Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
ACTS
Up
Toggle notes
Chapter 1
Acts Shona 1:1  Rondedzero yekutanga ndakaiita, haiwa Teofiro, pamusoro pezvese Jesu zvaakatanga kuita uyewo kudzidzisa,
Acts Shona 1:2  kusvikira zuva raakakwidzwa, amboraira neMweya Mutsvene kuvaapositori vaakange asarudza;
Acts Shona 1:3  vaakazviratidzawo kwavari ari mupenyu shure kwekutambudzika kwake neuchapupu uzhinji hunopwisa, achionekwa navo kwemazuva makumi mana, achitaura zvinhu zveushe hwaMwari.
Acts Shona 1:4  Zvino aungana navo, akavaraira kuti varege kubva muJerusarema asi vamirire chivimbiso chaBaba, chamakanzwa neni;
Acts Shona 1:5  nokuti Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene pasina mazuva mazhinji kubva ikozvino.
Acts Shona 1:6  Naizvozvo ivo vakati vaungana vakamubvunza vachiti: Ishe, muchadzosera ushe kuna Israeri nenguva ino here?
Acts Shona 1:7  Zvino akati kwavari: Hazvisi zvenyu kuziva nguva kana misi Baba yavakatara nesimba ravo pachavo;
Acts Shona 1:8  asi muchagamuchira simba, Mweya Mutsvene asvika pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu zvese paJerusarema nemuJudhiya mese nemuSamaria, kusvikirawo kumugumo wenyika.
Acts Shona 1:9  Zvino wakati areva zvinhu izvi, akakwidzwa vakatarira, negore rikamubvisa pameso avo.
Acts Shona 1:10  Zvino vachakatarisisa kudenga, achikwira, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo nenguvo chena;
Acts Shona 1:11  ivowo vakati: Varume veGarirea, makamirirei makatarisisa kudenga? Iyeyu Jesu, anobviswa kwamuri achikwidzwa kudenga, achauya saizvozvo sezvamunomuona achienda kudenga.
Acts Shona 1:12  Zvino vakadzokera kuJerusarema vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi riri pedo neJerusarema, chinhambwe cherwendo rwesabata.
Acts Shona 1:13  Vakati vapinda, vakakwira mukamuri yepamusoro apo paigara vese Petro naJakobho naJohwani naAndiriya, Firipi naTomasi, Bhatironomiyo naMatewu, Jakobho waArifio naSimoni muZiroti, naJudhasi waJakobho.
Acts Shona 1:14  Ava vese vakatsungirira nemoyo umwe mumunyengetero nemukumbiro, pamwe nevakadzi, naMaria mai vaJesu, uye nevanin'ina vake.
Acts Shona 1:15  Zvino mumazuva iwayo Petro wakasimuka pakati pevadzidzi akati (kwaiva nechaunga nevanhu pamwe vanenge zana nemakumi maviri):
Acts Shona 1:16  Varume hama, zvakafanira kuti rugwaro urwu rwuzadziswe, Mweya Mutsvene zvawakagara wataura nemuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi, wakange ari mutungamiriri wevaya vakabata Jesu,
Acts Shona 1:17  nokuti wakange achiverengwa pamwe nesu, akagamuchira mugove weushumiri uhu.
Acts Shona 1:18  Zvino uyu wakawana munda nemubairo wezvakaipa, akawa nemusoro, akaparuka nepakati, ura hwake hwese hukabvajukira kunze.
Acts Shona 1:19  Zvikanzwikwa kuvagari vese paJerusarema, zvekuti munda uyo watumidzwa nerurimi rwavo pachavo kuti Akeridhama, ndiko kuti: Munda weropa.
Acts Shona 1:20  Nokuti zvakanyorwa mubhuku reMapisarema zvichinzi: Musha wake ngauve dongo, uye kurege kuva neanogara mauri; uye: Utariri hwake, umwe ngaatore.
Acts Shona 1:21  Naizvozvo zvakafanira pavarume ava vaifamba nesu munguva yese, apo Ishe Jesu aipinda nekubuda pakati pedu,
Acts Shona 1:22  kutanga parubhabhatidzo rwaJohwani, kusvikira pazuva raakwidzwa kubva kwatiri, umwe wavo ngaave chapupu pamwe nesu chekumuka kwake.
Acts Shona 1:23  Zvino vakamisa vaviri: Josefa wainzi Bharisabhasi, wakatumidzwawo Jusito, naMatiasi.
Acts Shona 1:24  Vakanyengetera vachiti: Imwi Ishe, imwi muzivi wemoyo yevese, taridzai umwe pavaviri ava wamasarudza,
Acts Shona 1:25  kugamuchira mugove paushumiri nevuapositori, Judhasi hwaakatsauka pahuri, kuti aende panzvimbo yake pachake.
Acts Shona 1:26  Zvino vakavapa mijenya yavo, mujenya ukawira pana Matiasi; akaverengwa pamwe nevaapositori vanegumi neumwe.
Chapter 2
Acts Shona 2:1  Zvino zuva rePendekosita* rakati razadzisika, vese vakange vari pamwe nemoyo umwe.
Acts Shona 2:2  Pakarepo kwakauya mutinhiro kubva kudenga sewemhepo inovhuvhuta nesimba, ndokuzadza imba yese mavakange vagere.
Acts Shona 2:3  Zvino kwakaonekwa kwavari ndimi dzakaparadzaniswa sedzemoto, ndokugara pamusoro peumwe neumwe wavo.
Acts Shona 2:4  Zvino vese vakazadzwa neMweya Mutsvene, ndokutanga kutaura nedzimwe ndimi, Mweya sezvaakavapa kududza.
Acts Shona 2:5  Zvino kwaigara paJerusarema VaJudha, varume vaitya Mwari, vaibva kurudzi rwese rwevari pasi pedenga.
Acts Shona 2:6  Zvino mutinhiro uyu wakati waitika, chaunga chikaungana chikavhiringidzwa, nokuti umwe neumwe wakavanzwa vachitaura nerurimi rwekwake.
Acts Shona 2:7  Zvino vakakatyamara vese vakashamisika vakataurirana vachiti: Tarirai, ava vese vanotaura havasi VaGarirea here?
Acts Shona 2:8  Zvino isu tinonzwa sei umwe neumwe nerurimi rwekwedu, rwatakaberekwa narwo?
Acts Shona 2:9  VaPatia neVaMedhia neVaEramu, nevagari veMesopotamia, neveJudhiya neveKapadhokiasi, vePonto neveAsia,
Acts Shona 2:10  neveFrigia nevePamufiriya, veEgipita nevemativi eRibhia pedo neKurini, nevaeni veRoma, vese VaJudha nevakatendeukira kuVaJudha,
Acts Shona 2:11  VaKrete neVaArabhiya, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari.
Acts Shona 2:12  Zvino vakakatyamara vese, vakashamiswa vachiti umwe kune umwe: Ichi chingava chii?
Acts Shona 2:13  Asi vamwe vakatsvinya vachiti: Vararadza waini inotapira.
Acts Shona 2:14  Zvino Petro amire nevanegumi neumwe, wakasimudza inzwi rake, ndokuti kwavari: Varume VaJudha, nevese vagere muJerusarema, chinhu ichi ngachizikanwe kwamuri, uye muteerere kumashoko angu.
Acts Shona 2:15  Nokuti ava havana kuraradza sezvamunofunga imwi; nokuti iawa rechitatu rezuva;
Acts Shona 2:16  asi ichi ndicho chakataurwa nemuporofita Joweri achiti:
Acts Shona 2:17  Zvino zvichava mumazuva ekupedzisira, anodaro Mwari, ndichadurura zveMweya wangu pamusoro penyama yese; nevanakomana venyu nevanasikana venyu vachaporofita, uye majaya enyu achaona zviratidzo, nevatana venyu vacharota hope;
Acts Shona 2:18  uye nepamusoro pevaranda vangu nepamusoro pevarandakadzi vangu, nemazuva iwayo ndichadurura zveMweya wangu, uye vachaporofita.
Acts Shona 2:19  Zvino ndichaita zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa, nemoto, nemhute yeutsi.
Acts Shona 2:20  Zuva richashandurwa kuva rima, nemwedzi kuva ropa, risati rasvika zuva raIshe guru uye rinobwinya;
Acts Shona 2:21  zvino zvichava kuti ani nani anodana zita raIshe achaponeswa.
Acts Shona 2:22  Varume VaIsraeri, inzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakapupurirwa naMwari pakati penyu nemabasa esimba nezvishamiso nezviratidzo Mwari zvaakaita pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunozivawo imwi momene,
Acts Shona 2:23  iye wakakumikidzwa nezano rakamiswa nekuziva zviri mberi kwaMwari, mukamutora, nemaoko evasina murairo mukaroverera pamuchinjikwa mukauraya;
Acts Shona 2:24  iye Mwari waakamutsa, asunungura marwadzo erufu, nokuti zvakange zvisingagoneki kuti abatwe narwo.
Acts Shona 2:25  Nokuti Dhavhidhi wakataura maererano naye: Ndaiona Ishe pamberi pangu nguva dzese; nokuti ari kuruoko rwerudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa.
Acts Shona 2:26  Naizvozvo moyo wangu wakafara, nerurimi rwangu rwakafarisisa; uyezve nenyama yangu ichazorora mutariro.
Acts Shona 2:27  Nokuti hamuzosii mweya wangu mugehena, kana kutendera Mutsvene wenyu kuti aone kuora.
Acts Shona 2:28  Makandizivisa nzira dzeupenyu; muchandizadza nemufaro nechiso chenyu.
Acts Shona 2:29  Varume hama, regai nditaure kwamuri pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti zvese vakafa uye vakavigwa, neguva ravo riri pakati pedu kusvikira zuva rino.
Acts Shona 2:30  Naizvozvo ari muporofita, uye achiziva kuti Mwari wakapika nemhiko kwaari kuti kuchibereko chechiuno chake panyama achasimudza Kristu kuti agare pachigaro chake cheushe,
Acts Shona 2:31  aona zviri mberi, wakareva zvekumuka kwaKristu, kuti mweya wake hauna kusiiwa mugehena, kana nyama yake kuona kuora.
Acts Shona 2:32  Uyu Jesu Mwari wakamumutsa, watiri zvapupu zvazvo tese.
Acts Shona 2:33  Naizvozvo asimudzirwa kuruoko rwerudyi rwaMwari, agamuchira kuna Baba chivimbiso cheMweya Mutsvene, wadurura izvi imwi zvamunoona nezvamunonzwa ikozvino.
Acts Shona 2:34  Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kumatenga, asi anoti amene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi,
Acts Shona 2:35  kusvikira ndichiita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
Acts Shona 2:36  Naizvozvo imba yese yaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti Mwari wakamuita zvese Ishe naKristu, iyeyu Jesu wamakaroverera pamuchinjikwa imwi.
Acts Shona 2:37  Zvino vakati vachinzwa izvi vakabaiwa pamoyo, ndokuti kuna Petro nevamwe vaapositori: Varume hama, tichaitei?
Acts Shona 2:38  Petro ndokuti kwavari: Tendeukai mubhabhatidzwe umwe neumwe wenyu muzita raJesu Kristu, kuitira kanganwiro yezvivi, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene.
Acts Shona 2:39  Nokuti chivimbiso ndechenyu, nechevana venyu, nechevese vari kure, uwandu Ishe Mwari wedu sehwevaanodana.
Acts Shona 2:40  Uye nemamwe mashoko mazhinji, akapupura akakurudzira, achiti: Muzviponese pazera iri rakashonyoroka.
Acts Shona 2:41  Zvino avo vakagamuchira nemufaro shoko rake vakabhabhatidzwa; uye nezuva iro vakawedzerwa mweya inenge zvuru zvitatu.
Acts Shona 2:42  Vakarambira padzidziso yevaapositori nepakuwadzana, nepakumedura chingwa nepaminyengetero.
Acts Shona 2:43  Uye kutya kukawira pamusoro pemweya wega-wega; uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvikaitwa nevaapositori.
Acts Shona 2:44  Nevaitenda vese vaiva pamwe, uye vakava nezvinhu zvese panhu pamwe,
Acts Shona 2:45  ndokutengesa zvavaiva nazvo nenhumbi, vakazvigovana vese, umwe neumwe paaishaiwa napo.
Acts Shona 2:46  Zuva rimwe nerimwe vakange vachitsungirira mutembere nemoyo umwe, uye vaimedura chingwa paimba neimba, vachidya kudya nemufaro nemoyo wakachena,
Acts Shona 2:47  vachirumbidza Mwari, vachifarirwa nevanhu vese. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vanoponeswa.
Chapter 3
Acts Shona 3:1  Zvino Petro naJohwani vakakwira pamwe kuenda kutembere paawa rekunyengetera repfumbamwe.
Acts Shona 3:2  Zvino kwaitakurwa umwe murume waiva chirema kubva mudumbu ramai vake; wavaiisa zuva rimwe nerimwe pamusuwo wetembere unonzi Wakanaka, kuti akumbire chipo kune vaipinda mutembere.
Acts Shona 3:3  Iye wakati achiona Petro naJohwani voda kupinda mutembere, akakumbira chipo.
Acts Shona 3:4  Zvino Petro akamudzvokora anaJohwani, akati: Titarire!
Acts Shona 3:5  Akavacherekedza, achitarisira kugamuchira chinhu kwavari.
Acts Shona 3:6  Petro ndokuti: Sirivheri negoridhe handina; asi icho chandinacho ndinokupa: Muzita raJesu Kristu muNazareta, simuka ufambe.
Acts Shona 3:7  Akamubata ruoko rwerudyi akamusimudza; zvino pakarepo tsoka nezviziso zvetsoka dzake zvikasimbiswa.
Acts Shona 3:8  Zvino akauruka akamira ndokufamba, ndokupinda navo mutembere, achifamba nekuuruka nekurumbidza Mwari.
Acts Shona 3:9  Uye vanhu vese vakamuona achifamba, nekurumbidza Mwari.
Acts Shona 3:10  Vakamuziva kuti ndiye waigarira chipo pamukova Wakanaka wetembere; vakazadzwa nekushamisika nekukatyamara nezvakange zvaitika kwaari.
Acts Shona 3:11  Zvino waikamhina wakange aporeswa achakabatira Petro naJohwani, vanhu vese vakamhanyira pamwe kwavari paberere rinonzi raSoromoni, vachishamisika zvikuru.
Acts Shona 3:12  Zvino Petro wakati achizviona akapindura kuvanhu achiti: Varume VaIsraeri, mashamisika sei pamusoro pezvizvi, kana munotidzvokora sei, sezvinonzi nesimba kana utsvene hwedu pachedu taita uyu kuti afambe?
Acts Shona 3:13  Mwari waAbhurahama newaIsaka newaJakobho, Mwari wemadzibaba edu, wakudza Mwanakomana wake Jesu; wamakakumikidza imwi kuvatongi nekumuramba pamberi pechiso chaPirato, iye agura kumusunungura.
Acts Shona 3:14  Asi imwi makaramba Mutsvene neWakarurama, mukakumbira murume mhondi kuti ipiwe kwamuri,
Acts Shona 3:15  mukauraya Muvambi weupenyu; iye Mwari waakamutsa kubva kuvakafa; zvatiri zvapupu zvazvo isu.
Acts Shona 3:16  Uye nerutendo kuzita rake, uyu wamunoona uye wamunoziva, zita rake ramusimbisa; nerutendo rwuri nemaari rwamupa kuporeswa uku kwakazara pamberi penyu mese.
Acts Shona 3:17  Uye ikozvino, hama, ndinoziva kuti makaita nekusaziva, sevatongi venyuwo.
Acts Shona 3:18  Asi Mwari zvaakagara areva nemuromo wevaporofita vake vese, kuti Kristu achatambudzika, wakazvizadzisa saizvozvi.
Acts Shona 3:19  Naizvozvo tendeukai mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzekufefeterwa dzinobva pachiso chaIshe dzisvike,
Acts Shona 3:20  uye achatuma Jesu Kristu, wakagara aparidzirwa kwamuri;
Acts Shona 3:21  wakafanira kuti denga rimugamuchire kusvikira nguva dzekuvandudzwa kwezvinhu zvese, Mwari dzaakareva nemuromo wevaporofita vake vatsvene vese kubva panguva dzakare.
Acts Shona 3:22  Nokuti Mozisi zvirokwazvo wakati kumadzibaba: Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muporofita pahama dzenyu, wakaita seni; iye muchamuteerera pazvese zvaachataura kwamuri.
Acts Shona 3:23  Uye zvichaitika, mweya umwe neumwe ucharega kuteerera muporofita uyo uchaparadzwa kubva pavanhu.
Acts Shona 3:24  Uye nevaporofita vese kubva kuna Samueri nevakatevera, vese vakataura, vakagara vaparidzawo zvemazuva awa.
Acts Shona 3:25  Imwi muri vana vevaporofita, nevesungano Mwari yaakaita nemadzibaba edu, achiti kuna Abhurahama: Nemumbeu yako marudzi ese enyika acharopafadzwa.
Acts Shona 3:26  Mwari amutsa Mwanakomana wake Jesu, wakamutuma kwamuri pakutanga kukuropafadzai, pakudzora umwe neumwe pazvakaipa zvenyu.
