Toggle notes
Chapter 1
I Co | Shona | 1:2 | kukereke yaMwari iri paKorinde, kune vakaitwa vatsvene muna Jesu Kristu, vakadanwa kuva vatsvene, pamwe nevese vanodana kuzita raIshe wedu Kristu Jesu panzvimbo yega-yega, wavo neweduwo: | |
I Co | Shona | 1:4 | Ndinovonga Mwari wangu nguva dzese maererano nemwi, nekuda kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwamuri muna Kristu Jesu; | |
I Co | Shona | 1:7 | kuti hamushaiwi pane chimwe chipo, muchimirira kuratidzwa pachena kwaIshe wedu Jesu Kristu, | |
I Co | Shona | 1:8 | iye achakusimbisaiwo kusvika kumagumo, kuti musava nemhosva pazuva raIshe wedu Jesu Kristu. | |
I Co | Shona | 1:9 | Mwari wakatendeka, wamakadanwa kubudikidza naye mukudyidzana kweMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu. | |
I Co | Shona | 1:10 | Zvino ndinokukumbirisai, hama, nezita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti mese mutaure chinhu chimwe, uye pasava nekupatsanurana pakati penyu, asi muve vakakwana pamurangariro umwe nemuonero umwe. | |
I Co | Shona | 1:11 | Nokuti ndakaudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, nevekwaKirowa, kuti kune makakava pakati penyu. | |
I Co | Shona | 1:12 | Zvino ndinoreva izvi, kuti umwe neumwe wenyu anoti: Ini ndiri waPauro, iniwo waAporo, asi ini waKefasi, iniwo waKristu. | |
I Co | Shona | 1:13 | Kristu wakapatsanurwa here? Ko Pauro wakarovererwa pamuchinjikwa imwi here, kana makabhabhatidzwa muzita raPauro here? | |
I Co | Shona | 1:16 | Uye ndakabhabhatidzawo imba yaStefana; kunze kweizvi handizivi kana ndakabhabhatidza umwe munhu. | |
I Co | Shona | 1:17 | Nokuti Kristu wakandituma kwete kuzobhabhatidza, asi kuzoparidza evhangeri; kwete nenjere dzeshoko, kuti zvimwe muchinjikwa waKristu ushaiswe maturo. | |
I Co | Shona | 1:18 | Nokuti shoko remuchinjikwa kuna vanoparadzwa upenzi, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari. | |
I Co | Shona | 1:19 | Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza njere dzevakachenjera, ndichashaisa maturo kunzwisisa kwevanzwisisi. | |
I Co | Shona | 1:20 | Aripi wakachenjera? Aripi munyori? Aripi mukakavari wenyika ino? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here? | |
I Co | Shona | 1:21 | Nokuti zvakadaro muuchenjeri hwaMwari nyika neuchenjeri haina kuziva Mwari, zvakafadza Mwari neupenzi hwemharidzo kuponesa vanotenda. | |
I Co | Shona | 1:23 | asi isu tinoparidza Kristu wakarovererwa pamuchinjikwa, kuVaJudha chigumbuso, nekuVaGiriki upenzi; | |
I Co | Shona | 1:24 | asi kune vakadanwa, VaJudha pamwe neVaGiriki, Kristu isimba raMwari nenjere dzaMwari; | |
I Co | Shona | 1:25 | nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura hwevanhu, neutera hwaMwari hwakasimba kupfuura hwevanhu. | |
I Co | Shona | 1:26 | Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama, kuti havasi vazhinji vakachenjera panyama, havasi vazhinji vane simba, havasi vazhinji vepamusoro; | |
I Co | Shona | 1:27 | asi Mwari wakasarudza zvinhu zveupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; uye Mwari wakasarudza zvinhu zveutera zvenyika, kuti anyadzise zvine simba; | |
I Co | Shona | 1:28 | nezvinhu zvepasi zvenyika nezvinhu zvinozvidzwa Mwari wakasarudza, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zvinhu zviripo maturo; | |
I Co | Shona | 1:30 | Asi naye imwi muri muna Kristu Jesu, wakaitirwa isu uchenjeri hunobva kuna Mwari, nekururama, nekuitwa vatsvene, nerudzikunuro; | |
Chapter 2
I Co | Shona | 2:1 | Zvino ini, hama, pakusvika kwangu kwamuri, handina kusvika neunyanzvi hweshoko kana hwenjere, ndichiparidza kwamuri uchapupu hwaMwari. | |
I Co | Shona | 2:2 | Nokuti ndakagura kuti ndisaziva chinhu pakati penyu, kunze kwaJesu Kristu, naiye wakarovererwa pamuchinjikwa. | |
I Co | Shona | 2:4 | Neshoko rangu nemharidzo yangu hazvina kuva nemashoko ekugombedzera enjere dzevanhu, asi mukuratidza kweMweya nekwesimba; | |
I Co | Shona | 2:6 | Asi njere tinodzitaura pakati pevakakwana, asi njere dzisati dziri dzenyika ino, kana dzevatongi venyika ino, vanozoshaiswa maturo; | |
I Co | Shona | 2:7 | asi tinotaura njere dzaMwari muchakavanzika, dzakavigwa, Mwari dzaakagara agadza nyika isati yavapo dzive kubwinya kwedu; | |
I Co | Shona | 2:8 | dzisina umwe wevatongi venyika ino wakaziva; nokuti dai vakaziva, vangadai vasina kuroverera pamuchinjikwa Ishe wekubwinya. | |
I Co | Shona | 2:9 | Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: Izvo ziso zvarisina kuona, nenzeve zvaisina kunzwa, nezvisina kupinda mumoyo wemunhu, izvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda. | |
I Co | Shona | 2:10 | Asi Mwari wakazarurira isu neMweya wake; nokuti Mweya unonzvera zvinhu zvese, kunyange zvinhu zvakadzika zvaMwari. | |
I Co | Shona | 2:11 | Nokuti ndiani pavanhu anoziva zvemunhu, kunze kwemweya wemunhu uri maari? Saizvozvowo zvaMwari hakuna munhu anoziva, kunze kweMweya waMwari. | |
I Co | Shona | 2:12 | Nesu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kuna Mwari, kuti tizive zvinhu zvatinopiwa pachena naMwari; | |
I Co | Shona | 2:13 | zvatinotaurawo, kwete mumashoko njere dzevanhu adzinodzidzisa, asi Mweya Mutsvene waanodzidzisa, tichienzanisa zvemweya nezvemweya. | |
I Co | Shona | 2:14 | Asi munhu wechisikirwo haagamuchiri zvinhu zveMweya waMwari; nokuti upenzi kwaari, uye haagoni kunzwisisa, nokuti zvinonzverwa pamweya. | |
Chapter 3
I Co | Shona | 3:1 | Zvino ini, hama, ndakange ndisingagoni kutaura nemwi sekune veMweya, asi sekune venyama, sekune vacheche muna Kristu. | |
