Toggle notes
Chapter 1
Roma | Shona | 1:1 | Pauro, muranda waJesu Kristu, wakadanwa kuva muapositori, atsaurirwa evhangeri yaMwari, | |
Roma | Shona | 1:4 | wakatemerwa kuva Mwanakomana waMwari nesimba, maererano neMweya weutsvene, nekumuka kwevakafa, ndiye Jesu Kristu Ishe wedu; | |
Roma | Shona | 1:5 | watakagamuchira naye nyasha nevuapositori kuti kuve kuteerera kwerutendo pakati pevahedheni vese, nekuda kwezita rake, | |
Roma | Shona | 1:7 | kune vese vari muRoma, vadikanwi vaMwari, vakadanwa kuva vatsvene: Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. | |
Roma | Shona | 1:8 | Kutangawo ndinovonga Mwari wangu nemuna Jesu Kristu pamusoro penyu mese, kuti rutendo rwenyu rwunoparidzirwa panyika yese. | |
Roma | Shona | 1:9 | Nokuti Mwari chapupu changu, wandinoshumira pamweya wangu muevhangeri yeMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai, | |
Roma | Shona | 1:10 | panguva dzese muminyengetero yangu ndinokumbira, kuti kana zvichigoneka nechido chaMwari, ndibudirire kuuya kwamuri pakuguma. | |
Roma | Shona | 1:12 | ndiko kuti, ndinyaradzwe pamwe pakati penyu, nerutendo rweumwe neumwe, zvese rwenyu nerwangu. | |
Roma | Shona | 1:13 | Zvino handidi kuti musaziva, hama, kuti kazhinji ndaizvipira kuuya kwamuri (ndokudziviswa kusvikira ikozvino), kuti ndive nechimwe chibereko pakati penyuwo, sepakati pevamwe vahedheniwo. | |
Roma | Shona | 1:15 | saizvozvo sezviri mandiri ndakagadzirira kuparidza evhangeri kwamuriwo imwi muri paRoma. | |
Roma | Shona | 1:16 | Nokuti handinyadzisvi neevhangeri yaKristu; nokuti isimba raMwari rinoendesa kuruponeso kune umwe neumwe anotenda, kumuJudha pakutanga, nekumuGirikiwo. | |
Roma | Shona | 1:17 | Nokuti kururama kwaMwari kunoratidzwa mairi kubva parutendo kusvika parutendo; sezvazvakanyorwa zvichinzi: Asi wakarurama achararama nerutendo. | |
Roma | Shona | 1:18 | Nokuti kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa kubva kudenga pamusoro pekusada Mwari kwese nekusarurama kwevanhu vanodzivisa chokwadi nekusarurama; | |
Roma | Shona | 1:19 | nokuti izvo zvinozikanwa pamusoro paMwari zviri pachena pakati pavo; nokuti Mwari wakazviratidza kwavari. | |
Roma | Shona | 1:20 | Nokuti zvisingaonekwi zvake, kubva pakusikwa kwenyika, zvinonzwisisika pazvinhu zvakaitwa, zvinooneswa pachena, simba rake rekusingaperi pamwe neuMwari hwake, kuti vasava nemanzvengero; | |
Roma | Shona | 1:21 | nokuti vakati vaziva Mwari, havana kumurumbidza saMwari kana kuvonga, asi vakava vasina maturo mumirangariro yavo, nemoyo wavo usinganzwisisi wakaitwa mutema. | |
Roma | Shona | 1:23 | uye vakashandurira kubwinya kwaMwari asingafi kumufananidzo wechifananidzo chemunhu anofa nekushiri nekuzvine makumbo mana nekuzvinokambaira. | |
Roma | Shona | 1:24 | Naizvozvowo Mwari wakavapa kutsvina kubudikidza nekuchiva kwemoyo yavo, kuti vazvidze miviri yavo pakati pavo; | |
Roma | Shona | 1:25 | avo vakashandurira chokwadi chaMwari kunhema, uye vakanamata nekushumira chisikwa kupfuura Musiki, iye anorumbidzwa nekusingaperi. Ameni. | |
Roma | Shona | 1:26 | Nekuda kweizvozvo Mwari wakavapa kukuchiva kunonyadzisa; nokuti kunyange vanhukadzi vavo vakashandura basa rechisikirwo rive rinopesana nechisikirwo; | |
Roma | Shona | 1:27 | uye saizvozvowo vanhurume vakasiya basa rechisikirwo kumunhukadzi, vakapiswa nekuchivana kwavo, vanhurume nevanhurume vachiita zvinonyadzisa vachigamuchira mukati mavo muripo wakafanira kurasika kwavo. | |
Roma | Shona | 1:28 | Uye zvavakaona zvisina kufanira kugara naMwari muruzivo, Mwari wakavapa kumurangariro wakaraswa, kuti vaite zvinhu zvisakafanira; | |
Roma | Shona | 1:29 | vakazadzwa nekusarurama kwese, ufeve, kuipa, ruchiva, unhubu, kuzara negodo, umhondi, gakava, kunyengera, utsotsi, vanoita makuhwa, | |
Roma | Shona | 1:30 | vacheri, vavengi vaMwari, vazvidzi, vadadi, vanozvikudza, vavambi vezvakaipa, vasingateereri vabereki, | |
Chapter 2
Roma | Shona | 2:1 | Naizvozvo hauna manzvengero, iwe munhu, upi neupi anotonga; nokuti neicho chaunotonga nacho umwe, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga unoita zvinhu zvakangodaro. | |
Roma | Shona | 2:2 | Asi tinoziva kuti kutonga kwaMwari kunoenderana nechokwadi pamusoro pevanoita zvinhu zvakadaro. | |
Roma | Shona | 2:3 | Zvino unofunga izvi, haiwa munhu anotonga vanoita zvinhu zvakadaro, uchiitawo zvakadaro, kuti iwe uchatiza kutonga kwaMwari here? | |
Roma | Shona | 2:4 | Kana unozvidza here fuma yenyasha dzake nemoyo murefu nemoyo munyoro, usingazivi kuti nyasha dzaMwari dzinokuisa pakutendeuka? | |
Roma | Shona | 2:5 | Asi neukukutu hwako nemoyo usingatendeuki unozvichengetera hasha nezuva rehasha nekuzarurwa kwekutonga kwakarurama kwaMwari, | |
Roma | Shona | 2:7 | upenyu husingaperi kune vanotsungirira pakuita kwakanaka vanotsvaka kubwinya nekukudzwa nekusafa; | |
Roma | Shona | 2:8 | asi kune vane nharo, uye vasingateereri chokwadi asi vanoteerera kusarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha, | |
Roma | Shona | 2:9 | dambudziko nekumanikidzika, pamusoro pemweya umwe neumwe wemunhu anoita zvakaipa, pakutanga wemuJudha newemuGirikiwo; | |
Roma | Shona | 2:10 | asi kubwinya nerukudzo nerugare kune umwe neumwe anoita zvakanaka, kumuJudha pakutanga, nekumuGirikiwo; | |
Roma | Shona | 2:12 | Nokuti vese vakatadza vasina murairo, vachapararawo vasina murairo; uye vese vakatadza mumurairo, vachatongwa nemurairo; | |
Roma | Shona | 2:13 | nokuti havasi vanzwi vemurairo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vemurairo vachanzi vakarurama. | |
Roma | Shona | 2:14 | Nokuti kana vahedheni vasina murairo vachiita pachisikirwo zviri pamurairo, ivo, vasina murairo, ndivo murairo kwavari vamene; | |
Roma | Shona | 2:15 | vanoratidza basa remurairo wakanyorwa mumoyo yavo; hana yavo ichipupurawo, nemirangariro ichipa mhosva kanawo kuvapembedza pakati pavo, | |