Chapter 4
Acts Shona 4:1  Zvino vakati vachataura kuvanhu, vapristi nemutungamiriri wetembere neVaSadhusi vakavasvikira,
Acts Shona 4:2  vachishungurudzika nokuti vanodzidzisa vanhu, nekuparidza kumuka kubva kuvakafa munaJesu.
Acts Shona 4:3  Zvino vakaisa maoko pavari ndokuisa muchitokisi kusvikira mangwana; nokuti akange atova madekwani.
Acts Shona 4:4  Asi vazhinji vevakanzwa shoko vakatenda; neuwandu hwevarume hwaiva zvuru zvinenge zvishanu.
Acts Shona 4:5  Zvino zvakaitika kuchiidza kuti kwakaungana vatungamiriri nevakuru nevanyori vavo paJerusarema,
Acts Shona 4:6  naAnasi mupristi mukuru, naKayafasi, naJohwani, naArekizandira, nevese vaiva vehama dzemupristi mukuru.
Acts Shona 4:7  Zvino vakati vavamisa pakati, vakabvunza vachiti: Izvi imwi mazviita nesimba ripi kana nezita ripi?
Acts Shona 4:8  Ipapo Petro azedzwe neMweya Mutsvene wakati kwavari: Vatongi vevanhu, nevakuru VaIsraeri;
Acts Shona 4:9  kana isu tichibvunzurudzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka kumunhu asina simba, kuti iye waponeswa nei,
Acts Shona 4:10  ngazvizikanwe kwamuri mese, nekuvanhu vese veIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu muNazareta, wamakaroverera pamuchinjikwa imwi, Mwari waakamutsa kubva kuvakafa, naye munhu uyu amire pano pamberi penyu apora.
Acts Shona 4:11  Uyu ndiye ibwe rakazvidzwa nemwi vavaki, razova musoro wekona.
Acts Shona 4:12  Uye hakuna ruponeso kune umwezve; nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu, ratinofanira kuponeswa naro.
Acts Shona 4:13  Zvino vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohwani, uye vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza uye vasina ruzivo, vakashamisika; ndokuvaziva kuti vaiva naJesu.
Acts Shona 4:14  Asi vachiona munhu wakange aporeswa amire navo, vakashaiwa chavangapikisa.
Acts Shona 4:15  Zvino vakati vavaraira kuti vabude kunze kwedare remakurukota, vakarangana pakati pavo,
Acts Shona 4:16  vachiti: Tichaitei kuvanhu ava? Nokuti zviri pachena kune vese vagere Jerusarema kuti chiratidzo chinozikanwa chaitwa navo, uye hatigoni kuzviramba.
Acts Shona 4:17  Asi kuti zvirege kunyanya kuparadzirwa pakati pevanhu, ngativayambirei zvikuru kuti varege kuchizotaura nemunhu upi neupi muzita iri.
Acts Shona 4:18  Vakabva vavadana, vakavaraira kuti varege kutongotaura kana kudzidzisa muzita raJesu.
Acts Shona 4:19  Asi Petro naJohwani vakapindura vakati kwavari: Gurai, kana zvakarurama pamberi paMwari kuteerera imwi kupfuura Mwari.
Acts Shona 4:20  Nokuti isu hatigoni kusataura zvatakaona nekunzwa.
Acts Shona 4:21  Zvino vakati vawedzera kuvavhundudzira, vakavaregedza, vasingawani chinhu kuti vangavaranga sei nekuda kwevanhu; nokuti vese vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitika.
Acts Shona 4:22  Nokuti munhu wakange apfuura makore makumi mana wakange aitirwa chiratidzo ichi chekuporesa.
Acts Shona 4:23  Vakati varegedzwa vakaenda kune vekwavo, vakanopira zvese vapristi vakuru nevakuru zvavakange vataura kwavari.
Acts Shona 4:24  Zvino ivo vakati vanzwa vakasimudzira inzwi kuna Mwari nemoyo umwe, vakati: Tenzi, imwi Mwari makaita denga nenyika negungwa nezvese zviri mazviri;
Acts Shona 4:25  makareva nemuromo waDhavhidhi, muranda wenyu muchiti: Nemhaka yei vahedheni vachiita bope, nevanhu vachifunga zvisina maturo?
Acts Shona 4:26  Madzimambo enyika akasimuka, nevatungamiriri vakaungana pamwe chete kumirisana naIshe nekumirisana naKristu wake.
Acts Shona 4:27  Nokuti zvirokwazvo vakaungana vakamirisana neMwanakomana wenyu mutsvene Jesu, wamakazodza, vese Herodhe naPondiyo Pirato pamwe nevahedheni, nevanhu vekwaIsraeri,
Acts Shona 4:28  kuti vaite zvese ruoko rwenyu nezano renyu zvamakagara matema kuti zviitike.
Acts Shona 4:29  Uye ikozvino Ishe, tarirai kuvhundudzira kwavo, mupe varanda venyu kuti vataure shoko renyu nekusatya kwese,
Acts Shona 4:30  pakuti mutandavadze ruoko rwenyu pakuporesa, nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita reMwanakomana wenyu mutsvene Jesu.
Acts Shona 4:31  Zvino vakati vanyengetera nzvimbo yavakange vakaungana pairi yakazununguswa; zvino vakazadzwa vese neMweya Mutsvene, ndokutaura shoko raMwari nekusatya.
Acts Shona 4:32  Zvino chaunga chevaitenda chaiva nemoyo nemweya umwe; uye kwakange kusina umwe waiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake, asi vakadyidzana zvinhu zvese.
Acts Shona 4:33  Uye nesimba guru vaapositori vakapa uchapupu hwekumuka kwaIshe Jesu; nenyasha huru dzikava pamusoro pavo vese.
Acts Shona 4:34  Nokuti pakange pasina umwe pakati pavo waishaiwa, nokuti vese vaiva vene veminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakauisa mutengo wezvinhu zvakatengeswa,
Acts Shona 4:35  vakaisa patsoka dzevaapositori; uye zvikagoverwa kune umwe neumwe zvichienderana nekushaiwa kwaaiva nako.
Acts Shona 4:36  NaJose, wakatumidzwa nevaapositori Bhanabhasi, ndokuti kana zvichishandurwa, mwanakomana wenyaradzo, muRevhi weSaipuresi parudzi,
Acts Shona 4:37  ane munda, wakatengesa, akauisa mari akaisa patsoka dzevaapositori.
Chapter 5
Acts Shona 5:1  Asi umwe murume wainzi Ananiasi, naSafira mukadzi wake, wakatengesa nhumbi dzake,
Acts Shona 5:2  akazvisiira pamutengo, mukadzi wake achizivawo, akauya nechimwe chikamu, ndokuisa patsoka dzevaapositori.
Acts Shona 5:3  Asi Petro wakati: Ananiasi, Satani wazadzirei moyo wako kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nekuzvisiira pamutengo wemunda?
Acts Shona 5:4  Uchiripo hauna kuramba uri wako here, watengeswa wakange usi musimba rako here? Sei waisa mumoyo mako chiito ichi? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kuna Mwari.
Acts Shona 5:5  Zvino Ananiasi achinzwa mashoko awa, wakawira pasi, akapera; kutya kukuru ndokuwira pamusoro pevese vakanzwa zvinhu izvi.
Acts Shona 5:6  Nemajaya akasimuka akamuputira ndokutakurira kunze vakamuviga.
Acts Shona 5:7  Zvino zvakaitika maawa anenge matatu apfuura, kuti mukadzi wake asingazivi zvaitika wakapinda.
Acts Shona 5:8  Petro ndokumupindura akati: Ndiudze kana matengesa munda nezvakadai? Ndokuti: Hongu, nezvakadai.
Acts Shona 5:9  Petro ndokuti kwaari: Sei matenderana kuedza Mweya waIshe? Tarira, tsoka dzevaviga murume wako pamukova, newe vachakutakurira kunze.
Acts Shona 5:10  Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akapera; majaya akapinda akamuwana afa, akamutakurira kunze ndokuviga nechepamurume wake.
Acts Shona 5:11  Kutya kukuru ndokuwira pamusoro pekereke yese nepamusoro pevese vakanzwa zvinhu izvi.
Acts Shona 5:12  Uye nemaoko evaapositori kwakaitwa zviratidzo nezvishamiso zvizhinji pakati pevanhu; uye vese vaiva nemoyo umwe muberere raSoromoni.
Acts Shona 5:13  Asi pavamwe kwakange kusina munhu wakashinga kuzvisanganisa kwavari; asi vanhu vaivakudza.
Acts Shona 5:14  Uye vatendi vakanyanya kuwedzerwa kuna Ishe, zvaunga zvinoti zvevarume zvikati zvevakadzi.
Acts Shona 5:15  Zvekuti vatakurira kunze varwere munzira dzemuguta, uye vakaradzika pamibhedha nepanhovo, kuti kana Petro achiuya, kunyange mumvuri udzikatire umwe wavo.
Acts Shona 5:16  Zvino kwakaunganawo chaunga chemaguta akapoteredza kuJerusarema, vachitakura varwere, nevaitambudzwa nemweya yetsvina, vakaporeswa vese.
Acts Shona 5:17  Zvino mupristi mukuru akasimuka, nevese vaiva naye vari sangano reVaSadhusi, vakazara negodo,
Acts Shona 5:18  vakaisa maoko avo pavaapositori vakavaisa mutirongo revanhu vese.
Acts Shona 5:19  Asi mutumwa waIshe neusiku wakazarura mikova yetirongo akavabudisa akati:
Acts Shona 5:20  Endai, mugomira muchitaura mutembere kuvanhu ese mashoko eupenyu uhu.
Acts Shona 5:21  Zvino vakati vanzwa, vakapinda mutembere mangwanani-ngwanani vakadzidzisa. Asi mupristi mukuru wakasvika nevaiva naye, vakakokera dare remakurukota pamwe neungano yese yedare revakuru revana vaIsraeri, vakatumira mapurisa kutirongo kuti vauiswe.
Acts Shona 5:22  Asi mapurisa akati achisvika, akasavawana mutirongo; akadzoka akapira shoko,
Acts Shona 5:23  achiti: Tirongo zvirokwazvo takawana rakavharwa nekuchengetedzwa kwese, nevarindi vamire panze pamberi pemikova; asi tati tazarura, mukati hatina kuwana munhu.
Acts Shona 5:24  Zvino mupristi nemutungamiriri wetembere nevapristi vakuru vakati vanzwa mashoko iwayo, vakasava nechokwadi pamusoro pavo, kuti izvi zvichazovei.
Acts Shona 5:25  Zvino kwakasvika umwe akavaudza achiti: Tarirai, varume vamakaisa mutirongo vamire mutembere vachidzidzisa vanhu.
Acts Shona 5:26  Zvino mutungamiriri nemapurisa vakaenda vakauya navo kwete nesimba, nokuti vaitya vanhu kuti vasatakwa nemabwe.
Acts Shona 5:27  Vakati vavauisa vakavamisa pamberi pedare remakurukota. Mupristi mukuru ndokuvabvunza,
Acts Shona 5:28  achiti: Hatina kukurairisai kuti musadzidzisa nezita iri here? Zvino tarirai, mazadza Jerusarema nedzidziso yenyu, uye muchishuva kuuisa ropa remunhu uyu pamusoro pedu.
Acts Shona 5:29  Zvino Petro nevaapositori vakapindura vakati: Zvakafanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.
Acts Shona 5:30  Mwari wemadzibaba edu wakamutsa Jesu, iye wamakauraya imwi, mukaremberedza pamuti.
Acts Shona 5:31  Iye uyu Mwari wakamusimudza neruoko rwake rwerudyi, ave Muvambi neMuponesi, kupa Israeri kutendeuka nekanganwiro yezvivi.
Acts Shona 5:32  Uye isu tiri zvapupu zvake zvezvinhu izvi, neMweya Mutsvenewo, Mwari waakapa avo vanomuteerera.
Acts Shona 5:33  Zvino vakati vanzwa vakashatirwa kwazvo, vakarangana kuvauraya.
Acts Shona 5:34  Ipapo kukasimuka umwe padare remakurukota, muFarisi wainzi Gamarieri, mudzidzisi wemurairo, waikudzwa nevanhu vese, akaraira kuti vaapositori vabudiswe chinguva chidiki.
Acts Shona 5:35  Ndokuti kwavari: Varume VaIsraeri, zvichenjererei maererano nevanhu ava, zvamoda kuita.
Acts Shona 5:36  Nokuti mazuva ano asati asvika kwakamuka Tudhasi, achiti iye pachake wakange ari munhu, uwandu hwevanhu hunenge mazana mana vakazvisanganisa naye; iye wakaurawa, nevese vaimuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa, vakava pasina.
Acts Shona 5:37  Shure kweuyu kukamuka Judhasi muGarirea, pamazuva ekuverengwa, akakwevera vanhu vazhinji shure kwake; iyewo wakaparara, nevese vakamuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa.
Acts Shona 5:38  Zvino ikozvino ndinoti kwamuri: Sudurukai kuvanhu ava, muvarege, nokuti kana zano iri kana basa iri riri revanhu, richaparadzwa.
Acts Shona 5:39  Asi kana zviri zvaMwari, hamugoni kuzviparadza; kuti zvimwe muwanikwe muchirwa naMwariwo.
Acts Shona 5:40  Vakamuteerera; uye vakati vadanira vaapositori kwavari vakavarova, vakavaraira kusataura muzita raJesu, vakavaregedza.
Acts Shona 5:41  Naizvozvo vakabva pazviso zvedare remakurukota, vachifara kuti vakafanirwa nekuzvidzwa nekuda kwezita rake.
Acts Shona 5:42  Uye mazuva ese mutembere nepaimba imwe neimwe havana kumira kudzidzisa nekuparidza Jesu Kristu.
Chapter 6
Acts Shona 6:1  Zvino nemazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, kwakamuka kunyunyuta kwemaHerenisiti* akanangana neVaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaiva dzisingatariswi pakushandirwa kwemusi umwe neumwe.
Acts Shona 6:2  Zvino vanegumi nevaviri vakadanira kwavari chaunga chevadzidzi, vakati: Hazvina kufanira kuti isu tisiye shoko raMwari, tishande matafura.
Acts Shona 6:3  Naizvozvo, hama, tarirai pakati penyu varume vanomwe vanopupurirwa zvakanaka, vazere neMweya Mutsvene nenjere, vatingagadza pabasa rakafanira iri.
Acts Shona 6:4  Asi isu tichatsungirira pamunyengetero neushumiri hweshoko.
Acts Shona 6:5  Zvino shoko rikafadza pamberi pechaunga chese; uye vakasarudza Sitefano, murume azere nerutendo uye neMweya Mutsvene, naFiripi, naProkoro, naNikanori, naTimoni, naPamenasi, naNikoraosi weAndiyokiya wakatendeukira kuVaJudha,
Acts Shona 6:6  vavakagadza pamberi pevaapositori; uye vakati vanyengetera vakaisa maoko pamusoro pavo.
Acts Shona 6:7  Zvino shoko raMwari rikakura, uye uwandu hwevadzidzi hukapamhidzira muJerusarema zvikurusa, nechaunga chikuru chevapristi chakateerera rutendo.
Acts Shona 6:8  Zvino Sitefano azere nerutendo nesimba wakaita zvishamiso nezviratidzo zvikuru pakati pevanhu.
Acts Shona 6:9  Zvino kwakamuka vamwe vesinagoge rinonzi reVakasununguka, neVaKureni, neVaAreksandiria, nereavo vaibva Kirikia neAsia, vachikakavadzana naSitefano.
Acts Shona 6:10  Asi vakange vasingagoni kupikisa uchenjeri neMweya waaitaura nawo.
Acts Shona 6:11  Ipapo vakamutsa varume vaiti: Tamunzwa achitaura mashoko anonyomba akanangana naMozisi naMwari.
Acts Shona 6:12  Zvino vakamutsa vanhu nevakuru nevanyori, vakamusvikira vakamubata vakamuuisa kudare remakurukota,
Acts Shona 6:13  ndokuisapo zvapupu zvenhema zvakati: Munhu uyu haamiri kutaura mashoko anomhura achipokana nenzvimbo iyi tsvene nemurairo,
Acts Shona 6:14  nokuti tamunzwa achiti uyu Jesu muNazareta achaparadza nzvimbo iyi, uye achashandura tsika Mozisi dzaakatikumikidza.
Acts Shona 6:15  Zvino vese vakange vagere padare remakurukota vakamudzvokora, vakaona chiso chake sechainge chiso chemutumwa.
Chapter 7
Acts Shona 7:1  Zvino mupristi mukuru akati: Ko zvinhu izvi zvakadai here?
Acts Shona 7:2  Zvino akati: Varume, hama nemadzibaba, teererai. Mwari wekubwinya wakaonekwa kuna baba vedu Abhurahama vari muMesopotamia, vasati vagara Harani,
Acts Shona 7:3  akati kwaari: Buda munyika yako nekuhama dzako, uuye kunyika yandichakuratidza.
Acts Shona 7:4  Zvino vakabuda munyika yeVaKaradhia, vakagara muHarani; zvino kubva ipapo shure kwekufa kwababa vavo, wakavabvisira kunyika iyi yamunogara imwi ikozvino;
Acts Shona 7:5  asi haana kuvapa nhaka mairi, kwete kunyange chitsiko chetsoka, asi wakavimbisa kuvapa iyo ive yavo, neyembeu yavo shure kwavo, vasati vava nemwana.