I Co | Shona | 3:2 | Ndakakunwisai mukaka, uye kwete kudya kukukutu; nokuti makange musati mogona kudya, asi naikozvino hamusati mogona; | |
I Co | Shona | 3:3 | nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachine godo pakati penyu, negakava nekupatsanurana, hamusi venyama, muchifamba zvinoenderana nemunhu here? | |
I Co | Shona | 3:4 | Nokuti kana umwe achiti: Ini ndiri waPauro, neumwe achiti: Ini waAporo, hamusi venyama here? | |
I Co | Shona | 3:5 | Ko Pauro chii, naAporo chii, asi vabati vamakatenda kubudikidza navo, Ishe sezvaanopawo umwe neumwe? | |
I Co | Shona | 3:8 | Zvino anodzvara neanodiridza ndevamwe; asi umwe neumwe achagamuchira mubairo wake zvichienderana nebasa rake. | |
I Co | Shona | 3:10 | Zvichienderana nenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri, semuvaki nyanzvi wakachenjera ndakaronga nheyo, uye umwe anovaka pamusoro payo. Asi umwe neumwe ngaachenjerere kuti anovaka sei pamusoro payo. | |
I Co | Shona | 3:11 | Nokuti hakuna umwe anogona kuisa imwe nheyo kunze kweiyo yakaiswa, inova Jesu Kristu. | |
I Co | Shona | 3:12 | Zvino kana umwe achivaka pamusoro penheyo iyi, goridhe, sirivheri, mabwe anokosha, matanda, uswa, mashanga, | |
I Co | Shona | 3:13 | basa reumwe neumwe richaratidzwa; nokuti zuva richazvibudisa pachena, nokuti richazarurwa mumoto; uye moto uchaidza basa reumwe neumwe kuti rakadini. | |
I Co | Shona | 3:15 | Kana basa raani nani richizopiswa, acharasikirwa; asi iye amene achaponeswa, asi saizvozvo sewakabuda nemumoto. | |
I Co | Shona | 3:17 | Kana ani nani achiparadza tembere yaMwari, Mwari achamuparadza iye; nokuti tembere yaMwari itsvene, yamuri imwi. | |
I Co | Shona | 3:18 | Ngakurege kuva neanozvinyengera; kana umwe pakati penyu achifunga kuti wakachenjera panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera. | |
I Co | Shona | 3:19 | Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Anobata vakachenjera paumhare hwavo; | |
I Co | Shona | 3:22 | kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvinhu zviripo, kana zvinhu zvinouya; zvese ndezvenyu, | |
Chapter 4
I Co | Shona | 4:1 | Munhu ngaatirangarire sezvizvi, sevabati vaKristu, nevachengeti vezvakavanzika zvaMwari. | |
I Co | Shona | 4:3 | Asi kwandiri chinhu chidiki-diki kuti nditongeswe nemwi, kana nekutonga kwevanhu; asi neni handizvitongesi. | |
I Co | Shona | 4:4 | Nokuti handirangariri chinhu kwandiri, zvakadaro handinzi ndakarurama neizvozvo; asi anonditonga ndiIshe. | |
I Co | Shona | 4:5 | Naizvozvo regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe auya, iye achabudisawo pachena zvinhu zvakavanzika zverima, uye acharatidza mazano emoyo; uye ipapo munhu umwe neumwe acharumbidzwa naMwari. | |
I Co | Shona | 4:6 | Zvino zvinhu izvi, hama, ndinozvifananidzira neni naAporo nekuda kwenyu, kuti mudzidze kwatiri kuti musafunga kupfuura zvakanyorwa, kuti umwe arege kuzvikudza neumwe muchipikisa umwe. | |
I Co | Shona | 4:7 | Nokuti ndiani wakaita kuti usiyane nevamwe? Uye chii chaunacho chausina kugamuchira? Uye kanawo wakagamuchira, unozvikudzirei seusina kugamuchira? | |
I Co | Shona | 4:8 | Matoguta, matofuma, matonga kunze kwedu; ndinodawo kuti mutonge, kuti isuwo titonge pamwe nemwi. | |
I Co | Shona | 4:9 | Nokuti ndinofunga kuti Mwari wakatigadza isu vaapositori vekupedzisira, sevakatemerwa rufu; nokuti takaitwa chiokerwa kunyika, nekuvatumwa, nekuvanhu. | |
I Co | Shona | 4:10 | Isu tiri mapenzi nekuda kwaKristu, asi imwi makachenjera muna Kristu; isu tine utera, asi imwi makasimba; imwi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa. | |
I Co | Shona | 4:11 | Kusvikira nguva ino tine nzarawo, uye tine nyota, uye takashama, uye tinorohwa netsiva, uye tiri vambeyi, | |
I Co | Shona | 4:12 | uye tinoshingaira tichishanda nemaoko edu pachedu; tinoti tichitukwa tinoropafadza, tinoti tichishushwa tinotsunga moyo; | |
I Co | Shona | 4:13 | kana tichinyeyewa tinonyengerera; tinoitwa setsvina yenyika, marara ezvinhu zvese, kusvikira ikozvino. | |
I Co | Shona | 4:14 | Handinyoreri zvinhu izvi kuti ndikunyadzisei, asi savana vangu vanodikanwa ndinokunyeverai. | |
I Co | Shona | 4:15 | Nokuti kunyange mune varairidzi zvuru gumi muna Kristu, zvakadaro hamuna madzibaba mazhinji; nokuti muna Kristu Jesu ini ndakakuberekai kubudikidza neevhangeri. | |
I Co | Shona | 4:17 | Nemhaka iyi ndatuma Timotio kwamuri, anova mwana wangu anodikanwa, uye wakatendeka muna Ishe, achakuyeuchidzai nzira dzangu dziri muna Kristu, sezvandinodzidzisa kwese pakereke imwe neimwe. | |
I Co | Shona | 4:19 | Asi ndichauya kwamuri nekukurumidza, kana Ishe achida, uye ndichaziva, kwete shoko revanozvikudza, asi simba. | |
Chapter 5
I Co | Shona | 5:1 | Zvinonzwikwa chose kuti upombwe huripo pakati penyu, uye upombwe hwakadaro husingataurwi kunyange pakati pevahedheni, zvekuti umwe ave nemukadzi wababa vake. | |
I Co | Shona | 5:2 | Asi imwi munozvikudza, uye pachinzvimbo chaizvozvo hamuna kuchema, kuti wakaita chiito ichi abviswe pakati penyu. | |
I Co | Shona | 5:3 | Nokuti iniwo zvirokwazvo, sendisipo pamuviri, asi ndiripo pamweya ndatogura zveuyo wakaita chiito chakadai ichi, sendinenge ndiripo, | |
I Co | Shona | 5:4 | muzita raIshe wedu Jesu Kristu, maungana nemweya wangu nesimba raIshe wedu Jesu Kristu, | |
I Co | Shona | 5:5 | kukumikidza wakadai kuna Satani mukuparadzwa kwenyama, kuti mweya uponeswe pazuva raIshe Jesu. | |
I Co | Shona | 5:6 | Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shoma inovirisa mukanyiwa wese? | |