Roma | Shona | 2:16 | nezuva Mwari raachatonga zvakavanzika zvevanhu, naJesu Kristu, maererano neevhangeri yangu. | |
Roma | Shona | 2:20 | murairiri wemapenzi, mudzidzisi wevacheche, une chimiro cheruzivo nechechokwadi mumurairo; | |
Roma | Shona | 2:21 | naizvozvo iwe anodzidzisa umwe, hauzvidzidzisi here? Iwe anoparidza kuti usaba, unoba here? | |
Roma | Shona | 2:24 | Nokuti zita raMwari rinonyombwa pakati pevahedheni nekuda kwenyu, sezvo zvakanyorwa. | |
Roma | Shona | 2:25 | Nokuti kudzingiswa kunobatsira zvirokwazvo, kana uchiita murairo; asi kana uri mudariki wemurairo, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa. | |
Roma | Shona | 2:26 | Naizvozvo kana kusadzingiswa kuchichengeta zviga zvemurairo, kusadzingiswa kwake hakuverengwi kuti kudzingiswa here? | |
Roma | Shona | 2:27 | Nekusadzingiswa kwepachisikirwo, kana kuchizadzisa murairo, hakungakutongi here iwe mudariki wemurairo nerugwaro uye nekudzingiswa? | |
Chapter 3
Roma | Shona | 3:3 | Nokuti ko kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kuchashayisa kutendeka kwaMwari maturo here? | |
Roma | Shona | 3:4 | Ngazvisadaro! Asi Mwari ngaave wechokwadi, asi munhu wese murevi wenhema, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kuti munzi makarurama pamashoko enyu, uye mukunde pakutongwa kwenyu. | |
Roma | Shona | 3:5 | Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichati chii? Kuti Mwari haana kururama here anodurura hasha? (Ndinotaura semunhu.) | |
Roma | Shona | 3:7 | Nokuti kana chokwadi chaMwari chakawanzwa nenhema dzangu parumbidzo yake, ini ndichiri kutongerweiwo semutadzi? | |
Roma | Shona | 3:8 | Uye zvikasadaro tichapomerwa zvakaipa, uye sezvinotaura vamwe kuti tinoti: Ngatiite zvakaipa kuti zvakanaka zviuye? Kuraswa kwavo kunova kwakarurama. | |
Roma | Shona | 3:9 | Ko zvino? Tiri nani here? Kwete nepadiki pese; nokuti tambopa mhosva vese VaJudha neVaGiriki kuti vese vari pasi pechivi, | |
Roma | Shona | 3:12 | vese vakatsauka, vakava pamwe vasina maturo; hakuna anoita zvakanaka, hakuna kunyange neumwe; | |
Roma | Shona | 3:13 | huro yavo iguva rakashama; nendimi dzavo vakanyengera; uturu hwemhungu huri pasi pemiromo yavo; | |
Roma | Shona | 3:19 | Zvino tinoziva kuti zvese murairo zvaunoreva, unozvireva kune vari pasi pemurairo; kuti muromo umwe neumwe udzivirwe, nenyika yese ive nemhosva kuna Mwari; | |
Roma | Shona | 3:20 | naizvozvo nemabasa emurairo hakuna nyama ichanzi yakarurama pamberi pake; nokuti nemurairo kune ruzivo rwechivi. | |
Roma | Shona | 3:21 | Asi ikozvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwemurairo, kuchipupurwa nemurairo nevaporofita; | |
Roma | Shona | 3:22 | ikowo kururama kwaMwari kubudikidza nerutendo rwaJesu Kristu kune vese nepamusoro pevese vanotenda; nokuti hapana musiyano; | |
Roma | Shona | 3:24 | vachinzi vakarurama pachena nenyasha dzake kubudikidza nerudzikunuro rwuri muna Kristu Jesu; | |
Roma | Shona | 3:25 | iye Mwari waakagadza kuva muripo wekuyananisa, nerutendo muropa rake, kuva chiratidzo chekururama kwake, nekusarangarira zvivi zvakaitwa kare mukuva nemoyo murefu kwaMwari; | |
Roma | Shona | 3:26 | kuti chive chiratidzo chekururama kwake panguva yaikozvino, kuti ave wakarurama uye kururamisa werutendo rwaJesu. | |
Roma | Shona | 3:27 | Naizvozvo kuzvikudza kuripi? Kwavharirwa kunze. Nemurairo upi? Wemabasa here? Kwete, asi nemurairo werutendo. | |
Roma | Shona | 3:28 | Naizvozvo tinogura kuti munhu anonzi wakarurama nerutendo, kunze kwemabasa emurairo. | |
Roma | Shona | 3:30 | Mwari zvaari zvirokwazvo mumwe, achati kudzingiswa kwakarurama kubva parutendo, nevasina kudzingiswa nerutendo. | |
Chapter 4
Roma | Shona | 4:2 | Nokuti kana Abhurahama akanzi wakarurama nemabasa, ane kuzvikudza, asi kwete pamberi paMwari. | |
Roma | Shona | 4:3 | Nokuti rugwaro rwunoti kudini? Rwunoti: Abhurahama wakatenda kuna Mwari, zvikaverengwa kwaari kuti kururama. | |
Roma | Shona | 4:5 | Asi kune asingashandi, asi anotenda kuna iye anoshaisa mhosva asingadi Mwari, rutendo rwake rwunoverengerwa kuti kururama. | |
Roma | Shona | 4:6 | Uye sezvo Dhavhidhi achitsanangura kuropafadzwa kwemunhu, Mwari waanoverengera kururama kunze kwemabasa, achiti: | |
Roma | Shona | 4:9 | Naizvozvo kuropafadzwa uku kuri pamusoro pekudzingiswa here, kana pamusoro pekusadzingiswawo? Nokuti tinoti: Rutendo rwakaverengwa kuna Abhurahama kuti kururama. | |
Roma | Shona | 4:10 | Ko kwakaverengwa sei? Paakange ari mukudzingiswa here, kana mukusadzingiswa? Kwete mukudzingiswa, asi mukusadzingiswa. | |
Roma | Shona | 4:11 | Zvino wakagamuchira chiratidzo chekudzingiswa, mucherechedzo wekururama kwerutendo, rwaakange anarwo mukusadzingiswa; kuti ave baba vevese vanotenda mukusadzingiswa, kuti kururama kuverengerwe kwavariwo; | |
Roma | Shona | 4:12 | uye baba vekudzingiswa kune avo vasiri vanobva mukudzingiswa chete, asi vanofambawo mumakwara erutendo rwababa vedu Abhurahama kwavaiva nako mukusadzingiswa. | |
Roma | Shona | 4:13 | Nokuti chivimbiso hachina kuva kuna Abhurahama kana kumbeu yake kubudikidza nemurairo, chekuva mugari wenhaka yenyika, asi nekururama kwerutendo. | |
Roma | Shona | 4:14 | Nokuti kana ivo vanobva pamurairo vari vagari venhaka, rutendo rwunoshaiswa maturo, nechivimbiso chinokoneswa; | |
Roma | Shona | 4:16 | Naizvozvo ndezverutendo, kuti zvive zvenyasha, kuti chivimbiso chisimbiswe kumbeu yese; isati iri yemurairo chete asi neiyo yerutendo rwaAbhurahama, anova baba vedu tese, | |
Roma | Shona | 4:17 | (sezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakakugadza uve baba vemarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari, anoraramisa vakafa, neanodana zvisipo sekunge zviripo. | |
