Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
MARK
Up
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16
Toggle notes
Chapter 1
Mark Shona 1:1  Kutanga kweevhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari;
Mark Shona 1:2  sezvazvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako.
Mark Shona 1:3  Inzwi reanodanidzira murenje, richiti: Gadzirai mugwagwa waIshe; ruramisai nzira dzake.
Mark Shona 1:4  Johwani wakati achibhabhatidza murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeukira kukanganwiro yezvivi;
Mark Shona 1:5  zvino kwakabudira kwaari nyika yese yeJudhiya, naivo veJerusarema, ndokubhabhatidzwa vese naye murwizi rweJoridhani vachireurura zvivi zvavo.
Mark Shona 1:6  Uye Johwani wakange akapfeka makushe ekamera, nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake, waidya mhashu neuchi hwedondo.
Mark Shona 1:7  Akaparidza, achiti: Kunouya ane simba kupfuura ini shure kwangu, wandisina kufanira kukotama kuti ndisunungure tambo yeshangu dzake.
Mark Shona 1:8  Ini zvirokwazvo ndakubhabhatidzai nemvura; asi iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene.
Mark Shona 1:9  Zvino zvakaitika nemazuva ayo kuti Jesu wakabva Nazareta yeGarirea, akabhabhatidzwa naJohwani muna Joridhani.
Mark Shona 1:10  Pakarepo achibuda mumvura, wakaona matenga akazarurwa, neMweya senjiva achiburukira pamusoro pake.
Mark Shona 1:11  Zvino kwakaitika inzwi richibva kumatenga richiti: Iwe uri Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo.
Mark Shona 1:13  Akavako murenje mazuva makumi mana achiidzwa naSatani, uye wakange ane mhuka dzesango, vatumwa vachimushandira.
Mark Shona 1:14  Zvino shure kwekukumikidzwa kwaJohwani, Jesu wakasvika muGarirea, achiparidza evhangeri yeushe hwaMwari,
Mark Shona 1:15  achiti: Nguva yazadziswa, uye ushe hwaMwari hwaswedera; tendeukai, mutende evhangeri.
Mark Shona 1:16  Wakati achifamba-famba parutivi rwegungwa reGarirea, akaona Simoni naAndiriya munin'ina wake vachikandira mumbure mugungwa; nokuti vakange vari varedzi.
Mark Shona 1:17  Jesu akati kwavari: Nditeverei, ndichakuitai muve varedzi vevanhu.
Mark Shona 1:19  Wakati apfuura zvishoma ipapo, akaona Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake, naivo vari muchikepe vachigadzira mimbure.
Mark Shona 1:20  Pakarepo akavadana; ndokusiya baba vavo Zebhedhi muchikepe nevarikichi, vakamutevera.
Mark Shona 1:21  Zvino vakapinda muKapenaume; zvino pakarepo nesabata wakapinda musinagoge, akadzidzisa.
Mark Shona 1:22  Vakashamisika nedzidziso yake; nokuti wakavadzidzisa seane simba, kwete sevanyori.
Mark Shona 1:23  Zvino kwaiva musinagoge ravo nemunhu wakange ane mweya wetsvina, akadanidzira,
Mark Shona 1:24  achiti: Regai, tinei nemwi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.
Mark Shona 1:25  Jesu ndokumutsiura achiti: Nyarara, ubude maari!
Mark Shona 1:26  Zvino mweya wetsvina wakati amugwinhisa, ndokudanidzira nenzwi guru, akabuda kwaari.
Mark Shona 1:27  Vakashamisika vese, kusvikira vabvunzana, vachiti: Chii ichi? Idzidziso itsva yei iyi? Nokuti nesimba anoraira kunyange mweya yetsvina, uye inomuteerera.
Mark Shona 1:28  Zvino pakarepo shoko rake rikabudira panyika yese yakapoteredza Garirea.
Mark Shona 1:29  Zvino pakarepo vakati vachibuda musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndiriya vana Jakobho naJohwani.
Mark Shona 1:30  Asi mai vemukadzi waSimoni vakange varere vane fivhiri, pakarepo vakamuudza nezvavo;
Mark Shona 1:31  akaswedera, akavabata ruoko, akavamutsa; fivhiri ikavarega pakarepo, vakavashandira.
Mark Shona 1:32  Zvino ava madekwani, zuva rovira, vakauisa kwaari vese vakange vachirwara nevakange vane madhimoni.
Mark Shona 1:34  Akaporesa vazhinji vakange vachirwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, nekubudisa madhimoni mazhinji; uye haana kutendera madhimoni kutaura, nokuti aimuziva.
Mark Shona 1:35  Zvino mangwanani kuchine rima guru, wakasimuka, akabuda, akaenda kunzvimbo murenje, akanonyengeterapo.
Mark Shona 1:37  Zvino vakati vamuwana vakati kwaari: Vese vanokutsvakai.
Mark Shona 1:38  Ndokubva ati kwavari: Ngatiende kumisha iri pedo, kuti ndinoparidzawo ikoko, nokuti ndizvo zvandakabudira.
Mark Shona 1:39  Akabva aparidza mumasinagoge avo paGarirea rese, achibudisa madhimoni.
Mark Shona 1:40  Zvino kwakauya kwaari ane maperembudzi, achimukumbirisa, ndokumufugamira achiti kwaari: Kana muchida munogona kundinatsa.
Mark Shona 1:41  Jesu akanzwa tsitsi, akatandavadza ruoko, akamubata akati kwaari: Ndinoda, natswa;
Mark Shona 1:42  achangotaura, maperembudzi akabva kwaari pakarepo, akanatswa.
Mark Shona 1:43  Zvino akamuraira zvikuru, akamurega achienda pakarepo,
Mark Shona 1:44  akati kwaari: Ona kuti urege kuudza munhu chinhu; asi enda, uzviratidze kumupristi, ubaire pamusoro pekunatswa kwako Mozisi zvaakaraira, chive chapupu kwavari.
Mark Shona 1:45  Asi iye wakabuda akatanga kuparidza zvikuru nekuvavaza kunze shoko iro, zvekuti wakange asingachagoni kupinda muguta pachena, asi wakange ari kunze kunzvimbo dzerenje. Vakauya kwaari vachibva kumativi ese.
Chapter 2
Mark Shona 2:1  Zvino wakapindazve muKapenaume pashure pemazuva; zvikanzwikwa kuti ari mumba.
Mark Shona 2:2  Zvino pakarepo vazhinji vakaungana zvekuti pakange pasisina nzvimbo, kunyange pamukova; akataura shoko kwavari.
Mark Shona 2:3  Vakauya kwaari, vakauisa wakange akafa mitezo, akatakurwa nevanhu vana.
Mark Shona 2:4  Zvino vakati vasingagoni kusvika pedo naye nekuda kwechaunga, vakapfurunyura denga paakange ari, vakati varidzura vakaburusira hwanyanza hwaakange arere pahuri iye wakange akafa mitezo.
Mark Shona 2:5  Jesu wakati aona rutendo rwavo akati kune wakange akafa mitezo: Mwana, zvivi zvako zvakanganwirwa kwauri.
Mark Shona 2:6  Zvino vamwe vevanyori vakange vagerepo, vakafunga mumoyo yavo vachiti:
Mark Shona 2:7  Uyu anotaurirei kunyomba sezvizvi? Ndiani anogona kukanganwira zvivi kunze kweumwe chete, Mwari?
Mark Shona 2:8  Zvino pakarepo Jesu achiziva mumweya wake kuti vanofunga saizvozvo mukati mavo wakati kwavari: Munofungirei zvinhu izvi mumoyo yenyu?
Mark Shona 2:9  Chii chakareruka zvikuru, kuti kune wakafa mitezo: Zvivi zvako zvakanganwirwa kwauri; kana kuti: Simuka, utore hwanyanza hwako, ufambe?
Mark Shona 2:10  Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekukanganwira zvivi (akati kune wakange akafa mitezo):
Mark Shona 2:11  Ndinoti kwauri: Simuka utore hwanyanza hwako, uende kumba kwako.
Mark Shona 2:12  Zvino pakarepo wakasimuka, akatora hwanyanza, ndokubuda pamberi pavo vese; zvekuti vese vakashamisika, vakarumbidza Mwari, vachiti: Hatina kumbozviona zvakadai.
Mark Shona 2:13  Wakabudazve parutivi rwegungwa, chaunga chese chikauya kwaari, akavadzidzisa.
Mark Shona 2:14  Wakati achipfuura, akaona Revhi waArifiyosi agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere. Akasimuka akamutevera.
Mark Shona 2:15  Zvino zvakaitika agere pakudya mumba make, kuti vateresi vazhinji nevatadzi vakagarawo pamwe naJesu nevadzidzi vake; nokuti vakange vari vazhinji vakamutevera.
Mark Shona 2:16  Zvino vanyori neVaFarisi vakati vamuona achidya nevateresi nevatadzi, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei achidya nekunwa nevateresi nevatadzi?
Mark Shona 2:17  Jesu wakati achizvinzwa akati kwavari: Vatano havadi chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi mukutendeuka.
Mark Shona 2:18  Uye vadzidzi vaJohwani neveVaFarisi vaitsanya; vakauya vakati kwaari: Nemhaka yeyi vadzidzi vaJohwani neveVaFarisi vachitsanya asi vadzidzi venyu havatsanyi?
Mark Shona 2:19  Jesu akati kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kutsanya muwani achiri kwavari here? Kana vachingova nemuwani kwavari, havagoni kutsanya;
Mark Shona 2:20  asi mazuva achasvika apo muwani achabviswa kwavari, ipapo mumazuva ayo vachatsanya.
Mark Shona 2:21  Uye hakuna anosonera chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu; kana zvikasadaro chinoiswa chinobvaruka kubva pachiri, chitsva kubva pane chakasakara, buri rikanyanya.
Mark Shona 2:22  Uye hakuna anodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvikasadaro waini itsva inoparusa hombodo, waini ikateuka nehombodo ikaparara; asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva.
Mark Shona 2:23  Zvino zvakaitika kuti achigura nemuminda yezviyo nesabata, vadzidzi vake ndokutanga kutanha hura vachifamba.
Mark Shona 2:24  VaFarisi ndokuti kwaari: Tarira, vanoitirei nesabata izvo zvisiri pamutemo?
Mark Shona 2:25  Iye akati kwavari: Hamuna kutomboverenga here Dhavhidhi zvaakaita, paakange ashaiwa, ava nenzara, iye nevakange vanaye?
Mark Shona 2:26  Kuti wakapinda sei mumba maMwari nenguva yaAbhiatari mupristi mukuru, akadya zvingwa zvekuratidza zvakange zvisiri pamutemo kudyiwa, kunze nevapristi, akapawo kwavari vaiva naye?
Mark Shona 2:27  Akati kwavari: Sabata rakaitirwa munhu, kwete munhu kuitirwa sabata.
Mark Shona 2:28  Naizvozvo Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyange wesabata.
Chapter 3
Mark Shona 3:1  Zvino wakapindazve musinagoge, zvino kwakange kune munhuko wakange ane ruoko rwakawonyana.
Mark Shona 3:2  Zvino vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nesabata, kuti vamupomere.
Mark Shona 3:3  Zvino akati kumunhu waiva neruoko rwakawonyana: Simuka uende pakati.
Mark Shona 3:4  Akati kwavari: Zviri pamutemo here kuita zvakanaka nemasabata, kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu, kana kuuraya? Asi vakanyarara.
Mark Shona 3:5  Zvino wakati aringa-ringa kwavari, nekutsamwa, ane shungu nekuda kwekuoma kwemoyo wavo, akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako, ndokutandavadza, ruoko rwake ndokuporeswa rwukagwinya serumwe.
Mark Shona 3:6  VaFarisi vakabuda pakarepo vakarangana neVaHerodhe vachimupikisa kuti vangamuparadza sei.
Mark Shona 3:7  Zvino Jesu akabva nevadzidzi vake vakaenda kugungwa; chaunga chikuru chikamutevera chichibva kuGarirea, nekuJudhiya,
Mark Shona 3:8  nekuJerusarema, nekuIdhumeya, nemhiri kwaJoridhani, nevakapoteredza Tire neSidhoni, chaunga chikuru, vakati vanzwa makuriro ezvinhu zvaanoita vakauya kwaari.
Mark Shona 3:9  Akataura kuvadzidzi vake kuti igwa diki rimugarire nekuda kwechaunga, kuti varege kumutsikirira.