I Co | Shona | 5:7 | Naizvozvo sukai kwazvo mbiriso yekare, kuti muve mukanyiwa mutsva, sezvamusina kuiswa mbiriso. Nokuti nepasika yedu yakabairwa isu, iye Kristu. | |
I Co | Shona | 5:8 | Saka ngatichengetedze mutambo, kwete nembiriso yekare, kana nembiriso yekuipa nekutadza; asi nechingwa chisina mbiriso chakatendeka nechechokwadi. | |
I Co | Shona | 5:10 | asi kwete zvakazara nemhombwe dzenyika ino, kana nevachivi, kana nevapambi, kana vanonamata zvifananidzo, nokuti kana zvakadaro zvingafanira kuti mubude munyika. | |
I Co | Shona | 5:11 | Asi ikozvino ndakunyorerai kuti murege kufambidzana, kana munhu achiidzwa hama ari mhombwe, kana muchivi, kana munamati wezvifananidzo, kana mutuki, kana muraradzi, kana mupambi; musatongodya newakadai. | |
Chapter 6
I Co | Shona | 6:1 | Umwe wenyu anoti ane mhosva neumwe unotsunga kutongwa pamberi pevasakarurama uye pasiri pamberi pevatsvene here? | |
I Co | Shona | 6:2 | Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichizotongwa nemwi, hamuna kufanira kutonga mhosva diki-diki here? | |
I Co | Shona | 6:4 | Naizvozvo kana mune mhosva dzezvinhu zveupenyu huno, vagadzei avo vanozvidzwa pakereke vatonge. | |
I Co | Shona | 6:5 | Ndinotaura kuti munyare. Naizvozvo hakuna munhu wakachenjera pakati penyu here, kana neumwe, angagona kutonga pakati pehama dzake? | |
I Co | Shona | 6:7 | Zvino naizvozvo patova nekukundikana kwazvo pakati penyu, kuti munomhan'arirana. Munoregerei kutenda kutadzirwa pakudaro? Munoregerei kutenda kubiridzirwa pakudaro? | |
I Co | Shona | 6:9 | Kana hamuzivi here kuti vasakarurama havazogari nhaka yeushe hwaMwari? Musatsauswa; hakuna mhombwe, kana vanamati vezvifananidzo, kana zvifeve, kana vakapata paungochani, kana vanorara nevamwe varume, | |
I Co | Shona | 6:10 | kana mbavha, kana vachivi, kana vararadzi, kana vatuki, kana vapambi, vachagara nhaka yeushe hwaMwari. | |
I Co | Shona | 6:11 | Uye vamwe venyu vakange vari izvozvi; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makanzi makarurama muzita raIshe Jesu, uye neMweya waMwari wedu. | |
I Co | Shona | 6:12 | Zvinhu zvese zviri pamutemo kwandiri, asi hazvisi zvinhu zvese zvinobatsira; zvinhu zvese zviri pamutemo kwandiri, asi ini handizotongwi nechinhu. | |
I Co | Shona | 6:13 | Kudya ndekwedumbu, nedumbu nderezvekudya; asi Mwari achaparadza zviri zviviri iro naizvo. Zvino muviri hausi weupombwe, asi waIshe, naIshe ndevemuviri. | |
I Co | Shona | 6:15 | Hamuzivi here kuti miviri yenyu mitezo yaKristu? Zvino ndichatora mitezo yaKristu ndikaita mitezo yechifeve here? Ngazvisadaro! | |
I Co | Shona | 6:16 | Kana hamuzivi kuti anobatanidzwa nechifeve wava muviri umwe nacho here? Nokuti ava vaviri, anoti, vachava nyama imwe. | |
I Co | Shona | 6:18 | Tizai upombwe. Chivi chese munhu chaanoita chiri kunze kwemuviri; asi anoita upombwe anotadzira muviri wake amene. | |
I Co | Shona | 6:19 | Kana hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yaMweya Mutsvene ari mamuri, wamunaye achibva kuna Mwari, uye imwi hamusi venyu? | |
Chapter 7
I Co | Shona | 7:1 | Zvino maererano nezvinhu zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kumunhu kuti asabata mukadzi. | |
I Co | Shona | 7:2 | Asi nekuda kweupombwe, umwe neumwe ngaave nemukadzi wake pachake, nemukadzi umwe neumwe ngaave nemurume wake pachake. | |
I Co | Shona | 7:4 | Mukadzi haana simba pamusoro pemuviri wake pachake, asi murume; uye saizvozvowo murume haana simba pamusoro pemuviri wake pachake, asi mukadzi. | |
I Co | Shona | 7:5 | Musanyimana, kunze kwekutenderana kwechinguva, kuti muzvipe kukutsanya nekunyengetera, mugosanganazve, kuti Satani arege kukuidzai pakusazvidzora kwenyu. | |
I Co | Shona | 7:7 | Nokuti ndinoda kuti dai vanhu vese vava seni; asi umwe neumwe ane chipo chake pachake chinobva kuna Mwari, umwe chakadai, umwewo chakadai. | |
I Co | Shona | 7:8 | Asi ndinoti kune vasina kuwana nekuchirikadzi: Zvakanaka kwavari kana vachigara seniwo. | |
I Co | Shona | 7:10 | Zvino kune vakawana ndinoraira, kwete ini, asi Ishe, kuti mukadzi arege kuparadzana nemurume. | |
I Co | Shona | 7:11 | Asi kana iye achiparadzana naye, ngaarambe asina kuwanikwa, kana ayananiswe nemurume, nemurume ngaarege kurasa mukadzi. | |
I Co | Shona | 7:12 | Zvino kune vamwe ndini ndinotaura, kwete Ishe: Kana hama ipi ine mukadzi asingatendi, uye iye achifara kugara naye, ngaarege kumurasa. | |
I Co | Shona | 7:13 | Nemukadzi ane murume asingatendi, uye iye achida hake kugara naye, ngaarege kumusiya. | |
I Co | Shona | 7:14 | Nokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene nemukadzi, nemukadzi asingatendi anoitwa mutsvene nemurume. Kana zvisina kudaro vana venyu vaiva netsvina, asi zvino vatsvene. | |
I Co | Shona | 7:15 | Zvino kana asingatendi achizviparadzanisa, ngaazviparadzanise; hamarume kana hamakadzi haisungwi pane zvakadaro; asi Mwari wakatidanira murugare. | |
I Co | Shona | 7:16 | Nokuti unoziva nei, mukadzi, kana uchaponesa murume? Kana unoziva nei, murume, kana uchaponesa mukadzi? | |
I Co | Shona | 7:17 | Chete Mwari sezvaakagovera kune umwe neumwe, Ishe sezvaakadana umwe neumwe, ngaafambe saizvozvo. Saizvozvowo ndinoraira pamakereke ese. | |
I Co | Shona | 7:18 | Kune wakadanwa adzingiswa here? Ngaarege kuva asakadzingiswa. Kune wakadanwa asakadzingiswa here? Ngaaarege kudzingiswa. | |
I Co | Shona | 7:19 | Dzingiso hachisi chinhu, nekusadzingiswa hachisi chinhu, asi kuchengetwa kwemirairo yaMwari. | |
I Co | Shona | 7:21 | Wakadanwa uri muranda here? Usazvidya moyo; asiwo kana ungasunungurwa, zviri nani uzvishandise. | |