Roma | Shona | 4:18 | Iye achipokana netariro wakatenda kutariro, kuti achava baba vemarudzi mazhinji, sezvakange zvataurwa kuti: Ichaita saizvozvo mbeu yako. | |
Roma | Shona | 4:19 | Uye haana kushaiwa simba parutendo, haana kurangarira muviri wake womene wakange watofa, ava nemakore anenge zana, uye kufa kwechizvaro chaSara; | |
Roma | Shona | 4:20 | asi haana kuva nechokwadi nechivimbiso chaMwari nekusatenda, asi wakasimbiswa parutendo, achipa rumbidzo kuna Mwari, | |
Roma | Shona | 4:24 | asi nekuda kweduwo, tichaverengerwa icho, tinotenda kune wakamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa, | |
Chapter 5
Roma | Shona | 5:1 | Naizvozvo zvatakanzi takarurama nerutendo, tine rugare kuna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, | |
Roma | Shona | 5:2 | watine mapindirowo naye nerutendo munyasha idzi dzatinomira madziri, tichizvikudza mutariro yekubwinya kwaMwari. | |
Roma | Shona | 5:3 | Zvisati zviri izvo chetewo, asi tichizvikudzawo mumatambudziko, tichiziva kuti dambudziko rinouisa kutsungirira, | |
Roma | Shona | 5:5 | uye tariro hainyadzisi, nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumoyo yedu neMweya Mutsvene wakapiwa kwatiri. | |
Roma | Shona | 5:7 | Nokuti zvinorema kuti umwe afire wakarurama; nokuti zvimwe kungavapo kunyange angatsunga kufira wakanaka. | |
Roma | Shona | 5:8 | Asi Mwari anosimbisa rudo rwake amene kwatiri, kuti tichiri vatadzi Kristu wakatifira. | |
Roma | Shona | 5:9 | Naizvozvo zvikurusa, ikozvino zvatinonzi takarurama muropa rake, tichaponeswa naye pahasha. | |
Roma | Shona | 5:10 | Nokuti kana pataiva vavengi takayananiswa naMwari nerufu rweMwanakomana wake, kunyanya zvatakayananiswa tichaponeswa muupenyu hwake; | |
Roma | Shona | 5:11 | zvisati zviri izvozvowo chete, asi tinozvikudzawo muna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, watakagamuchira ikozvino naye chiyananiso. | |
Roma | Shona | 5:12 | Naizvozvo, chivi sezvachakapinda munyika nemunhu umwe, nerufu rukapinda nechivi, uye saizvozvo rufu rwakapfuurira kuvanhu vese, nokuti vese vakatadza; | |
Roma | Shona | 5:13 | nokuti kusvika murairo wavapo chivi chakange chiripo panyika; nokuti chivi hachiverengerwi, pasina murairo, | |
Roma | Shona | 5:14 | asi rufu rwakabata ushe kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Mozisi, kunyange pamusoro pevakange vasina kutadza zvakafanana sekudarika kwaAdhamu, anova mufananidzo waiye wakange achizouya. | |
Roma | Shona | 5:15 | Asi kwete sekudarika, zvakaitawo chipo chenyasha. Nokuti kana nekudarika kweumwe vazhinji vakafa, kunyanya kazhinji nyasha dzaMwari nechipo zvakawandira vazhinji nenyasha dzemunhu umwe, Jesu Kristu. | |
Roma | Shona | 5:16 | Uye chipo hachina kuita seumwe wakatadza; nokuti kutongwa kwakabva kuneumwe kuchienda mukupiwa mhosva, asi chipo chenyasha chinobva pazvitadzo zvizhinji chichienda mukushaiswa mhosva. | |
Roma | Shona | 5:17 | Nokuti kana nekudarika kweumwe rufu rwakatonga naiyeyu ega, kunyanya ivo vanogamuchira kuwanda kwenyasha nekwechipo chekururama vachatonga paupenyu naiyeyu umwe, Jesu Kristu. | |
Roma | Shona | 5:18 | Naizvozvo sezvo nekudarika kweumwe kutonga kwakauya kuvanhu vese, mukupiwa mhosva, saizvozvowo nekururama kweumwe, nyasha dzakauya kuvanhu vese mukusapiwa mhosva kweupenyu. | |
Roma | Shona | 5:19 | Nokuti sezvo nekusateerera kwemunhu umwe vazhinji vakaitwa vatadzi, saizvozvowo nekuteerera kweumwe, vazhinji vachaitwa vakarurama. | |
Roma | Shona | 5:20 | Asi murairo wakapinda ukawedzera, kuti kudarika kuwande; asi chivi pachakawanda, nyasha dzakawanda nekupfuurisa; | |
Chapter 6
Roma | Shona | 6:3 | Kana hamuzivi here kuti isu tese takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake? | |
Roma | Shona | 6:4 | Naizvozvo takavigwa pamwe naye murufu nerubhabhatidzo; kuti sezvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa nekubwinya kwaBaba, saizvozvo isuwo tifambe pautsva hweupenyu. | |
Roma | Shona | 6:5 | Nokuti kana takadzvarwa pamwe pakufanana kwerufu rwake, asi tichadarowo pakumuka kwake; | |
Roma | Shona | 6:6 | tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakarovererwa pamwe naye, kuti muviri wechivi uparadzwe, kuti isu tisachishumira chivi; | |
Roma | Shona | 6:9 | tichiziva kuti Kristu amutswa kubva kuvakafa haafizve; rufu haruchina simba pamusoro pake. | |
Roma | Shona | 6:10 | Nokuti pakuti wakafa, wakafa kamwe kuchivi; zvino pakuti anorarama, anorarama kuna Mwari. | |
Roma | Shona | 6:11 | Saizvozvo nemwi zviverengei semakafa zvirokwazvo kuchivi, asi munorarama kuna Mwari naKristu Jesu Ishe wedu. | |
Roma | Shona | 6:12 | Naizvozvo chivi ngachirege kutonga mumuviri wenyu unofa, kuti muchiteerere kuchiva kwacho; | |
Roma | Shona | 6:13 | uye musapa mitezo yenyu ive midziyo yekusarurama kuchivi; asi muzvipe imwi kuna Mwari sevapenyu kubva kuvakafa, nemitezo yenyu ive midziyo yekururama kuna Mwari. | |
Roma | Shona | 6:14 | Nokuti chivi hachizotongi pamusoro penyu; nokuti hamusi pasi pemurairo, asi pasi penyasha. | |
Roma | Shona | 6:15 | Ko zvino? Tichatadza here, nokuti hatisi pasi pemurairo, asi pasi penyasha? Ngazvisadaro! | |
Roma | Shona | 6:16 | Hamuzivi here kuti uyo wamunozvipa kwaari muve varanda vekumuteerera, muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vechivi chinoisa kurufu, kana vekuteerera kunoisa kukururama? | |
Roma | Shona | 6:17 | Asi Mwari ngaavongwe, kuti maiva varanda vechivi, asi mava kuteerera kubva pamoyo muenzaniso wedzidziso wamakakumikidzwa kwauri; | |
Roma | Shona | 6:19 | Ndinotaura nenzira yevanhu nekuda kweutera hwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuva varanda kutsvina neuipi zvinoisa kune zvakaipa, saizvozvo ikozvino ipai mitezo yenyu kuva varanda vekururama kunoisa kuutsvene. | |
