri rakatendeka uye rinofanirwa nekugamuchirwa kwese.
I Ti Shona 4:10  Nokuti naizvozvo nesu tinoshanda nesimba, nekushorwa, nokuti tinovimba naMwari mupenyu, anova Muponesi wevanhu vese, zvikuru weavo vanotenda.
I Ti Shona 4:12  Kusava nemunhu anozvidza udiki hwako, asi uve muenzaniso wevanotenda pashoko, pamufambiro, parudo, pamweya, parutendo, nepautsvene.
I Ti Shona 4:13  Kusvikira ndasvika, ngwarira pakuverenga, pakuraira, nepadzidziso.
I Ti Shona 4:14  Usashaya hanya nechipo chiri mauri, chawakapiwa kubudikidza nechiporofita pamwe nekuiswa maoko eutariri.
I Ti Shona 4:15  Funganya pamusoro pezvinhu izvi, uve pazvinhu izvi, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe kune vese.
I Ti Shona 4:16  Uzvichenjerere iwe nedzidziso. Urambire pazviri, nokuti mukuita izvi, uchazviponesa iwe pamwe nevanokunzwa.
Chapter 5
I Ti Shona 5:1  Usatuka mukuru, asi umutsiure sababa, vadiki sevanin'ina,
I Ti Shona 5:2  vakadzi vakuru sanamai; vakadzi vadiki sehanzvadzi, pakuchena kwese.
I Ti Shona 5:3  Kudza chirikadzi dziri chirikadzi zvirokwazvo.
I Ti Shona 5:4  Asi kana imwe chirikadzi ine vana kana vazukuru, ngavatange kudzidza kuratidza rukudzo kumba kwavo pachavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki; nokuti ndizvo zvakanaka zvinogamuchirwa pamberi paMwari.
I Ti Shona 5:5  Zvino uyo ari chirikadzi zvirokwazvo yakasiiwawo yega anovimba naMwari, anogarawo pamikumbiro neminyengetero siku nesikati.
I Ti Shona 5:6  Asi uyo anozvipira kuzvifadza, wakafa ari mupenyu.
I Ti Shona 5:7  Uye raira zvinhu izvi, kuti varege kuva nechavangapomerwa.
I Ti Shona 5:8  Asi kana munhu asingachengeti vekwake, zvikuruwo veimba yake, waramba rutendo, uye wakaipa kukunda asingatendi.
I Ti Shona 5:9  Chirikadzi ngainyorwe pasi ine makore asiri pasi pemakumi matanhatu, yaiva mukadzi wemurume umwe,
I Ti Shona 5:10  inopupurirwa mabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yakagamuchira vaeni, kana yakashambidza tsoka dzevatsvene, kana yakabatsira vari mumatambudziko, kana yakateverera basa rese rakanaka.
I Ti Shona 5:11  Asi chirikadzi diki urambe, nokuti kana dzochiva zvinopesana naKristu, dzinoda kuwanikwa;
I Ti Shona 5:12  dzava nemhosva, nokuti dzarasa rutendo rwekutanga.
I Ti Shona 5:13  Neipapowo dzinodzidza usimbe dzichipotedza dzimba; uye hadzisi simbe chete, asi vezvisina maturo, vanopindira zvisi zvavo, vachitaura zvavasingafaniri.
I Ti Shona 5:14  Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi diki dziwanikwe, dzibereke vana, dzibate dzimba dzadzo, dzirege kutongopa muvengi mukana wekutuka.
I Ti Shona 5:16  Kana murume upi neupi kana mukadzi anotenda ane chirikadzi, ngaadzibatsire, nekereke irege kuremedzwa, kuti ibatsire chirikadzi chaidzo.
I Ti Shona 5:17  Vakuru vanobata zvakanaka ngavaverengerwe sevanofanirwa nekukudzwa kwakapetwa, zvikuru avo vanobata nesimba pashoko nepadzidziso.
I Ti Shona 5:18  Nokuti rugwaro rwunoti: Usasunga muromo wenzombe inopura; uye: Mushandi wakafanirwa nemubairo wake.
I Ti Shona 5:19  Usangogamuchira mhaka inopomerwa mutariri, kunze kana kuri mberi kwezvapupu zviviri kana zvitatu.
I Ti Shona 5:20  Vanotadza utsiure pamberi pevese, kuti vamwewo vave nekutya.