I Co | Shona | 7:22 | Nokuti uyo wakadanwa muna Ishe ari nhapwa, wava musunungurwa waIshe; saizvozvowo uyo wakadanwa akasununguka, wava nhapwa yaKristu. | |
I Co | Shona | 7:25 | Asi maererano nemhandara handina murairo waIshe; asi ndinopa maonero angu sewakawana tsitsi naIshe kuva wakatendeka. | |
I Co | Shona | 7:26 | Naizvozvo ndinofunga kuti izvi zvakanaka nekuda kwematambudziko aripo, kuti zvakanakira munhu kuti adai. | |
I Co | Shona | 7:27 | Wakasungirirwa kumukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa kubva kumukadzi here? Usatsvaka mukadzi. | |
I Co | Shona | 7:28 | Asi zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana yawanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirirai. | |
I Co | Shona | 7:29 | Asi ndinozvitaura izvi, hama, kuti nguva ipfupi; kubva ikozvino nevane vakadzi ngavave sevasina; | |
I Co | Shona | 7:30 | nevanochema, sevasingachemi; nevanofara, sevasingafari; nevanotenga, sevasina chinhu; | |
I Co | Shona | 7:31 | nevanoshandisa nyika ino, sevasingaishandisi kwazvo; nokuti chimiro chenyika ino chinopfuura. | |
I Co | Shona | 7:32 | Asi ndinoda kuti murege kuva nekufunganya. Asina kuwana anofunganya zvinhu zvaIshe, kuti angafadza Ishe sei; | |
I Co | Shona | 7:34 | Mukadzi wakasiyaniswa nemhandara. Asina kuwanikwa anofunganya zvinhu zvaIshe, kuti ave mutsvene zvese pamuviri nepamweya; asi uyo wakawanikwa anofunganya zvinhu zvenyika, kuti angafadza murume sei. | |
I Co | Shona | 7:35 | Izvi ndinotaurira rubatsiro rwenyu pachenyu; kwete kuti ndikande musungo pamusoro penyu, asi zvakafanira nekunamatira pana Ishe musingapinganidzwi. | |
I Co | Shona | 7:36 | Asi kana umwe achifunga kuti anozvibata zvisakafanira kumhandara yake, iyo yakurisa, uye zvakafanira kuti zviitike saizvozvo, ngaaite zvaanoda, haatadzi; ngavawanane. | |
I Co | Shona | 7:37 | Asi anomira akasimba mumoyo, asingamanikidzwi chinhu, uye ane simba pamusoro pechido chake pachake, akatema izvi mumoyo make kuti achachengeta mhandara yake, anoita zvakanaka. | |
I Co | Shona | 7:39 | Mukadzi wakasungwa nemurairo nguva dzese murume wake achirarama; asi kana murume wake afa, wasununguka kuwanikwa newaanoda, muna Ishe chete. | |
Chapter 8
I Co | Shona | 8:1 | Zvino maererano nezvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti tese tine ruzivo. Ruzivo rwunotutumadza, asi rudo rwunovaka. | |
I Co | Shona | 8:2 | Uye kana ani nani achifunga kuti anoziva chinhu, haasati aziva chinhu sezvaanofanira kuziva; | |
I Co | Shona | 8:4 | Naizvozvo maererano nekudya zvinhu zvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachisi chinhu panyika, uye kuti hakuna umwe Mwari kunze kweumwe. | |
I Co | Shona | 8:5 | Nokuti kunyange varipo vanonzi vamwari, kana kudenga, kana panyika (sezvavaripo vamwari vazhinji, nemadzishe mazhinji), | |
I Co | Shona | 8:6 | asi kwatiri kuna Mwari umwe, Baba, zvinhu zvese zvinouya naye, nesu tiri maari; naIshe umwe, Jesu Kristu, zvinhu zvese zviripo nekuda kwake, nesu tiripo naye. | |
I Co | Shona | 8:7 | Asi ruzivo harwuko kwavari vese; nokuti vamwe vane hana yechifananidzo kusvikira ikozvino, vanodya sezvakabairwa chifananidzo; nehana yavo isina simba inoshatiswa. | |
I Co | Shona | 8:8 | Zvino kudya hakutiswededzi kuna Mwari; kwete nokuti kana tichidya, tinowanzirwa; uye kwete kuti kana tisingadyi, tinoshaiwa. | |
I Co | Shona | 8:10 | Nokuti kana umwe achikuona iwe ane ruzivo ugere pakudya mutembere yechifananidzo, hana yeasina simba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabairwa zvifananidzo here? | |
I Co | Shona | 8:12 | Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchikuvadza hana yavo isina simba, munotadzira Kristu. | |
Chapter 9
I Co | Shona | 9:1 | Handisi muapositori here? Handisi wakasununguka here? Handina kuona Jesu Kristu Ishe wedu here? Imwi hamusi basa rangu muna Ishe here? | |
I Co | Shona | 9:2 | Kana ndisiri muapositori kuna vamwe, asi zvirokwazvo ndiri iye kwamuri; nokuti mucherechedzo wevuapositori hwangu ndimwi muna Ishe. | |
I Co | Shona | 9:5 | Hatina simba rekutenderera nehanzvadzi mudzimai sevamwewo vaapositori, nevanin'ina vaIshe naKefasi here? | |
I Co | Shona | 9:7 | Ndiani anomboshanda muchiuto achizviripira mubairo? Ndiani anorima munda wemizambiringa, ndokusadya zvechibereko chawo? Kana ndiani anofudza boka akasadya zvemukaka weboka? | |
I Co | Shona | 9:9 | Nokuti kwakanyorwa mumurairo waMozisi kuti: Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo. Kuti Mwari ane hanya nenzombe? | |
I Co | Shona | 9:10 | Kana anoreva zvirokwazvo nekuda kwedu? Nokuti kwakanyorwa nekuda kwedu, kuti anorima anofanira kurima mutariro, neanopura mutariro yake, kugoverwa mutariro. | |
I Co | Shona | 9:11 | Kana isu takadzvara kwamuri zvinhu zvemweya, chinhu chikuru here kana isu tichicheka zvinhu zvenyu zvenyama? | |
I Co | Shona | 9:12 | Kana vamwe vachigovana kodzero pamusoro penyu, isu hativadariki here? Asi hatina kushandisa kodzero iyi, asi tinoitira moyo murefu zvese, kuti tirege kupa chipinganidzo kuevhangeri yaKristu. | |
I Co | Shona | 9:13 | Hamuzivi here kuti avo vanoshumira pazvinhu zvitsvene vanodya zvetembere, vanorindira paaritari vanogovana nearitari here? | |
I Co | Shona | 9:15 | Asi ini handina kushandisa chimwe chezvinhu izvi; uye handina kunyora zvinhu izvi kuti zviitwe saizvozvo kwandiri, nokuti zviri nani kwandiri kuti ndife, pakuti umwe ashaise kuzvikudza kwangu maturo. | |