Acts Shona 7:6  Mwari ndokutaura seizvi, kuti mbeu yavo ichava mutorwa kunyika yeumweni, uye vachaiita nhapwa nekuibata zvakaipa makore mazana mana;
Acts Shona 7:7  asi rudzi urwo rwavachava varanda kwarwuri ndicharwutonga ini, wakadaro Mwari; uye shure kweizvozvo vachabuda vagondishumira panzvimbo ino.
Acts Shona 7:8  Zvino akavapa sungano yedzingiso, naizvozvowo vakabereka Isaka, vakamudzingisa zuva rerusere; naIsaka wakabereka Jakobho; naJakobho mateteguru gumi nemaviri.
Acts Shona 7:9  Mateteguru akagodoka, vakatengesa Josefa kuEgipita; asi Mwari waiva naye.
Acts Shona 7:10  Akamusunungura pamatambudziko ake ese, akamupa nyasha nenjere pamberi paFarao mambo weEgipita; ndokumuita mutungamiriri pamusoro peEgipita neimba yake yese.
Acts Shona 7:11  Zvino kwakauya nzara panyika yese yeEgipita neKenani, nedambudziko guru; madzibaba edu akasawana kudya.
Acts Shona 7:12  Asi Jakobho wakati anzwa kuti kwaiva nezviyo kuEgipita, wakatuma madzibaba edu kwekutanga.
Acts Shona 7:13  Zvino kwechipiri Josefa wakaziviswa kuvanakomana vababa vake; uye rudzi rwaJosefa rwukaziviswa kuna Farao.
Acts Shona 7:14  Zvino Josefa akatumira akadana baba vake Jakobho nehama dzake dzese, iri mweya makumi manomwe nemishanu.
Acts Shona 7:15  Zvino Jakobho akaburukira Egipita, ndokufa iye nemadzibaba edu;
Acts Shona 7:16  uye vakatakurirwa Shekemi, vakaradzikwa paguva Abhurahama raakange atenga nemutengo wesirivheri kuvanakomana vaEmori weShekemi.
Acts Shona 7:17  Zvino nguva yechivimbiso yakati yaswedera Mwari chaakange apikira kuna Abhurahama, vanhu vakakura, vakawanda muEgipita,
Acts Shona 7:18  kusvikira umwe mambo amuka wakange asingazivi Josefa.
Acts Shona 7:19  Ndiye wakabata rudzi rwedu nemano-mano, akatambudza madzibaba edu, achivarasisa vacheche vavo kuti varege kurarama.
Acts Shona 7:20  Munguva iyoyo Mozisi wakaberekwa, uye wakange akanaka kuna Mwari; ndokurerwa mumba mababa vake mwedzi mitatu.
Acts Shona 7:21  Zvino wakati araswa, mukunda waFarao akamunonga, akazvirerera iye kuti ave mwanakomana wake.
Acts Shona 7:22  Mozisi akadzidziswa muuchenjeri hwese hweVaEgipita; akava nesimba pamashoko nepamabasa.
Acts Shona 7:23  Zvino makore makumi mana akati asvika kwaari, zvakasvika mumoyo make kushanyira hama dzake, vana vaIsraeri.
Acts Shona 7:24  Zvino achiona umwe achiitirwa zvisakarurama, akamurwira ndokutsivira wakange achitambudzwa, akarova muEgipita;
Acts Shona 7:25  zvino waifunga kuti hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari anovapa ruponeso neruoko rwake; asi havana kunzwisisa.
Acts Shona 7:26  Zvino zuva raitevera wakazvionesa kwavari vachirwa, akavayananisa nesimba achiti: Varume, imwi muri hama; munoitiranirei zvisakarurama?
Acts Shona 7:27  Zvino iye wakange achiitira umwe wake zvakaipa wakamusundidzira achiti: Ndiani wakuita mutungamiriri nemutongi pamusoro pedu?
Acts Shona 7:28  Iwe unoda kundiuraya, sezvo wakauraya muEgipita zuro here?
Acts Shona 7:29  Zvino neshoko iri Mozisi wakatiza, ndokuva mutorwa munyika yeMidhiani, kwaakabereka vanakomana vaviri.
Acts Shona 7:30  Zvino makore makumi mana akati azadziswa, kwakaonekwa kwaari murenje regomo Sinai mutumwa waIshe mumurazvo wemoto wemugwenzi.
Acts Shona 7:31  Mozisi wakati aona, akashamisika nechionekwa ichi; zvino paaiswedera kunocherekedza, inzwi raIshe rikasvika kwaari richiti:
Acts Shona 7:32  Ndini Mwari wemadzibaba ako, Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho. Zvino Mozisi akadedera akasashinga kucherekedza.
Acts Shona 7:33  Zvino Ishe akati kwaari: Kurura shangu patsoka dzako, nokuti nzvimbo yaumire pairi ivhu dzvene.
Acts Shona 7:34  Ndaonesesa dambudziko revanhu vangu vari muEgipita, ndikanzwa kugomera kwavo, zvino ndaburuka kuzovasunungura; ikozvino uya, ndichakutuma kuEgipita.
Acts Shona 7:35  Uyu Mozisi wavakaramba vachiti: Ndiani wakakuita mutungamiri nemutongi? Ndiye Mwari waakatuma kuva mutungamiriri nemudzukunuri neruoko rwemutumwa, wakaonekwa kwaari mugwenzi.
Acts Shona 7:36  Iye akavabudisa, aita zvishamiso nezviratidzo munyika yeEgipita nemuGungwa Dzvuku, nemurenje makore makumi mana.
Acts Shona 7:37  Ndiye uyu Mozisi wakati kuvana vaIsraeri: Ishe Mwari wenyu achakumutsirai Muporofita pahama dzenyu, wakafanana neni; muchamunzwa iye.
Acts Shona 7:38  Uyu ndiye wakange ari mukereke murenje, ane mutumwa wakataura naye mugomo Sinai ane madzibaba edu; wakagamuchira mashoko mapenyu kuti atipe.
Acts Shona 7:39  Ndiye madzibaba edu wavakange vasingadi kuteerera; asi vakamusundidzira parutivi, vakadzokera kuEgipita mumoyo yavo.
Acts Shona 7:40  Vachiti kuna Aroni: Tiitire vamwari vachatitungamirira; nokuti Mozisi uyu wakatibudisa munyika yeEgipita, hatizivi zvamuwira.
Acts Shona 7:41  Zvino vakaita mhuru mumazuva ayo, vakauisa chibairo kuchifananidzo, vakafara nemabasa emaoko avo.
Acts Shona 7:42  Zvino Mwari akafuratira, akavakumikidza kuti vashumire hondo yekudenga, sezvakanyorwa mubhuku revaporofita, zvichinzi: Ko makauisa kwandiri here zvibairo nezvipo makore makumi mana murenje, imwi imba yaIsraeri?
Acts Shona 7:43  Uye makatakura tabhenakeri yaMoroki, nenyeredzi yamwari wenyu Remifani, zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; uye ndichakutamisirai mberi kweBhabhironi.
Acts Shona 7:44  Madzibaba edu aiva netabhenakeri yeuchapupu murenje, sekuraira kwaiye wakataura naMozisi kuti aiite nemufananidzo waakange aona;
Acts Shona 7:45  yakatiwo madzibaba edu aitevera aigamuchira, akaipinza pamwe naJoshua munhumbi dzevahedheni, Mwari vaakadzinga pamberi pechiso chemadzibaba edu, kusvika kumazuva aDhavhidhi;
Acts Shona 7:46  wakawana nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuwanira Mwari waJakobho tabhenakeri.
Acts Shona 7:48  Asi Wekumusoro-soro haagari mutembere dzakaitwa nemaoko, sezvinoreva muporofita achiti:
Acts Shona 7:49  Denga chigaro changu cheushe, nenyika chitsiko chetsoka dzangu; muchandivakira imba yakadini? ndizvo zvinoreva Ishe; kana nzvimbo yezororo rangu ndeipi?
Acts Shona 7:50  Ruoko rwangu haruna kuita zvinhu izvi zvese here?
Acts Shona 7:51  Imwi vemitsipa mikukutu uye vasina kudzingiswa pamoyo nenzeve, imwi munogara muchipikisa Mweya Mutsvene; semadzibaba enyu saizvozvo imwi.
Acts Shona 7:52  Ndeupi wevaporofita madzibaba enyu wavasina kushusha? Vakauraya avo vaifanozivisa nezvekuuya kweWakarurama, iye ikozvino wamava vatengesi nevaurayi vake.
Acts Shona 7:53  Imwi vakagamuchira murairo neurongwa hwevatumwa, asi mukasauchengeta.
Acts Shona 7:54  Zvino vanzwa zvinhu izvi vakabaiwa pamoyo yavo, vakamugedera-gedera meno.
Acts Shona 7:55  Asi azere neMweya Mutsvene wakatarisisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari,
Acts Shona 7:56  akati: Tarirai, ndinoona matenga akazaruka, neMwanakomana wemunhu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari.
Acts Shona 7:57  Zvino vakadanidzira nenzwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira paari nemoyo umwe;
Acts Shona 7:58  vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka nemabwe; nezvapupu zvikaisa nguvo dzazvo patsoka dzejaya rainzi Sauro.
Acts Shona 7:59  Zvino vakataka Sitefano nemabwe, achidana achiti: Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.
Acts Shona 7:60  Zvino wakafugama, akadanidzira nenzwi guru, achiti: Ishe, musavaverengera chivi ichi. Zvino wakati areva izvi, akarara.
Chapter 8
Acts Shona 8:1  Zvino Sauro wakange achitenderana nerufu rwake. Zvino pazuva iro kwamuka kushushwa kukuru kwakanangana nekereke yaiva paJerusarema; vese ndokuparadzirwa kunyika dzese dzeJudhiya neSamaria, kunze kwevaapositori.
Acts Shona 8:2  Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefano, vakamuchema zvikuru.
Acts Shona 8:3  Asi Sauro wakaparadza kereke, achipinda muimba imwe neimwe, achikakata varume nevakadzi nekukumikidza mutirongo.
Acts Shona 8:4  Naizvozvo avo vakange vaparadzirwa vakagura vachiparidza shoko.
Acts Shona 8:5  Firipi ndokuburukira kuguta reSamaria, akaparidza Kristu kwavari.
Acts Shona 8:6  Zvaunga ndokuteerera nemoyo umwe kuzvinhu zvinotaurwa naFiripi, pavakanzwa nekuona zviratidzo zvaaiita.
Acts Shona 8:7  Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva vakabatwa, ichidanidzira nenzwi guru; nevazhinji vakange vakafa mitezo nevaikamhina vakaporeswa.
Acts Shona 8:9  Zvino umwe murume, wainzi Simoni, waimboita un'anga paguta, achishamisa rudzi rweSamaria, achizviti munhu mukuru;
Acts Shona 8:10  wavaiteerera vese kubva kumudiki kusvika kumukuru, vachiti: Uyu isimba guru raMwari.
Acts Shona 8:11  Zvino vaimuteerera, nokuti wakange avashamisa neun'anga nguva refu.
Acts Shona 8:12  Zvino vakati vatenda Firipi achiparidza mashoko akanaka nezveushe hwaMwari uye nezvezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa vese varume nevakadzi.
Acts Shona 8:13  NaSimoniwo pachake wakatenda, zvino wakati abhabhatidzwa, wakagara naFiripi; akashamisika, achiona mabasa esimba nezviratidzo zvaiitwa.
Acts Shona 8:14  Zvino vaapositori vaiva paJerusarema vakati vanzwa kuti Samaria yagamuchira shoko raMwari, vakatumira kwavari Petro naJohwani;
Acts Shona 8:15  ivo vakati vaburukirako vakavanyengeterera, kuti vagamuchire Mweya Mutsvene;
Acts Shona 8:16  nokuti wakange asati aburukira pamusoro peumwe wavo, asi vakange vabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu chete.
Acts Shona 8:17  Ipapo vakaisa maoko pamusoro pavo, zvino vakagamuchira Mweya Mutsvene.
Acts Shona 8:18  Zvino Simoni wakati aona kuti nekuiswa kwemaoko evaapositori Mweya Mutsvene waipiwa, akavavigira mari,
Acts Shona 8:19  achiti: Ndipei neni simba iri, kuti pana ani nani wandinoisa maoko pamusoro, agamuchire Mweya Mutsvene.
Acts Shona 8:20  Asi Petro wakati kwaari: Sirivheri yako pamwe newe ngazvive zvekuparadzwa, nokuti wafunga kuti chipo chaMwari chingawanikwa nemari.
Acts Shona 8:21  Hauna mugove kana nhaka pashoko iri. Nokuti moyo wako hauna kururama pamberi paMwari.
Acts Shona 8:22  Naizvozvo tendeuka pakuipa kwako uku, ukumbirise Mwari, kuti zvimwe murangariro wemoyo wako uukanganwirwe.
Acts Shona 8:23  Nokuti ndinoona kuti uri munduru inovava, uye musungo weuipi.
Acts Shona 8:24  Zvino Simoni akapindura akati: Ndikumbirirei imwi kuna Ishe, kuti pasava nechimwe chezvinhu zvamataura chingawira pamusoro pangu.
Acts Shona 8:25  Naizvozvo vakati vapupura nekutaura shoko raIshe, vakadzokera kuJerusarema, uye vakaparidza evhangeri mumisha mizhinji yeVaSamaria.
Acts Shona 8:26  Zvino mutumwa waIshe wakataura kuna Firipi, achiti: Simuka, upfuurire kuchamhembe kunzira inoburuka kubva kuJerusarema ichienda kuGaza; iyo irenje.
Acts Shona 8:27  Zvino wakasimuka akaenda; zvino tarira murume weEtiopia, mutenwa, gurukota guru raKandase mambokadzi weVaEtiopia, waiona nezvefuma yake yese, uye wakange auya kuJerusarema kuzonamata,
Acts Shona 8:28  wakange achidzokera uye agere mungoro yake, achiverenga muporofita Isaya.
Acts Shona 8:29  Mweya ndokuti kuna Firipi: Swedera unamatire pangoro iyi.
Acts Shona 8:30  Firipi ndokumhanyirako, akamunzwa achiverenga muporofita Isaya, ndokuti: Zvino unonzwisisa zvaunoverenga here?
Acts Shona 8:31  Iye ndokuti: Zvino ndingagona sei, kunze kwekuti umwe munhu andirairira? Zvino akakumbira Firipi kuti akwire agare naye.
Acts Shona 8:32  Zvino ndima yerugwaro yaaiverenga yaiva iyi: Wakatungamirirwa segwai rinoenda kunobaiwa; uye segwayana rinyerere pamberi pemuvevuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
Acts Shona 8:33  Mukuninipiswa kwake mutongo wake wakabviswa, zvino ndiani acharondedzera zera rake? Nokuti upenyu hwake hunobviswa panyika.
Acts Shona 8:34  Mutenwa ndokupindura Firipi akati: Ndinokukumbirisa, muporofita anoreva izvi maererano nani? Nezvake amene kana nezveumwewo?
Acts Shona 8:35  Firipi ndokuzarura muromo wake; akatanga parugwaro irworwo, ndokumuparidzira Jesu.
Acts Shona 8:36  Zvino pavaifamba munzira, vakasvika pane imwe mvura; mutenwa ndokuti: Heyi mvura; chii chinondidzivirira kubhabhatidzwa?
Acts Shona 8:37  Firipi ndokuti: Kana uchitenda nemoyo wese, zvinotenderwa. Akapindura ndokuti: Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari.
Acts Shona 8:38  Zvino akaraira ngoro kuti imire; ndokuburukira mumvura vari vaviri, Firipi nemutenwa; ndokumubhabhatidza.
Acts Shona 8:39  Zvino vakati vakwira kubva mumvura, Mweya waIshe wakabvuta Firipi; mutenwa ndokusazomuonazve; nokuti wakafamba nenzira yake achifara.
Acts Shona 8:40  Asi Firipi wakawanikwa paAzota; uye achipfuura wakaparidza evhangeri kumaguta ese, kusvikira asvika paKesariya.
Chapter 9
Acts Shona 9:1  Zvino Sauro, achiri kufema kutyisa nekuuraya akamirisana nevadzidzi vaIshe, wakaenda kumupristi mukuru,
Acts Shona 9:2  akakumbira kwaari magwaro ekuenda Dhamasiko kumasinagoge, kuti kana awana chero venzira iyo vese varume nevakadzi, avauise vakasungwa kuJerusarema.
Acts Shona 9:3  Zvino pakufamba, wakaswedera kuDhamasiko; zvino kamwe-kamwe kwakapenya kwakamupoteredza chiedza kubva kudenga;
Acts Shona 9:4  zvino wakawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: Sauro, Sauro, unondishushirei?
Acts Shona 9:5  Zvino akati: Ndimwi ani, Ishe? Ishe ndokuti: Ndini Jesu waunoshusha iwe; zvinokuremera kukavana nezvibayo.
Acts Shona 9:6  Achidederawo nekushamisika wakati: Ishe, chii chamunoda kuti ndiite? Ishe ndokuti kwaari: Simuka upinde muguta, zvino uchaudzwa zvaunofanira kuita.
Acts Shona 9:7  Zvino varume vaifamba naye vakamira vasina remuromo, vachinzwa inzwi, asi vasingaoni munhu.