Mark Shona 3:10  Nokuti wakange aporesa vazhinji zvekuti vaiwira pamusoro pake kuti vamubate vese vakange vane zvirwere.
Mark Shona 3:11  Nemweya yetsvina, payakamuona yakawira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti: Imwi muri Mwanakomana waMwari.
Mark Shona 3:12  Akairairisa zvikuru kuti irege kumubudisa pachena.
Mark Shona 3:13  Zvino wakakwira mugomo, akadanira kwaari vaakange achida iye; vakauya kwaari.
Mark Shona 3:14  Akagadza gumi nevaviri, kuti vave naye, nokuti avatume kunoparidza,
Mark Shona 3:15  uye vave nesimba rekuporesa zvirwere nekubudisa madhimoni.
Mark Shona 3:17  naJakobho waZebhedhi, naJohwani munin'ina waJakobho; akavatumidza mazita anonzi Bowanegesi, ndokuti, vanakomana vekutinhira;
Mark Shona 3:18  naAndiriya, naFiripi, naBhatoromiyo, naMatewu, naTomasi, naJakobho waArifiyosi, naTadhiyo, naSimoni muKenani,
Mark Shona 3:19  naJudhasi Isikariyoti, iye wakamutengesawo. Ndokubva vapinda mumba.
Mark Shona 3:20  Chaunga chikaunganazve zvekuti vakange vasingagoni kunyange kudya chingwa.
Mark Shona 3:21  Vekwake vakati vachizvinzwa vakabuda kunomubata; nokuti vakati: Anopenga.
Mark Shona 3:22  Nevanyori vakaburuka vachibva kuJerusarema vakati: Ana Bheerizebhuri, uye kuti: Anobudisa madhimoni nemutungamiriri wemadhimoni.
Mark Shona 3:23  Zvino akavadanira kwaari, akati kwavari nemifananidzo: Satani angagona kubudisa Satani sei?
Mark Shona 3:24  Kana ushe hwakapesana huchizvipikisa, ushe uhwo hahungagoni kumira.
Mark Shona 3:25  Kana imba yakapesana ichizvipikisa, imba iyo haigoni kumira.
Mark Shona 3:26  Uye kana Satani achizvimukira, akapesana, haangagoni kumira, asi anoguma.
Mark Shona 3:27  Hakuna angagona kupinda mumba mechikakarara, akapamba nhumbi dzacho, kunze kwekuti atanga kusunga chikakarara, ndokuzopamba imba yacho.
Mark Shona 3:28  Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvivi zvese zvichakanganwirwa kuvanakomana vevanhu, nekunyomba kwese kwavanonyomba nako;
Mark Shona 3:29  asi ani nani anonyomba achipikisa Mweya Mutsvene haana kanganwiro kusvikira narinhi asi ane mhosva yekutongwa kusingaperi.
Mark Shona 3:31  Zvino kwakauya vanin'ina namai vake, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari vachimudana.
Mark Shona 3:32  Chaunga chakange chigere chakamukomba; vakati kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vari panze vanokutsvakai.
Mark Shona 3:33  Akavapindura achiti: Mai vangu ndiani kana vanin'ina vangu?
Mark Shona 3:34  Zvino akaringa-ringa kupoteredza avo vakange vagere vakamukomba akati: Tarirai mai vangu nevanin'ina vangu.
Mark Shona 3:35  Nokuti ani nani anoita kuda kwaMwari, ndiye munin'ina wangu nehanzvadzi yangu namai.
Chapter 4
Mark Shona 4:1  Zvino wakatangazve kudzidzisa parutivi rwegungwa; kukaungana kwaari chaunga chikuru zvekuti wakapinda muchikepe akagara mugungwa; uye chaunga chese chakange chiri pagungwa panyika.
Mark Shona 4:2  Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati kwavari padzidziso yake:
Mark Shona 4:4  Zvino zvakaitika pakukusha, imwe yakawira parutivi rwenzira; shiri dzekudenga dzikauya dzikaidya dzikaipedza.
Mark Shona 4:5  Asi imwe yakawira panzvimbo dzine mabwe, payakange isina ivhu zhinji; pakarepo ikamera, nokuti yakange isina udziku hwevhu;
Mark Shona 4:6  asi zuva rakati rabuda, yakapiswa, uye nokuti yakange isina mudzi, yakasvava.
Mark Shona 4:7  Uye imwe yakawira paminzwa, minzwa ikakura ikaivhunga, ikasabereka chibereko.
Mark Shona 4:8  Uye imwe yakawira muvhu rakanaka; ikabereka chibereko chakakura ikawedzera, ikabereka, imwe makumi matatu, neimwe makumi matanhatu, neimwe zana.
Mark Shona 4:9  Ndokuti kwavari: Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
Mark Shona 4:10  Zvino wakati ava ega, vakange vakamukomba nevanegumi nevaviri vakamubvunza zvemufananidzo.
Mark Shona 4:11  Uye akati kwavari: Kwamuri kwakapiwa kuziva chakavanzika cheushe hwaMwari; asi kune avo vari kunze, zvese zvinoitwa nemifananidzo;
Mark Shona 4:12  kuti vachiona vaone asi varege kuonesesa, vachinzwa vanzwe asi vasinganzwisisi, zvimwe chero nguva varege kutendeuka, vakanganwirwe zvivi.
Mark Shona 4:13  Zvino akati kwavari: Hamuzivi mufananidzo uyu here? Zvino muchaziva sei mifananidzo yese?
Mark Shona 4:15  Zvino ava ndivo veparutivi rwenzira, apo panokushwa shoko, uye kana vachirinzwa, pakarepo Satani anouya ndokubvisa shoko rakakushwa mumoyo yavo.
Mark Shona 4:16  Uye saizvozvo ava ndivo vakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ivo kana vanzwa shoko, pakarepo vanorigamuchira nemufaro,
Mark Shona 4:17  asi havana mudzi mavari, asi ndevenguva; pashure kana matambudziko kana kushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa.
Mark Shona 4:18  Zvino ava ndivo vanokushwa muminzwa, vanonzwa shoko,
Mark Shona 4:19  asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma neruchiva pamusoro pezvimwe zvinhu zvichipinda, zvichivhunga shoko, rova risingabereki.
Mark Shona 4:20  Naava ndivo vakakushwa muvhu rakanaka, ndivo vanonzwa shoko, ndokugamuchira, vagobereka chibereko, umwe makumi matatu, uye umwe makumi matanhatu, uye umwe zana.
Mark Shona 4:21  Zvino wakati kwavari: Mwenje unouiswa kuti uiswe pasi pedengu kana pasi pemubhedha here? Kwete kuti uiswe pachigadziko chemwenje here?
Mark Shona 4:22  Nokuti hapana chakavigwa chisingazovhundunurwi, kana chakachengetwa chakavanda, asi kuti zvibude pachena.
Mark Shona 4:24  Zvino wakati kwavari: Chenjererai zvamunonzwa; nechiyero chamunoyera nacho chichayerwa kwamuri, nekwamuri imwi munonzwa, chichawedzerwa.
Mark Shona 4:25  Nokuti ani nani anacho achapiwa; asi asina achatorerwa kunyange nechaanacho.
Mark Shona 4:26  Zvino akati: Hwakadaro ushe hwaMwari, sezvinonzi munhu anokusha mbeu muvhu.
Mark Shona 4:27  Zvino orara nekumuka usiku nemasikati, mbeu inomera ichikura iye asingazivi kuti sei.
Mark Shona 4:28  Nokuti ivhu rinozviberekera chibereko pacharo, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura.
Mark Shona 4:29  Asi kana chibereko chaibva, pakarepo anotuma jeko nokuti kukohwa kwasvika.
Mark Shona 4:30  Zvino wakati: Tichafananidza nei ushe hwaMwari? Kana tingahuenzanisa nemuenzaniso upi?
Mark Shona 4:31  Setsanga yemasitadha*, iyo kana ichidzvarwa muvhu, idikisa kumbeu dzese dzepanyika;
Mark Shona 4:32  asi kana yadzvarwa, inokura ichiva huru kumiriwo yese, ichiita matavi makuru zvekuti shiri dzekudenga dzinogona kuvakira pasi pemumvuri wawo.
Mark Shona 4:33  Zvino nemifananidzo mizhinji yakadaro wakataura shoko kwavari, sepavaigona kunzwa napo.
Mark Shona 4:34  Asi kunze kwemufananidzo haana kutaura kwavari; asi vava vega, wakadudzira vadzidzi vake zvese.
Mark Shona 4:35  Zvino nezuva iro ava madekwani, wakati kwavari: Ngatiyambukire mhiri.
Mark Shona 4:36  Vakarega chaunga chichienda, vakaenda naye akangodaro muchikepe. Zvino kwaivawo nemamwe magwa naye.
Mark Shona 4:37  Zvino kwakamuka dutu guru remhepo, mafungu akazvirovera muchikepe, zvekuti chakange zvino chozadzwa.
Mark Shona 4:38  Asi iye wakange ari shure muchikepe arere pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari: Mudzidzisi, hamuna hanya kuti toparara here?
Mark Shona 4:39  Akamuka akatsiura mhepo, akati kugungwa: Nyarara, gadzikana! Mhepo ikamira, kukava nekudzikama kukuru.
Mark Shona 4:40  Ndokuti kwavari: Munotyirei zvakadaro? Hamuna rutendo sei?
Mark Shona 4:41  Vakatya nekutya kukuru, vakati umwe kune umwe: Zvino ndiani uyu, kuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?
Chapter 5
Mark Shona 5:1  Vakasvika mhiri kwegungwa, kunyika yeVaGadharini.
Mark Shona 5:2  Zvino wakati abuda muchikepe, pakarepo munhu akamuchingamidza achibva kumarinda ane mweya wetsvina,
Mark Shona 5:3  uyo wakange ane ugaro kumarinda, uye kwakange kusina wakange achigona kumusunga kunyange nemaketani,
Mark Shona 5:4  nokuti kazhinji waisungwa nezvisungo zvemakumbo nemaketani, asi maketani aigurwa nepakati naye, nezvisungo zvemakumbo zvaigurwa kuita zvidimbu; uye kwakange kusina waigona kumupingudza.
Mark Shona 5:5  Zvino nguva dzese, usiku nemasikati, waiva mumakomo nemumarinda achidanidzira, achizvicheka nemabwe.
Mark Shona 5:6  Zvino wakati achiona Jesu ari kure, akamhanya ndokumunamata;
Mark Shona 5:7  akadanidzira nenzwi guru akati: Ndinei nemwi Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari, murege kundirwadzisa.
Mark Shona 5:8  Nokuti wakati kwaari: Buda mumunhu, mweya wetsvina.
Mark Shona 5:9  Ndokumubvunza akati: Zita rako ndiani? Akapindura achiti: Zita rangu rinonzi Regiyoni, nokuti tiri vazhinji.
Mark Shona 5:10  Akamukumbirisa zvikuru kuti arege kuvaendesa kunze kwenyika.
Mark Shona 5:11  Zvino kwakange kuripo pedo nemakomo boka guru renguruve dzichifura.
Mark Shona 5:12  Nemadhimoni ese akamukumbira zvikuru achiti: Titumirei kunguruve kuti tipinde madziri.
Mark Shona 5:13  Pakarepo Jesu akaatendera. Mweya yetsvina ikabuda ikapinda munguruve; boka rikapitirikira kumawere kuenda kugungwa, dzinenge dzaiva zvuru zviviri, dzikabitirirwa mugungwa.
Mark Shona 5:14  Zvino vaifudza nguruve vakatiza, vakanoreva muguta neparuwa. Vakabuda kuzoona kuti chii chainge chaitwa.
Mark Shona 5:15  Vakasvika kuna Jesu, vakaona wakange ane madhimoni, iye waiva neRegiyoni agere, akapfeka ari munhu kwaye; vakatya.
Mark Shona 5:16  Uye avo vakange vazviona, vakavarondedzera kuti zvakaitika sei kune wakange ane madhimoni nepamusoro penguruve.
Mark Shona 5:17  Vakatanga kumukumbirisa kuti abve mudunhu mavo.
Mark Shona 5:18  Zvino wakati achipinda muchikepe, iye waiva nemadhimoni akamukumbirisa kuti ave naye.
Mark Shona 5:19  Asi Jesu haana kumutendera, asi wakati kwaari: Enda kumba kwako, kune vekwako, unovaudza kuti zvikuru sei Ishe zvaakuitira, nekukuitira tsitsi.
Mark Shona 5:20  Akabva ndokuenda akatanga kuparidza muDhekapori kukura kwezvinhu Jesu zvaakamuitira; vese vakashamisika.