I Co | Shona | 9:16 | Nokuti kunyange ndichiparidza evhangeri, handina chekuzvikudza nacho, nokuti faniro yakatakudzwa pamusoro pangu; asi ndine nhamo, kana ndisingaparidzi evhangeri. | |
I Co | Shona | 9:17 | Nokuti kana ndichiita chinhu ichi ndichizvidira, ndine mubairo; asi kana ndisingadi, ndakabatiswa utariri. | |
I Co | Shona | 9:18 | Ko mubairo wangu chii? Kuti kana ndichiparidza evhangeri ndiite kuti evhangeri yaKristu isabhadharwa, kuti ndirege kushandisa kodzero yangu zvakapfuurikidza muevhangeri. | |
I Co | Shona | 9:19 | Nokuti ndakasununguka kune vese, ndizviite muranda kune vese, kuti ndiwane vazhinji kwazvo. | |
I Co | Shona | 9:20 | Uye kuVaJudha ndakava semuJudha, kuti ndiwane VaJudha; kune vari pasi pemurairo seari pasi pemurairo, kuti ndiwane vari pasi pemurairo; | |
I Co | Shona | 9:21 | kune vasina murairo seasina murairo (ndisati ndiri asina murairo kuna Mwari, asi mumurairo kuna Kristu), kuti ndiwane vasina murairo; | |
I Co | Shona | 9:22 | kune vasina simba ndakava seasina simba, kuti ndiwane vasina simba; ndakava zvinhu zvese kune vese, kuti ndiponese vamwe nemitoo yese. | |
I Co | Shona | 9:24 | Hamuzivi here kuti vanomhanya munhangemutange vanomhanya vese, asi umwe anogamuchira mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane. | |
I Co | Shona | 9:25 | Uye umwe neumwe anokwikwidza anozvidzora pazvinhu zvese; zvino ivo vanozviita kuti vagamuchire korona inoparara, asi isu isingaparari. | |
I Co | Shona | 9:26 | Naizvozvo ini ndinomhanya saizvozvo kwete seasina chokwadi; saizvozvo ndinorwa kwete seanorova mhepo; | |
Chapter 10
I Co | Shona | 10:1 | Uye handidi kuti murege kuziva, hama, kuti madzibaba edu ese akange ari pasi pegore, uye ese akagura nemugungwa, | |
I Co | Shona | 10:4 | uye ese akanwa zvinwiwa zvimwe zvemweya; nokuti akanwa kubva padombo remweya rakavatevera; uye dombo iro rakange riri Kristu. | |
I Co | Shona | 10:6 | Zvino zvinhu izvi zvakava mifananidziro kwatiri, kuti tirege kushuva zvakaipa, sezvavakashuvawo. | |
I Co | Shona | 10:7 | Uye musava vanamati vezvifananidzo, sevamwe vavo; sezvakwakanyorwa, kuchinzi: Vanhu vakagara pasi kudya nekunwa, ndokusimuka kutamba. | |
I Co | Shona | 10:8 | Uye ngatirege kupomba, sevamwe vavo vakaita upombwe, ndokuwa nezuva rimwe zvuru makumi maviri nezvitatu. | |
I Co | Shona | 10:11 | Zvinhu izvi zvese zvakavawirawo kuti zvive mifananidziro; uye zvakanyorwa kuva yambiro yedu takasvikirwa nemagumo enyika. | |
I Co | Shona | 10:13 | Hakuna muedzo wakakubatai kunze kweuri muvanhu; asi Mwari wakatendeka, asingazotenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo, asi pamwe nemuedzo achaitawo nzira yekupukunyuka, kuti mugone kuutakura. | |
I Co | Shona | 10:16 | Mukombe weropafadzo watinoropafadza, hausi kugoverana kweropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hachisi kugoverana kwemuviri waKristu here? | |
I Co | Shona | 10:17 | Nokuti isu vazhinji tiri chingwa chimwe, muviri umwe; nokuti isu tese tinogovana pachingwa chimwe. | |
I Co | Shona | 10:18 | Tarirai Israeri zvepanyama; vanodya zvibairo havasi ivo vanogoverana nearitari here? | |
I Co | Shona | 10:19 | Ko ndoti kudii? Kuti chifananidzo chinhu here? Kana kuti chakabairwa chifananidzo chinhu here? | |
I Co | Shona | 10:20 | Asi kuti vahedheni zvavanobaya, vanozvibaira madhimoni, uye kwete kuna Mwari; zvino handidi kuti mudyidzane nemadhimoni. | |
I Co | Shona | 10:21 | Hamugoni kunwa mukombe waIshe nemukombe wemadhimoni; hamugoni kugovana tafura yaIshe netafura yemadhimoni. | |
I Co | Shona | 10:23 | Zvinhu zvese zvinotenderwa kwandiri; asi hazvisi zvese zvinobatsira. Zvinhu zvese zvinotenderwa kwandiri; asi hazvisi zvese zvinovaka. | |
I Co | Shona | 10:27 | Uye kana umwe wevasingatendi akakukokai, uye muchida kuenda, chese chinoiswa pamberi penyu idyai musingabvunzi chinhu nekuda kwehana. | |
I Co | Shona | 10:28 | Asi kana umwe akati kwamuri: Ichi chakabairwa chifananidzo; musadya nekuda kwaiye wakuratidzai, uye kwehana; nokuti nyika ndeya Ishe nekuzara kwayo. | |
I Co | Shona | 10:29 | Asi hana ndinoti, isati iri yako, asi yeumwe; nokuti kusununguka kwangu kunotongerwei nehana yeumwe? | |
I Co | Shona | 10:30 | Uye kana ini nenyasha ndichiwana mugove, ndingagotukirwei nekuda kwechinhu chandinovonga ini? | |
I Co | Shona | 10:31 | Naizvozvo kana muchidya, kana kunwa, kana chipi nechipi chamunoita, zviitirei rukudzo rwaMwari. | |
Chapter 11
I Co | Shona | 11:2 | Zvino ndinokurumbidzai, hama, kuti munondirangarira pazvinhu zvese, muchibatirira patsika sezvandakakumikidza kwamuri. | |
I Co | Shona | 11:3 | Asi ndinoda kuti muzive, kuti musoro wemurume umwe neumwe ndiKristu; uye musoro wemukadzi murume; uye musoro waKristu ndiMwari. | |
I Co | Shona | 11:4 | Murume umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita, musoro wakafukidzwa, unozvidza musoro wake. | |
I Co | Shona | 11:5 | Asi mukadzi umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita nemusoro usina kufukidzwa, anozvidza musoro wake; nokuti ndizvo zvimwezvo nekuveurwa. | |
I Co | Shona | 11:6 | Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaagerwewo; asi kana chiri chinyadzo kumukadzi kugerwa kana kuveurwa, ngaazvifukidze. | |
I Co | Shona | 11:7 | Nokuti murume zvirokwazvo haafaniri kufukidza musoro, sezvaari mufananidzo nekubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwemurume. | |
I Co | Shona | 11:12 | Nokuti mukadzi sezvaanobva kumurume, saizvozvo murumewo uripo nemukadzi, asi zvinhu zvese zvinobva kuna Mwari. | |