Roma | Shona | 6:21 | Naizvozvo maiva nechibereko chei panguva iyo pazvinhu izvo zvamava kunyadziswa nazvo ikozvino? Nokuti mugumo wezvinhu izvo rufu. | |
Roma | Shona | 6:22 | Asi ikozvino zvamakasunungurwa pachivi, mukaitwa varanda kuna Mwari, mune chibereko chenyu chinoisa kuutsvene, uye mugumo upenyu husingaperi. | |
Chapter 7
Roma | Shona | 7:1 | Hamuzivi here, hama (nokuti ndinotaura kuna avo vanoziva murairo), kuti murairo unotonga munhu nguva yese yaanenge ari mupenyu? | |
Roma | Shona | 7:2 | Nokuti mukadzi akawanikwa wakasungwa nemurairo kumurume anorarama; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo wemurume. | |
Roma | Shona | 7:3 | Naizvozvo zvino kana murume ari mupenyu, achanzi chifeve kana akava weumwe murume; asi kana murume afa, wasununguka pamurairo, kuti asava chifeve, kana akava wemumwe murume. | |
Roma | Shona | 7:4 | Naizvozvo, hama dzangu, nemwi makaitwa vakafa kumurairo nemuviri waKristu, kuti muve veumwe, kuna iye wakamutswa kubva kuvakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko. | |
Roma | Shona | 7:5 | Nokuti pataiva munyama, kuchiva kwezvivi zvaiva kubidikidza nemurairo kwakabata mumitezo yedu kubereka zvibereko zvinoisa kurufu. | |
Roma | Shona | 7:6 | Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kune zvatakange takabatwa nazvo, kuti tishumire muutsva hwemweya, kwete neutsaru hwerugwaro. | |
Roma | Shona | 7:7 | Ko zvino tichatii? Murairo chivi here? Ngazvisadaro! Asi handisaiziva chivi, kunze kwekubudikidza nemurairo; nokuti handisaizivawo ruchiva, kana murairo wakange usina kureva kuti: Usachiva. | |
Roma | Shona | 7:8 | Asi chivi, chawana mukana nemurairo, chikaita mandiri ruchiva rwese; nokuti kunze kwemurairo chivi chakafa. | |
Roma | Shona | 7:9 | Ini ndakambova mupenyu kunze kwemurairo, asi murairo pawakasvika, chivi chakava chipenyuzve, neni ndikafa; | |
Roma | Shona | 7:13 | Naizvozvo zvakanaka zvakava rufu mandiri here? Ngazvisadaro! Asi chivi, kuti chiratidzwe kuti chivi, chinobata rufu mandiri nezvakanaka; kuti chivi nemurairo chive chakaipa kwazvo-kwazvo. | |
Roma | Shona | 7:14 | Nokuti tinoziva kuti murairo ndewemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pechivi. | |
Roma | Shona | 7:15 | Nokuti icho chandinoita, handichizivi; nokuti chandinoda, ndicho chandisingaiti; asi chandinovenga, ndicho chandinoita. | |
Roma | Shona | 7:18 | Nokuti ndinoziva kuti mandiri, ndiko kuti munyama yangu, hamugari chakanaka; nokuti kuda kurimo mandiri, asi kuita chakanaka handikuwani. | |
Roma | Shona | 7:19 | Nokuti chakanaka chandinoda, handiiti; asi chakaipa chandisingadi, ndicho chandinoita. | |
Roma | Shona | 7:20 | Zvino kana ndichiita icho chandisingadi ini, handisisiri ini ndinochiita, asi chivi chinogara mandiri. | |
Roma | Shona | 7:21 | Naizvozvo ndinowana murairo wekuti kana ndichida kuita chakanaka, chakaipa chiripo pandiri. | |
Roma | Shona | 7:23 | asi ndinoona umwe murairo mumitezo yangu unorwa nemurairo wemurangariro wangu, uye uchanditapira kumurairo wechivi uri mumitezo yangu. | |
Chapter 8
Roma | Shona | 8:1 | Naizvozvo ikozvino hakuna kupiwa mhosva kune vari muna Kristu Jesu vasingafambi maererano nenyama, asi maererano neMweya. | |
Roma | Shona | 8:2 | Nokuti murairo weMweya weupenyu muna Kristu Jesu wakandisunungura kubva pamurairo wechivi newerufu. | |
Roma | Shona | 8:3 | Nokuti zvakange zvisingagoneki nemurairo, pakuti wakange une utera nekuda kwenyama, Mwari achituma Mwanakomana wake mumufananidzo wenyama yezvivi, uye nekuda kwechivi, wakapa mhosva chivi munyama; | |
Roma | Shona | 8:4 | kuti kururama kwemurairo kuzadziswe matiri, tisingafambi maererano nenyama, asi maererano neMweya. | |
Roma | Shona | 8:7 | nokuti kufunganya kwenyama ruvengo kuna Mwari; nokuti hakuzviisi pasi pemurairo waMwari; nokuti hakugoniwo; | |
Roma | Shona | 8:9 | Asi imwi hamusi munyama, asi muMweya, kana zvirokwazvo Mweya waMwari achingogara mamuri. Asi kana umwe asina Mweya waKristu, uyu haasi wake. | |
Roma | Shona | 8:10 | Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wakafa nekuda kwechivi, asi mweya upenyu nekuda kwekururama. | |
Roma | Shona | 8:11 | Zvino kana Mweya waiye wakamutsa Jesu kubva kuvakafa achigara mamuri, iye wakamutsa Kristu kubva kuvakafa achararamisawo miviri yenyu inofa neMweya wake anogara mamuri. | |
Roma | Shona | 8:13 | nokuti kana muchirarama maererano nenyama, muchafa; asi kana muchiuraya mabasa emuviri neMweya, muchararama. | |
Roma | Shona | 8:15 | Nokuti hamuna kugamuchira mweya weuranda kuti mutyezve, asi makagamuchira mweya wekuitwa vana, watinodana nawo tichiti: Abha*, Baba. | |
Roma | Shona | 8:17 | zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhakawo; vadyi venhaka vaMwari, nevadyi venhaka pamwe naKristu; kana zvirokwazvo tichitambudzika naye, kuti tikudzwewo pamwe naye. | |
Roma | Shona | 8:18 | Nokuti ndinoona kuti matambudziko enguva yaikozvino haana kufanira kuenzaniswa nekubwinya kuchazoratidzwa kwatiri. | |
Roma | Shona | 8:20 | Nokuti chisikwa chakaiswa pasi pekushaiwa maturo, kwete nekuda, asi nekuda kwaiye wakachiisa pasi; mutariro | |
Roma | Shona | 8:21 | kuti chisikwa pachachowo chichasunungurwa kubva pauranda hwekuora, chiiswe parusununguko rwekubwinya kwevana vaMwari. | |
Roma | Shona | 8:22 | Nokuti tinoziva kuti chisikwa chese chinogomera pamwe nekurwadziwa pamwe chete kusvikira ikozvino. | |
Roma | Shona | 8:23 | Zvisati zviri izvo chete, asi nesu tomene, tine chibereko chekutanga cheMweya, nesu tomene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa vana, rudzikunuro rwemuviri wedu. | |
Roma | Shona | 8:24 | Nokuti tinoponeswa netariro; asi tariro inoonekwa haisi tariro; nokuti izvo munhu zvaanoona, achazvitaririreizve? | |