Mark Shona 5:21  Jesu wakati ayambukazve nechikepe kune rimwe divi, chaunga chikuru chikaunganira kwaari, uye wakange ava parutivi rwegungwa.
Mark Shona 5:22  Zvino tarira, kwakasvika umwe wevakuru vesinagoge, wainzi Jairosi; zvino wakati amuona, akawira patsoka dzake.
Mark Shona 5:23  Akamukumbirisa zvikuru achiti: Mukunda wangu mudiki wotandadza, dai mauya muise maoko pamusoro pake kuti aponeswe uye achararama.
Mark Shona 5:24  Akaenda naye; chaunga chikuru chikamutevera, chikamutsimbirira.
Mark Shona 5:25  Zvino umwe mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri,
Mark Shona 5:26  wakange atambura zvikuru kuvarapi vazhinji, wakange apedza zvese zvaakange anazvo, asina kutongobatsirika, asi pachinhambo cheizvi ainyanyisa,
Mark Shona 5:27  wakati anzwa zvaJesu, akauya nepakati pechaunga neshure, akabata nguvo yake.
Mark Shona 5:28  Nokuti wakati: Kana ndikabata nguvo dzake chete, ndichaponeswa.
Mark Shona 5:29  Zvino pakarepo chitubu cheropa rake chikapwa, akanzwa mumuviri kuti waporeswa pachifo.
Mark Shona 5:30  Zvino pakarepo Jesu achiziva mukati make kuti simba rabuda maari, akatendeuka pachaunga akati: Ndiani wabata nguvo dzangu?
Mark Shona 5:31  Vadzidzi vake vakati kwaari: Munoona chaunga chinokutsimbirirai, zvino moti: Ndiani wandibata?
Mark Shona 5:32  Zvino wakaringa-ringa kuona uyo wakange aita ichi.
Mark Shona 5:33  Asi mukadzi achitya, nekubvunda, achiziva zvakange zvaitika maari, akauya ndokuwira pamberi pake, ndokumuudza chokwadi chese.
Mark Shona 5:34  Ndokuti kwaari: Mukunda, rutendo rwako rwakuponesa, enda nerugare, poreswa pachifo chako.
Mark Shona 5:35  Wakati achataura, kwakasvika vamwe vemukuru wesinagoge vakati: Mukunda wenyu wafa, muchiri kutambudzirei Mudzidzisi?
Mark Shona 5:36  Pakarepo Jesu achinzwa shoko rakataurwa akati kumukuru wesinagoge: Usatya, tenda chete.
Mark Shona 5:37  Akasatendera munhu kumutevera, kunze kwaPetro, naJakobho, naJohwani munin'ina waJakobho.
Mark Shona 5:38  Zvino wakasvika mumba memukuru wesinagoge, akaona mhere-mhere nevaichema nekurira zvikuru.
Mark Shona 5:39  Zvino wakati apinda akati kwavari: Munoitirei mhere-mhere muchichema? Mwana haana kufa, asi arere.
Mark Shona 5:40  Vakamuseka. Asi iye wakati avabudisa vese panze, akatora baba vemwana namai nevakange vanaye, akapinda makange murere mwana.
Mark Shona 5:41  Akabata ruoko rwemwana, akati kwaari: "Tarita kumi"; ndokuti kana zvichishandurwa: Musikana mudiki, ndinoti kwauri, muka.
Mark Shona 5:42  Pakarepo musikana wakasimuka, akafamba; nokuti waiva wemakore gumi nemaviri; vakashamisika nekushamisika kukuru.
Mark Shona 5:43  Akavaraira zvikuru kuti kusava nemunhu anoziva izvi; akati apiwe kudya.
Chapter 6
Mark Shona 6:1  Zvino wakabvapo, akasvika kunyika yekwake; vadzidzi vake vakamutevera.
Mark Shona 6:2  Zvino rava sabata, akatanga kudzidzisa musinagoge; vazhinji vakamunzwa, vakashamisika vachiti: Izvi zvinobvepi kwaari? Injere dzipi dzakapiwa kwaari, kuti nemabasa esimba akadai anoitwa nemaoko ake?
Mark Shona 6:3  Uyu haasi muvezi here, mwanakomana waMaria, nemukoma waJakobho, naJose, naJudha, naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here? Vakagumburwa naye.
Mark Shona 6:4  Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haangashaiwi kukudzwa, kunze kwemunyika yekwake, nepakati pehama, nemumba make.
Mark Shona 6:5  Akasagona kubata chero basa resimba ipapo, kunze kwekuti wakaisa maoko pamusoro pevairwara vashoma, akaporesa.
Mark Shona 6:6  Akashamisika nekusatenda kwavo. Uye akapota-pota nemisha achidzidzisa.
Mark Shona 6:7  Zvino wakadanira kwaari vanegumi nevaviri, akatanga kuvatuma vaviri-vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina.
Mark Shona 6:8  Akavaraira kuti varege kutora chinhu cherwendo kunze kwemudonzvo chete; kwete chikwama, kwete chingwa, kwete mari mubhanhire.
Mark Shona 6:9  Asi vapfeke manyatera, varege kupfeka nguvo refu mbiri.
Mark Shona 6:10  Zvino akati kwavari: Pese pamunopinda mumba, mugaremo kusvikira muchibvapo.
Mark Shona 6:11  Asi vese vasingakugamuchiriyi kana kukunzwai, kana muchibvapo, zuzai guruva riri pasi petsoka dzenyu, chive chapupu kwavari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuSodhoma kana Gomora nezuva rekutongwa kupfuura guta iro.
Mark Shona 6:13  zvino vakabudisa madhimoni mazhinji, vakazodza nemafuta vazhinji vairwara, vachiporesa.
Mark Shona 6:14  Mambo Herodhe ndokuzvinzwa, nokuti zita rake rakava pachena, akati: Johwani anobhabhatidza akamutswa kubva kuvakafa, naizvozvo masimba anobata maari.
Mark Shona 6:15  Vamwe vakati: NdiEria; nevamwe vakati: Muporofita, kana wakaita seumwe wevaporofita.
Mark Shona 6:16  Asi Herodhe wakati anzwa, akati: Uyu ndiJohwani uya wandakagura ini musoro; iye wamuka kubva kuvakafa.
Mark Shona 6:17  Nokuti Herodhe pachake wakange atuma vanhu akabata Johwani, akamusunga mutirongo nekuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munin'ina wake; nokuti Herodhe wakange amuwana.
Mark Shona 6:18  Nokuti Johwani wakange ati kuna Herodhe: Hauna kutenderwa kuti uve nemukadzi wemunin'ina wako.
Mark Shona 6:19  Herodhiasi akamuvenga nechemumoyo, akada kumuuraya, asi wakakonewa;
Mark Shona 6:20  nokuti Herodhe aitya Johwani, achiziva kuti murume wakarurama, mutsvene, akamuchengetedza. Zvino paakamunzwa akaita zvinhu zvakawanda, akamunzwa nemufaro.
Mark Shona 6:21  Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhe nezuva rekuberekwa kwake akaitira chirairo madzishe ake nevatungamiriri vezvuru nevatungamiriri veGarirea,
Mark Shona 6:22  zvino mukunda waHerodhiasi uyo paakapinda akatamba, akafadza Herodhe nevakange vagere pakudya naye; mambo akati kumusikana: Kumbira kwandiri chipi zvacho chaunoda ndigokupa.
Mark Shona 6:23  Zvino akamupikira achiti: Chero chipi chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu yeushe hwangu.
Mark Shona 6:24  Akabuda akati kuna mai vake: Ndichakumbirei? Vakati: Musoro waJohwani Mubhabhatidzi.
Mark Shona 6:25  Pakarepo akakurumidza kupinda kuna mambo, akakumbira achiti: Ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohwani Mubhabhatidzi.
Mark Shona 6:26  Mambo akashungurudzika zvikuru, asi nekuda kwemhiko, nekwevakange vagere naye pakudya, wakange asingadi kumurambira.
Mark Shona 6:27  Pakarepo mambo akatuma muurai, akaraira kuti musoro wake uuyiswe. Akaenda, akamugura musoro mutirongo,
Mark Shona 6:28  akauya nemusoro wake mundiro, akaupa kumusikana, musikana ndokuupa mai vake.
Mark Shona 6:29  Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakauya vakatora chitunha chake, vakachiisa muguva.
Mark Shona 6:30  Zvino vaapositori vakaunganira kuna Jesu, vakamuudza zvese, nezvavakange vaita, nezvavakange vadzidzisa.
Mark Shona 6:31  Akati kwavari: Uyai imwi pachenyu mega kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma. Nokuti vaiva vazhinji vaiuya nekuenda, vakasava nemukana kunyange wekudya.
Mark Shona 6:32  Vakaenda nechikepe kunzvimbo yerenje vari vega.
Mark Shona 6:33  Zvaunga zvikavaona vachienda, uye vazhinji vakamuziva, vakamhanyirako pamwe chete netsoka vachibva pamaguta ese, vakavatangira, vakasangana kwaari.
Mark Shona 6:34  Zvino Jesu wakati achibuda, akaona chaunga chikuru, ndokuvanzwira tsitsi, nokuti vakange vakaita semakwai asina mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.
Mark Shona 6:35  Zvino nguva yakati yaenda zvikuru, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati: Iyi inzvimbo yerenje, uye nguva yatoenda;
Mark Shona 6:36  varegei, kuti vaende kuruwa rwakapoteredza nemisha vanozvitengera zvingwa; nokuti havana chavangadya.
Mark Shona 6:37  Akapindura akati kwavari: Vapei imwi kuti vadye. Vakati kwaari: Tingaenda here tinotenga zvingwa zvemadhenario* mazana maviri, tivape vadye?
Mark Shona 6:38  Akati kwavari: Mune zvingwa zvingani? Endai munoona. Vakati vaziva vakati: Zvishanu, nehove mbiri.
Mark Shona 6:39  Zvino akavaraira kuti vavagarise vese pasi nemapoka-mapoka pauswa unyoro.
Mark Shona 6:40  Zvino vakagara pasi nemapoka-mapoka nemazana uye nemakumi mashanu.
Mark Shona 6:41  Zvino wakati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa kuvadzidzi vake, kuti vazvigadzike pamberi pavo; nehove mbiri akavagovera vese.
Mark Shona 6:43  Vakanunga matengu gumi nemaviri azere nezvimedu, nezvehove.
Mark Shona 6:44  Zvino avo vakadya zvingwa vaiva varume vanenge zvuru zvishanu.
Mark Shona 6:45  Pakarepo akamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vatungamire kuenda mhiri kuBhetisaidha, iye achirega chaunga chichienda.
Mark Shona 6:46  Akati avaoneka, akabva akaenda mugomo kunonyengetera.
Mark Shona 6:47  Zvino ava madekwani chikepe chakange chiri pakati pegungwa, iye ari ega panyika.
Mark Shona 6:48  Zvino wakavaona vachirwadziwa nekukwasva, nokuti mhepo yakange ichipesana navo; akauya kwavari nenguva inenge seyechina yekurinda yeusiku, achifamba pamusoro pegungwa; ndokuda kuvapfuura.
Mark Shona 6:49  Zvino vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti chipoko, vakaridza mhere.
Mark Shona 6:50  Nokuti vese vakamuona, vakavhunduka; asi pakarepo akataura navo, akati kwavari: Tsungai moyo, ndini, musatya.
Mark Shona 6:51  Akakwira kwavari muchikepe, mhepo ikanyarara; vakakatyamara zvikuru mukati mavo zvisingaverengeki, vakashamisika.
Mark Shona 6:52  Nokuti vakange vasina kunzwisisa zvezvingwa, nokuti moyo wavo wakange uri mukukutu.
Mark Shona 6:53  Vakati vayambuka, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira chikepe pamahombekombe.
Mark Shona 6:55  vakamhanyira munharaunda iyo yese yakapoteredza, vakatanga kutenderera vakatakura vairwara pahwanyanza, kwavainzwa kuti ndiko kwaari.
Mark Shona 6:56  Zvino pese paakapinda pamisha kana pamaguta kana paruwa, vakaradzika varwere pamisika, vakamukumbira zvikuru kuti vabate mupendero wenguvo yake chete; uye vese vakamubata vakaponeswa.
Chapter 7
Mark Shona 7:1  Zvino kwakaunganira kwaari VaFarisi nevamwe vevanyori vaibva kuJerusarema;
Mark Shona 7:2  vakati vaona vamwe vevadzidzi vake vachidya zvingwa nemaoko ane tsvina, ndiko kuti asina kushambwa, vakasvora.