I Co | Shona | 11:13 | Zvionerei imwi, zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidzwa? | |
I Co | Shona | 11:14 | Kana kunyange chisikirwo pachacho hachikudzidzisii here, kuti kana murume ane vhudzi refu, chinyadzo kwaari? | |
I Co | Shona | 11:15 | Asi kana mukadzi ane vhudzi refu, rukudzo kwaari. Nokuti vhudzi refu rakapiwa kwaari chive chifukidzo. | |
I Co | Shona | 11:16 | Asi kana umwe achiratidza kuva negakava, isu hatina tsika yakadaro, kunyange makereke aMwari. | |
I Co | Shona | 11:17 | Zvino mukuraira uku handikurumbidzii, nokuti munounganira kwete zvakapfuura kunaka, asi muzvakapfuura kuipa. | |
I Co | Shona | 11:18 | Nokuti chekutanga kana muchiungana mukereke, ndinonzwa kuti kupatsanurana kuripo pakati penyu; muchidimbu ndinozvitenda. | |
I Co | Shona | 11:19 | Nokuti kutsauka kunofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu. | |
I Co | Shona | 11:21 | nokuti pakudya umwe neumwe anotanga kutora chirairo chake pachake, uye umwe ane nzara, uye umwe wakararadza. | |
I Co | Shona | 11:22 | Ko hamuna dzimba dzekudyira nekunwira here? Kana munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu? Ndichatii kwamuri? Ndingakurumbidzai here pane izvi? Handingakurumbidzii. | |
I Co | Shona | 11:23 | Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe, icho chandakagamuchidzawo kwamuri, kuti Ishe Jesu neusiku hwaakatengeswa wakatora chingwa, | |
I Co | Shona | 11:24 | zvino wakati avonga akamedura, ndokuti: Torai, idyai, ichi muviri wangu unomedurirwa imwi; izvi itai kundirangarira. | |
I Co | Shona | 11:25 | Saizvozvo mukombewo, shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu; izvi itai, nguva dzese kana muchinwa, mukundirangarira. | |
I Co | Shona | 11:26 | Nokuti nguva dzese kana muchidya chingwa ichi, nekunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe kusvikira asvika. | |
I Co | Shona | 11:27 | Naizvozvo ani nani anodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waIshe zvisakafanira, achava nemhosva yemuviri neropa raIshe. | |
I Co | Shona | 11:29 | Nokuti anodya nekunwa zvisakafanira, anozvidyira nekunwira kutongwa, zvaasingatsauri muviri waIshe. | |
I Co | Shona | 11:32 | asi kana tichitongwa, tinodzorwa naIshe, kuti tirege kunzi tine mhosva pamwe nenyika. | |
Chapter 12
I Co | Shona | 12:2 | Munoziva kuti maiva vahedheni muchikweverwa kuzvifananidzo mbeveve, sevanotungamirirwa. | |
I Co | Shona | 12:3 | Saka ndinokuzivisai, kuti hakuna munhu anotaura neMweya waMwari anoti: Jesu ndichakatukwa; uye hakuna munhu angati: Jesu ndiIshe, kunze neMweya Mutsvene. | |
I Co | Shona | 12:8 | Nokuti kune umwe kunopiwa neMweya shoko reuchenjeri, nekune umwe shoko reruzivo, neMweya iwoyu; | |
I Co | Shona | 12:10 | nekune umwe kuita mabasa esimba, nekune umwe chiporofita, nekune umwe kupatsanura mweya, nekune umwe marudzi endimi, nekune umwe kududzira ndimi; | |
I Co | Shona | 12:11 | asi izvi zvese Mweya iwoyu umwe unozviita, unogovera umwe neumwe pachake sezvaanoda. | |
I Co | Shona | 12:12 | Nokuti muviri sezvauri umwe, uye une mitezo mizhinji, nemitezo yese yemuviri uyu umwe, kunyange iri mizhinji, muviri ndeumwe; wakadarowo Kristu. | |
I Co | Shona | 12:13 | Nokutiwo neMweya umwe isu tese takabhabhatidzirwa mumuviri umwe, kana VaJudha kana VaGiriki, kana varanda kana vakasununguka; tesewo takanwiswa paMweya umwe. | |
I Co | Shona | 12:15 | Kana rutsoka rukati: Nokuti handisi ruoko, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi harwusi rwemuviri here? | |
I Co | Shona | 12:16 | Nenzeve kana ikati: Nokuti handisi ziso, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi haisi yemuviri here? | |
I Co | Shona | 12:17 | Dai muviri wese waiva ziso, kunzwa kwaivepi? Kana wese waiva kunzwa, kunhuhwidza kungadai kuripi? | |
I Co | Shona | 12:21 | Uye ziso harigoni kuti kuruoko: Handinei newe; kanazve musoro kutsoka: Handinei newe. | |
I Co | Shona | 12:22 | Asi zvikuru kwazvo mitezo iyo yemuviri inoonekwa seisina simba zvikuru, inodikanwa; | |
I Co | Shona | 12:23 | naiyo yemuviri yatinofunga kuti haikudzwi, ndiyo yatinopa rukudzo zvakawedzerwa; nemitezo iyo yedu isina kunaka ine runako rwakawedzerwa; | |
I Co | Shona | 12:24 | asi yedu ine runako haishaiwi; asi Mwari wakabatanidza muviri pamwe, apa rukudzo rukuru kune yaishayiwa, | |
I Co | Shona | 12:26 | Uye kana mutezo umwe uchitambudzika, mitezo yese inotambudzika pamwe nawo; kana mutezo umwe uchikudzwa, mitezo yese inofara pamwe nawo. | |
I Co | Shona | 12:28 | Uye Mwari wakagadza vamwe pakereke, kutanga vaapositori, kechipiri vaporofita, kechitatu vadzidzisi, kozouya mabasa esimba, tevere zvipo zvekuporesa, mabasa erubatsiro, utungamiriri, ndimi dzakasiyana-siyana. | |
I Co | Shona | 12:29 | Vese vaapositori here? Vese vaporofita here? Vese vadzidzisi here? Vese vanoita mabasa esimba here? | |
I Co | Shona | 12:30 | Vese vane zvipo zvekuporesa here? Vese vanotaura nendimi here? Vese vanodudzira here? | |
Chapter 13
I Co | Shona | 13:1 | Kana ndikataura nendimi dzevanhu nedzevatumwa, asi ndisina rudo, ndava dare rinorira kana ndarira inoungudza. | |
I Co | Shona | 13:2 | Uye kana ndine chiporofita, uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvese neruzivo rwese, uye kana ndine rutendo rwese, zvekuti ndibvise makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu. | |
I Co | Shona | 13:3 | Uye kana ndagovera varombo zvinhu zvangu zvese, uye kana ndikagamuchidza muviri wangu kuti ndipiswe, asi ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu. | |