Acts Shona 9:8  Zvino Sauro akasimuka kubva pasi; asi meso ake azarurwa, haana kuona munhu. Zvino vakamubata ruoko, vakamuuisa kuDhamasiko.
Acts Shona 9:9  Akava nemazuva matatu asingaoni, uye asingadyi kana kunwa.
Acts Shona 9:10  Zvino pakange pane umwe mudzidzi paDhamasiko wainzi Ananiasi; Ishe ndokuti kwaari muchiratidzo: Ananiasi! Zvino akati: Tarirai ndiri pano Ishe.
Acts Shona 9:11  Ishe ndokuti kwaari: Simuka uende munzira yemuguta inonzi Yakarurama, ugobvunza mumba maJudhasi munhu anonzi Sauro, weTaso; nokuti tarira anonyengetera,
Acts Shona 9:12  uye waona muchiratidzo murume anonzi Ananiasi achipinda nekuisa ruoko paari, kuti aonezve.
Acts Shona 9:13  Asi Ananiasi wakapindura akati: Ishe, ndakanzwa nevazhinji zvemurume uyu, zvakakura sei zvakaipa zvaakaitira vatsvene venyu paJerusarema;
Acts Shona 9:14  uye pano ane simba kubva kuvapristi vakuru, kusunga vese vanodana zita renyu.
Acts Shona 9:15  Asi Ishe wakati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasarudzwa kwandiri, kutakurira zita rangu pamberi pevahedheni nemadzimambo, nevana vaIsraeri;
Acts Shona 9:16  nokuti ini ndichamuratidza kuti anofanira kutambura zvakadini nekuda kwezita rangu.
Acts Shona 9:17  Zvino Ananiasi wakaenda ndokupinda mumba, ndokuisa maoko pamusoro pake akati: Sauro hama, Ishe wandituma, Jesu wakaonekwa kwauri munzira yawakauya nayo, kuti uonezve uye uzadzwe neMweya Mutsvene.
Acts Shona 9:18  Zvino pakarepo kwakawa mumeso ake zvinenge mafunurwa, akaonazve pakarepo, uye asimuka wakabhabhatidzwa.
Acts Shona 9:19  Zvino wakati agamuchira kudya akawana simba. Sauro wakavawo nevadzidzi vaiva paDhamasiko mamwe mazuva.
Acts Shona 9:20  Zvino pakarepo wakaparidza Kristu mumasinagoge, kuti iye Mwanakomana waMwari.
Acts Shona 9:21  Asi vese vakazvinzwa vakashamisika ndokuti: Ko uyu haasi iye waiparadza avo vaidana zita iri muJerusarema here, uye akauyira izvozvo pano, kuti avatinhire vakasungwa kuvapristi vakuru?
Acts Shona 9:22  Asi Sauro wakaramba achisimbiswa, akavhiringidza VaJudha vaigara paDhamasiko, achibudisa pachena kuti uyu ndiye Kristu.
Acts Shona 9:23  Zvino mazuva mazhinji akati azadziswa, VaJudha vakarangana pamwe chete kuti vamuuraye;
Acts Shona 9:24  asi zano ravo rakazikanwa kuna Sauro. Vakarindawo masuwo masikati neusiku, kuti vamuuraye;
Acts Shona 9:25  asi vadzidzi vakamutora usiku, vakamuburusa neparusvingo vachimuburusa ari mudengu.
Acts Shona 9:26  Zvino Sauro wakati asvika kuJerusarema, akaidza kuzvibatanidza kuvadzidzi; asi vese vaimutya, vasingatendi kuti mudzidzi.
Acts Shona 9:27  Asi Bhanabhasi wakamutora akamuuisa kuvaapositori, ndokurondedzera kwavari kuti wakaona Ishe sei munzira, uye kuti wakange ataura kwaari, uye kuti wakataura akashinga sei paDhamasiko muzita raJesu.
Acts Shona 9:28  Zvino wakava navo achipinda nekubuda paJerusarema,
Acts Shona 9:29  ndokutaura akashinga muzita raIshe Jesu, akataura achipikisa VaHerenisiti*; asi vakaidza kumuuraya.
Acts Shona 9:30  Asi hama dzakati dzazviziva dzikamuburusira Kesariya, ndokumutumira kuTaso.
Acts Shona 9:31  Naizvozvo kereke paJudhiya yese neGarirea neSamaria dzikava nerugare, dzikavakwa, dzikawedzerwa, dzichifamba mukutya Ishe nemunyaradzo yeMweya Mutsvene.
Acts Shona 9:32  Zvino zvakaitika Petro achigura nzvimbo dzese, akaburukirawo kuvatsvene vakange vagere paRidha.
Acts Shona 9:33  Akawanapo umwe munhu wainzi Eneasi, wakange arere panhovo makore masere, akafa mitezo.
Acts Shona 9:34  Petro ndokuti kwaari: Eneasi, Jesu Kristu anokuporesa; simuka, uzviwaridzire. Zvino akasimuka pakarepo.
Acts Shona 9:35  Zvino vese vakange vagere Ridha neSaroni vakamuona, vakatendeukira kuna Ishe.
Acts Shona 9:36  Zvino paivapo paJopa umwe mudzidzikadzi wainzi Tabhita, ndiko kuti Dhokasi kana zvichitsanangurwa; uyo wakange azere nemabasa akanaka nemabasa erudo aaiita.
Acts Shona 9:37  Zvino zvakaitika mumazuva iwayo kuti iye akarwara ndokufa; vakati vamushambidza, vakamuradzika mukamuri yekumusoro.
Acts Shona 9:38  Zvino Ridha zvarakange riri pedo neJopa, vadzidzi vakange vanzwa kuti Petro wakange aripo, vakatumira kwaari varume vaviri, vachikumbira zvikuru kuti asanonoka kuuya kwavari.
Acts Shona 9:39  Zvino Petro wakasimuka akaenda navo; akati asvika vakamuisa kuimba yekumusoro, uye chirikadzi dzese dzikamirapo naye dzichichema dzichiratidza nguvo refu nezvipfeko Dhokasi zvaakange aita achiri navo.
Acts Shona 9:40  Asi Petro wakavabudisira panze vese akafugama akanyengetera; ndokutendeukira kumutumbi, akati: Tabhita, muka! Akazarura meso ake; zvino wakati achiona Petro, akagara.
Acts Shona 9:41  Zvino wakamupa ruoko, akamusimudza; ndokuti adana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo achirarama.
Acts Shona 9:42  Zvino zvikazikanwa paJopa yese; vazhinji ndokutenda kuna Ishe.
Acts Shona 9:43  Zvino zvikaitika kuti wakagara mazuva mazhinji paJopa neumwe Simoni musuki wematehwe.
Chapter 10
Acts Shona 10:1  Kwakange kune umwewo murume muKesariya wainzi Koneriyo, mukuru wezana wehondo yainzi yeItaria,
Acts Shona 10:2  wakazvipira uye anotya Mwari pamwe neimba yake yese, waiita mabasa erudo mazhinji kuvanhu, nekunyengetera kuna Mwari nguva yese;
Acts Shona 10:3  akaona muchiratidzo pachena, neawa rinenge repfumbamwe rezuva, mutumwa waMwari achipinda kwaari, achiti kwaari: Koneriyo!
Acts Shona 10:4  Zvino wakati amutarisisa akatya, akati: Chii, Ishe? Zvino akati kwaari: Minyengetero yako nemabasa ako erudo zvakwira kuva chirangaridzo pamberi paMwari.
Acts Shona 10:5  Zvino ikozvino tuma varume kuJopa, udane Simoni anonzi Petro;
Acts Shona 10:6  anogara neumwe Simoni musuki wematehwe, imba yake iri parutivi rwegungwa; iye achakuudza zvaunofanira kuita.
Acts Shona 10:7  Zvino mutumwa wakange ataura naKoneriyo wakati abva, wakadana vaviri vevaranda vake vemumba nemurwi wakatendeka pane vaimumirira nguva dzese,
Acts Shona 10:8  zvino wakati arondedzera zvinhu zvese kwavari, akavatuma kuJopa.
Acts Shona 10:9  Zvino chifume ivo vachiri kufamba voswedera muguta, Petro wakakwira pamusoro pedenga reimba kunonyengetera, neawa rinenge rechitanhatu.
Acts Shona 10:10  Akava nenzara kwazvo, akashuva kudya; asi ivo vakati vachagadzirira, chiyeverwa chikamuwira;
Acts Shona 10:11  ndokuona denga rakazaruka, neumwe mudziyo uchiburukira kwaari, semucheka mukuru, wakasungwa makona mana uchiburusirwa pasi.
Acts Shona 10:12  Maiva nemhuka dzese dzemakumbo mana dzenyika nemhuka dzesango nezvinokambaira neshiri dzedenga.
Acts Shona 10:13  Zvino inzwi rikauya kwaari richiti: Simuka, Petro, baya udye.
Acts Shona 10:14  Asi Petro wakati: Aiwa kwete, Ishe; nokuti handina kutongodya chero chinhu chisakachena kana chine tsvina.
Acts Shona 10:15  Zvino inzwi rikauyazve kwaari rwechipiri richiti: Mwari chaanatsa, iwe usati chakasviba.
Acts Shona 10:16  Zvino izvi zvakaitwa kusvikira katatu; mudziyo ndokukwidzwazve kudenga.
Acts Shona 10:17  Zvino Petro wakati achakashamiswa maari kuti chiratidzo chaakange aona chairevei, zvino tarira, varume vakange vatumwa kubva kuna Koneriyo, vabvunza imba yaSimoni, vakamira pasuwo,
Acts Shona 10:18  vakadanidzira vachibvunza kana Simoni, anonzi Petro achigarapo.
Acts Shona 10:19  Zvino Petro achafunga nezvechiratidzo, Mweya wakati kwaari: Tarira, varume vatatu vanokutsvaka.
Acts Shona 10:20  Naizvozvo simuka uburuke, uende navo usiri asina chokwadi nechinhu; nokuti ndini ndavatuma.
Acts Shona 10:21  Petro ndokuburukira kuvarume vakange vatumwa kwaari kubva kuna Koneriyo, akati: Tarirai, ndini wamunotsvaka; chikonzeroi chamauyira?
Acts Shona 10:22  Zvino vakati: Koneriyo mukuru wezana, murume wakarurama neanotya Mwari, anopupurirwa nerudzi rwese rweVaJudha, wakayambirwa naMwari nemutumwa mutsvene kuti akudanirei kumba kwake, uye kuti anzwe mashoko kwamuri.
Acts Shona 10:23  Ipapo akavadanira mukati, akavagarisapo. Zvino chifume Petro wakabuda akaenda navo, nedzimwe dzehama dzaibva paJopa dzikamuperekedza.
Acts Shona 10:24  Zvino chifume vapinda Kesariya. NaKoneriyo wakange akavamirira, uye akadanira pamwe chete hama dzake neshamwari dzepedo.
Acts Shona 10:25  Zvino zvakaitika kuti Petro apinda, Koneriyo akamuchingamidza, akawira patsoka dzake, akamunamata.
Acts Shona 10:26  Asi Petro wakamusimudza, achiti: Simuka; ini pachangu ndiri munhuwo.
Acts Shona 10:27  Zvino wakati achataura naye akapinda, akawana vazhinji vakaungana,
Acts Shona 10:28  ndokuti kwavari: Imwi munoziva kuti hazvisi pamutemo kumurume ari muJudha kufambidzana kana kuuya kumunhu werumwe rudzi; asi Mwari wandiratidza kuti ndirege kuti munhu haana kunaka kana kuchena;
Acts Shona 10:29  naizvozvowo ndauya ndisingapikisi zvandangodanwa. Naizvozvo ndinobvunza, kuti mandidanira chinangwai?
Acts Shona 10:30  Koneriyo ndokuti: Mazuva mana apfuura kusvikira paawa rino ndakange ndichitsanya, neawa repfumbamwe ndakange ndichinyengetera mumba mangu; zvino tarira, murume wakamira pamberi pangu ane nguvo dzinopenya,
Acts Shona 10:31  ndokuti: Koneriyo, munyengetero wako wanzwikwa, nemabasa ako erudo arangarirwa pamberi paMwari.
Acts Shona 10:32  Tumira naizvozvo kuJopa, uye udane Simoni anonzi Petro; iye anogara mumba maSimoni musuki wematehwe parutivi rwegungwa; iye kana auya achataura newe.
Acts Shona 10:33  Naizvozvo pakarepo ndatuma kwamuri; zvino imwi maita zvakanaka kuti mauya. Naizvozvo ikozvino tese tiripo pamberi paMwari, kuti tinzwe zvinhu zvese zvamakarairwa naIshe.
Acts Shona 10:34  Zvino Petro wakashamisa muromo, akati: Zvirokwazvo ndinonzwisisa kuti Mwari haasi musaruri wevanhu;
Acts Shona 10:35  asi parudzi rupi nerupi uyo anomutya achiita kururama anogamuchirika kwaari.
Acts Shona 10:36  Shoko raakatuma kuvana vaIsraeri achiparidza rugare naJesu Kristu (iye ndiIshe wevese).
Acts Shona 10:37  Imwi munoziva shoko rakaitika paJudhiya rese, kutanga paGarirea, shure kwerubhabhatidzo Johwani rwaakaparidza;
Acts Shona 10:38  raJesu weNazareta, kuti Mwari wakamuzodza sei neMweya Mutsvene nesimba, waipfuura, achiita zvakanaka uye achiporesa vese vakamanikidzwa nadhiabhorosi, nokuti Mwari waiva naye.
Acts Shona 10:39  Nesu tiri zvapupu zvezvinhu zvese zvaakaita, zvese munyika yeVaJudha nemuJerusarema; iye wavakauraya, nekuremberedza pamuti.
Acts Shona 10:40  Iye Mwari waakamutsa nezuva retatu, akamupa kuti aonekwe,
Acts Shona 10:41  kwete kuvanhu vese, asi kuzvapupu zvakagara zvasarudzwa naMwari, kwatiri taidya nekunwa naye, mushure mekunge amuka kubva kuvakafa.
Acts Shona 10:42  Zvino wakatiraira kuti tiparidze kuvanhu, nekupupura kwazvo kuti ndiye wakagadzwa naMwari kuva mutongi wevapenyu nevakafa.
Acts Shona 10:43  Vaporofita vese vanopupura nezvake, kuti nezita rake ani nani anotenda maari achagamuchira kanganwiro yezvivi.
Acts Shona 10:44  Petro wakati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene wakaburukira pamusoro pavo vese vakanzwa shoko.
Acts Shona 10:45  Zvino vekudzingiswa vaitenda vakashamisika, vese vakange vauya naPetro, nokuti nepamusoro pevahedheni chipo cheMweya Mutsvene chakange chadururwa;
Acts Shona 10:46  nokuti vakavanzwa vachitaura nendimi, vachikudza Mwari. Ipapo Petro akapindura akati:
Acts Shona 10:47  Kune munhu anogona kurambidza mvura here, kuti ava vasabhabhatidzwa, vakagamuchira Mweya Mutsvene sesuwo?
Acts Shona 10:48  Zvino akaraira kuti vabhabhatidzwe muzita raIshe. Ipapo vakamukumbira kuti agare mamwe mazuva.
Chapter 11
Acts Shona 11:1  Zvino vaapositori nehama dzaiva paJudhiya vakanzwa kuti vahedheni vagamuchirawo shoko raMwari.
Acts Shona 11:2  Zvino Petro wakati akwira kuJerusarema, vekudzingiswa vakapokana naye,
Acts Shona 11:3  vachiti: Wakapinda muvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.
Acts Shona 11:4  Asi Petro atanga wakavarondedzera zvichitevedzana achiti:
Acts Shona 11:5  Ini ndakange ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, zvino muchiyeverwa ndakaona chiratidzo, umwe mudziyo wakaburuka, semucheka mukuru unoburuswa kubva kudenga nemakona mana, ndokusvika kwandiri;
Acts Shona 11:6  wandakati ndatarisisa ndacherekedza, zvino ndakaona mhuka dzine makumbo mana dzenyika nemhuka dzesango nezvinokambaira neshiri dzedenga.
Acts Shona 11:7  Zvino ndakanzwa inzwi richiti kwandiri: Simuka, Petro, baya udye.
Acts Shona 11:8  Asi ndakati: Aiwa kwete Ishe; nokuti hakuna chisakachena kana chine tsvina chakatongopinda mumuromo mangu.
Acts Shona 11:9  Asi inzwi rakandipindura rwechipiri richibva kudenga richiti: Mwari chaachenesa, iwe usati chakasviba.
Acts Shona 11:10  Uye izvi zvakaitika kusvikira katatu, zvese ndokukweverwazve kumusoro kudenga.
Acts Shona 11:11  Zvino tarira, pakarepo varume vatatu vamire pamberi pemba yandakange ndiri, vatumwa kwandiri kubva kuKesariya.
Acts Shona 11:12  Mweya ndokuti kwandiri ndiende navo, ndisiri asina chokwadi nechinhu; nehama idzi nhanhatuwo dzakaenda neni, zvino takapinda mumba memurume uyu;
Acts Shona 11:13  iye akatipira kuti wakaona sei mutumwa amire mumba make, achiti kwaari: Tumira varume kuJopa, ugodana Simoni, anonzi Petro,
Acts Shona 11:14  achakuudza mashoko, auchaponeswa nawo iwe nemhuri yako yese.