Roma | Shona | 8:26 | Saizvozvo neMweyawo unobatsira utera hwedu; nokuti hatizivi chatinofanira kunyengeterera sezvinofanira, asi Mweya amene anotireverera nekugomera kusingatauriki; | |
Roma | Shona | 8:27 | zvino iye anonzvera moyo anoziva fungwa yeMweya kuti chii, nokuti anoreverera vatsvene maererano naMwari. | |
Roma | Shona | 8:28 | Uye tinoziva kuti zvinhu zvese zvinobata pamwe kuti zvinakire avo vanoda Mwari, avo vakadanwa maererano nezano rake. | |
Roma | Shona | 8:29 | Nokuti vaakagara aziva, wakagarawo avatemera kuti vafanane nechimiro cheMwanakomana wake, kuti iye ave dangwe pakati pehama zhinji; | |
Roma | Shona | 8:30 | neavo vaakagara atemera, ndivo vaakadanawo; nevaakadana, ndivo vaakaruramisawo; nevaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo. | |
Roma | Shona | 8:32 | Iye asina kutongoramba neMwanakomana wake pachake, asi wakamukumikidza nekuda kwedu tese, angarega sei kutipa zvese pachena pamwe nayewo? | |
Roma | Shona | 8:34 | ndiani anopa mhosva? NdiKristu wakafa, uye zvikuru wakamutswawo, uye ari kuruoko rwerudyi rwaMwari, uye anotireverera. | |
Roma | Shona | 8:35 | Ndiani achatiparadzanisa nerudo rwaKristu? Kutambudzika, kana kumanikidzika, kana kushushwa, kana nzara, kana kushama, kana njodzi, kana munondo here? | |
Roma | Shona | 8:36 | Sezvazvakanyorwa kuti: Nekuda kwenyu tinourawa zuva rese; tinoverengwa semakwai ekubaiwa. | |
Roma | Shona | 8:38 | Nokuti ndine chokwadi kuti harwusi rufu kana upenyu kana vatumwa kana utungamiriri kana masimba kana zvinhu zviripo kana zvinhu zvinouya | |
Chapter 9
Roma | Shona | 9:1 | Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handinyepi, hana yangu ichipupurirana neni muMweya Mutsvene, | |
Roma | Shona | 9:3 | Nokuti ndaishuva kuti ini ndomene nditukwe kuna Kristu nekuda kwehama dzangu, verudzi rwangu panyama; | |
Roma | Shona | 9:4 | vari VaIsraeri, vane kuitwa vana, nekubwinya, nesungano, nekupiwa kwemurairo, neushumiri hwaMwari, nezvivimbiso, | |
Roma | Shona | 9:5 | madzibaba ndeavo, naKristu wakabva kwavari panyama, ari pamusoro pezvese, Mwari anokudzwa narinhi. Ameni. | |
Roma | Shona | 9:6 | Asi kwete shoko raMwari serakakundikana. Nokuti havasi vese vakabva kuna Israeri, vari VaIsraeri; | |
Roma | Shona | 9:7 | kwete nokuti imbeu yaAbhurahama, vese vana; asi zvinonzi: Kuna Isaka ndiko kuchadanwa mbeu yako. | |
Roma | Shona | 9:8 | Ndiko kuti, havasi vana venyama, ivo vari vana vaMwari; asi vana vechivimbiso vanoverengerwa kumbeu. | |
Roma | Shona | 9:9 | Nokuti iri ishoko rechivimbiso rinoti: Nenguva ino ndichauya, uye Sara achava nemwanakomana. | |
Roma | Shona | 9:11 | nokuti vana vasati vaberekwa, kana kumboita chakanaka kana chakaipa, kuti zano raMwari maererano nesananguro rigare, kwete kubva pamabasa, asi kubva kune anodana, | |
Roma | Shona | 9:15 | Nokuti anoti kuna Mozisi: Ndichava netsitsi kune wandine tsitsi naye, ndichanzwira ngoni wandinonzwira ngoni. | |
Roma | Shona | 9:16 | Naizvozvo zvakadaro hazvisi zveanoda, kana zveanomhanya, asi zvaMwari anonzwira tsitsi. | |
Roma | Shona | 9:17 | Nokuti rugwaro rwunoti kuna Farao: Ndizvozvi zvandakakumutsira, kuti ndiratidze simba rangu mauri, uye kuti zita rangu riparidzwe panyika yese. | |
Roma | Shona | 9:19 | Zvino iwe uchati kwandiri: Iye achiri kuwanirei mhosva? Nokuti ndiani angapikisa kuda kwake? | |
Roma | Shona | 9:20 | Haiwa, iwe munhu ndiwe ani anokakavadza Mwari? Chakaumbiwa chingati here kune wakaumba: Wakandiitirei sezvizvi? | |
Roma | Shona | 9:21 | Kana muumbi haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo umwe unokudzwa, neumwe unozvidzwa? | |
Roma | Shona | 9:22 | Uye kana Mwari achida kuratidza hasha, nekuzivisa simba rake, wakatakura nemoyo murefu kwazvo midziyo yehasha yakagadzirirwa kuparadzwa; | |
Roma | Shona | 9:23 | uye kuti azivise fuma yekubwinya kwake pamidziyo yetsitsi, yaakagara agadzirira kubwinya, | |
Roma | Shona | 9:25 | Sezvaanorevawo muna Hosiya achiti: Ndichavaidza vanhu vangu ivo vasiri vanhu vangu; naiye wakange asingadikanwi mudikanwi; | |
Roma | Shona | 9:26 | zvino zvichaitika kuti, panzvimbo pazvakanzi kwavari: Hamusi vanhu vangu imwi, ipapo vachaidzwa vana vaMwari mupenyu. | |
Roma | Shona | 9:27 | Isaya anodanidzirawo maererano naIsraeri achiti: Kunyange uwandu hwevana vaIsraeri hukaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa; | |
Roma | Shona | 9:28 | nokuti achapedza basa nekurigurisira mukururama; nokuti Ishe achagurisira basa panyika. | |
Roma | Shona | 9:29 | Uye Isaya sezvaakagara areva achiti: Dai Ishe wehondo asina kutisiira mbeu, tingadai takava seSodhoma, uye takaitwa takafanana neGomora. | |
Roma | Shona | 9:30 | Ko tichatii? Kuti vahedheni vasingatsvaki kururama, vakabata kururama, iko kururama kunobva parutendo; | |
Roma | Shona | 9:32 | Nekuda kwei? Nokuti havana kutsvaka nerutendo, asi nezvainge namabasa emurairo; nokuti vakagumburwa pabwe rekugumbura. | |
Chapter 10
Roma | Shona | 10:1 | Hama, chishuwo chemoyo wangu nemukumbiro kuna Mwari pamusoro paIsraeri ndiko kuti vaponeswe. | |
Roma | Shona | 10:3 | nokuti vasingazivi kururama kwaMwari, uye vachitsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, vakasazviisa pasi pekururama kwaMwari. | |
Roma | Shona | 10:5 | Nokuti Mozisi anonyora kururama kuri kwemurairo, kuti munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo. | |
Roma | Shona | 10:6 | Asi kururama kunobva parutendo kunotaura sezvizvi: Usati mumoyo mako: Ndiani achakwira kudenga? Ndiko kuti kuburusa Kristu; | |
Roma | Shona | 10:7 | kana kuti: Ndiani achaburukira mukudzika? Ndiko kuti kukwidza Kristu kubva kuvakafa. | |
Roma | Shona | 10:8 | Asi kunoti kudini? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako nemumoyo mako; iri ishoko rerutendo ratinoparidza; | |