Mark Shona 7:3  Nokuti VaFarisi, neVaJudha vese, havadyi kunze kwekuti vashamba maoko kwazvo, vachibatirira tsika dzevakuru.
Mark Shona 7:4  Kana vachibva pamusika, kunze kwekuti vashamba, havadyi; nezvimwe zvinhu zvizhinji zviripo zvavakange vagamuchira kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira, nenhovo.
Mark Shona 7:5  Ipapo VaFarisi nevanyori vakamubvunza, vachiti: Nemhaka yei vadzidzi venyu vasingafambi netsika yevakuru, asi vanodya chingwa nemaoko asina kushambwa?
Mark Shona 7:6  Asi wakapindura akati kwavari: Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu imwi vanyepedzeri, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Rudzi urwu rwunondikudza nemiromo, asi moyo wavo uri kure neni.
Mark Shona 7:7  Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso, dziri mirairo yevanhu.
Mark Shona 7:8  Nokuti munosiya murairo waMwari, muchibatirira tsika yevanhu, sekusuka hari nemikombe, nezvimwe zvizhinji zvakadaro munozviita.
Mark Shona 7:9  Zvino akati kwavari: Munoramba nemazvo murairo waMwari, kuti muchengete tsika yenyu.
Mark Shona 7:10  Nokuti Mozisi wakati: Kudza baba vako namai vako; uye: Anotuka baba kana mai, anofanira kufa rufu.
Mark Shona 7:11  Asi imwi munoti: Kana munhu achiti kuna baba kana mai: Chinhu chipi nechipi chamunobatsirwa nacho neni "iKorbani*", ndokuti chipo kuna Mwari;
Mark Shona 7:12  hamuchamutenderi kuitira baba vake kana mai vake chinhu,
Mark Shona 7:13  muchishayisa shoko raMwari maturo netsika yenyu yamunogamuchidzana; nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.
Mark Shona 7:14  Zvino wakati adanira kwaari chaunga chese akati kwavari: Nditeererei mese, munzwisise.
Mark Shona 7:15  Hapana chinhu chinobva kunze kwemunhu chinopinda maari chingamusvibisa; asi zvinhu zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu.
Mark Shona 7:17  Zvino wakati apinda mumba achibva kuchaunga, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pemufananidzo.
Mark Shona 7:18  Akati kwavari: Saizvozvo nemwi muri vasina kunzwisisa here? Hamunzwisisi here kuti chese chinobva kunze chichipinda mumunhu hachigoni kumusvibisa?
Mark Shona 7:19  Nokuti hachipindi mumoyo make, asi mudumbu; chichibuda kunze, achinatsa kudya kwese.
Mark Shona 7:20  Ndokubva ati: Icho chinobuda mumunhu, ndicho chinosvibisa munhu.
Mark Shona 7:21  Nokuti kubva mukati mumoyo wevanhu inobuda mifungo yakaipa, upombwe, ufeve, umhondi,
Mark Shona 7:22  umbavha, ruchiva, kuipa, kunyengera, meso-meso, ziso rakaipa, kunyomba, kuzvikudza, upenzi;
Mark Shona 7:23  zvese zvinhu izvi zvakaipa zvinobva mukati, zvichisvibisa munhu.
Mark Shona 7:24  Zvino kubva ipapo wakasimuka akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni; akapinda mumba, asingadi kuti pave neanozviziva, asi akakoniwa kuvanzika.
Mark Shona 7:25  Nokuti mukadzi waiva nemukunda mudiki akange ane mweya wetsvina, akanzwa nezvake, akauya akawira patsoka dzake.
Mark Shona 7:26  Uye mukadzi waiva muGiriki, muSirofenike pachizvarwa; akamukumbirisa kuti abudise dhimoni pamukunda wake.
Mark Shona 7:27  Asi Jesu akati kwaari: Regai vana vatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chevana, ndokukandira kuimbwanana.
Mark Shona 7:28  Akapindura akati kwaari: Hongu, Ishe; nokuti kunyange imbwanana dziri pasi petafura dzinodya zvezvimedu zvevana.
Mark Shona 7:29  Akati kwaari: Nekuda kweshoko iri, enda; dhimoni rabuda pamukunda wako.
Mark Shona 7:30  Akabva akaenda kumba kwake, akawana dhimoni rabuda, mukunda arere panhovo.
Mark Shona 7:31  Zvino wakatizve achibva kumiganhu yeTire neSidhoni, akauya kugungwa reGarirea, nepakati pemiganhu yeDhekapori.
Mark Shona 7:32  Zvino vakauisa kwaari matsi yaikakamira, vakamukumbirisa kuti aise ruoko pamusoro pake.
Mark Shona 7:33  Akamutora ari ega kubva pachaunga, akapinza mimwe yake munzeve dzake, akapfira, ndokubata rurimi rwake.
Mark Shona 7:34  Atarira kumusoro kudenga, akatura befu, akati kwaari: "Efata"; ndiko kuti: Zarurwa!
Mark Shona 7:35  Pakarepo nzeve dzake dzakazarurwa, chisungo cherurimi rwake chikasunungurwa, akataura zvakarurama.
Mark Shona 7:36  Ndokuvaraira, kuti varege kuudza munhu; asi paainyanya kuvaraira, vakanyanya zvikuru kuparidza izvozvo.
Mark Shona 7:37  Vakashamisika zvikuru kwazvo, vachiti: Wakaita zvese zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nezvimumumu kuti zvitaure.
Chapter 8
Mark Shona 8:1  Nemazuva iwayo zvakwakange kune chaunga chikuru kwazvo, vasina chavangadya, Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari:
Mark Shona 8:2  Ndine tsitsi nechaunga; nokuti chadogara neni mazuva matatu vasina zvavangadya.
Mark Shona 8:3  Kana ndikavarega vaende kumba kwavo nenzara, vachaziya panzira; nokuti vamwe vavo vanobva kure.
Mark Shona 8:4  Vadzidzi vake vakamupindura, vakati: Zvingabvepi zvingwa munhu zvaangagutsa nazvo ava murenje muno?
Mark Shona 8:5  Akavabvunza, akati: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe.
Mark Shona 8:6  Zvino akaraira chaunga kuti chigare pasi pavhu; akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pechaunga.
Mark Shona 8:7  Uye vakange vane hove diki shoma; zvino akadziropafadza, akati vadziisewo pamberi pavo.
Mark Shona 8:8  Vakadya, vakaguta; ndokununga zvimedu zvakasara, matengu manomwe.
Mark Shona 8:9  Avo vakange vadya vainge vaiva zvuru zvina; akavarega vachienda.
Mark Shona 8:10  Pakarepo akapinda muchikepe nevadzidzi vake, akauya kumativi eDharimanuta.
Mark Shona 8:11  Zvino VaFarisi vakabuda, vakatanga kupikisana naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza.
Mark Shona 8:12  Akagomera zvikuru pamweya wake akati: Zera iri rinotsvakirei chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna chiratidzo chichapiwa kuzera iri.
Mark Shona 8:13  Ndokubva avasiya, akapindazve muchikepe, akabva akayambukira kumhiri.
Mark Shona 8:14  Zvino vadzidzi vakange vakanganwa kutora zvingwa; uye vakange vasina navo chinhu muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete.
Mark Shona 8:15  Zvino akavaraira, achiti: Ngwarirai, muchenjere mbiriso yeVaFarisi nembiriso yaHerodhe.
Mark Shona 8:16  Vakarangana pakati pavo vachiti: Nokuti hatina zvingwa.
Mark Shona 8:17  Zvino Jesu wakati achizviziva akati kwavari: Munorangana sei kuti hamuna zvingwa? Hamusati maziva, kana kunzwisisa here? Muchine moyo mukukutu here?
Mark Shona 8:18  Mune meso hamuoni here? Uye mune nzeve, hamunzwi here? Uye hamurangariri here?
Mark Shona 8:19  Pandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Vakati kwaari: Gumi nemaviri.
Mark Shona 8:20  Uye pazvinomwe pavanezvuru zvina, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Ivo ndokuti: Manomwe.
Mark Shona 8:22  Zvino wakasvika kuBhetisaidha; vakauisa bofu kwaari, vakamukumbirisa kuti aribate.
Mark Shona 8:23  Akabata ruoko rwebofu, akaribudisira kunze kwemusha; akati apfira meso aro, akaisa maoko pamusoro paro, akaribvunza kana richiona chinhu.
Mark Shona 8:24  Ndokutarira kumusoro rikati: Ndinoona vanhu vakaita semiti vachifamba.
Mark Shona 8:25  Mushure maizvozvo akaisazve maoko pamusoro pameso aro akaritaridza kumusoro, rikaporeswa, rikaona vese zvakajeka.
Mark Shona 8:26  Akariendesa kumba kwaro, achiti: Usapinda mumusha uye usaudza ani nani mumusha.
Mark Shona 8:27  Zvino Jesu akabuda nevadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesariya yeFiripi; vari munzira akabvunza vadzidzi vake achiti kwavari: Vanhu vanoti ndini ani?
Mark Shona 8:28  Vakapindura vachiti: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; vamwezve: Umwe wevaporofita.
Mark Shona 8:29  Iye akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati kwaari: Imwi muri Kristu.
Mark Shona 8:30  Akavaraira zvikuru kuti varege kuudza munhu pamusoro pake.
Mark Shona 8:31  Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana wemunhu anofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji nekurambwa nevakuru, nevapristi vakuru, nevanyori, agourawa, uye mushure memazuva matatu amukezve.
Mark Shona 8:32  Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akamutorera parutivi, akatanga kumutsiura.
Mark Shona 8:33  Asi iye atendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akatsiura Petro achiti: Ibva shure kwangu, Satani; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.
Mark Shona 8:34  Zvino wakati adanira kwaari chaunga pamwe nevadzidzi vake, akati kwavari: Ani nani anoda kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
Mark Shona 8:35  Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo, asi ani nani acharasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu nekweevhangeri, uyu achahuponesa.
Mark Shona 8:36  Nokuti zvinobatsirei munhu, kana akawana nyika yese akarasikirwa nemweya wake?
Mark Shona 8:37  Kana kuti munhu achapei kuti chive muripo wemweya wake?
Mark Shona 8:38  Nokuti ani nani anonyara pamusoro pangu nepamashoko angu pazera iri reupombwe nekutadza, Mwanakomana wemhunhu achanyarawo pamusoro pake, paanouya mukubwinya kwaBaba vake ane vatumwa vatsvene.
Chapter 9
Mark Shona 9:1  Zvino wakati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingazoraviri rufu, kusvikira vaona ushe hwaMwari huchiuya nesimba.
Mark Shona 9:2  Zvino shure kwemazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, naJakobho, naJohwani, akavatungamidza mugomo refu, pachavo vari vega; akashandurwa chimiro pamberi pavo.
Mark Shona 9:3  Zvipfeko zvake zvikapenya, zvikachenesesa zvikuru semagada echando; hakuna musuki panyika, angagona kuzvichenesa zvikadaro.
Mark Shona 9:4  Zvino kwakaonekwa kwavari Eria naMozisi, uye vaitaurirana naJesu.
Mark Shona 9:5  Petro akapindura akati kuna Jesu: Rabhi*, zvakanaka kuti tiri pano; ngativake matende matatu, rimwe renyu, uye rimwe raMozisi, uye rimwe raEria.
Mark Shona 9:6  Nokuti wakange asingazivi chekutaura; nokuti vaitya zvikuru.
Mark Shona 9:7  Zvino kwakava negore rakavadzikatira, inzwi rikabuda mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa, inzwai iye.
Mark Shona 9:8  Kamwe-kamwe, vakati varinga-ringa, havana kuzochaona munhu, asi Jesu chete anavo.
Mark Shona 9:9  Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavaraira kuti varege kuudza munhu zvavakange vaona kusvikira Mwanakomana wemunhu amuka kubva kuvakafa.
Mark Shona 9:10  Vakachengeta shoko iro mukati mavo, vachibvunzana kuti kumuka kwevakafa chii.
Mark Shona 9:11  Vakamubvunza, vachiti: Vanyori vanoreverei kuti Eria anofanira kutanga kuuya?
Mark Shona 9:12  Akapindura, akati kwavari: Eria zvirokwazvo anotanga kuuya, avandudze zvinhu zvese; kwakagonyorwa sei zveMwanakomana wemunhu, kuti achatambudzika zvinhu zvizhinji nekuzvidzwa?