Acts Shona 11:15  Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene wakaburukira pamusoro pavowo, sezvazvakaita pamusoro pedu pakutanga.
Acts Shona 11:16  Zvino ndakarangarira shoko raIshe, kuti wakataura sei achiti: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene.
Acts Shona 11:17  Naizvozvo kana Mwari avapa chipo chakafanana nechaakapa kwatiriwo, takatenda kuna Ishe Jesu Kristu, ini ndaiva ani waigona kudzivisa Mwari?
Acts Shona 11:18  Zvino vakati vanzwa zvinhu izvozvi vakanyarara, vakarumbidza Mwari, vachiti: Naizvozvo Mwari wakapawo kuvahedheni kutendeukira kuupenyu.
Acts Shona 11:19  Zvino avo vakapararira nekushushwa kwakaitika pamusoro paSitefano vakagura kusvikira paFenikia neSaipuresi neAndiyokiya, vasingatauri shoko kuna ani asi kuVaJudha chete.
Acts Shona 11:20  Asi kwaiva nevamwe vavo, varume VaSaipuresi neVaSairini vakati vasvika kuAndiyokiya, vakataura kuVaHerenisiti*, vachiparidza mashoko akanaka aIshe Jesu.
Acts Shona 11:21  Neruoko rwaIshe rwaiva navo; uye uwandu ukuru hwakatenda hukatendeukira kuna Ishe.
Acts Shona 11:22  Zvino shoko pamusoro pavo rikanzwikwa munzeve dzekereke yaiva paJerusarema; zvino vakatuma Bhanabhasi kuti agure kunosvika Andiyokiya;
Acts Shona 11:23  iye asvika ndokuona nyasha dzaMwari akafara, akavakurudzira vese kuti varambire panaIshe nekuzvipira kwemoyo;
Acts Shona 11:24  nokuti waiva murume wakanaka, uye azere neMweya Mutsvene uye nekutenda; chaunga chikuru ndokuwedzerwa kuna Ishe.
Acts Shona 11:25  Bhanabhasi ndokubuda akaenda kuTaso kunotsvaka Sauro.
Acts Shona 11:26  Zvino wakati amuwana akamuuisa kuAndiyokiya. Zvino zvikaitika kuti gore rese vakaungana mukereke vakadzidzisa chaunga chikuru; uye vadzidzi vakatanga kunzi vaKristu paAndiyokiya.
Acts Shona 11:27  Zvino nemazuva iwayo, vaporofita vakaburukira kuAndiyokiya vachibva kuJerusarema.
Acts Shona 11:28  Zvino kwakasimuka umwe wavo wainzi Agabhusi, ndokuratidza neMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yese; yakaitikawo panguva yaKiraudhio Kesari.
Acts Shona 11:29  Uye vadzidzi vakazvipira kuti chero ani paaigona napo, umwe neumwe wavo atume zvinobatsira kuhama dzigere muJudhiya;
Acts Shona 11:30  zvavakaitawo, vakatumira kuvakuru neruoko rwaBhanabhasi naSauro.
Chapter 12
Acts Shona 12:1  Nenguva iyoyo Herodhe mambo wakaisa maoko kuti atambudze vamwe kubva mukereke.
Acts Shona 12:3  Zvino wakati achiona kuti zvinofadza VaJudha, wakapfuurira mberi akabata Petrowo; zvino aiva mazuva ezvingwa zvisina mbiriso;
Acts Shona 12:4  akati amubatawo akaisa mutirongo, akamukumikidza kumapoka mana evanhu vana emauto kuti vamurinde, achida kumuisa kuvanhu mushure mepasika.
Acts Shona 12:5  Naizvozvo Petro wakachengetwa mutirongo; asi munyengetero wakaenderera mberi uchiitwa nekereke kuna Mwari uchiitirwa iye.
Acts Shona 12:6  Zvino Herodhe wakati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petro wakange arere pakati pemauto maviri, akasungwa nemaketani maviri; nevarindi pamberi pemusuwo vakarinda tirongo.
Acts Shona 12:7  Zvino tarira, mutumwa waIshe wakamirapo, chiedza ndokupenya muchitokisi; zvino akarova rutivi rwaPetro, akamumutsa achiti: Simuka nekukurumidza. Zvino maketani ake akawa pamaoko ake.
Acts Shona 12:8  Mutumwa ndokuti kwaari: Zvisunge chiuno, uye sunga manyatera ako. Ndokuita saizvozvo. Zvino akati kwaari: Monera nguvo yako, unditevere.
Acts Shona 12:9  Zvino wakabuda akamutevera; uye asingazivi kuti ichokwadi chinoitwa nemutumwa, asi waifunga kuti anoona chiratidzo.
Acts Shona 12:10  Zvino vakati vapfuura chirindo chekutanga nechepiri, vakasvika pasuwo reutare raipinda muguta; iro rakavazarukira rega; zvino vakabuda, vakapfuura nzira imwe yemumusha, pakarepo mutumwa ndokubva kwaari.
Acts Shona 12:11  Zvino Petro, wakati apengenuka, akati: Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe watuma mutumwa wake, uye wandisunungura paruoko rwaHerodhe netarisiro yese yevanhu veVaJudha.
Acts Shona 12:12  Zvino wakati arangarira akaenda kumba kwaMaria mai vaJohwani wainzi Mariko, vazhinji pavakange vakaungana vachinyengetera.
Acts Shona 12:13  Zvino Petro wakati agogodza pagonhi resuwo, murandakadzi wakauya kuzoteerera, wainzi Rodha.
Acts Shona 12:14  Zvino wakati achiziva inzwi raPetro, haana kuzarura suwo nekuda kwemufaro, asi wakamhanyira mukati akavaudza kuti Petro amire pamberi pesuwo.
Acts Shona 12:15  Asi vakati kwaari: Unopenga. Asi wakaramba achisimbisa kuti zvaiva zvakadaro. Ivo ndokuti: Mutumwa wake.
Acts Shona 12:16  Asi Petro wakaramba achigogodza; zvino vakati vazarura vakamuona, vakashamisika.
Acts Shona 12:17  Zvino wakavaninira neruoko kuti vanyarare, akavarondedzera kuti Ishe wakamubudisa sei mutirongo, akati: Pirai kuna Jakobho nekuhama zvinhu izvi. Zvino akabuda akaenda kune imwe nzvimbo.
Acts Shona 12:18  Zvino kwakati kwaedza, bongozozo risati riri diki rikavapo pakati pemauto, kuti chii chakawira Petro.
Acts Shona 12:19  Zvino Herodhe wakati amutsvaka akasamuwana, wakabvunzisisa varindi, akaraira kuti vabviswe. Zvino akabva Judhiya akaburukira Kesariya akagarako.
Acts Shona 12:20  Zvino Herodhe wakatsamwira zvikuru veTire neVaSidhoni; asi vakauya kwaari nemoyo umwe, vakashamwaridzana naBhurasto mutariri weimba yekurara yamambo, vakakumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa kudya nenyika yamambo.
Acts Shona 12:21  Zvino nezuva rakatarwa Herodhe wakapfeka nguvo dzeumambo, akagara pachigaro chekutonga, akaita nhaurwa kwavari.
Acts Shona 12:22  Vanhu ndokudanidzira vachiti: Inzwi raMwari, uye kwete remunhu.
Acts Shona 12:23  Zvino pakarepo mutumwa waIshe wakamurova, nokuti haana kupa Mwari rukudzo; ndokudyiwa nehonye, akapera.
Acts Shona 12:25  Zvino Bhanabhasi naSauro vakadzoka vachibva kuJerusarema, vapedzisa basa, vakaenda naJohwaniwo wainzi Mariko.
Chapter 13
Acts Shona 13:1  Zvino paivapo muAndiyokiya, mukereke ipapo vamwe vaporofita nevadzidzisi, Bhanabhasi naSimioniwo wainzi Nigeri, naRukio muKurini, naManaeni wakange arerwa pamwe naHerodhe umwe wevatungamiriri vana, naSauro.
Acts Shona 13:2  Vakati vachishumira kuna Ishe nekutsanya, Mweya Mutsvene akati: Nditsaurirei Bhanabhasi pamwe naSauro pabasa randakavadanira.
Acts Shona 13:3  Ipapo vatsanya nekunyengetera nekuisa maoko pamusoro pavo, vakavaendesa.
Acts Shona 13:4  Naizvozvo zvirokwazvo ivo vakati vatumwa naMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia, vakabvapowo vakaenda kuSaipuresi nechikepe.
Acts Shona 13:5  Zvino vasvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge eVaJudha; uye vakange vanaJohwaniwo mubatsiri.
Acts Shona 13:6  Zvino vakati vagura nemuchiwi kusvikira paPafosi, vakawana imwe n'anga, muporofita wenhema, muJudha, wainzi Bhari-Jesu.
Acts Shona 13:7  Wainge ane mutungamiriri Sejiyo Pauro, murume wakachenjera. Iye wakadanira kwaari Bhanabhasi naSauro akatsvaka kunzwa shoko raMwari.
Acts Shona 13:8  Asi Erimasi n'anga, nokuti ndiro zita rake kana zvichishandurwa, akavapikisa, achitsvaka kutsausa mutungamiriri parutendo.
Acts Shona 13:9  Asi Sauro, ndiye Paurowo, azadzwa neMweya Mutsvene, uye amutarisisa,
Acts Shona 13:10  wakati: Iwe uzere nekubiridzira kwese nekunyengera kwese, mwanakomana wadhiabhorosi, muvengi wekururama kwese, haugumi here kutsausa nzira dzakarurama dzaIshe?
Acts Shona 13:11  Uye ikozvino tarira, ruoko rwaIshe rwuri pamusoro pako, uye uchava bofu, usingaoni zuva kwenguva. Pakarepo mhute nerima zvakamuwira, akatenderera achitsvaka vangamutungamirira neruoko.
Acts Shona 13:12  Panguva iyo mutungamiriri wakati aona zvakaitika akatenda, achishamiswa nedzidziso yaIshe.
Acts Shona 13:13  Zvino Pauro nevaiva naye vakabva Pafosi nechikepe vakasvika paPega muPamufiriya. Asi Johwani wakabva kwavari akadzokera kuJerusarema.
Acts Shona 13:14  Asi ivo vakati vagura vachibva paPega, vakasvika kuAndiyokiya muPisidhiya; vakapinda musinagoge nezuva resabata, vakagara pasi.
Acts Shona 13:15  Zvino shure kwekuverengwa kwemurairo nevaporofita, vakuru vesinagoge vakatumira kwavari, vachiti: Varume hama, kana kune shoko mukati menyu rekurudziro kuvanhu, taurai.
Acts Shona 13:16  Zvino Pauro wakasimuka, ndokuninira neruoko, akati: Varume VaIsraeri, nemwi munotya Mwari, teererai.
Acts Shona 13:17  Mwari werudzi urwu rwaIsraeri wakasarudza madzibaba edu, akakudza vanhu vachiri vatorwa munyika yeEgipita, uye neruoko rwakakwirira akavabudisa mairi.
Acts Shona 13:18  Uye akava nemoyo murefu nemaitiro avo nguva inenge makore makumi mana murenje.
Acts Shona 13:19  Zvino wakati aparadza marudzi manomwe munyika yeKenani, akavagovera nyika yavo nemujenya.
Acts Shona 13:20  Zvino shure kweizvozvo, makore anenge mazana mana nemakumi mashanu, wakavapa vatongi kusvikira kuna Samueri muporofita.
Acts Shona 13:21  Uye kubvira ipapo vakakumbira mambo; Mwari ndokuvapa Sauro mwanakomana waKishi, murume werudzi rwaBhenjamini, makore makumi mana.
Acts Shona 13:22  Zvino wakati amubvisa, wakavamutsira Dhavhidhi kuva mambo, waakapupurirawo akati: Ndawana Dhavhidhi waJese, murume anoenderana nemoyo wangu, achaita chido changu chese.
Acts Shona 13:23  Pambeu yeuyu sechivimbiso, Mwari wakamutsira Israeri Muponesi Jesu;
Acts Shona 13:24  iye asati asvika Johwani wakaparidza pakutanga rubhabhatidzo rwekutendeuka kuvanhu vese VaIsraeri.
Acts Shona 13:25  Zvino Johwani wakati azadzisa rwendo, akati: Munofunga kuti ndini ani? Ini handisi iye, asi tarirai, shure kwangu anouya, wandisakafanira kusunungura shangu dzetsoka dzake.
Acts Shona 13:26  Varume hama, vana verudzi rwaAbhurahama, neavo pakati penyu vanotya Mwari, shoko reruponeso urwu ratumirwa kwamuri.
Acts Shona 13:27  Nokuti avo vanogara muJerusarema nevatungamiriri vavo havana kumuziva uyu, uye manzwi evaporofita anoverengwa sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumurasa;
Acts Shona 13:28  uye kunyange vasina kuwana mhosva yerufu, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe.
Acts Shona 13:29  Zvino vakati vapedza zvese zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuradzika muguva.
Acts Shona 13:31  iye wakaonekwa kwemazuva mazhinji neavo vakange vakwira naye kuJerusarema vachibva Garirea, vari zvapupu zvake kuvanhu.
Acts Shona 13:32  Nesu tinoparidza kwamuri mashoko akanaka echivimbiso chakaitwa kumadzibaba,
Acts Shona 13:33  kuti Mwari wakazadzisa ichi kwatiri, isu vana vavo, pakuti wakamutsa Jesu; sezvazvakanyorwawo mupisarema rechipiri kuti: Iwe uri Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka.
Acts Shona 13:34  Zvino zvekuti wakamumutsa kubva kuvakafa, asadzokerazve kukuora, wakareva sezvizvi: Ndichakupai maropafadzo matsvene anovimbika aDhavhidhi.
Acts Shona 13:35  Naizvozvowo anoti pane imwe nzvimbo: Hamungapi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.
Acts Shona 13:36  Nokuti Dhavhidhi, ashumira zano raMwari pazera rake pachake wakarara, uye wakaradzikwa kumadzibaba ake, ndokuona kuora;
Acts Shona 13:38  Naizvozvo ngazvizikanwe kwamuri, varume hama, kuti neuyu kanganwiro yezvivi inoparidzirwa imwi;
Acts Shona 13:39  uye neuyu ani nani anotenda anonzi wakarurama pazvinhu zvese zvamakange musingagoni kunzi makarurama pazviri nemurairo waMozisi.
Acts Shona 13:40  Naizvozvo onai kuti zvirege kuwira pamusoro penyu zvakarehwa muvaporofita, zvinoti:
Acts Shona 13:41  Tarirai, imwi vazvidzi, uye mushamisike, nekuparadzwa; nokuti ini ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramusingatombotendi, kunyange umwe achikurondedzerai.
Acts Shona 13:42  Zvino pakubuda kweVaJudha musinagoge, vahedheni vakakumbira kuti mashoko awa ataurwe kwavari pasabata raitevera.
Acts Shona 13:43  Zvino vesinagoge vakati vapera, vazhinji veVaJudha nevakatendeukira kuVaJudha vainamata vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataura kwavari, vachivagombedzera kuti varambire munyasha dzaMwari.
Acts Shona 13:44  Zvino nesabata rakatevera guta rinenge rese rakaungana kuzonzwa shoko raMwari.
Acts Shona 13:45  Zvino VaJudha vakati vachiona zvaunga vakazadzwa negodo, vakapikisa zvinhu zvakarehwa naPauro, vachipikisa uye vachinyomba.
Acts Shona 13:46  Asi Pauro naBhanabhasi vachitaura vakashinga vakati: Zvakange zvakafanira kuti shoko raMwari ritaurirwe kwamuri pakutanga; asi zvamarininira kure, uye mazvitongera kusafanira upenyu husingaperi, tarirai, tinotendeukira kuvahedheni.
Acts Shona 13:47  Nokuti Ishe wakatiraira saizvozvo achiti: Ndakakugadza kuva chiedza chevahedheni, kuti uve weruponeso kusvikira kumugumo wenyika.
Acts Shona 13:48  Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvi vakafara, uye vakakudza shoko raIshe, neuwandu hwevese vakange vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda;
Acts Shona 13:50  Asi VaJudha vakamutsa vakadzi vaishumira vaikudzwa, nevakuru veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi rushusho, vakavadzinga kubva kumiganhu yavo.
Acts Shona 13:51  Asi ivo vakavazuzira guruva retsoka dzavo, vakasvika Ikonio.
Acts Shona 13:52  Zvino vadzidzi vakazadzwa nemufaro neMweya Mutsvene.
Chapter 14
Acts Shona 14:1  Zvino zvakaitika paIkonio, vakapinda pamwe musinagoge reVaJudha, vakataura kudai zvekuti chaunga chikuru cheVaJudha necheVaGirikiwo chakatenda.
Acts Shona 14:2  Asi VaJudha vasingatendi vakamutsa nekuipisa moyo yevahedheni kuvapesanisa nehama.
Acts Shona 14:3  Naizvozvo vakagara nguva refu vachitaura vakashinga muna Ishe anopupurira shoko renyasha dzake, uye anovapa kuti kuitwe zviratidzo nezvishamiso nemaoko avo.