I Ti Shona 5:21  Ndinokurairisa kwazvo pamberi paMwari naIshe Jesu Kristu, nevatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingagari watotonga, kana kuita chinhu uchitsaura vanhu.
I Ti Shona 5:22  Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pemunhu, kana kugovana pazvivi zvevamwe; uzvichengete iwe uri mutsvene.
I Ti Shona 5:23  Usachiramba uchinwa mvura chete, asi ushandise waini shoma, nekuda kwemudumbu mako neundonda hwako hwekazhinji.
I Ti Shona 5:24  Zvivi zvevamwe vanhu zviri pachena, zvinotungamirira kukutongwa; zvevamwewo zvichiteverawo.
I Ti Shona 5:25  Saizvozvowo mabasa akanaka ari pachena, neasina kudaro haagoni kuvanzwa.
Chapter 6
I Ti Shona 6:1  Vese vari varanda pasi pejoko, ngavaverenge vatenzi vavo sevanofanirwa nerukudzo rwese, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kunyombwa.
I Ti Shona 6:2  Nevane vatenzi vanotenda ngavarege kuvazvidza, zvadziri hama, asi zvikuru ngavavashandire, nokuti vakatendeka uye vanodikanwa vagovani vemubairo. Dzidzisa zvinhu izvi ukurudzire.
I Ti Shona 6:3  Kana munhu achidzidzisa zvakasiyana nezvizvi, uye asingabvumiri mashoko awa mapenyu, aIshe wedu Jesu Kristu, nekudzidziso inoenderana nekunamata Mwari,
I Ti Shona 6:4  anongozvikudza, asingazivi chinhu, asi anongokarira mibvunzo nenharo dzemashoko, panobva godo, gakava, kutuka, kufungidzira kwakaipa,
I Ti Shona 6:5  kukakavadzana kwevanhu vane murangariro wakaodzwa, vakarasikirwa nechokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa. Zviparadzanise nevakadaro.
I Ti Shona 6:6  Asi kunamata Mwari nekugutsikana ndizvo zvinofumisa kwazvo;
I Ti Shona 6:7  nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, zviri pachena kuti hatigoni kubuda nechinhu;
I Ti Shona 6:8  asi kana tine kudya nezvekupfeka tichagutsikana neizvozvi.
I Ti Shona 6:9  Asi vanoshuva kufuma vanowira mumuedzo nemumusungo, nemukuchiva kweupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nekuputswa;
I Ti Shona 6:10  nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvese; uyo vamwe vakati vachishuva vakatsauswa parutendo, vakazvibaya neshungu zhinji.
I Ti Shona 6:11  Asi iwe, haiwa munhu waMwari, tiza zvinhu izvi; utevere kururama, kunamata Mwari, rutendo, rudo, moyo murefu, neunyoro.
I Ti Shona 6:12  Irwa kurwa kwakanaka kwerutendo, batisisa upenyu husingaperi, hwawakadanirwawo kwahuri, ukabvumawo kubvuma kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.
I Ti Shona 6:13  Ndinokuraira pamberi paMwari, anoraramisa zvinhu zvese, naKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPondiyo Pirato,
I Ti Shona 6:14  kuti uchengete murairo usina gwapa, usina chaungapomerwa, kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu,
I Ti Shona 6:15  kwaacharatidza panguva dzake, iye Wakaropafadzwa neWemasimbaose ega, Mambo wemadzimambo naIshe wemadzishe,
I Ti Shona 6:16  iye ega ane kusafa, agere pachiedza chisingasvikiki, hakuna umwe wevanhu wakambomuona, kana kugona kuona; kukudzwa nesimba risingaperi zviri kwaari. Ameni.
I Ti Shona 6:17  Raira vakafuma panyika ino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingavimbiki, asi muna Mwari mupenyu, anotipa zvinhu zvese achiwanza kuti tifare;
I Ti Shona 6:18  vaite zvakanaka, kuti vave vafumi pamabasa akanaka, vagadzirire kupa, nekugovana;
I Ti Shona 6:19  vazvirongedzere nheyo yakanaka yenguva inouya, kuti vabatisise upenyu husingaperi.
I Ti Shona 6:20  Haiwa, Timotio, chengetedza icho chawakabatiswa, ufuratire kutaura kusina maturo nekupikisa kwezvinonzi ruzivo zviri zvenhema;
I Ti Shona 6:21  irwo vamwe vakati vachibvuma vakarasika maererano nerutendo. Nyasha ngadzive newe. Ameni.