Mark Shona 9:13  Asi ndinoreva kwamuri kuti Eriawo wakasvika, vakamuitira zvese zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.
Mark Shona 9:14  Zvino wakati asvika kuvadzidzi, akaona chaunga chikuru chakavakomba, nevanyori vachipikisana navo.
Mark Shona 9:15  Pakarepo chaunga chese chakati chichimuona chikashamisika zvikuru, ndokumumhanyira, chikamukwazisa.
Mark Shona 9:17  Umwe wechaunga akapindura akati: Mudzidzisi, ndauisa kwamuri mwanakomana wangu, ane mweya wechimumumu;
Mark Shona 9:18  pangava papi paunomubata, unomubvambura; opupuma furo, nekugeda-geda meno ake, uye anooma; zvino ndakataura nevadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.
Mark Shona 9:19  Akamupindura akati: Haiwa zera risina rutendo, ndichava nemwi kusvikira rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhi? Muuyisei kwandiri.
Mark Shona 9:20  Vakamuuisa kwaari; wakati achimuona, pakarepo mweya ukamubvambura; akawira pasi, akaumburuka achipupuma furo.
Mark Shona 9:21  Ndokubva abvunza baba vake akati: Yava nguva yakadini kubvira izvozvi zvichiitika kwaari? Akati: Kubva paupwere.
Mark Shona 9:22  Kazhinji wakamuwisira nemumoto nemumvura, kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.
Mark Shona 9:23  Jesu ndokuti kwaari: Kana uchigona kutenda, zvinhu zvese zvinogoneka kune anotenda.
Mark Shona 9:24  Uye pakarepo baba vemwana vakadanidzira nemisodzi vakati: Ndinotenda, Ishe, batsirai pakusatenda kwangu.
Mark Shona 9:25  Jesu wakati achiona kuti chaunga chinouya chichimhanyirana, akatsiura mweya wetsina, akati kwauri: Iwe, mweya wechimumumu nematsi, ini ndinokuraira: Buda maari, urege kupindazve maari.
Mark Shona 9:26  Zvino mweya ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru ukabuda; akaita sewakafa, nokudaro vazhinji vakati: Wafa.
Mark Shona 9:27  Asi Jesu wakabata ruoko rwake akamusimudza; akasimuka.
Mark Shona 9:28  Zvino wakati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari vega vachiti: Sei isu takange tisingagoni kuubudisa?
Mark Shona 9:29  Ndokubva ati kwavari: Zera iri harigoni kubuda nechinhu, kunze nekunyengetera nekutsanya.
Mark Shona 9:30  Vakabva ipapo, vakagura neGarirea, akange asingadi kuti chero ani azvizive.
Mark Shona 9:31  Nokuti aidzidzisa vadzidzi vake, achiti kwavari: Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa mumaoko evanhu, uye vachamuuraya; kana aurawa achamuka nezuva retatu.
Mark Shona 9:32  Asi havana kunzwisisa shoko iro, vachitya kumubvunza.
Mark Shona 9:33  Zvino wakasvika muKapenaume; akati ava mumba, akavabvunza, achiti: Manga muchikakavadzana chii munzira?
Mark Shona 9:34  Asi vakanyarara, nokuti munzira vakange vakakavadzana kuti mukurusa ndiani.
Mark Shona 9:35  Zvino akagara pasi, akadana vanegumi nevaviri, akati kwavari: Kana munhu achida kuva wekutanga, achava wekupedzisira kune vese nemushandi wevese.
Mark Shona 9:36  Ndokutora mucheche, akamumisa pakati pavo; akati amugumbatira, akati kwavari:
Mark Shona 9:37  Ani nani anogamuchira umwe wevacheche vakadai muzita rangu, anogamuchira ini; uye ani nani anogamuchira ini, haagamuchiri ini, asi uyo wakandituma.
Mark Shona 9:38  Zvino Johwani akamupindura, achiti: Mudzidzisi, takaona umwe asingatiteveri achibudisa madhimoni muzita renyu; tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera.
Mark Shona 9:39  Asi Jesu wakati: Musamudzivisa, nokuti hakuna munhu angaita basa resimba muzita rangu, anogona kukurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu.
Mark Shona 9:41  Nokuti ani nani anokupai mukombe wemvura kuti munwe muzita rangu, nokuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangamborasikirwi nemubairo wake.
Mark Shona 9:42  Uye ani nani anogumbusa umwe wevadiki ava vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe kupoteredza pamutsipa wake, akandirwe mugungwa.
Mark Shona 9:43  Uye kana ruoko rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema, pane kuti une maoko maviri uende mugehena, mumoto usingadzimiki,
Mark Shona 9:45  Uye kana rutsoka rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uchikamhina, pane kuti une tsoka mbiri ukandirwe mugehena, mumoto usingadzimiki,
Mark Shona 9:47  Zvino kana ziso rako richikugumbusa, ridzure; zviri nani kwauri kupinda muushe hwaMwari une ziso rimwe, pakuti une maziso maviri, ukandirwe mugehena remoto,
Mark Shona 9:49  Nokuti wese acharungwa nemoto uye chibairo chese chicharungwa nemunyu.
Mark Shona 9:50  Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, mungaurunga nei? Ivai nemunyu mamuri, mugarisane nerugare.
Chapter 10
Mark Shona 10:1  Zvino wakati asimukapo, akauya kumiganhu yeJudhiya, achigura nemhiri kwaJoridhani; zvaunga ndokuunganirazve kwaari; zvino sezvaakange ajaira, akavadzidzisa zvekare.
Mark Shona 10:2  VaFarisi vakauya kwaari, vakamubvunza vachiti: Zvinotenderwa here kuti murume arambe mukadzi? vachimuidza.
Mark Shona 10:3  Akapindura, akati kwavari: Mozisi wakakurairai chii?
Mark Shona 10:4  Zvino vakati: Mozisi wakatendera kunyora rugwaro rwerambano, nekumuramba.
Mark Shona 10:5  Jesu akapindura akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo wenyu, wakakunyorerai murairo uyu.
Mark Shona 10:6  Asi kubva pakutanga kwezvisikwa, Mwari wakavaita murume nemukadzi.
Mark Shona 10:7  Nekuda kweizvozvo munhu achasiya baba namai vake, anamatire mukadzi wake;
Mark Shona 10:8  zvino ava vaviri vachava nyama imwe. Naizvozvo havasichiri vaviri, asi nyama imwe.
Mark Shona 10:9  Naizvozvo Mwari zvaakabatanidza, ngapasava nemunhu anoparadzanisa.
Mark Shona 10:10  Mumba vadzidzi vake vakapamha kumubvunza pamusoro pazvo.
Mark Shona 10:11  Zvino akati kwavari: Ani nani anoramba mukadzi wake, akawana umwe, anoita upombwe kwaari.
Mark Shona 10:12  Uye kana mukadzi achiramba murume wake, achiwanikwa neumwe, anoita upombwe.
Mark Shona 10:13  Zvino vakauya nevana vadiki kwaari, kuti avabate; asi vadzidzi vakatsiura avo vaiuya navo.
Mark Shona 10:14  Zvino Jesu wakati achizviona, akatsamwa zvikuru, akati kwavari: Tenderai vana vadiki kuuya kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwevakadai.
Mark Shona 10:15  Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani asingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri.
Mark Shona 10:16  Uye akavagumbatira, achiisa maoko pamusoro pavo, akavaropafadza.
Mark Shona 10:17  Zvino wakati achibudira kunzira, umwe wakamumhanyira, akamufugamira akamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?
Mark Shona 10:18  Jesu akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, iye Mwari.
Mark Shona 10:19  Unoiziva mirairo inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, usabiridzira, kudza baba namai vako.
Mark Shona 10:20  Zvino akapindura akati kwaari: Mudzidzisi, izvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.
Mark Shona 10:21  Jesu ndokumutarira akamuda, akati kwaari: Chinhu chimwe chaunoshaiwa; enda, utengese zvese zvaunazvo, upe varombo, zvino uchava nefuma kudenga; ugouya utakure muchinjikwa, unditevere.
Mark Shona 10:22  Asi asuwa neshoko iro, wakaenda neshungu, nokuti wakange ane nhumbi zhinji.
Mark Shona 10:23  Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vacharemerwa sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari!
Mark Shona 10:24  Vadzidzi vakashamisika nemashoko ake. Asi Jesu wakapindurazve, akati kwavari: Vana, zvinorema sei kune vanovimba nefuma kupinda muushe hwaMwari;
Mark Shona 10:25  zvingarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, pane kuti mufumi apinde muushe hwaMwari.
Mark Shona 10:26  Ipapo vakashamisika zvisingaverengeki, vachitaurirana vachiti: Ndiani zvino angagoponeswa?
Mark Shona 10:27  Zvino Jesu wakati achivatarira, akati: Kuvanhu hazvibviri, asi kwete kuna Mwari; nokuti kuna Mwari zvinhu zvese zvinobvira.
Mark Shona 10:28  Petro akatanga kuti kwaari: Tarirai, isu takasiya zvese tikakuteverai.
Mark Shona 10:29  Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwangu nekweevhangeri,
Mark Shona 10:30  asingazogamuchiri kane zana ikozvino nenguva ino, dzimba, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, nanamai, nevana, neminda, pamwe nekushushwa, neupenyu husingaperi munguva inouya.
Mark Shona 10:31  Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzisira vekutanga.
Mark Shona 10:32  Zvino vachiri munzira vachikwira kuJerusarema; Jesu akavatungamirira; vakashamisika; zvino pavaitevera, vaitya. Akatorazve vanegumi nevaviri, akatanga kuvaudza zvinhu zvakange zvichizoitika kwaari,
Mark Shona 10:33  achiti: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa kuvapristi vakuru nekuvanyori, uye vachamutongera rufu, nekumukumikidza kuvahedheni,
Mark Shona 10:34  vachamusveveredza, vachamurova netyava, nekumupfira, nekumuuraya; zvino nezuva retatu achamukazve.
Mark Shona 10:35  Zvino Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari vachiti: Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chero chatichakumbira.
Mark Shona 10:36  Akati kwavari: Chii chamunoda kuti ndikuitirei?
Mark Shona 10:37  Vakati kwaari: Tipei kuti tigare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, uye umwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.
Mark Shona 10:38  Asi Jesu wakati kwavari: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kunwa mukombe wandinonwa ini here, nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini here?
Mark Shona 10:39  Vakati kwaari: Tingagona. Jesu akati kwavari: Muchanwa zvirokwazvo mukombe wandinonwa ini, nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;
Mark Shona 10:40  asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kupa, asi zvevakazvigadzirirwa.
Mark Shona 10:41  Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira zvikuru Jakobho naJohwani.
Mark Shona 10:42  Asi Jesu akavadanira kwaari akati kwavari: Munoziva kuti avo vanonzi machinda evahedheni anovadzvinyirira, nevakuru vavo vanoshandisa simba pamusoro pavo.
Mark Shona 10:43  Zvino hazvingadaro pakati penyu; asi ani nani anoda kuva mukuru pakati penyu, achava mushandiri wenyu;
Mark Shona 10:44  ani nani wenyu anoda kuva wekutanga, achava mushandi wevese.
Mark Shona 10:45  Nokuti kunyange Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nekupa upenyu hwake ruve rudzikunuro rwevazhinji.
Mark Shona 10:46  Vakasvika kuJeriko; zvino wakati achibuda Jeriko nevadzidzi vake nechaunga chikuru, Bhatimio bofu, mwanakomana waTimio, akange agere padivi penzira achipemha.
Mark Shona 10:47  Wakati anzwa kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, nekuti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
Mark Shona 10:48  Vazhinji vakamutsiura kuti anyarare; asi iye wakanyanya kudanidzira kwazvo, achiti: Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
Mark Shona 10:49  Jesu ndokumira, akati adanwe; vakadana bofu vachiti kwariri: Tsunga moyo; simuka, anokudana.
Mark Shona 10:50  Ipapo rikarasa nguvo yaro rikasimuka, rikauya kuna Jesu.
Mark Shona 10:51  Jesu akapindura, akati kwariri: Unoda kuti ndikuitirei? Bofu rikati kwaari: Rabhoni*, kuti ndionezve.
Mark Shona 10:52  Jesu akati kwariri: Enda; rutendo rwako rwakuponesa. Pakarepo rikaonazve, rikatevera Jesu munzira.
Chapter 11
Mark Shona 11:1  Vakati vasvika pedo neJerusarema, paBhetifage neBhetaniya, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vevadzidzi vake,
Mark Shona 11:2  akati kwavari: Fambai muende kumusha wakatarisana nemwi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina munhu wakamborigara; murisunugure, mugouya naro.