I Co | Shona | 13:4 | Rudo rwune moyo murefu, rwune unyoro; rudo harwuna godo; rudo harwuzvikudzi, harwututumadzwi, | |
I Co | Shona | 13:5 | harwuzvibati zvisakafanira, harwuzvitsvakiri zvarwo, harwudenhwi, harwurangariri zvakaipa; | |
I Co | Shona | 13:8 | Rudo harwutongoperi. Zvino kana zviri zviporofita, zvichashaiswa basa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana rwuri ruzivo, rwuchashaiswa basa. | |
I Co | Shona | 13:11 | Pandakange ndiri mucheche, ndaitaura semucheche, ndainzwisisa semucheche, ndaifunga semucheche; asi pandakava murume, ndakashaisa maturo zveucheche. | |
I Co | Shona | 13:12 | Nokuti ikozvino tinoona nepachionioni madzedzerera; asi nenguva iyo tichaona zviso nezviso; ikozvino ndinoziva muchidimbu, asi ipapo ndichaziva sezvandakazikanwawo ini. | |
Chapter 14
I Co | Shona | 14:2 | Nokuti anotaura nendimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi mumweya anotaura zvakavanzika. | |
I Co | Shona | 14:5 | Ndinodawo kuti imwi mese mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; nokuti anoporofita mukuru kune anotaura nendimi, kunze kwekuti achidudzira, kuti kereke iwane kuvakwa. | |
I Co | Shona | 14:6 | Asi ikozvino, hama, kana ndichiuya kwamuri ndichitaura nendimi, ndichakubatsirai nei, kunze kwekuti ndichitaura nemwi kana muchakazarurwa, kana muruzivo, kana muchiporofita, kana mudzidziso? | |
I Co | Shona | 14:7 | Zvakadaro zvinhu zvisina upenyu zvinorira, kana nyere, kana rudimbwa, kana zvisingapi musiyano pamaririro, zvingazikanwa sei chinoridzwa nenyere kana kuridzwa rudimbwa? | |
I Co | Shona | 14:8 | Nokutiwo kana hwamanda ichipa maungira asinganzwisisiki, ndiani angazvigadzira hondo? | |
I Co | Shona | 14:9 | Saizvozvowo imwi, kana musingapi nerurimi shoko rakareruka kunzwisiswa, zvinotaurwa zvichazikanwa sei? Nokuti muchava vanotaura kumhepo. | |
I Co | Shona | 14:10 | Ariko, kana zvingaitika, manzwi ane marudzi mazhinji zvakadai panyika asi hakuna rimwe risingarevi chinhu. | |
I Co | Shona | 14:11 | Naizvozvo kana ndisingazivi zvinoreva inzwi, ndichava munhu werumwe rurimi kune anotaura, neanotaura munhu werumwe rurimi kwandiri. | |
I Co | Shona | 14:12 | Zvakadaro nemwi, sezvamunoshingairira zvipo zveMweya, tsvakai kuti mupfuurise pakuvaka kereke. | |
I Co | Shona | 14:14 | Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu unonyengetera, asi fungwa dzangu hadzina chibereko. | |
I Co | Shona | 14:15 | Zvino chii? Ndichanyengetera nemweya, uye ndichanyengetera nefungwawo; ndichaimba nemweya, uye ndichaimba nefungwawo. | |
I Co | Shona | 14:16 | Kana zvisakadaro, kana uchivonga nemweya, uyo agere pachigaro cheasina kudzidza achati Ameni sei pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura? | |
I Co | Shona | 14:19 | asi mukereke ndinoda kutaura mashoko mashanu nefungwa dzangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pamashoko zvuru gumi nendimi. | |
I Co | Shona | 14:20 | Hama, musava vana pafungwa; asi pazvakaipa muve vacheche, asi pakuziva muve vakuru. | |
I Co | Shona | 14:21 | Pamurairo pakanyorwa kuti: Nedzimwe ndimi uye neimwe miromo ndichataura kurudzi urwu; kunyange zvakadaro havangandinzwi, anoreva Ishe. | |
I Co | Shona | 14:22 | Naizvozvo ndimi ndedzechiratidzo, kwete kune vanotenda, asi kune vasingatendi; asi chiporofita hachisi chevasingatendi, asi chevanotenda. | |
I Co | Shona | 14:23 | Naizvozvo kana kereke yese yaungana panzvimbo imwe, vese ndokutaura nendimi, vasina kudzidza kana vasina rutendo vakapinda, havati munopenga here? | |
I Co | Shona | 14:24 | Asi kana vese vakaporofita, umwe asingatendi kana asina kudzidza ndokupinda, achatsiurwa nevese, aongororwe nevese; | |
I Co | Shona | 14:25 | uye saizvozvo zvakavanzika zvemoyo wake zvinoratidzwa; saizvozvowo achawa nechiso achinamata Mwari, nekupupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo. | |
I Co | Shona | 14:26 | Zvino chii, hama? Pega-pega pamunoungana, umwe neumwe wenyu ane pisarema, ane dzidziso, ane ndimi, ane chakazarurwa, ane dudziro. Zvinhu zvese ngazviitirwe kuvaka. | |
I Co | Shona | 14:27 | Kana umwe achitaura nendimi ngazviitwe nevaviri, kana varege kupfuura vatatu, uye vachiravana, neumwe ngaadudzire. | |
I Co | Shona | 14:28 | Asi kana pasina mududziri, ngaanyarare mukereke; uye ngaataure kwaari nekuna Mwari. | |
I Co | Shona | 14:34 | Vanhukadzi venyu ngavanyarare mumakereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi kuzviisa pasi, sezvinorevawo murairo. | |
I Co | Shona | 14:35 | Kana vachidawo kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti chinyadzo kumunhukadzi kutaura mukereke. | |
I Co | Shona | 14:37 | Kana munhu achifunga kuti muporofita kana wemweya, ngaatende zvinhu zvandinonyora kwamuri, kuti mirairo yaIshe. | |
Chapter 15
I Co | Shona | 15:1 | Naizvozvo, hama, ndinokuzivisai evhangeri yandakakuparidzirai, yamagamuchirawo, neyamumire mairi; | |
I Co | Shona | 15:2 | uye yamunoponeswawo nayo, kana muchibatisisa inzwi reevhangeri randakaparidza kwamuri, kunze kwekuti makatenda pasina. | |
I Co | Shona | 15:3 | Nokuti ndakakumikidza kwamuri pakutanga izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu wakafira zvivi zvedu, zvichienderana nemagwaro; | |
I Co | Shona | 15:6 | shure kweizvozvo wakaonekwa kuhama dzinopfuura mazana mashanu nguva imwe, vazhinji vavo vachiripo kusvikira ikozvino, asi vamwewo varara; | |
I Co | Shona | 15:9 | Nokuti ini ndiri mudikisa wevaapositori, handifaniri kunzi muapositori, nokuti ndakashusha kereke yaMwari. | |