Acts Shona 14:4  Asi chaunga cheguta chakakamurwa; vamwe ndokuva neVaJudha, vamwewo nevaapositori.
Acts Shona 14:5  Zvino kwakati kwava nekushushwa kwevahedheni nekweVaJudhawo nevatungamiriri vavo, kuvabata zvakaipa nekuvataka nemabwe,
Acts Shona 14:6  vakati vazviziva, vakatizira kumaguta eRikaonia, Ristra neDhebhe, nekudunhu rakapoteredza;
Acts Shona 14:8  Zvino paRistra paigara umwe murume wakange asina simba patsoka, ari chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.
Acts Shona 14:9  Uyu wakanzwa Pauro achitaura; iye akamutarisisa, akaona kuti ane rutendo kuti aporeswe,
Acts Shona 14:10  akati nenzwi guru: Simuka, uti tasa netsoka dzako. Zvino akakwakuka akafamba.
Acts Shona 14:11  Zvino zvaunga, zvakati zvaona Pauro zvaakange aita, zvakasimudza manzwi azvo zvichiti nechiRikaonia: Vamwari vaburukira kwatiri vakafanana nevanhu.
Acts Shona 14:12  Bhanabhasi vakamutumidzawo Zeusi, naPauro Herimesi, nokuti ndiye waiva mutungamiriri wekutaura.
Acts Shona 14:13  Zvino mupristi waZeusi waiva pamberi peguta ravo, wakauisa nzombe nezvishongo pamisuwo, achida kubaira pamwe nezvaunga.
Acts Shona 14:14  Asi vaapositori Bhanabhasi naPauro vakati vanzwa, vakabvarura nguvo dzavo, vakamhanyira pakati pechaunga, vachidanidzira,
Acts Shona 14:15  ndokuti: Varume, munoitirei zvinhu izvi? Isuwo tiri vanhu vane manzwiro mamwe nemwi, tinokuparidzirai mashoko akanaka kuti pane izvozvi zvisina maturo mutendeukire kuna Mwari mupenyu, wakaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvese zviri mazviri.
Acts Shona 14:16  Iye pamazera akapfuura wakatendera vahedheni vese kufamba nenzira dzavo.
Acts Shona 14:17  Zvakadaro haana kuzvisiya asina uchapupu, pakuti wakaita zvakanaka akatipa mvura kubva kudenga nenguva dzezvibereko, achizadza moyo yedu nekudya nemufaro.
Acts Shona 14:18  Zvino vachitaura zvinhu izvi, zvairema kugumisa zvaunga kuti vasabaira kwavari.
Acts Shona 14:19  Asi kwakasvika VaJudha vakabva Andiyokiya neIkonio, vanyengetedza zvaunga, zvino vataka Pauro nemabwe, vakamukwevera kunze kweguta, vachifunga kuti wafa.
Acts Shona 14:20  Asi vadzidzi vakati vamukomba, akasimuka akapinda muguta; zvino chifume akabuda naBhanabhasi akaenda kuDhebhe.
Acts Shona 14:21  Vakati vaparidzawo evhangeri kuguta iro, uye vaita vazhinji vadzidzi, vakadzokera kuRistra neIkonio neAndiyokiya,
Acts Shona 14:22  vachisimbisa mweya yevadzidzi, vachivakurudzira kurambira parutendo, uye kuti tinofanira kupinda muushe hwaMwari nemumatambudziko mazhinji.
Acts Shona 14:23  Zvino vakati vavagadzira vakuru pakereke imwe neimwe, vanyengetera nekutsanya, vakavakumikidza kuna Ishe, wavaitenda kwaari.
Acts Shona 14:24  Zvino vakati vagura nePisidhiya vakasvika Pamufiriya.
Acts Shona 14:25  Uye vakati vaparidza shoko paPega, vakaburukira Ataria;
Acts Shona 14:26  vakabvapo nechikepe vakaenda kuAndiyokiya, apo pavakange vakumikidzwa munyasha dzaMwari pabasa ravakange vapedzisa.
Acts Shona 14:27  Vakatiwo vasvika vakaunganidza kereke, vakarondedzera zvese Mwari zvaakange aita navo, uye kuti wakange azarurira vahedheni mukova werutendo.
Acts Shona 14:28  Ipapo vakagara nguva isati iri pfupi nevadzidzi.
Chapter 15
Acts Shona 15:1  Zvino vamwe vakaburuka kubva kuJudhiya, vakadzidzisa hama kuti: Kana musingadzingiswi netsika yaMozisi, hamugoni kuponeswa.
Acts Shona 15:2  Naizvozvo, kwakati kwava nekupesana nekupikisana kusati kuri kudiki kwaPauro naBhanabhasi navo, vakaronga kuti Pauro naBhanabhasi nevamwezve vavo vakwire kuJerusarema kuvaapositori nevakuru, pamusoro peshoko iri.
Acts Shona 15:3  Naizvozvo vakati vachiperekedzwa nekereke, vakagura neFenike neSamaria, vachirondedzera zvekutendeuka kwevahedheni; vakaitira hama dzese mufaro mukuru.
Acts Shona 15:4  Zvino vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke nevaapositori nevakuru, vakarondedzera zvese Mwari zvaakaita navo.
Acts Shona 15:5  Asi kwakamuka vamwe vebato reVaFarisi vaitenda, vachiti: Zvinofanira kuvadzingisa, nekuvaraira kuchengeta murairo waMozisi.
Acts Shona 15:6  Vaapositori nevakuru vakaungana pamwe kuti vaongorore zveshoko iri.
Acts Shona 15:7  Zvino kwakava nekukakavadzana kukuru, Petro wakasimuka akati kwavari: Varume hama, imwi munoziva kuti kubva pamazuva akare Mwari wakasarudza pakati pedu, kuti nemuromo wangu vahedheni vanzwe shoko reevhangeri, uye vatende.
Acts Shona 15:8  Uye Mwari muzivi wemoyo wakapupura kwavari, achivapa Mweya Mutsvene, sekwatiriwo;
Acts Shona 15:9  uye haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, achichenura moyo yavo nerutendo.
Acts Shona 15:10  Naizvozvo ikozvino munoidzirei Mwari, kuisa joko pamutsipa wevadzidzi, ratisina kugona kutakura kana madzibaba edu kana isu?
Acts Shona 15:11  Asi nenyasha dzaIshe Jesu Kristu tinotenda kuti tinoponeswa, nenzira imwe savowo.
Acts Shona 15:12  Chaunga chese ndokunyarara; ndokuteerera Bhanabhasi naPauro vachirondedzera kuti zvikuru sei zviratidzo nezvishamiso Mwari zvaakaita navo pakati pevahedheni.
Acts Shona 15:13  Zvino ivo vakati vanyarara, Jakobho akapindura achiti: Varume hama, nditeererei:
Acts Shona 15:14  Simioni warondedzera kuti Mwari wakashanyira vahedheni sei pakutanga kuti atorere zita rake vanhu kwavari.
Acts Shona 15:15  Nemashoko evaporofita anobvumirana neizvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
Acts Shona 15:16  Shure kweizvi ndichadzoka, uye ndichavakazve tabhenakeri yaDhavhidhi yakawa; uye ndichavakazve matongo aro, uye ndicharimisazve;
Acts Shona 15:17  kuti vakasara vevanhu vatsvake Ishe, nevechirudzi vese, pavanodanwa nezita rangu, ndizvo zvinoreva Ishe anoita zvinhu izvi zvese.
Acts Shona 15:18  Anozikanwa kuna Mwari mabasa ake ese kubva pakusingaperi.
Acts Shona 15:19  Naizvozvi ini ndinogura kuti tirege kutambudza vakabva kuvahedheni vakatendeukira kuna Mwari;
Acts Shona 15:20  asi tivanyorere kuti vabve pazvakashatiswa zvezvifananidzo neupombwe nezvakadzipwa neropa.
Acts Shona 15:21  Nokuti Mozisi anavo kubva pamazera akare vanomuparidza paguta rimwe nerimwe, achiverengwa mumasinagoge sabata rimwe nerimwe.
Acts Shona 15:22  Ipapo zvikaonekwa zvakanaka kuvaapositori nevakuru vane kereke yese, kuti vatume varume vakasarudzwa pakati pavo kuAndiyokiya pamwe naPauro naBhanabhasi: Judhasi wainzi Bharisabhasi, naSirasi, varume vatungamiriri pakati pehama,
Acts Shona 15:23  vakanyora seizvi neruoko rwavo: Vaapositori nevakuru nehama, kuhama dzekuvahedheni paAndiyokiya neSiriya neKirikia, kwaziwai;
Acts Shona 15:24  sezvatakanzwa kuti vamwe vakabuda kwatiri vakakutambudzai nemashoko, vachikanganisa mweya yenyu, vachiti mudzingiswe nekuchengeta murairo, ivo vatisina kuraira;
Acts Shona 15:25  zvaonekwa zvakanaka kwatiri tava nemoyo umwe, kutuma kwamuri varume vakasarudzwa, pamwe nevadikanwi vedu Bhanabhasi naPauro,
Acts Shona 15:26  vanhu vakazvipira upenyu hwavo nekuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu.
Acts Shona 15:27  Naizvozvo tatuma Judhasi naSirasi, ivo vachataurawo zvimwe chete neshoko remuromo.
Acts Shona 15:28  Nokuti zvakaonekwa zvakanaka kuMweya Mutsvene, nekwatiri, kuti tirege kuchikutakudzai mutoro mukuru, kunze kwezvinhu izvi zvakafanira:
Acts Shona 15:29  Kuti mubve pazvakabairwa zvifananidzo neropa nechakadzipwa neupombwe; kana mukazvisunungura pazviri, muchaita zvakanaka. Sarai zvakanaka.
Acts Shona 15:30  Zvino vakati vaendeswa vakasvika kuAndiyokiya; vakati vaunganidza chaunga, vakakumikidza tsamba.
Acts Shona 15:31  Zvino vakati vaverenga, vakafara pamusoro pekukurudzirwa.
Acts Shona 15:32  Judhasiwo naSirasi, vaiva vaporofitawo pachavo, vakakurudzira hama nenhaurwa zhinji, nekuvasimbisa.
Acts Shona 15:33  Vakati vagara kwenguva, vakaendeswa nehama murugare kuvaapositori,
Acts Shona 15:34  asi zvakaonekwa zvakanaka kuna Sirasi kuti asarepo.
Acts Shona 15:35  Paurowo naBhanabhasi vakasara muAndiyokiya vachidzidzisa nekuparidza shoko raIshe, nevamwewo vazhinji.
Acts Shona 15:36  Zvino shure kwemamwe mazuva Pauro wakati kuna Bhanabhasi: Ngatidzokere ikozvino tishanyire hama dzedu muguta rimwe nerimwe, matakaparidza shoko raIshe, tione kuti vakadini.
Acts Shona 15:37  Zvino Bhanabhasi wakange aronga kutora Johwani wainzi Mariko, kuti afambe navo.
Acts Shona 15:38  Asi Pauro wakafunga kuti zvakanaka kusamutora afambe navo uyu wakavasiya kubva paPamufiriya, akasaenda navo kubasa.
Acts Shona 15:39  Zvino kwakauya kukakavadzana kukuru, zvekuti vakaparadzana, umwe kubva kune umwe; Bhanabhasi ndokutora Mariko kufamba naye, akaenda kuSaipuresi nechikepe;
Acts Shona 15:40  asi Pauro wakasarudza Sirasi akabuda akaenda, akumikidzwa nehama panyasha dzaMwari.
Acts Shona 15:41  Ndokugura neSiriya neKirikia, achisimbisa makereke.
Chapter 16
Acts Shona 16:1  Zvino wakasvika kuDhebhe neRistra; zvino tarira, ipapo paiva neumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana weumwe mukadzi muJudhakadzi waitenda, asi wababa muGiriki;
Acts Shona 16:2  waipupurirwa zvakanaka nehama dzepaRistra neIkonio.
Acts Shona 16:3  Uyu Pauro wakada kuti abude naye, ndokumutora akamudzingisa nekuda kweVaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vese vakange vachiziva baba vake, kuti muGiriki.
Acts Shona 16:4  Zvino vakati vachigura nemumaguta, vakavakumikidza zviga zvakatemwa nevaapositori nevakuru vaiva paJerusarema kuti vachengete.
Acts Shona 16:5  Naizvozvo makereke akasimbiswa parutendo, ndokuwedzera pauwandu zuva nezuva.
Acts Shona 16:6  Zvino vakati vagura Frigia nedunhu reGaratia, vadziviswa neMweya Mutsvene kutaura shoko paAsia,
Acts Shona 16:7  vakati vasvika pakatarisana neMisia vakaidza kuenda kuBhitiniasi; asi Mweya haana kuvatendera;
Acts Shona 16:8  zvino vakati vapfuura paMisia vakaburukira kuTroasi.
Acts Shona 16:9  Chiratidzo ndokuonekwa kuna Pauro usiku; umwe murume muMakedhonia wakange amirepo, achimukumbira zvikuru achiti: Yambukira kuMakedhonia, utibatsire.
Acts Shona 16:10  Zvino wakati achiona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kubuda tiende kuMakedhonia, tapedza tichiti Ishe watidana kunoparidza evhangeri kwavari.
Acts Shona 16:11  Naizvozvo takabva Troasi nechikepe, tikaruramira kuSamotirasi, fumewo kuNeapori,
Acts Shona 16:12  ndokubvapo tikaenda kuFiripi, rinova guta rekutanga redunhu reMakedhonia, raitongwa neimwe nyika; uye takagara mamwe mazuva muguta iri.
Acts Shona 16:13  Zvino nezuva resabata tikabuda kunze kweguta kurutivi rwerwizi, paifanira kuitirwa munyengetero; zvino takagara pasi tikataura nevakadzi vakange vaunganapo.
Acts Shona 16:14  Zvino umwe mukadzi wainzi Ridhia, mutengesikadzi wemicheka yeruvara rwehute weguta reTiatira, wainamata Mwari, wakatinzwa; moyo wake Ishe waakazarura, kuti ateerere zvinhu zvinotaurwa naPauro.
Acts Shona 16:15  Zvino wakati abhabhatidzwa, neimba yake, akakumbira achiti: Kana matonga kuti ndakatendeka kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare. Zvino akatigombedzera.
Acts Shona 16:16  Zvino takati pataipinda kumunyengetero, umwe murandasikana waiva nemweya wekuuka wakasangana nesu, waivigira vatenzi vake mubairo muzhinji nekuuka.
Acts Shona 16:17  Uyu wakatevera Pauro nesu, achidanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wekumusoro-soro, vanotiparidzira nzira yeruponeso.
Acts Shona 16:18  Zvino izvi wakazviita mazuva mazhinji. Pauro wakati asemburwa, akatendeuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Zvino ukabuda nenguva iyoyo.
Acts Shona 16:19  Vatenzi vake vakati vaona kuti tariro yemubairo yavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pevakuru,
Acts Shona 16:20  vakati vavauisa kuvatungamiriri vakati: Vanhu ava vanovhiringidza guta redu, vari VaJudha,
Acts Shona 16:21  uye vanoparidza tsika dzisiri pamutemo kwatiri kugamuchira kana kuita, tiri vanhu VaRoma.
Acts Shona 16:22  Zvino chaunga chikavamukira pamwe, uye vatungamiriri vakavabvarurira nguvo vakaraira kuti vavarove netsvimbo.
Acts Shona 16:23  Vakati vaisa mavanga mazhinji pamusoro pavo vakavakanda mutirongo, vakaraira murindi wetirongo kuti avachengete kwazvo;
Acts Shona 16:24  iye, agamuchira murairo wakadaro, wakavakanda mutirongo remukati, akasimbisa tsoka dzavo mudanda.
Acts Shona 16:25  Zvino panenge pakati peusiku Pauro naSirasi vakange vachinyengetera nekuimba nziyo dzekurumbidza kuna Mwari, uye vasungwa vaivanzwa;
Acts Shona 16:26  zvino pakarepo kwakavapo kudengenyeka kwenyika kukuru, zvekuti nheyo dzetirongo dzakazununguswa; zvino pakarepo mikova yese ikazarurwa, nezvisungo zvevese zvikasunungurwa.
Acts Shona 16:27  Murindi wetirongo wakati apepuka, uye aona mikova yetirongo yakazarurwa, akavhomora munondo, oda kuzviuraya, achifunga kuti vasungwa vatiza.
Acts Shona 16:28  Asi Pauro wakadanidzira nenzwi guru, achiti: Usazvikuvadza; nokuti tiri muno tese.
Acts Shona 16:29  Zvino wakakumbira mwenje akasvetukiramo, ndokusvika achibvunda akawira pasi pamberi paPauro naSirasi,
Acts Shona 16:30  zvino akati avabudisira kunze akati: Madzishe, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?
Acts Shona 16:31  Zvino vakati: Tenda kuna Ishe Jesu Kristu, zvino uchaponeswa iwe neimba yako.
Acts Shona 16:32  Zvino vakataura kwaari shoko raIshe, nekune vese vaiva mumba make.
Acts Shona 16:33  Ndokuvatora nenguva iyoyo yeusiku akavashambidza pamavanga, ndokubhabhatidzwa pakarepo iye nevake vese.
Acts Shona 16:34  Zvino wakati avaisa mumba make ndokugadzika tafura pamberi pavo, akafara neimba yake yese achitenda kuna Mwari.