Roma | Shona | 10:9 | kuti kana iwe ukabvuma nemuromo wako Ishe Jesu, uye ukatenda mumoyo mako kuti Mwari wakamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa; | |
Roma | Shona | 10:12 | Nokuti hapana musiyano pakati pemuJudha nemuGiriki; nokuti Ishe ndeumwe wevese, wakafuma kune vese vanodana kwaari. | |
Roma | Shona | 10:14 | Zvino vachadana sei wavasina kutenda kwaari? Uye vachatenda sei wavasina kunzwa nezvake? Uye vachanzwa sei vasina anoparidza? | |
Roma | Shona | 10:15 | Zvino vachaparidza sei kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzevanoparidza evhangeri yerugare, dzevanoparidza evhangeri yezvakanaka? | |
Roma | Shona | 10:16 | Asi vese havana kuteerera evhangeri. Nokuti Isaya anoti: Ishe, ndiani wakatenda zvatakasuma? | |
Roma | Shona | 10:18 | Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu zvirokwazvo, inzwi ravo rakabuda kunyika yese, nemashoko avo kumigumo yenyika. | |
Roma | Shona | 10:19 | Asi ndinoti: Israeri haana kunzwisisa here? Pakutanga Mozisi anoti: Ini ndichakumutsirai godo nevasiri rudzi, nerudzi rusingafungi ndichakutsamwisai. | |
Roma | Shona | 10:20 | NaIsaya akashinga anotiwo: Ndakawanikwa nevasina kunditsvaka, ndakaonekwa kune vasina kundibvunza. | |
Chapter 11
Roma | Shona | 11:1 | Naizvozvo ndinoti: Mwari wakarasa vanhu vake here? Ngazvisadaro! Nokuti iniwo ndiri muIsraeri, kubva pambeu yaAbhurahama, werudzi rwaBhenjamini. | |
Roma | Shona | 11:2 | Mwari haana kurasa vanhu vake vaakagara aziva. Kana hamuzivi kuti rugwaro rwunoti kudini kuna Eria here? Kuti anoreverera sei kuna Mwari achipesana neVaIsraeri, achiti: | |
Roma | Shona | 11:3 | Ishe, vakauraya vaporofita venyu, uye vakaputsa aritari dzenyu; zvino ini ndasara ndega, uye vanotsvaka upenyu hwangu. | |
Roma | Shona | 11:4 | Asi mhinduro yaMwari inoti kudii kwaari? Inoti: Ndakazvisiira zvuru zvinomwe zvevarume, vasina kufugamira ibvi kuna Bhaari. | |
Roma | Shona | 11:5 | Zvino saizvozvo nemunguva yaikozvino variko vakasara maererano nesananguro yenyasha. | |
Roma | Shona | 11:6 | Asi kana zviri zvenyasha, hazvichabvi pamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzisisiri nyasha. Asi kana zvichibva pamabasa, hadzisati dzichiri nyasha; kana zvisakadaro basa harisati richiri basa. | |
Roma | Shona | 11:7 | Ko zvino? Israeri zvaakange achitsvaka, haana kuzviwana, asi vasanangurwa vakazviwana, vamwewo vakaomeswa; | |
Roma | Shona | 11:8 | sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wehope huru, meso kuti varege kuona, nenzeve kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi. | |
Roma | Shona | 11:9 | NaDhavhidhi anoti: Tafura yavo ngaiitwe rudzingi nemusungo, nechigumbuso nekutsiva kwavari; | |
Roma | Shona | 11:11 | Naizvozvo ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Ngazvisadaro! Asi nekudarika kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuvamutsira godo. | |
Roma | Shona | 11:12 | Zvino kana kudarika kwavo kuri fuma yenyika, nekukundikana kwavo ifuma yevahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo? | |
Roma | Shona | 11:13 | Nokuti ndinotaura kwamuri vahedheni; sezvo ndiri ini muapositori wevahedheni, ndinokudza ushumiri hwangu; | |
Roma | Shona | 11:15 | Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kuchaveiko, kunze kwekuti upenyu hunobva kuvakafa? | |
Roma | Shona | 11:16 | Zvino kana chibereko chekutanga chiri chitsvene, bunduwo rakadaro; uye kana mudzi uri mutsvene, nematavi akadaro. | |
Roma | Shona | 11:17 | Asi kana mamwe ematavi akavhuniwa, newe uri muorivhi wekudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava mugovani pamwe nawo pamudzi nepamafuta emuorivhi, | |
Roma | Shona | 11:18 | usazvikudza pamusoro pematavi; asi kana uchizvikudza, hausi iwe anotakura mudzi, asi mudzi unokutakura iwe. | |
Roma | Shona | 11:22 | Zvino tarira unyoro nekuomarara kwaMwari; kune vanowa, kuomarara; asi kwauri, unyoro, kana uchigara paunyoro hwake; kana zvikasadaro newe ungatemwa. | |
Roma | Shona | 11:23 | Naivowo, kana vasingagari pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidzazve. | |
Roma | Shona | 11:24 | Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi uri wedondo pachisikirwo, ukabatanidzwa zvinopesana nechisikirwo pamuorivhi wakasimwa, vangabatanidzwa zvikuru sei avo vari matavi echisikirwo pamuorivhi wekwavo? | |
Roma | Shona | 11:25 | Nokuti handidi kuti musaziva, hama, zvechakavanzika ichi, kuti murege kuzviita vakangwara, kuti kuomeswa kwemoyo kwakawira Israeri muchidimbu kusvikira kwapinda kuzara kwavahedheni; | |
Roma | Shona | 11:26 | saizvozvowo Israeri wese achaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabva Musununguri achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho. | |
Roma | Shona | 11:28 | Maererano neevhangeri vavengi nekuda kwenyu; asi maererano nekusanangura vadikanwi nekuda kwemadzibaba; | |
Roma | Shona | 11:30 | Nokuti semwiwo kare musina kuteerera Mwari, asi zvino makanzwirwa tsitsi nekusateerera kwavo; | |
Roma | Shona | 11:31 | saizvozvo naivava ikozvino havana kuteerera, kuti netsitsi dzenyu naivo vanzwirwe tsitsi; | |
Roma | Shona | 11:33 | Haiwa kudzika kwefuma, zvese yeuchenjeri neruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunzverwi zvakadini, nenzira dzake hadzirondwi! | |
Chapter 12
Roma | Shona | 12:1 | Naizvozvo ndinokukumbirisai, hama, netsitsi dzaMwari, mupire miviri yenyu, chive chibairo chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, ndiko kunamata kwenyu kunonzwisisika. | |
Roma | Shona | 12:2 | Uye musazvifananidza nenyika ino, asi mushandurwe nekuvandudzwa kwefungwa yenyu, kuti muidze chiri chido chaMwari chakanaka uye chinogamuchirika uye chakazara. | |
Roma | Shona | 12:3 | Nokuti ndinoti, nenyasha dzakapiwa kwandiri, kune umwe neumwe ari pakati penyu, arege kuzvifunga kuti mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge neuchenjeri, Mwari sezvaakagovera umwe neumwe chiyero cherutendo. | |