Mark Shona 11:3  Kana munhu akati kwamuri: Munoitirei izvi? Muti: Ishe anorida. Pakarepo acharitumira pano.
Mark Shona 11:4  Vakaenda, vakanowana dhongwana rakasungirwa pamukova kunze, panzira yemumusha; vakarisunungura.
Mark Shona 11:5  Vamwe vevakange vamirepo vakati kwavari: Munoitei muchisunungura dhongwana?
Mark Shona 11:6  Vakavaudza Jesu sezvaakaraira; vakavarega vachienda.
Mark Shona 11:7  Zvino vakauya nedhongwana kuna Jesu, vakakandira nguvo dzavo pamusoro paro, akagara pamusoro paro.
Mark Shona 11:8  Nevazhinji vakawarira nguvo dzavo munzira, nevamwe vakatema masanzu kubva pamiti vakawarira munzira.
Mark Shona 11:9  Zvino avo vakange vachitungamira nevakange vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe;
Mark Shona 11:10  hwakaropafadzwa ushe hwababa vedu Dhavhidhi, hunouya muzita raIshe! Hosana kumusoro-soro!
Mark Shona 11:11  Jesu ndokupinda muJerusarema, nemutembere; akati aringa-ringa zvinhu zvese, yava nguva yemadekwani, akabuda, akaenda kuBhetaniya nevanegumi nevaviri.
Mark Shona 11:12  Uye mangwana vachibuda kubva Bhetaniya, akanzwa nzara.
Mark Shona 11:13  Wakati achiona muonde uri kure, une mashizha, akaendako achiti zvimwe angawana chinhu pauri; asi asvika pauri haana kuwana chinhu kunze kwemashizha; nokuti yakange isiri nguva yemaonde.
Mark Shona 11:14  Zvino Jesu akapindura, akati kwauri: Kusava nemunhu anozodyazve zvibereko pauri kusvika kusingaperi. Vadzidzi vake vakazvinzwa.
Mark Shona 11:15  Vakasvika kuJerusarema; Jesu akapinda mutembere, akatanga kudzingira panze avo vaitengesa nevaitenga mutembere; akapidigura matafura evaitsinhanisa mari, nezvigaro zvaivo vaitengesa njiva.
Mark Shona 11:16  Zvino akasatendera kuti munhu atakure nhumbi achipfuura nemutembere.
Mark Shona 11:17  Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yekunyengetera nemarudzi ese? Asi imwi makaiita bako remakororo.
Mark Shona 11:18  Zvino vanyori nevapristi vakuru vakazvinzwa, vakatsvaka kuti vangamuparadza sei; nokuti vakange vachimutya, nokuti chaunga chese chakashamisika nedzidziso yake.
Mark Shona 11:20  Zvino mangwanani-ngwanani vakati vachipfuura, vakaona muonde waoma kubva pamidzi.
Mark Shona 11:21  Petro akarangarira akati kwaari: Rabhi*, tarirai muonde wamakatuka waoma.
Mark Shona 11:22  Jesu akapindura akati kwavari: Ivai nerutendo kuna Mwari.
Mark Shona 11:23  Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani anoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe mugungwa, uye asiri asina chokwadi mumoyo make, asi achitenda kuti zvinhu zvaanoreva zvichaitika, zvichaitika kwaari chero zvaanoreva.
Mark Shona 11:24  Naizvozvo ndinoti kwamuri: Zvinhu zvese chero zvamunokumbira muchinyengetera, tendai kuti muchagamuchira, uye zvichava zvenyu.
Mark Shona 11:25  Kana mumire muchinyengetera, kanganwirai kana mune chakanangana neumwe; kuti Baba venyuwo vari kumatenga vakukanganwirei kudarika kwenyu.
Mark Shona 11:26  Asi kana imwi musingakanganwiri, Baba venyu vari kumatenga havakanganwiriwo kudarika kwenyu.
Mark Shona 11:27  Vakasvikazve kuJerusarema; zvino wakati achifamba mutembere, vapristi vakuru nevanyori nevakuru vakauya kwaari,
Mark Shona 11:28  zvino vakati kwaari: Unoita zvinhu izvozvi nesimba ripi; ndiani wakakupa simba iri, kuti unoita zvinhu izvi?
Mark Shona 11:29  Jesu akapindura akati kwavari: Iniwo ndichakubvunzai mubvunzo umwe, mundipindure, neni ndichakuudzai kuti ndinoita zvinhu izvozvi nesimba ripi.
Mark Shona 11:30  Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu? Ndipindurei.
Mark Shona 11:31  Vakaonesana, vachiti: Kana tikati: Kudenga, achati: Makagoregerei kumutenda?
Mark Shona 11:32  Asi kana tikati: Kuvanhu; vakange vachitya vanhu; nokuti vese vakange vachiverenga Johwani kuti muporofita zvirokwazvo.
Mark Shona 11:33  Vakapindura vachiti kuna Jesu: Hatizivi. Jesu akapindura akati kwavari: Ini handingakuudziyiwo kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.
Chapter 12
Mark Shona 12:1  Zvino wakatanga kutaura kwavari nemifananidzo, achiti: Munhu wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini, akavaka shongwe, akauhaisa* kuvarimi, ndokuenda parwendo.
Mark Shona 12:2  Nenguva yakafanira, wakatumira muranda kuvarimi, kuti agamuchire kubva kuvarimi zvechibereko chemunda wemizambiringa.
Mark Shona 12:3  Vakamubata vakarova, vakamuendesa asina chinhu.
Mark Shona 12:4  Akatumazve kwavari umwe muranda; uyu vakamuposhera mabwe, vakamukuvadza mumusoro, vakamuendesa anyadziswa.
Mark Shona 12:5  Zvino wakatumazve umwe; uyu vakamuurayawo; nevamwe vazhinji, vachirova vamwe, nekuuraya vamwe.
Mark Shona 12:6  Naizvozvo wakange achine mwanakomana umwe mudikanwi wake, akamutumirawo kwavari pakupedzisira, achiti: Vachakudza mwanakomana wangu.
Mark Shona 12:7  Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai ngatimuurayei, nhaka ichava yedu.
Mark Shona 12:8  Vakamutora vakauraya, vakaposhera kunze kwemunda wemizambiringa.
Mark Shona 12:9  Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa achaitei? Achauya akaparadza varimi, akapa munda wemizambiringa kune vamwe.
Mark Shona 12:10  Ko hamuna kuverenga here rugwaro urwu rwunoti: Ibwe vavaki ravakarasa, ndiro rava musoro wekona;
Mark Shona 12:11  izvi zvakaitwa naIshe, uye zvinoshamisa pameso edu?
Mark Shona 12:12  Zvino vakatsvaka kumubata, asi vakatya chaunga; nokuti vaiziva kuti wakange ataura mufananidzo uyu akanangana navo. Vakamusiya vakaenda.
Mark Shona 12:13  Vakati vatuma kwaari vamwe veVaFarisi neveVaHerodhe, kuti vamubate pakutaura.
Mark Shona 12:14  Zvino vakati vauya, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, hamuna hanya nemunhu; nokuti hamutariri chimiro chemunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi: Zviri pamutemo kupa Kesari mutero here, kana kwete?
Mark Shona 12:15  Tipe here, kana tirege kupa? Asi iye wakaziva unyepedzeri hwavo, akati kwavari: Munondiidzirei? Ndivigirei dhenario*, kuti ndione.
Mark Shona 12:16  Vakariuisa. Akati kwavari: Mufananidzo uyu nerunyoro urwu ndezvani? Vakati kwaari: ZvaKesari.
Mark Shona 12:17  Jesu akapindura akati kwavari: Dzoserai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari. Vakashamisika naye.
Mark Shona 12:18  Zvino kwakauya kwaari VaSadhusi, vanoti hakuna kumuka, vakamubvunza vachiti:
Mark Shona 12:19  Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa, akasiya mukadzi, akasasiya vana, kuti munin'ina wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake mbeu.
Mark Shona 12:20  Zvino kwakange kune vanakomana vanomwe vemunhu umwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa akasasiya mbeu.
Mark Shona 12:21  Wechipiri akamutora, akafa, iyewo akasasiya mbeu; newechitatu saizvozvo.
Mark Shona 12:22  Nevanomwe vakamutora, vakasasiya mbeu; shure kwevese mukadzi akafawo.
Mark Shona 12:23  Naizvozvo pakumuka, kana vachimuka, achava mukadzi wani kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye kuita mukadzi.
Mark Shona 12:24  Jesu akapindura akati kwavari: Hamuna kurasika here neizvozvi, nokuti hamuzivi magwaro kana simba raMwari?
Mark Shona 12:25  Nokuti kana vachimuka kubva kuvakafa, havawanani, kana kuwaniswa, asi vakaita sevatumwa vari kumatenga.
Mark Shona 12:26  Zvino maererano nevakafa, kuti vanomutswa, hamuna kurava here mubhuku raMozisi, kuti Mwari wakataura naye sei mugwenzi reminzwa, achiti: Ndiri Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?
Mark Shona 12:27  Haasi Mwari wevakafa, asi Mwari wevapenyu; imwi naizvozvo marasika kwazvo.
Mark Shona 12:28  Zvino umwe wevanyori wakasvika, wakati anzwa vachirangana, achiziva kuti wakange avapindura zvakanaka, akamubvunza achiti: Ndeupi murairo wekutanga kune yese?
Mark Shona 12:29  Jesu akamupindura, achiti: Wekutanga kumirairo yese ndiwoyu: Inzwa Israeri, Ishe Mwari wedu, ndiIshe umwe chete!
Mark Shona 12:30  Uye ida Ishe Mwari wako nemoyo wako wese, uye nemweya wako wese, uye nefungwa dzako dzese, uye nesimba rako rese. Uyu murairo wekutanga.
Mark Shona 12:31  Newechipiri wakadai ndeuyu: Ida umwe wako sezvaunozvida. Hakuna umwe murairo mukuru kune iyi.
Mark Shona 12:32  Zvino munyori akati kwaari: Zvakanaka, Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo kuti kuna Mwari umwe chete, uye hakuna umwe kunze kwake;
Mark Shona 12:33  nekumuda nemoyo wese, uye nefungwa dzese, uye nemweya wese, uye nesimba rese, nekuda wekwako sezvaunozvida, zvinopfuura zvipiriso zvese zvinopiswa nezvibairo.
Mark Shona 12:34  Zvino Jesu wakati achimuona kuti wapindura nenjere, akati kwaari: Hausi kure neushe hwaMwari. Kukasazova nemunhu wakatsunga kumubvunza.
Mark Shona 12:35  Zvino Jesu wakati achidzidzisa mutembere, akapindura akati: Vanyori vanoreva sei kuti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?
Mark Shona 12:36  Nokuti Dhavhidhi amene wakati neMweya Mutsvene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
Mark Shona 12:37  Naizvozvo Dhavhidhi amene anomuidza Ishe, ko Mwanakomana wake papi? Chaunga chikuru chikamunzwa nemufaro.
Mark Shona 12:38  Zvino wakati kwavari padzidziso yake: Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, nekwaziso pamisika,
Mark Shona 12:39  nezvigaro zvemberi mumasinagoge, nezvinzvimbo zvakakwirira pazvirairo;
Mark Shona 12:40  vanodya dzimba dzechirikadzi, uye nekunyepedzera vachiita minyengetero mirefu; ivava vachagamuchira kuraswa kukuru kwazvo.
Mark Shona 12:41  Jesu akagara pasi akatarisana nechivigiro chezvipo, akatarira kuti chaunga chinokanda sei mari muchivigiro; zvino vafumi vazhinji vakange vachikanda zvizhinji.
Mark Shona 12:42  Zvino kwakasvika imwe chirikadzi murombo, ikakanda tumari twemhangura tuviri, ndiro kobiri.
Mark Shona 12:43  Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda zvizhinji kupfuura vese vakanda muchivigiro chezvipo;
Mark Shona 12:44  nokuti vese vakanda pamuraudziro wavo; asi iye paurombo hwake wakanda zvese zvaanazvo, zvese zveupenyu hwake.
Chapter 13
Mark Shona 13:1  Zvino wakati achibuda mutembere, umwe wevadzidzi vake wakati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabwe rudzii, nezvivakwa rudzii!
Mark Shona 13:2  Jesu achipindura akati kwaari: Unoona zvivakwa izvi zvikuru here? Hakungatongosiiwi ibwe pamusoro pebwe, risingatongoputsirwi pasi.