Acts Shona 16:35  Zvino kwakati kwaedza vatungamiriri vakatuma mapurisa vachiti: Sunungurai vanhu avo.
Acts Shona 16:36  Murindi wetirongo ndokuudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatungamiriri vatuma shoko, kuti musunungurwe; naizvozvo budai ikozvino muende murugare.
Acts Shona 16:37  Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena tisina kubatwa mhosva tiri vanhu VaRoma, vakatikanda mutirongo, zvino ikozvino votikanda panze chinyararire here? Haiwa, kwete! Asi vanofanira kuuya vamene vatibudise.
Acts Shona 16:38  Mapurisa ndokuudza vatungamiriri mashoko iwayo; zvino vakatya pavakanzwa kuti VaRoma,
Acts Shona 16:39  ndokuuya vakavakumbira, zvino vakavabudisa vakakumbira kuti vabude muguta.
Acts Shona 16:40  Zvino vakabuda mutirongo vakapinda kwaRidhia; ndokuti vaona hama, vakavanyaradza, vakabva ndokuenda.
Chapter 17
Acts Shona 17:1  Zvino vakati vagura nemuAmufipori neAporonia, vakasvika paTesaronika, paiva nesinagoge reVaJudha;
Acts Shona 17:2  zvino setsika yaPauro wakapinda kwavari, uye kwemasabata matatu akataurirana navo kubva mumagwaro,
Acts Shona 17:3  achizarura nekuratidza kuti Kristu waifanira kutambudzika nekumuka kubva kuvakafa, uye kuti: Uyu Jesu, ini wandinoparidza kwamuri, ndiye Kristu.
Acts Shona 17:4  Zvino vamwe vavo vakatenda, vakazvibatanidza naPauro naSirasi, nechaunga chikuru cheVaGiriki vaishumira, nekuvakadzi vaikudzwa vasiri vashoma.
Acts Shona 17:5  Asi VaJudha vasingatendi vakaita godo, vakatora vamwe varume vakaipa dzaiva simbe dzepamusika, vakaita chaunga, vakamutsira guta bongozozo; vakawira imba yaJasoni, vachitsvaka kuvabudisira kuvanhu;
Acts Shona 17:6  asi vakati vasingavawani, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama kuvatungamiriri veguta, vachidanidzira vachiti: Ava vakanyonganisa nyika, ivo vasvika panowo,
Acts Shona 17:7  avo Jasoni vaakagamuchira; uye ava vese vanoita zvinopesana nezviga zvaKesari, vachiti umwe mambo ariko, anonzi Jesu.
Acts Shona 17:8  Uye vakanyonganisa chaunga nevatungamiriri veguta vachinzwa zvinhu izvi.
Acts Shona 17:9  Zvino vakati vatora rubatso kuna Jasoni nekuvamwe, vakavaregedza.
Acts Shona 17:10  Zvino pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi kuBheriya neusiku; vakati vachisvika vakabva vakaenda musinagoge reVaJudha.
Acts Shona 17:11  Ava vakange vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nechido chese, vachinzvera magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvi zvaiva zvakadaro.
Acts Shona 17:12  Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, nevevakadzi vaikudzwa veVaGiriki, nevevarume vasiri vashoma.
Acts Shona 17:13  Asi VaJudha veTesaronika vakati vachiziva kuti shoko raMwari rinoparidzwa naPauro paBheriyawo, vakasvikapowo vakabvongodza zvaunga.
Acts Shona 17:14  Zvino nenguva iyoyo pakarepo hama dzakatuma Pauro seanoenda kugungwa; asi Sirasi naTimotio vakasarapo.
Acts Shona 17:15  Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa kuAtene; ndokuti vagamuchira kuraira kuna Sirasi naTimotio kuti vakurumidzise kuuya kwaari, vakabva vaenda.
Acts Shona 17:16  Zvino Pauro achakavagarira paAtene, mweya wake wakabvongonyodzeka maari, achiona guta rizere zvifananidzo.
Acts Shona 17:17  Naizvozvo wakapikisana neVaJudha musinagoge nevainamata Mwari, nepamusika zuva rimwe nerimwe nevanenge varipo.
Acts Shona 17:18  Zvino dzimwe nyanzvi dzekufunga dzeVaEpikuro nedzeVaStoiko dzakaita nharo naye. Vamwe ndokuti: Uyu mubvotomoki anoda kurevei? Asi vamwe vakati: Anenge muparidzi wevamwari vekumwe; nokuti neevhangeri wakavaparidzira Jesu nekumuka.
Acts Shona 17:19  Zvino vakamubata, vakamuisa paAreopago vachiti: Tingaziva here kuti dzidziso iyi itsva inotaurwa newe chii?
Acts Shona 17:20  Nokuti unouisa zvimwe zvinhu zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kuziva kuti zvinhu izvi zvinoda kuva zvii?
Acts Shona 17:21  Nokuti vese VaAtene nevatorwa vaigarapo vakashandisa nguva yavo kwete pane chimwe chinhu, asi kunzwa kana kutaura chinhu chitsva.
Acts Shona 17:22  Zvino Pauro amira pakati peAreopago, wakati: Varume VaAtene, pazvinhu zvese ndinoona kuti semune chitendero chikuru.
Acts Shona 17:23  Nokuti ndati ndichipfuura nekucherekedza zvinhu zvenyu zvamunonamata, ndawana aritariwo yakanyorwa kuti: KUNA MWARI ASINGAZIKANWI. Naizvozvo uyo wamunonamata musingazivi, ndiye ini wandinokuparidzirai.
Acts Shona 17:24  Mwari wakaita nyika nezvinhu zvese zviri mairi, iye ari Ishe wedenga nepasi, haagari mutembere dzakaitwa nemaoko,
Acts Shona 17:25  uye haashumirwi nemaoko evanhu, seanoshaiwa chinhu, nokuti iye anopa vese upenyu nekufema nezvinhu zvese;
Acts Shona 17:26  uye wakaita kubva paropa rimwe marudzi ese evanhu, kuti agare pachiso chese chenyika, atara nguva dzakagara dzatemwa uye miganhu yeugaro hwavo;
Acts Shona 17:27  kuti vatsvake Ishe, zvimwe zvirokwazvo vamutsvangadzire vamuwane, kunyange asiri kure neumwe neumwe wedu.
Acts Shona 17:28  Nokuti maari tinorarama uye tinofamba uye tiripo; sezvo vamwewo vanyanduri vekwenyu vakati: Nokuti tiri zvizvarwa zvakewo.
Acts Shona 17:29  Naizvozvo zvatiri zvizvarwa zvaMwari, hatifaniri kufunga kuti uMwari hwakafanana negoridhe kana sirivheri kana ibwe, zvakavezwa neumhizha kana murangariro wemunhu.
Acts Shona 17:30  Naizvozvo nguva dzekusaziva Mwari wakarega kurangarira, ikozvino anoraira vanhu vese kwese-kwese kuti vatendeuke.
Acts Shona 17:31  Nokuti wakatara zuva, raachatonga nyika mukururama, nemurume waakagadza, akasimbisa kune vese, pakumumutsa kubva kuvakafa.
Acts Shona 17:32  Zvino vakati vanzwa zvekumuka kwevakafa, vamwe vakasveveredza, asi vamwe vakati: Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi.
Acts Shona 17:34  Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo Dhionisiowo muAreopago, nemukadzi wainzi Dhamarisi, nevamwe vanavo.
Chapter 18
Acts Shona 18:1  Shure kwezvinhu izvi Pauro wakabva paAtene akauya kuKorinde.
Acts Shona 18:2  Zvino akawana umwe muJudha wainzi Akwira, wePonto pakuberekwa (achangosvika kubva kuItaria), naPrisira mukadzi wake, nekuda kwekuraira kwaKiraudhio kuti VaJudha vese vabve kuRoma, akaenda kwavari;
Acts Shona 18:3  zvino nokuti vakange vari vebasa rimwe, wakagara navo ndokushanda; nokuti vaiva vagadziri vematende pabasa.
Acts Shona 18:4  Zvino waiparidza sabata rimwe nerimwe musinagoge, achigombedzera VaJudha neVaGiriki.
Acts Shona 18:5  Zvino Sirasi naTimotio vakati vachiburuka kubva kuMakedhonia, Pauro wakamanikidzwa neMweya, akapupura kuVaJudha kuti Jesu ndiye Kristu.
Acts Shona 18:6  Zvino vakati vachimupikisa nekutuka, akazunza nguvo, akati kwavari: Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ini ndakachena; kubva ikozvino ndichaenda kuvahedheni.
Acts Shona 18:7  Zvino wakabva ipapo akaenda kumba kweumwe wainzi Jusito, wainamata Mwari, imba yake yaiva yakabatana nesinagoge.
Acts Shona 18:8  NaKrisipo mutungamiriri wesinagoge wakatenda kuna Ishe neimba yake yese; nevazhinji veVaKorinde vakanzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa.
Acts Shona 18:9  Zvino Ishe wakataura kuna Pauro pausiku nechiratidzo: Usatya, asi taura uye usanyarara;
Acts Shona 18:10  nokuti ini ndinewe, uye hapana angakumukira kuti akukuvadze; nokuti ndine vanhu vazhinji muguta rino.
Acts Shona 18:11  Zvino wakagara gore nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.
Acts Shona 18:12  Zvino Gario wakati ava mutungamiriri weAkaya, VaJudha vakamukira Pauro nemoyo umwe, vakamuuisa pamberi pechigaro chekutonga,
Acts Shona 18:13  vachiti: Uyu anogombedzera vanhu kunamata Mwari zvinopesana nemurairo.
Acts Shona 18:14  Zvino Pauro wakati oda kushamisa muromo, Gario akati kuVaJudha: Naizvozvo dai chaiva chinhu chezvisakarurama kana mhosva yakaipa, haiwa VaJudha, nechikonzero ichi ndaikuitirai nemoyo murefu;
Acts Shona 18:15  asi kana dziri nharo pamusoro peshoko nemazita, nemurairo wenyu pachenyu, zvionerei imwi; nokuti ini handidi kuva mutongi weizvozvo.
Acts Shona 18:17  Zvino VaGiriki vese vakabata Sositeni mutungamiriri wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chekutonga. Asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe cheizvozvo.
Acts Shona 18:18  Pauro wakati achigere mazuva mazhinji, akaonekana nehama, akabvapo nechikepe akaenda kuSiriya, uye Prisira naAkwira vanaye, aveura musoro paKenikirea, nokuti wakange ane mhiko.
Acts Shona 18:19  Zvino wakasvika muEfeso, akavasiyapo; asi iye wakapinda musinagoge akataurirana neVaJudha.
Acts Shona 18:20  Zvino vakati vamukumbira kugara navo nguva yakati rebei, haana kutenda;
Acts Shona 18:21  asi wakavaoneka achiti: Ndinofanira nenzira dzese kuchengetedza mutambo unouya muJerusarema; asi ndichadzokazve kwamuri, kana Mwari achida. Akabva paEfeso nechikepe.
Acts Shona 18:22  Zvino wakati asvika Kesariya, ndokukwira akakwazisa kereke, akaburukira kuAndiyokiya.
Acts Shona 18:23  Zvino wakati ambopedza nguva, akabva, akagura nedunhu reGaratia neFrigia achitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vese.
Acts Shona 18:24  Zvino umwe muJudha wainzi Aporo, muAreksandiria nekuberekwa, murume nyanzvi yekutaura, ane simba pamagwaro, wakasvika paEfeso.
Acts Shona 18:25  Uyu wakange adzidziswa nzira yaIshe, uye waishingaira mumweya, achitaura nekunyatsodzidzisa zvinhu zvaIshe, achiziva rubhabhatidzo rwaJohwani chete;
Acts Shona 18:26  iye ndokutanga kutaura asingatyi musinagoge. Zvino Prisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanyatsomududzira nzira yaMwari nemazvo.
Acts Shona 18:27  Zvino wakati achida kuyambukira kuAkaya, hama dzakanyora dzichisimbisa vadzidzi kuti vamugamuchire; iye wakati achisvika akabatsira zvikuru avo vakatenda nenyasha;
Acts Shona 18:28  nokuti wakapwisa VaJudha nesimba pachena, achiratidza nemagwaro kuti Jesu ndiye Kristu.
Chapter 19
Acts Shona 19:1  Zvino zvakaitika, Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura nemativi ekumusoro akasvika paEfeso; akawana vamwe vadzidzi,
Acts Shona 19:2  akati kwavari: Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda? Zvino vakati kwaari: Asi hatina kutongonzwa kana kune Mweya Mutsvene.
Acts Shona 19:3  Zvino akati kwavari: Ko makabhabhatidzwa mune zvipi? Zvino vakati: Murubhabhatidzo rwaJohwani.
Acts Shona 19:4  Zvino Pauro wakati: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nerubhabhatidzo rwekutendeuka, achiudza vanhu kuti vatende kuna iye anouya shure kwake, ndiko kuti, kuna Kristu Jesu.
Acts Shona 19:5  Zvino vakati vanzwa, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.
Acts Shona 19:6  Zvino Pauro wakati aisa maoko pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo; vakataura nendimi, ndokuporofita.
Acts Shona 19:8  Zvino wakapinda musinagoge akataura akashinga, kwemwedzi mitatu achiparidza achipwisa pazvinhu zveushe hwaMwari.
Acts Shona 19:9  Asi vamwe vakati vachiomesa moyo uye vasingatendi, vachitaura zvakaipa pamusoro penzira iyo pamberi pechaunga, akabva kwavari akatsaura vadzidzi, akaparidza zuva rimwe nerimwe muchikoro cheumwe Tiranosi.
Acts Shona 19:10  Zvino izvi zvakaitika kwemakore maviri, zvekuti vese vakange vagere paAsia vakanzwa shoko raIshe Jesu, vese VaJudha neVaGiriki.
Acts Shona 19:11  Mwari ndokuita mabasa esimba asina kujairika nemaoko aPauro,
Acts Shona 19:12  zvekuti kunyange kuvarwere kwaiiswa micheka yekumeso kana mafasikoti zvaibva pamuviri wake, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda kwavari.
Acts Shona 19:13  Zvino vamwe VaJudha vambeyi vadzingi vemweya yakaipa, vakaidza kudana zita raIshe Jesu pamusoro pevaiva nemweya yakaipa, vachiti: Ndinokupikirai naJesu Pauro waanoparidza.
Acts Shona 19:14  Zvino paiva nevamwe vanakomana vanomwe vaSikevha muJudha mupristi mukuru vaiita izvi.
Acts Shona 19:15  Mweya wakaipa ndokupindura ukati: Jesu ndinomuziva, naPauro ndinoziva nezvake; asi imwi ndimwi vana ani?
Acts Shona 19:16  Zvino munhu mweya wakaipa wawaiva paari akavakwakukira, akavakurira, akavakunda, zvekuti vakatiza mumba umo vasina nguvo vakuvadzwa.
Acts Shona 19:17  Zvino izvi zvikazikanwa kune vese VaJudha neVaGirikiwo vakange vagere paEfeso; kutya ndokuvawira vese; zita raIshe Jesu ndokukudzwa.
Acts Shona 19:18  Zvino vazhinji vevakange vatenda vakauya, vakareurura, nekurondedzera mabasa avo.
Acts Shona 19:19  Zvino vazhinji vevaiita zveun'anga vakaunganidza mabhuku pamwe vakaapisa pamberi pevese; ndokuverenga mutengo wawo, zvino vakawana masirivheri zvuru makumi mashanu.
Acts Shona 19:20  Naizvozvo shoko raIshe rakakura nesimba rikakunda.
Acts Shona 19:21  Zvino izvi zvakati zvapera, Pauro wakazvipira mumweya, ambogura nepaMakedhonia neAkaya, kuenda kuJerusarema, achiti: Shure kwekuva kwangu ikoko, ndinofanirawo kunoona Roma.
Acts Shona 19:22  Zvino akatumira kuMakedhonia vaviri vevaimushandira, Timotio naErasto, iye akagara muAsia kwenguva.
Acts Shona 19:23  Zvino nenguva iyoyo nyonga-nyonga isati iri diki ikavapo pamusoro penzira iyo.
Acts Shona 19:24  Nokuti umwe, wainzi Dhemetrio, mupfuri wesirivheri, waiita zvitembere zvaDhiana zvesirivheri, waiuisa mubairo usati uri mudiki kumhizha;
Acts Shona 19:25  wakadziunganidza pamwe nevamwe vebasa rakadaro, akati: Varume, munoziva kuti nebasa iri tine upfumi hwedu.
Acts Shona 19:26  Zvino munoona nekunzwa kuti pasati pari paEfeso chete, asi panenge paAsia yese, Pauro uyu wakagombedzera nekutsausa chaunga chikuru, achiti vakaitwa nemaoko havasi vamwari.
Acts Shona 19:27  Zvino hazvisi izvi chete kuti chikamu chedu chisvike panjodzi yekuzvidzwa, asi netembere yamwarikadzi mukuru Dhiana ichaitwa chinhu pasina neukuru-kuru hwake huchaderedzwa, iye Asia nenyika yese wavanonamata.
Acts Shona 19:28  Zvino vakati vachizvinzwa vakazara nekutsamwa, vakadanidzira vachiti: Mukuru Dhiana weVaEfeso!