Roma | Shona | 12:4 | Nokuti sezvatine mitezo mizhinji pamuviri umwe, asi mitezo yese haina basa rakafanana; | |
Roma | Shona | 12:5 | saizvozvo tiri vazhinji, tiri muviri umwe muna Kristu, uye umwe neumwe tiri mitezo weumwe kune umwe. | |
Roma | Shona | 12:6 | Uye tine zvipo zvakasiyana maererano nenyasha dzinopiwa kwatiri; kungava kuporofita, ngatiporofite nechiyero cherutendo; | |
Roma | Shona | 12:8 | kana anoraira, pakuraira; anopa, ngaape nemoyo wese; anotonga, ngaatonge nekushingaira; anoitira tsitsi, nemufaro. | |
Roma | Shona | 12:16 | Ivai vemoyo umwe, umwe kune umwe. Musafunganya zvinhu zvakakwirira, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musazviidza vakachenjera. | |
Roma | Shona | 12:17 | Musatsiva ani zvake chakaipa nechakaipa. Muchirangarirai zvakarurama pamberi pevanhu vese. | |
Roma | Shona | 12:19 | Vadikanwi, musazvitsivira, asi ipai hasha nzvimbo; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, anodaro Ishe. | |
Roma | Shona | 12:20 | Naizvozvo kana muvengi wako ane nzara, mupe kudya; kana ane nyota, munwise; nokuti mukuita izvozvo, uchadurikidza mazimbe emoto pamusoro wake. | |
Chapter 13
Roma | Shona | 13:1 | Mweya umwe neumwe ngauzviise pasi pemasimba epamusoro; nokuti hakuna simba kunze kwerakabva kuna Mwari; masimba aripo akagadzwa naMwari. | |
Roma | Shona | 13:2 | Naizvozvo anopikisa simba anopikisa chimiso chaMwari; zvino ivo vanopikisa vanozvigamuchirira kuraswa. | |
Roma | Shona | 13:3 | Nokuti vatongi havasi chityiso kumabasa akanaka, asi kune akaipa. Zvino unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, zvino uchava nerumbidzo kubva kwariri; | |
Roma | Shona | 13:4 | nokuti ndiro muranda waMwari kuti zvikunakire. Asi kana uchiita zvakaipa, itya; nokuti harina kubatira munondo pasina; nokuti muranda waMwari, mutsivi pahasha kune anoita zvakaipa. | |
Roma | Shona | 13:5 | Naizvozvo zvakafanira kuzviisa pasi, kwete nekuda kwehasha chete, asi nekuda kwehanawo. | |
Roma | Shona | 13:6 | Nokuti nekuda kwezvizvi munoterawo; nokuti varanda vaMwari, vanoramba vachibatirira chinhu ichochi. | |
Roma | Shona | 13:7 | Naizvozvo ripirai vese zvakafanira: Mutero kuna vanofanira mutero; mubhadharo kune vanofanira mubhadharo; kutyiwa kune vanofanira kutyiwa; rukudzo kune vanofanira rukudzo. | |
Roma | Shona | 13:9 | Nokuti izvi zvekuti: Usapomba, usauraya, usaba, usapupura nhema, usachiva, kana kune murairowo upi neupi, zvakasanganiswa pashoko iri, rekuti: Ude wekwako sezvaunozvida iwe. | |
Roma | Shona | 13:11 | Uye izvi, muchiziva nguva, kuti ratova awa rekuti timuke pahope; nokuti ikozvino ruponeso rwedu rwava pedo kupfuura patakatenda. | |
Roma | Shona | 13:12 | Usiku hwaenda, uye zuva rava pedo; naizvozvo ngatibvise mabasa erima, uye ngatishonge zvombo zvechiedza. | |
Roma | Shona | 13:13 | Ngatifambe zvakafanira, sapamasikati, kwete mumitambo yemafaro akaipa nekuraradza, kwete pamabonde nekunyangadza, kwete mugakava negodo. | |
Chapter 14
Roma | Shona | 14:3 | Anodya ngaarege kuzvidza asingadyi, uye asingadyi ngaarege kutonga anodya; nokuti Mwari wakamugamuchira. | |
Roma | Shona | 14:4 | Iwe ndiwe ani anotonga muranda weumwe? Anomira kana kuwa kuna ishe wake pachake. Achamiswa zvirokwazvo; nokuti Mwari anogona kumumisa. | |
Roma | Shona | 14:5 | Umwe anotemera zuva kupfuura rimwe zuva; umwe anotemera zuva rimwe nerimwe zvakafanana. Umwe neumwe ngaazivisise mumurangariro wake pachake. | |
Roma | Shona | 14:6 | Uyo anorangarira zuva, anorirangarira muna Ishe; neasingarangariri zuva, haarangariri muna Ishe; anodya anodya kuna Ishe, nokuti anovonga Mwari; uye asingadyi haadyi muna Ishe, uye anovonga Mwari. | |
Roma | Shona | 14:8 | Nokuti kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa, tinofira Ishe; naizvozvo kana tichirarama, kana tichifa, tiri vaIshe. | |
Roma | Shona | 14:9 | Nokuti naKristu wakafira izvozvi, uye akamuka, akararamazve kuti ave Ishe wevese vakafa nevapenyu. | |
Roma | Shona | 14:10 | Zvino iwe unotongerei hama yako? Kana newe unozvidzirei hama yako? Nokuti isu tese tichamira pamberi pechigaro chekutonga chaKristu. | |
Roma | Shona | 14:11 | Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ini ndinorarama, anodaro Ishe; ibvi rimwe nerimwe richandifugamira, nerurimi rumwe nerumwe rwuchabvuma kuna Mwari. | |
Roma | Shona | 14:13 | Naizvozvo ngatirege kuva tichatongana; asi zviri nani mutonge izvi, kuti tisaisira hama chigumbuso kana chipinganidzo. | |
Roma | Shona | 14:14 | Ndinoziva uye ndine chokwadi muna Ishe Jesu, kuti hakuna chinhu chakasviba pachacho; asi kune uyo anofunga kuti chakasviba, kwaari chakasviba. | |
Roma | Shona | 14:15 | Asi kana hama yako ichishungurudzwa nekudya, hauchafambi maererano nerudo. Usamuparadza nekudya kwako, uyo Kristu waakafira. | |
Roma | Shona | 14:17 | Nokuti ushe hwaMwari hahusi kudya nechinwiwa, asi kururama nerugare nemufaro muMweya Mutsvene. | |
Roma | Shona | 14:18 | Nokuti anoshumira Kristu pazvinhu izvi, anogamuchirika kuna Mwari, uye anotendwa kuvanhu. | |
Roma | Shona | 14:20 | Rega kuparadza basa raMwari nekuda kwekudya. Zvese zvakachena, asi zvakaipa kumunhu anodya nechigumbuso. | |
Roma | Shona | 14:21 | Zvakanaka kusadya nyama, kana kunwa waini, kana chimwe hama yako chaingagumburwa nacho kana kukanganiswa kana kushaiwa simba. | |
Roma | Shona | 14:22 | Iwe une rutendo here? Iva narwo pachako pamberi paMwari. Wakaropafadzwa asingazvitongi pachinhu chaanotendera. | |
Chapter 15
Roma | Shona | 15:1 | Zvino isu tine simba tinofanira kutakura utera hwevasina simba, uye tisingazvifadzi isu. | |
Roma | Shona | 15:3 | Nokuti naKristu haana kuzvifadza iye, asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kutuka kwevakakutukai kwakawira pamusoro pangu. | |