Mark Shona 13:3  Zvino wakati agara pagomo reMiorivhi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobho, naJohwani, naAndiriya vakamubvunza vari vega, vachiti:
Mark Shona 13:4  Tiudzei, izvozvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chii kana izvozvi zvese zvozadziswa?
Mark Shona 13:5  Zvino Jesu achivapindura akatanga kuti: Chenjerai kusava neanokutsausai.
Mark Shona 13:6  Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu, vachatsausa vazhinji.
Mark Shona 13:7  Asi kana muchinzwa zvehondo, nerunyerekupe rwehondo, musakanganiswa; nokuti zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.
Mark Shona 13:8  Nokuti rudzi ruchamukira rudzi; neushe huchamukira ushe; uye kuchava nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye kuchava nenzara, nematambudziko; izvi kutanga kwekurwadziwa.
Mark Shona 13:9  Zvichenjererei imwi, nokuti vachakukumikidzai kumatare emakurukota, uye mumasinagoge mucharohwa, uye muchauyiswa pamberi pevatongi nemadzimambo nekuda kwangu, chive chapupu kwavari.
Mark Shona 13:10  Uye evhangeri inofanira kutanga kuparidzirwa kumarudzi ese.
Mark Shona 13:11  Asi kana vachikuuisai vachikutengesai, musafunganya pakutanga zvamuchataura, uye musafanorangarira, asi chero zvamunenge mapiwa nenguva iyo taurai izvozvo; nokuti hamusi imwi munotaura, asi Mweya Mutsvene.
Mark Shona 13:12  Zvino mukoma achatengesera munin'ina kurufu, nababa mwanakomana; nevana vachamukira vabereki nekuvauraya;
Mark Shona 13:13  uye muchavengwa nevese nekuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye achaponeswa.
Mark Shona 13:14  Zvino kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakataurwa naDhanyeri muporofita, imire paisingafaniri (anorava ngaanzwisise), zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;
Mark Shona 13:15  neari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburukira mumba, kana kupinda kunotora chinhu mumba make.
Mark Shona 13:16  Neari mumunda ngaarege kutendeukira shure kunotora nguvo yake.
Mark Shona 13:17  Asi vane nhamo avo vane mimba neavo vanonwisa nemazuva iwayo!
Mark Shona 13:18  Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando.
Mark Shona 13:19  Nokuti mumazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kwakadaro kusati kwakavapo kubva pakutanga kwezvisikwa Mwari zvaakasika kusvikira zvino, uye hakuchatongovipo.
Mark Shona 13:20  Dai Ishe asina kuatapudza mazuva, hakuna chero nyama yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa, vaakasanangura, wakaatapudza mazuva.
Mark Shona 13:21  Uye ipapo kana munhu achiti kwamuri: Tarirai, Kristu pano; kana: Tarirai apo; musatenda;
Mark Shona 13:22  nokuti vana Kristu venhema nevaporofita venhema vachamuka, vagoratidza zviratidzo nezvishamiso, kuti vatsause, kana zvichibvira, kunyange vasanangurwa.
Mark Shona 13:23  Asi chenjerai imwi; tarirai, ndagara ndakuudzai zvinhu zvese.
Mark Shona 13:24  Asi nemazuva iwayo, shure kwekutambudzika ikoko, zuva richasvibiswa, nemwedzi hauchazopi chiedza chawo,
Mark Shona 13:25  nenyeredzi dzekudenga dzichawa, nemasimba ari kumatenga achazungunuswa.
Mark Shona 13:26  Ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mumakore ane simba guru nekubwinya,
Mark Shona 13:27  ipapo achatuma vatumwa vake, vagounganidza pamwe vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumugumo wenyika kusvikira kumugumo wedenga.
Mark Shona 13:28  Zvino dzidzai mufananidzo kubva pamuonde; kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha raswedera.
Mark Shona 13:29  Saizvozvo imwiwo, kana muchiona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti zvava pedo wava pamukova.
Mark Shona 13:30  Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri, kusvikira zvinhu izvi zvese zvaitika.
Mark Shona 13:31  Denga nenyika zvichapfuura; asi mashoko angu haangatongopfuuri.
Mark Shona 13:32  Asi zvezuva iro neawa, hakuna anoziva, kunyange vatumwa vari kudenga, kunyange Mwanakomana, kunze kwaBaba.
Mark Shona 13:33  Chenjerai, murinde, munyengetere; nokuti hamuzivi kuti nguva ndeyarinhi.
Mark Shona 13:34  Semunhu wakafamba rwendo, akasiya imba yake, akapa simba kuvaranda vake, kune umwe neumwe basa rake, akarairawo murindi wemukova kuti arinde.
Mark Shona 13:35  Naizvozvo rindai; nokuti hamuzivi kuti mwene weimba anouya rinhi, manheru, kana pakati peusiku, kana pakurira kwejongwe, kana mangwanani;
Mark Shona 13:36  kuti arege kuuya kamwe kamwe, akakuwanai murere.
Mark Shona 13:37  Nezvandinotaura kwamuri, ndinotaurira vese: Rindai.
Chapter 14
Mark Shona 14:1  Shure kwemazuva maviri kwaiva nepasika nemutambo wechingwa chisina mbiriso; vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamubata sei nekunyengera vamuuraye.
Mark Shona 14:2  Asi vakati: Kwete pamutambo, zvimwe kungava nebongozozo revanhu.
Mark Shona 14:3  Zvino wakati ari paBhetaniya, mumba maSimoni wemaperembudzi, agere pakudya, kwakauya mukadzi, ane chinu chearibhasiteri* chechizoro chenaridho* chaiyo chakakosha zvikuru; akaputsa chinu chearibhasiteri, akachidurura pamusoro wake.
Mark Shona 14:4  Asi kwaiva nevamwe vakatsamwa mukati mavo, vakati: Kutambisa ikoku kwechizoro kwaitirwei?
Mark Shona 14:5  Nokuti ichi chingadai chatengeswa nemadhenario* anopfuura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakamutsiura nehasha.
Mark Shona 14:6  Asi Jesu wakati: Musiyei; munomutambudzirei? Waitira ini basa rakanaka.
Mark Shona 14:7  Nokuti varombo munavo nguva dzese, uye nguva ipi neipi yamunoda, munogona kuvaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva dzese.
Mark Shona 14:8  Waita zvaanogona; wakagara azodzera muviri wangu kuvigwa.
Mark Shona 14:9  Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kwese-kwese kuchaparidzirwa evhangeri iyi panyika yese, zvaakaitawo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.
Mark Shona 14:10  Zvino Judhasi Isikariyoti, umwe wevanegumi nevaviri, wakaenda kuvapristi vakuru, kuti amutengese kwavari.
Mark Shona 14:11  Uye vakati vachizvinzwa, vakafara, vakavimbisa kumupa mari. Akatsvaka kuti angamutengesa sei panguva yakafanira.
Mark Shona 14:12  Nezuva rekutanga rechingwa chisina mbiriso, pavaibaya pasika, vadzidzi vake vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tiende kunogadzirira kuti mudye pasika?
Mark Shona 14:13  Akatuma vaviri vevadzidzi vake, akati kwavari: Endai muguta, zvino munhu achasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere,
Mark Shona 14:14  uye chero paanenge apinda, muti kumwene weimba: Mudzidzisi wati: Imba yevaeni iripi, pandichadyira pasika nevadzidzi vangu?
Mark Shona 14:15  Uye iye achakutaridzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa, yakagadzirwa; tigadzirirei ipapo.
Mark Shona 14:16  Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakawana sezvaakange areva kwavari; vakagadzirira pasika.
Mark Shona 14:17  Kuzoti ava madekwani wakasvika nevanegumi nevaviri.
Mark Shona 14:18  Zvino vakati vagara vachidya, Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu anodya neni achanditengesa.
Mark Shona 14:19  Ndokubva vatanga kushungurudzika, umwe neumwe akati kwaari: Zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? Neumwe: Zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here?
Mark Shona 14:20  Asi wakapindura akati kwavari: Umwe wevanegumi nevaviri, anoseva neni mundiro.
Mark Shona 14:21  Mwanakomana wemunhu anoenda zvirokwazvo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuzvarwa.
Mark Shona 14:22  Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akaropafadza, akamedura, ndokupa kwavari, akati: Torai, idyai, ichi ndicho muviri wangu.
Mark Shona 14:23  Akatora mukombe, akati avonga akapa kwavari, vakanwa vese pauri.
Mark Shona 14:24  Zvino akati kwavari: Iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji.
Mark Shona 14:25  Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handichazotongonwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazochinwa naro chava chitsva muushe hwaMwari.
Mark Shona 14:26  Zvino vakati vaimba rwiyo rwekurumbidza vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.
Mark Shona 14:27  Zvino Jesu akati kwavari: Mese muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.
Mark Shona 14:28  Asi shure kwekumutswa kwangu, ndichakutungamirirai kuenda kuGarirea.
Mark Shona 14:29  Asi Petro wakati kwaari: Kunyange vese vakagumburwa, asi kwete ini.
Mark Shona 14:30  Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi, neusiku huno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.
Mark Shona 14:31  Asi iye wakareva zvakanyanya kusimba, achiti: Kunyange ndikatofanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Nevesewo vakadaro.
Mark Shona 14:32  Zvino vakasvika panzvimbo yainzi Getsemani; akati kuvadzidzi vake: Garai pano, ndichinonyengetera.
Mark Shona 14:33  Akatora pamwe naye Petro naJakobho naJohwani, akatanga kuvhunduka nekunetseka zvikuru.
Mark Shona 14:34  Akati kwavari: Mweya wangu unoshungurudzika kwazvo kusvikira pakufa; garai pano murinde.
Mark Shona 14:35  Akapfuura zvishoma, akawira pasi, akanyengetera, kuti kana zvaibvira, nguva ipfuure kwaari.
Mark Shona 14:36  Zvino akati: Abha*, Baba, zvinhu zvese zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kwete zvandinoda ini, asi zvamunoda imwi.
Mark Shona 14:37  Zvino akasvika, akavawana varere; akati kuna Petro: Simoni, urere here? Wakonewa kurinda awa rimwe here?
Mark Shona 14:38  Rindai munyengetere, kuti murege kupinda mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi nyama ine utera.
Mark Shona 14:39  Akaendazve, akanyengetera achireva mashoko mamwechete.
Mark Shona 14:40  Zvino paakadzoka, akavawana vararazve, nokuti meso avo akange orema; vakasaziva zvavangamupindura.
Mark Shona 14:41  Akauya rwechitatu, akati kwavari: Chirambai murere zvino muzorore. Zvaringana; nguva yasvika; tarirai, Mwanakomana wemunhu wokumikidzwa mumaoko avatadzi.
Mark Shona 14:42  Simukai, tiende; tarirai, wonditengesa wava pedo.
Mark Shona 14:43  Pakarepo achataura, Judhasi wakasvika, umwe wevanegumi nevaviri, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo, chichibva kuvapristi vakuru nevanyori nevakuru.
Mark Shona 14:44  Zvino iye wakamutengesa wakange avapa chiratidzo, achiti: Uyo wandinongotsvoda ndiye; mumutore muende naye makamuchengetedza.
Mark Shona 14:45  Zvino wakati asvika, pakarepo akaswedera kwaari akati: Rabhi*! Rabhi! Akamutsvoda.
Mark Shona 14:47  Zvino umwe wevakange vamirepo wakavhomora munondo akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake.
Mark Shona 14:48  Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo kuzondibata here?
Mark Shona 14:49  Ndakange ndinemwi mutembere zuva nezuva ndichidzidzisa, asi hamuna kundibata, asi izvi zvaitwa kuti magwaro azadziswe.
Mark Shona 14:51  Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakamonera mucheka werineni rakashama. Majaya akaribata;
Mark Shona 14:52  ndokubva rasiya mucheka werineni, rikavatiza rakashama.
Mark Shona 14:53  Zvino vakaendesa Jesu kumupristi mukuru; vakaunganira kwaari vapristi vakuru vese nevakuru nevanyori.
Mark Shona 14:54  Petro akamutevera ari kure kusvikira mukati mechivanze chemupristi mukuru; akange agere pamwe nevaranda, achidziya moto.
Mark Shona 14:55  Zvino vapristi vakuru nedare rese remakurukota vakatsvaka uchapupu hwakanangana naJesu, kuti vamuuraye; asi havana kuhuwana.
Mark Shona 14:56  Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi uchapupu hauna kupindirana.