I Co | Shona | 15:10 | Asi nenyasha dzaMwari ndiri zvandiri, uye nyasha dzake dziri pandiri hadzina kuva pasina; asi ndakabata zvikuru kupfuura vese; zvakadaro handisi ini, asi nyasha dzaMwari dzineni. | |
I Co | Shona | 15:12 | Zvino kana Kristu achiparidzwa kuti wakamutswa kubva kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva sei kuti hakuna kumuka kwevakafa? | |
I Co | Shona | 15:14 | uye kana Kristu asina kumutswa, naizvozvo kuparidza kwedu hakuna maturo, nerutendo rwenyuwo harwuna maturo. | |
I Co | Shona | 15:15 | Nesuwo tinowanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nokuti takapupura zvaMwari kuti wakamutsa Kristu iye waasina kumutsa, kana kuri kuti vakafa havamutswi. | |
I Co | Shona | 15:17 | uye dai Kristu asina kumutswa, rutendo rwenyu haruna maturo; muchiri muzvivi zvenyu. | |
I Co | Shona | 15:19 | Dai muupenyu huno tine tariro muna Kristu chete, tinonzwisa tsitsi kukunda vanhu vese. | |
I Co | Shona | 15:20 | Asi ikozvinowo Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chekutanga chevarere. | |
I Co | Shona | 15:23 | Asi umwe neumwe padzoro rake; Kristu chibereko chekutanga, tevere avo vari vaKristu pakuuya kwake, | |
I Co | Shona | 15:24 | kozouya kuguma, paachazokumikidza umambo kuna Mwari, ivo Baba, paachaparadza kutonga kwese neushe hwese nesimba. | |
I Co | Shona | 15:27 | Nokuti wakaisa zvinhu zvese pasi petsoka dzake. Asi kana achiti zvinhu zvese zvakaiswa pasi pake, zviri pachena kuti ari kunze wakaisa zvinhu zvese pasi pake. | |
I Co | Shona | 15:28 | Zvino kana zvinhu zvese zvaiswa pasi pake, ipapo Mwanakomanawo amene achaiswa pasi paiye wakaisa zvese pasi pake, kuti Mwari ave zvese mune zvese. | |
I Co | Shona | 15:29 | Ko, vanobhabhatidzirwa vakafa vachaita sei kana vakafa vasingatongomutswi? Vakagobhabhatidzirwa vakafa nemhaka yei? | |
I Co | Shona | 15:31 | Ndinofa zuva nezuva, ndinopika nokuzvikudza pamusoro penyu kwandinako muna Kristu Jesu Ishe wedu. | |
I Co | Shona | 15:32 | Kana ndakarwa nenzira yevanhu nezvikara paEfeso, zvinondibatsirei, kana vakafa vasingamutswi? Ngatidye nekunwa, nokuti mangwana tinofa. | |
I Co | Shona | 15:34 | Pengenukai nenzira yekururama uye musatadza, nokuti vamwe vane kusaziva Mwari; ndinotaura kuti muve nenyadzi. | |
I Co | Shona | 15:37 | uye icho chaunodzvara, haudzvari muviri uchavapo, asi tsanga isina chinhu, kana yezviyo kana yezvimwe; | |
I Co | Shona | 15:39 | Nyama yese haisi nyama imwe; asi imwe inyama yevanhu, imwewo inyama yemhuka, imwewo yehove, imwewo yeshiri. | |
I Co | Shona | 15:40 | Kune miviriwo yekudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyekudenga ndekumwe, asi kweyenyika ndekumwe. | |
I Co | Shona | 15:41 | Kumwe kubwinya ndekwezuva, nekumwe kubwinya ndekwemwedzi, uye kumwe kubwinya ndekwenyeredzi, nokuti nyeredzi inosiyana neimwe nyeredzi pakubwinya. | |
I Co | Shona | 15:43 | kunodzvarwa mukuzvidzwa, kunomutswa mukubwinya; kunodzvarwa muutera, kunomutswa musimba. | |
I Co | Shona | 15:44 | Kunodzvarwa kuri muviri wechisikirwo, kunomutswa kuri muviri wemweya. Kune muviri wechisikirwo, uye kune muviri wemweya. | |
I Co | Shona | 15:45 | Zvakanyorwawo saizvozvo zvichinzi: Munhu wekutanga Adhamu wakaitwa munhu anorarama; Adhamu wekupedzisira mweya unoraramisa. | |
I Co | Shona | 15:50 | Zvino ndinoreva izvi, hama, kuti nyama neropa hazvingagoni kugara nhaka yeushe hwaMwari; nokuora hakungagari nhaka yekusaora. | |
I Co | Shona | 15:52 | nenguva diki-diki, mukuhwaira kweziso, pahwamanda yekupedzisira; nokuti hwamanda icharira, uye vakafa vachamutswa mukusaora, nesu tichashandurwa. | |
I Co | Shona | 15:54 | Zvino kana ichi chinoora chapfeka kusaora, neichi chinofa chapfeka kusafa, ipapo kuchaitika shoko rakanyorwa rinoti: Rufu rwakamedzwa mukukunda. | |
Chapter 16
I Co | Shona | 16:1 | Zvino maererano nezvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira makereke eGaratia, imwiwo itai saizvozvo. | |
I Co | Shona | 16:2 | Nemusi wekutanga wega-wega wevhiki, umwe neumwe wenyu ngaazvichengetere parutivi pakubudirira kwaakaita, kuti zvino kurege kuva nekuunganidza kana ndichisvika. | |
I Co | Shona | 16:3 | Uye pandinosvikira, chero vamunotenda, netsamba, ivo ndichavatuma, vagondoisa zvipo zvenyu kuJerusarema. | |
I Co | Shona | 16:6 | uye zvimwe ndichagara nemwi, kanawo kupedza chando, kuti imwi mugondiperekedza pese pandinoenda. | |
I Co | Shona | 16:7 | Nokuti handishuvi kukuonai ikozvino ndichipfuura; asi ndinovimba kugara imwe nguva nemwi, kana Ishe achitendera. | |
I Co | Shona | 16:10 | Zvino kana Timotio achisvika, onai kuti anemwi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe seniwo. | |
I Co | Shona | 16:11 | Naizvozvo ngakurege kuva neanomuzvidza. Asi mumuperekedze murugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarisira pamwe nehama. | |
I Co | Shona | 16:12 | Zvino maererano naAporo hama, ndakamukumbira zvikuru kuti auye kwamuri pamwe nehama; asi zvirokwazvo chishuwo chake chakange chisiri chekuuya ikozvino, asi achauya kana awana nguva yakafanira. | |
I Co | Shona | 16:15 | Ndinokukumbirisai hama, munoziva imba yaStefana, kuti ndicho chibereko chekutanga cheAkaya, uye vakazvipira kushandira vatsvene; | |
I Co | Shona | 16:16 | kuti nemwi muzviise pasi pevakadaro, nekune vese vanobata pamwe nesu, uye vachishingaira. | |
I Co | Shona | 16:17 | Ndinofarawo nekuuya kwaStefana naForichunato naAkaiako, nokuti ivo vakazadzisa kutaira kwenyu. | |
I Co | Shona | 16:19 | Makereke epaAsia anokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwe nekereke iri mumba mavo. | |