Roma | Shona | 15:4 | Nokuti zvese zvakagara zvanyorwa, zvakagara zvanyorerwa kudzidza kwedu, kuti nemoyo murefu uye nekunyaradza kwemagwaro tive netariro. | |
Roma | Shona | 15:5 | Asi dai Mwari wemoyo murefu newenyaradzo apa kwamuri kuva nemoyo umwe pakati penyu maererano naKristu Jesu; | |
Roma | Shona | 15:8 | Zvino ndinoti, Jesu Kristu wakava muranda wedzingiso nekuda kwechokwadi chaMwari, kuti asimbise zvivimbiso zvemadzibaba; | |
Roma | Shona | 15:9 | uye vahedheni vakudze Mwari nekuda kwetsitsi; sezvazvakanyorwa zvichinzi: Nekuda kweizvozvi ndichakureururai pakati pevahedheni, nekuimbira zita renyu rumbidzo. | |
Roma | Shona | 15:12 | Uyezve Isaya anoti: Uchavapo mudzi waJese, neachasimukira kutonga vahedheni; vahedheni vachavimba kwaari. | |
Roma | Shona | 15:13 | Daiwo Mwari wetariro akuzadzai nemufaro wese uye nerugare muchitenda, kuti muwedzere patariro, nesimba reMweya Mutsvene. | |
Roma | Shona | 15:14 | Zvino ini ndomene ndinozivisisa nezvenyu, hama dzangu, kuti nemwi pachenyu muzere nekunaka, makazadzwa neruzivo rwese, munogonawo kurairana. | |
Roma | Shona | 15:15 | Asi, hama, ndinokunyorerai ndakatsunga zvikuru, neimwe nzira, ndichiita sendinokuyeuchidzai, nekuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari, | |
Roma | Shona | 15:16 | kuti ndive mushumiri waJesu Kristu kuvahedheni, ndichishumira evhangeri yaMwari, kuti chibairo chevahedheni chigamuchirike, chichiitwa chitsvene neMweya Mutsvene. | |
Roma | Shona | 15:18 | nokuti handingashingi kutaura chero chinhu chaizvo Kristu zvaasina kuita kubudikidza neni, kuti vahedheni vateerereswe, neshoko uye nebasa, | |
Roma | Shona | 15:19 | musimba rezviratidzo nezvishamiso, musimba reMweya waMwari; naizvozvo kubva paJerusarema nekwakapoteredza kusvikira Iririkumu ndakaparidza zvakazara evhangeri yaKristu; | |
Roma | Shona | 15:20 | nokudaro ndakashingaira kuparidza evhangeri, kwete pakambodanwa Kristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzeumwe; | |
Roma | Shona | 15:21 | asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Vasina kuudzwa zvake, vachaona, nevasina kunzwa, vachanzwisisa. | |
Roma | Shona | 15:23 | asi ikozvino zvandisisina nzvimbo pamatunhu awa, uye ndine chishuwo chikuru kwemakore mazhinji chekuuya kwamuri; | |
Roma | Shona | 15:24 | saizvozvo kana ndichaenda kuSipania, ndichauya kwamuri; nokuti ndinovimba kukuonai parwendo rwangu, nekuperekedzwa nemwi ikoko, kana ndatanga ndambogutswa muchikamu ndinemwi. | |
Roma | Shona | 15:26 | Nokuti zvakavafadza Makedhonia neAkaya kupa chimwe chipo varombo vevatsvene vari paJerusarema. | |
Roma | Shona | 15:27 | Nokuti zvakavafadza, uye vane ngava navo. Nokuti kana vahedheni vakaisawo ruoko pazvinhu zvavo zvemweya, vane ngavawo rekuvashandira pazvinhu zvenyama. | |
Roma | Shona | 15:28 | Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndaisa mucherechedzo chibereko ichi kwavari, ndichabva ndiende kuSipania ndichipfuura nekwenyu. | |
Roma | Shona | 15:29 | Uye ndinoziva kuti kana ndichiuya kwamuri ndichauya pakuzara kwemaropafadzo eevhangeri yaKristu. | |
Roma | Shona | 15:30 | Zvino ndinokukumbirisai, hama, nekuda kwaIshe wedu Jesu Kristu, uye nekuda kwerudo rweMweya, kuti murwise pamwe neni paminyengetero kuna Mwari pamusoro pangu; | |
Roma | Shona | 15:31 | kuti ndisunungurwe kune vasingatendi muJudhiya, uye kuti basa rangu reJerusarema rigamuchirike kuvatsvene; | |
Chapter 16
Roma | Shona | 16:1 | Ndinorumbidza kwamuri Febhe hanzvadzi yedu, anova murandakadzi wekereke iri paKenikireya; | |
Roma | Shona | 16:2 | kuti mumugamuchire muna Ishe sezvinofanira vatsvene, uye kuti mumubatsire panhau ipi neipi yaangashaiwa kwamuri; nokuti iyewo wakava mubatsiri wevazhinji, newangu ndomene. | |
Roma | Shona | 16:4 | Ivo nekuda kweupenyu hwangu vakaradzika mutsipa wavo pachavo, vandisingavongi ini ndega, asi nemakereke ese evahedheni; | |
Roma | Shona | 16:5 | kwazisaiwo kereke iri paimba yavo. Kwazisai Epaeneto mudikanwi wangu, anova chibereko chekutanga cheAkaya muna Kristu. | |
Roma | Shona | 16:7 | Kwazisai Andoroniko naJunia hama dzangu nevakasungwa pamwe neni, vane mbiri pakati pevaapositori, vakanditangirawo kuva muna Kristu. | |
Roma | Shona | 16:12 | Kwazisai Trufaina naTrufosa vakadzi vanoshanda muna Ishe. Kwazisai Perisisi mukadzi anodikanwa, wakashanda zvikuru muna Ishe. | |
Roma | Shona | 16:15 | Kwazisai Firorogosi naJuria, Nerusi nehanzvadzi yake, naOrimba, nevatsvene vese vanavo. | |
Roma | Shona | 16:17 | Zvino ndinokukumbirisai, hama, ngwarirai avo vanoita mhesaniso uye zvigumbuso, zvinopesana nedzidziso yamakadzidza imwi, uye muvanzvenge. | |
Roma | Shona | 16:18 | Nokuti vakadaro havashandiri Ishe wedu Jesu Kristu, asi dumbu ravo; uye neshoko rakanaka nekutaura kwakanaka vanonyengera moyo yevasina mhosva. | |
Roma | Shona | 16:19 | Nokuti kuteerera kwenyu kwakasvika kune vese. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kune chakanaka, asi vakachena kune chakaipa. | |
Roma | Shona | 16:20 | Zvino Mwari werugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni. | |
Roma | Shona | 16:21 | Timotio, mushandi pamwe neni, naRukio naJasoni naSosipatro hama dzangu vanokukwazisai. | |
Roma | Shona | 16:23 | Gayosi, mugamuchiri wangu nekereke yese, anokukwazisai. Erastosi muchengeti wemari yeguta anokukwazisai, naKwaritosi hama. | |
Roma | Shona | 16:25 | Zvino kune ane simba rekukusimbisai sezvinoreva evhangeri yangu nekuparidzwa kwaJesu Kristu, zvichienderana nekuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kutaurwa zvakavanzwa nguva dzakare, | |
Roma | Shona | 16:26 | asi ikozvino zvinoratidzwa, uye nemagwaro evaporofita semurairo waMwari wekusingaperi, wakaziviswa kumarudzi ese pakuteerera kwerutendo, | |