Mark Shona 14:57  Ndokubva kwasimuka vamwe vakamupupurira nhema vachiti:
Mark Shona 14:58  Isu takamunzwa achiti: Ini ndichaputsa tembere iyi yakaitwa nemaoko, uye mumazuva matatu ndichavaka imwe isina kuitwa nemaoko.
Mark Shona 14:59  Asi kunyange zvakadaro uchapupu hwavo hauna kupindirana.
Mark Shona 14:60  Zvino mupristi mukuru wakasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti: Haupinduri chinhu here? Vanopupurei ava chakanangana newe?
Mark Shona 14:61  Asi wakanyarara, akasapindura chinhu. Mupristi mukuru akamubvunzazve, akati kwaari: Iwe uri Kristu, Mwanakomana weWakaropafadzwa here?
Mark Shona 14:62  Jesu akati: Ndini iye. Uye muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya nemakore ekudenga.
Mark Shona 14:63  Mupristi mukuru ndokubvarura nguvo dzake akati: Tichiri kudirei zvapupu?
Mark Shona 14:64  Manzwa kunyomba; munofungei? Zvino vese vakamurasa kuti ave nemhosva yerufu.
Mark Shona 14:65  Vamwe vakatanga kumupfira, nekufukidza chiso chake, nekumurova netsiva, nokuti kwaari: Porofita! Varanda vakamurova nembama dzamaoko.
Mark Shona 14:66  Zvino Petro achiri pachivanze pasi, kwakasvika umwe wevarandakadzi vemupristi mukuru;
Mark Shona 14:67  achiona Petro achidziya moto, akamutarira akati: Iwewo wakange una Jesu weNazareta.
Mark Shona 14:68  Asi wakaramba, achiti: Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva. Akabuda panze akaenda kumusuwo; jongwe rikarira.
Mark Shona 14:69  Zvino murandakadzi akamuonazve, akatanga kuti kuna vakange vamirepo: Uyu ndewavo.
Mark Shona 14:70  Asi wakarambazve. Zvino shure kwechinguvana, vakange vamirepo vakatizve kuna Petro: Zvirokwazvo, uri wavo, nokuti newe uri muGarirea nemutauro wako unotenderana nazvo.
Mark Shona 14:71  Akatanga kutuka nekupika, achiti: Handimuzivi munhu uyu wamunoreva.
Mark Shona 14:72  Zvino jongwe rikarira rwechipiri. Petro ndokurangarira shoko Jesu raakange areva kwaari rekuti: Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu. Zvino wakati achifunga izvozvo akachema.
Chapter 15
Mark Shona 15:1  Zvino pakarepo mangwanani-ngwanani vapristi vakuru vakaita zano nevakuru nevanyori nedare remakurukota rese, vakasunga Jesu, vakamutakura, vakamukumikidza kuna Pirato.
Mark Shona 15:2  Pirato ndokumubvunza achiti: Iwe uri Mambo weVaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Unoreva iwe.
Mark Shona 15:3  Vapristi vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji, asi iye haana kupindura chinhu.
Mark Shona 15:4  Pirato akamubvunzazve achiti: Haupinduri chinhu here? Tarira, zvinhu zvingani zvavanokupupurira!
Mark Shona 15:5  Asi Jesu haana kuzopindurazve chinhu, zvekuti Pirato wakashamisika.
Mark Shona 15:6  Zvino pamabiko waivasunungurira musungwa umwe, chero upi wavanenge vakumbira.
Mark Shona 15:7  Zvino kwakange kune wainzi Bharabhasi, akasungwa pamwe nevakange vamutsa mhirizhonga naye, vakange vaita umhondi pamhirizhonga iyoyo.
Mark Shona 15:8  Zvino chaunga chakadanidzira, vakatanga kukumbira kuti aite sezvaaigarovaitira.
Mark Shona 15:9  Asi Pirato akavapindura, achiti: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo weVaJudha here?
Mark Shona 15:10  Nokuti wakange achiziva kuti vapristi vakuru vakange vamutengesa negodo.
Mark Shona 15:11  Asi vapristi vakuru vakamutsa chaunga, kuti zviri nani avasunungurire Bharabhasi.
Mark Shona 15:12  Pirato akapindura akatizve kwavari: Naizvozvo munoda kuti ndimuitirei, wamunoti ndiMambo weVaJudha?
Mark Shona 15:13  Vakadanidzirazve vachiti: Murovere pamuchinjikwa!
Mark Shona 15:14  Asi Pirato akati kwavari: Nemhaka yei? Wakaita chakaipa chei? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Muroverere pamuchinjikwa!
Mark Shona 15:15  Zvino Pirato, achida kuti agutse chaunga, akavasunungurira Bharabhasi; ndokukumikidza Jesu kwavari, amurova netyava, kuti arovererwe pamuchinjikwa.
Mark Shona 15:16  Zvino mauto akamuisa mukati mechivanze, chinova imba yemutungamiriri, akadanira hondo yese pamwe;
Mark Shona 15:17  vakamupfekedza zvine ruvara rwehute, vakaruka korona yeminzwa, vakaisa paari.
Mark Shona 15:18  Vakatanga kumukwazisa, vachiti: Hekanhi, Mambo weVaJudha!
Mark Shona 15:19  Vakamurova musoro nerutsanga, vakamupfira, vakafugama mabvi, vakamunamata.
Mark Shona 15:20  Zvino vakati vamuseka, vakamubvisa zveruvara rwehute, ndokumupfekedza nguvo dzake pachake, vakabuda naye kunomuroverera pamuchinjikwa.
Mark Shona 15:21  Vakamanikidza umwe waipfuura wainzi Simoni muKurini, achibva kuruwa, baba vaArekizandiro naRufo, kuti atakure muchinjikwa wake.
Mark Shona 15:22  Vakamuisa kunzvimbo yainzi Gorogota, ndokuti kana zvichishandurwa: Nzvimbo yedehenya.
Mark Shona 15:23  Vakamupa waini yakavhenganiswa nemura kuti anwe, asi haana kugamuchira.
Mark Shona 15:24  Zvino vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mujenya pamusoro padzo, kuti umwe neumwe achatorei.
Mark Shona 15:25  Rakange rava awa rechitatu, vakabva vamuroverera pamuchinjikwa.
Mark Shona 15:26  Nerugwaro rwemhosva yake rwakange rwakanyorwa pamusoro, rwuchiti: MAMBO WEVAJUDHA.
Mark Shona 15:27  Pamwe naye vakaroverera pamuchinjikwa makororo maviri, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe rwake.
Mark Shona 15:28  Rugwaro rukazadzisika, rwunoti: Wakaverengwa pamwe nevasina murairo.
Mark Shona 15:29  Nevaipfuura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Ehe-e, iwe unoputsa tembere, nekuivaka nemazuva matatu,
Mark Shona 15:31  Saizvozvo vapristiwo vakuru vakamuseka pamwe nevanyori pakati pavo, vachiti: Wakaponesa vamwe, haagoni kuzviponesa.
Mark Shona 15:32  Kristu Mambo waIsraeri ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, kuti tione titende. Nevakange varovererwa pamuchinjikwa pamwe naye vakamunyomba.
Mark Shona 15:33  Zvino awa rechitanhatu rakati rasvika, rima rikavapo panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe.
Mark Shona 15:34  Zvino neawa repfumbamwe, Jesu akadana nenzwi guru, achiti: "Eroi, Eroi, rama sabhakitani!" Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiirei?
Mark Shona 15:35  Vamwe vevakange vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati: Tarirai, anodana Eria.
Mark Shona 15:36  Ipapo umwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, akaisa parutsanga, akamupa kuti anwe, achiti: Regai, tione kana Eria achiuya kumuburusa.
Mark Shona 15:37  Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru akapa mweya.
Mark Shona 15:38  Vheiri retembere rikabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi.
Mark Shona 15:39  Zvino mukuru wezana wakange amirepo pakatarisana naye, wakati achiona kuti wadanidzira zvakadaro akapa mweya, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wanga ari Mwanakomana waMwari.
Mark Shona 15:40  Uye kwakange kune vakadziwo vakatarira vari kure, pakati pavo pakange pana Maria Magidhariniwo, naMaria mai vaJakobho mudiki naJose, naSarome,
Mark Shona 15:41  (avowo vaimutevera achiri muGarirea, vachimushandira), nevamwe vakadzi vazhinji vakange vakwira kuJerusarema naye.
Mark Shona 15:42  Zvino atova manheru, zvarakange riri gadziriro, ndokuti zuva rinotangira sabata,
Mark Shona 15:43  Josefa waiva weArimatia, nhengo yedare yairemekedzwa, wakange akamirirawo pachake ushe hwaMwari; wakauya akapinda kuna Pirato akatsunga, akakumbira chitunha chaJesu.
Mark Shona 15:44  Pirato akashamisika nokuti wakange atofa; akadanira kwaari mukuru wezana, akamubvunza kana akange ava nenguva afa.
Mark Shona 15:45  Zvino wakati azvinzwa nemukuru wezana, akapa Josefa chitunha.
Mark Shona 15:46  Akatenga mucheka wakaisvonaka, akamuburusa, akamuputira nemucheka wakapfava, ndokumuradzika muguva rakange rakacherwa muruware, ndokukungurusira ibwe pamukova weguva.
Mark Shona 15:47  Zvino Maria Magidharini, naMaria mai vaJose, vakaona paakaradzikwa.
Chapter 16
Mark Shona 16:1  Sabata rakati rapfuura, Maria Magidharini, naMaria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwira, kuti vauye kunomuzodza.
Mark Shona 16:2  Mangwanani-ngwanani kwazvo nomusi wekutanga wevhiki vakauya kuguva, zuva robuda.
Mark Shona 16:3  Vakati pakati pavo: Ndiani achatikungurusira ibwe kubva pamukova weguva?
Mark Shona 16:4  Zvino vakati vachitarira, vakaona kuti ibwe rakange rakunguruswa, nokuti raiva guru-guru.
Mark Shona 16:5  Zvino vakati vachipinda muguva, vakaona jaya rakange rigere kurudyi, rakapfeka nguvo refu chena; vakavhunduka;
Mark Shona 16:6  asi rakati kwavari: Musavhunduka; munotsvaka Jesu muNazareta wakarovererwa pamuchinjikwa; wamuka, haasi pano; tarirai panzvimbo pavakange vamuradzika.
Mark Shona 16:7  Asi endai, munoudza vadzidzi vake naPetro kuti anokutungamirirai kuGarirea, muchanomuonako sezvaakakuudzai.
Mark Shona 16:8  Zvino vakabuda nekukurumidza vakatiza paguva; uyezve kudedera nekuvhunduka kwakavabata; vakasataura chinhu kuna ani zvake, nokuti vakange vachitya.
Mark Shona 16:9  Zvino Jesu wakati amuka mangwanani-ngwanani newekutanga wevhiki, wakaonekwa pakutanga kuna Maria Magidharini, waakabudisa kwaari madhimoni manomwe.
Mark Shona 16:10  Uyo akaenda akaudza avo vaiva naye, pavaichema vachirira.
Mark Shona 16:11  Neava vanzwa kuti mupenyu, uye kuti wakange aonekwa naye, havana kutenda.
Mark Shona 16:12  Shure kweizvozvo wakazviratidza nechimwe chimiro kuvaviri vavo vachifamba, vachienda muruwa.
Mark Shona 16:13  Zvino avawo vakaenda vakaudza vakange vasara; naavo vakasavatenda.
Mark Shona 16:14  Pashure wakazviratidza kune vanegumi neumwe vagere pakudya, akatsiura kusatenda kwavo neukukutu hwemoyo, nokuti havana kutenda vaya vakange vamuona amuka.
Mark Shona 16:15  Akati kwavari: Endai munyika yese muparidze evhangeri kuchisikwa chega-chega.
Mark Shona 16:16  Uyo anotenda akabhabhatidzwa achaponeswa; asi asingatendi achapiwa mhosva.
Mark Shona 16:17  Zviratidzo izvi zvichavatevera vanotenda: Muzita rangu vachabudisa madhimoni, vachataura nendimi itsva;
Mark Shona 16:18  vachanonga nyoka; kunyange vakanwa chero chinhu chinouraya, hachingatongovakuvadzi; vachaisa maoko pavarwere, vakapora.
Mark Shona 16:19  Naizvozvo Ishe shure kwekunge ataura kwavari, akagamuchirwa kumusoro kudenga, akagara kuruoko rwerudyi rwaMwari.
Mark Shona 16:20  Avo vakabuda, vakaparidza kwese-kwese, Ishe achibata navo, achisimbisa shoko nezviratidzo zvaitevera. Amen.