Acts Shona 19:29  Zvino guta rese rakazadzwa nenyonga-nyonga; vakamhanyira nemoyo umwe panhandare, vakakweva Gayo naArisitako VaMakedhonia, vaperekedzi vaPauro.
Acts Shona 19:30  Zvino Pauro akada kupinda muchaunga, vadzidzi havana kumutendera.
Acts Shona 19:31  Uye nevamwe vevakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kuzvipinza panhandare.
Acts Shona 19:32  Zvino vamwe vakadanidzira chimwe vamwe chimwe; nokuti ungano yakange yanyonganiswa, uye vazhinji vasingazivi zvavakaunganira.
Acts Shona 19:33  Zvino vakabudisira Arekisandiro kunze kubva muchaunga, VaJudha vachimusundira mberi. Zvino Arekisandiro akaninira neruoko, achida kuzvidavirira kuvanhu.
Acts Shona 19:34  Asi pavakaziva kuti muJudha, inzwi rimwe rakamuka kune vese, vakadanidzira maawa anenge maviri vachiti: Mukuru Dhiana weVaEfeso!
Acts Shona 19:35  Zvino munyori wakati anyaradza vanhu akati: Varume veEfeso, nokuti munhu ndeupi aripo asingazivi kuti guta reVaEfeso ndiro muchengetedzi wetembere yamwarikadzi mukuru Dhiana newechakawa kubva kudenga.
Acts Shona 19:36  Naizvozvo zvinhu izvi zvazvisingagoni kurambwa, munofanira kunyarara musingaiti chinhu nekumhanyirira.
Acts Shona 19:37  Nokuti mauisa varume ava, vasiri makororo edzitembere kana vamhuri vamwarikadzi wenyu.
Acts Shona 19:38  Naizvozvo kana Dhemetrio nemhizha dzinaye vane mhosva neumwe, matare emhosva akazarurwa, nevatongi varipo; ngavakwirirane.
Acts Shona 19:39  Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu maererano nezvimwe zvinhu, zvingatemwa paungano iri pamutemo.
Acts Shona 19:40  Nokuti tiri munjodziwo yekupiwa mhosva yebongozozo ranhasi zvapasina chikonzero chatingapa nacho rondedzero yenyongano iyi.
Acts Shona 19:41  Zvino wakati ataura izvozvi, akaparadza ungano.
Chapter 20
Acts Shona 20:1  Shure kwekuguma kwemhirizhonga, Pauro akadanira kwaari vadzidzi, akavambundikira, akabuda kuti aende kuMakedhonia.
Acts Shona 20:2  Zvino wakati agura nemativi iwawo, avakurudzira nemashoko mazhinji, akasvika kuGirisi,
Acts Shona 20:3  akati agara mwedzi mitatu, rangano yaitwa neVaJudha pamusoro pake, ava kuda kuenda kuSiriya nechikepe, akazvipira kudzokera nemuMakedhonia.
Acts Shona 20:4  Zvino Sopatro weBheriya wakamuperekedza kusvika kuAsia, neveVaTesaronika, Arisitako naSekundo, naGayo weDhebhe, naTimotio, uye Tikiko naTrofimo VaAsia.
Acts Shona 20:6  Asi isu takabva Firipi nechikepe mushure memazuva ezvingwa zvisina mbiriso, zvino takasvika kwavari paTroasi mumazuva mashanu, patakagara mazuva manomwe.
Acts Shona 20:7  Zvino nemusi wekutanga wevhiki, vadzidzi vakaungana kumedura chingwa, Pauro akaparidza kwavari, achida kubva chifume, akaredzva nhaurwa kusvikira pakati peusiku.
Acts Shona 20:8  Zvino kwakange kune mwenje mizhinji mukamuri yekumusoro mavakange vakaungana.
Acts Shona 20:9  Zvino pahwindo pakange pagere rimwe jaya rainzi Yutikosi, rikabatwa nehope kwazvo, Pauro wakati achiparidza nguva refu, iro rikakundwa nehope, rikawira pasi, kubva panhurikwa yechitatu, ndokunongwa rafa.
Acts Shona 20:10  Zvino Pauro akaburuka akazviwisira pamusoro paro, akarimbundikira akati: Musazvinetsa; nokuti mweya waro uri mariri.
Acts Shona 20:11  Wakati akwirazve ndokumedura chingwa ndokudya, akataura navo nguva refu kusvikira kuchiedza, saizvozvo wakaenda.
Acts Shona 20:12  Zvino vakauya nemukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa zvisati zviri zvishoma.
Acts Shona 20:13  Asi isu, takatungamira kuchikepe, tikaenda nechikepe kuAso, takananga kukwidza Pauro ipapo; nokuti wakange aronga saizvozvo, iye achitarisira kufamba netsoka.
Acts Shona 20:14  Zvino wakati asangana nesu paAso, tikamukwidza tikasvika kuMitirene,
Acts Shona 20:15  tikabva ipapo nechikepe, chifume tikasvika pakatarisana neKiyo; chifume tikasvika paSamo; ndokugara paTrogiriamu, chifume tikasvika Mireto.
Acts Shona 20:16  Nokuti Pauro wakange akazvipira kupfuura Efeso nechikepe, kuti asapedza nguva paAsia; nokuti waimhanya, kana zvichibvira kwaari, ave paJerusarema nezuva rePendekosita.
Acts Shona 20:17  Zvino ari paMireto wakatumira kuEfeso akadanira vakuru vekereke kwaari.
Acts Shona 20:18  Zvino vakati vasvika kwaari, akati kwavari: Imwi munoziva kubva pazuva rekutanga randakasvika muAsia, kuti ndakava nemwi sei nguva dzese,
Acts Shona 20:19  ndichibatira Ishe nekuzvininipisa kwese uye nemisodzi mizhinji, nemiedzo yakandiwira nerangano dzeVaJudha;
Acts Shona 20:20  kuti handina sei kuvanza zvezvingabatsira, kusakuparidzirai nekukudzidzisai pachena uye muimba neimba,
Acts Shona 20:21  ndichipupura zvese kuVaJudha nekuVaGiriki kutendeukira kuna Mwari, nerutendo kuna Ishe wedu Jesu Kristu.
Acts Shona 20:22  Zvino ikozvino tarirai, ini ndinoenda kuJerusarema ndakasungwa neMweya, ndisingazivi zvichandiwira mariri,
Acts Shona 20:23  kunze kwekuti Mweya Mutsvene anopupura muguta rimwe nerimwe achiti zvisungo nenhamo zvakandigarira.
Acts Shona 20:24  Asi handirangariri chinhu pane izvi, uye handiverengeri upenyu hwangu kuti chinhu chinokosha kwandiri kuti ndipedze rwendo rwangu nemufaro nebasa randakagamuchira kuna Ishe Jesu rekupupura evhangeri yenyasha dzaMwari.
Acts Shona 20:25  Zvino ikozvino tarirai, ini ndinoziva kuti imwi mese, vandakafamba pakati penyu ndichiparidza ushe hwaMwari, hamuchazooni chiso changu.
Acts Shona 20:26  Naizvozvo ndinopupura kwamuri nezuva ranhasi, kuti ini ndakachena paropa revese;
Acts Shona 20:27  nokuti handina kuvanza kwekusakuparidzirai zano rese raMwari.
Acts Shona 20:28  Naizvozvo zvichenjererei imwi, neboka rese Mweya Mutsvene paakakugadzai vatariri pamusoro paro, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake amene.
Acts Shona 20:29  Nokuti ini ndinoziva izvi, kuti shure kwekuenda kwangu mapumhi anorura achapinda pakati penyu, asingaregi boka;
Acts Shona 20:30  uye kubva pamuri imwi momene pachamuka varume vachataura zvinhu zvinotsausa, kuti vakwezve vadzidzi vavatevere.
Acts Shona 20:31  Naizvozvo rindai, murangarire kuti kwemakore matatu handina kuguma siku nesikati kuyambira umwe neumwe nemisodzi.
Acts Shona 20:32  Uye ikozvino hama, ndinokukumikidzai kuna Mwari nekushoko renyasha dzake, iye anogona kukuvakai, nekukupai nhaka pakati pevese vakaitwa vatsvene.
Acts Shona 20:33  Handina kuchiva sirivheri kana goridhe kana nguvo yemunhu.
Acts Shona 20:34  Imwiwo momene munoziva kuti maoko awa akabatira kushaiwa kwangu nekwevaiva neni.
Acts Shona 20:35  Pazvinhu zvese ndakakuratidzai, kuti muchibata saizvozvi munofanira kubatsira vane utera, nekurangarira mashoko aIshe Jesu, kuti iye wakati: Kwakaropafadzwa kupa kupfuura kugamuchira.
Acts Shona 20:36  Zvino wakati ataura zvinhu izvi, akafugama, akanyengetera navo vese.
Acts Shona 20:37  Kukava nekuchema kwavo vese kukuru; vakawira pamutsipa waPauro vakamutsvoda,
Acts Shona 20:38  vachishungurudzika zvikuru neshoko raakataura, kuti havachazooni chiso chake. Zvino vakamuperekedza kuchikepe.
Chapter 21
Acts Shona 21:1  Zvino zvakaitika kuti tichibva nechikepe taparadzana navo, takafamba nenzira yakarurama tikasvika muKose, neraitevera muRodhe, tikabvapo tikasvika Patara;
Acts Shona 21:2  ndokuti tawana chikepe chaiyambukira kuFonisiya, takapinda tikaenda nechikepe.
Acts Shona 21:3  Takati tabudikira Saipuresi, ndokuisiya kuruoko rweruboshwe, tikaenda kuSiriya nechikepe, tikamhara paTire; nokuti chikepe chaifanira kututunura mutoro ipapo;
Acts Shona 21:4  zvino takati tawana vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati neMweya kuna Pauro, arege kukwira kuJerusarema.
Acts Shona 21:5  Zvino zvakaitika kuti takapedza mazuva, tikabva tikaenda, vese vakatiperekedza nevakadzi nevana kusvikira kunze kweguta; zvino takafugama nemabvi pamahombekombe tikanyengetera.
Acts Shona 21:6  Zvino tawonekana, takapinda muchikepe, asi ivo vakadzokera kwavo.
Acts Shona 21:7  Asi isu takati tapedza rwendo nechikepe kubva kuTire, takasvika kuPitoremai, tikakwazisa hama tikagara navo zuva rimwe.
Acts Shona 21:8  Chifume isu taiva naPauro takabva tikasvika kuKesariya; ndokupinda mumba maFiripi muevhangeri, waiva umwe wevanomwe, tikagara naye.
Acts Shona 21:9  Uyuwo wakange ane vakunda vana, mhandara dzaiporofita.
Acts Shona 21:10  Zvino takati tagara mazuva mazhinji, kwakaburuka kubva kuJudhiya umwe muporofita wainzi Agabhusi,
Acts Shona 21:11  ndokusvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akazvisunga maoko nemakumbo ake, akati: Mweya Mutsvene anoreva izvi: Murume bhanhire iri riri rake, VaJudha paJerusarema vachamusunga saizvozvi, nekumukumikidza mumaoko evahedheni.
Acts Shona 21:12  Zvino takati tanzwa zvinhu izvi tese isu nevenzvimbo iyo tikakumbirisa kuti arege kukwira kuJerusarema.
Acts Shona 21:13  Asi Pauro wakapindura akati: Munoitei muchichema nekuputsa moyo wangu? Nokuti ini ndakagadzirira, kwete kusungwa chete, asi nekufa paJerusarema nekuda kwezita raIshe Jesu.
Acts Shona 21:14  Zvino wakati asingapwiswi, takanyarara tikati: Chido chaIshe ngachiitwe.
Acts Shona 21:15  Zvino shure kwemazuva iwayo takarongedza, tikakwira kuJerusarema.
Acts Shona 21:16  Nevamwewo vevadzidzi veKesariya vakaenda nesu, vakauya neumwe Minasoni weSaipuresi, mudzidzi wekare, watainogara naye.
Acts Shona 21:17  Zvino takati tichisvika kuJerusarema, hama dzakatigamuchira nemufaro.
Acts Shona 21:18  Chifume Pauro wakapinda nesu kuna Jakobho, nevakuru vese vakange varipo.
Acts Shona 21:19  Zvino wakati avakwazisa, wakarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu Mwari chaakaita pakati pevahedheni neshumiro yake.
Acts Shona 21:20  Ivo vakati vachizvinzwa, vakakudza Ishe; vakati kwaari: Unoona, hama, kuti zvuru zvingani zveVaJudha vanotenda; uye vese vanoshingairira murairo;
Acts Shona 21:21  zvino vakaudzwa nezvako, kuti unodzidzisa VaJudha vese vari pakati pevahedheni kuti vasiye Mozisi, uchiti varege kudzingisa vana, kana kufamba netsika.
Acts Shona 21:22  Ko zvino chii? Zvirokwazvo zvakafanira kuti chaunga chiungane; nokuti vachanzwa kuti wasvika.
Acts Shona 21:23  Naizvozvo ita izvi zvatinoreva kwauri; tine varume vana vane mhiko pamusoro pavo;
Acts Shona 21:24  vatore pamwe newe, uzvichenure pamwe navo, uye uripe muripo wavo, kuti vaveure musoro, kuti vese vazive kuti zvavakaudzwa maererano newe hapana zviripo, asi iwewo pachako unofamba zvakarurama uchichengeta murairo.
Acts Shona 21:25  Asi maererano nevahedheni vanotenda isu tanyora, tikatema kuti vasachengeta chinhu chakadai, kunze kwekuti vazvidzore pane zvakabairwa zvifananidzo, neropa nezvakadzipwa neupombwe.
Acts Shona 21:26  Ipapo Pauro wakatora varume avo, zuva raitevera akazvichenura pamwe navo, akapinda mutembere kupira kupera kwemazuva ekunatswa, kusvikira kwabairwa chibairo cheumwe neumwe wavo.
Acts Shona 21:27  Zvino mazuva manomwe akati opera, VaJudha vaibva kuAsia pavakamuona mutembere, vakamutsa chaunga chese, ndokuisa maoko kwaari.
Acts Shona 21:28  Vakadanidzira, vachiti: Varume VaIsraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vese kwese-kwese zvinopesana nevanhu, nemurairo, nenzvimbo ino; pamusoro pazvo anouisa VaGirikiwo mutembere, ndokusvibisa nzvimbo ino tsvene.
Acts Shona 21:29  Nokuti vakange vamboona Trofimo muEfeso anaye muguta, wavaifunga kuti Pauro wamupinza mutembere.
Acts Shona 21:30  Neguta rese rakanyonganiswa; vanhu vakamhanyira pamwe; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetembere; mikova ikazarirwa pakarepo.
Acts Shona 21:31  Zvino vakati vachitsvaka kumuuraya, shoko rikakwira kumukuru wechuru wehondo, kuti Jerusarema rese ranyonganiswa.
Acts Shona 21:32  Iye pakarepo akatora mauto nevakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari; ivo vakati vachiona mukuru wechuru chemazana nemauto, vakarega kurova Pauro.
Acts Shona 21:33  Zvino mukuru wechuru chemazana wakaswedera, akamubata, ndokuraira kuti asungwe nemaketani maviri, akabvunza kuti waiva ani, uye kuti waitei.
Acts Shona 21:34  Zvino vamwe pakati pevazhinji vakadanidzira chimwe vamwe chimwewo; zvino asingagoni kuziva chokwadi nekuda kwenyonga-nyonga, wakaraira kuti aiswe kuimba yemauto.
Acts Shona 21:35  Zvino wakati asvika pamitanho, zvakaitika kuti atakurwe nemauto nekuda kwemhirizhonga yechaunga;
Acts Shona 21:36  nokuti chaunga chevanhu chakatevera chichidanidzira chichiti: Mubvise!
Acts Shona 21:37  Pauro wakati oda kupinzwa muimba yemauto akati kumukuru wechuru: Zvinotenderwa here kuti nditaure chinhu kwauri? Iye ndokuti: Unoziva chiGiriki here?
Acts Shona 21:38  Ko iwe hausi uya muEgipita wakamutsa bongozozo mazuva ano asati asvika here, akatungamirira kurenje zvuru zvina zvevarume vaiva mhondi?
Acts Shona 21:39  Asi Pauro wakati: Ini ndiri munhu muJudha, weTaso yeKirikia, mugari weguta risina kureruka. Zvino ndinokukumbirai, nditenderei kutaura kuvanhu.
Acts Shona 21:40  Zvino wakati amutendera, Pauro wakamira pamitanho akaninira kuvanhu neruoko; zvino kwakati kwanyarara kwazvo, akataura kwavari nerurimi rwechiHebheru achiti:
Chapter 22
Acts Shona 22:1  Varume, hama, nemadzibaba, inzwai kuzvidavirira kwangu ikozvino kwamuri.
Acts Shona 22:2  Vakati vachinzwa kuti anotaura nerurimi rwechiHebheru kwavari, vakanyanya kunyarara, zvino akati:
Acts Shona 22:3  Ini ndiri zvirokwazvo murume muJudha, wakaberekerwa muTaso yeKirikia, akarerwa muguta rino pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa zvakasimba maererano nemurairo wemadzibaba, mushingairiri waMwari, sezvamuri mese nhasi;
Acts Shona 22:4  waishusha nzira iyi kusvikira parufu, ndichisunga nekukumikidza mutirongo vese varume nevakadzi,
Acts Shona 22:5  nemupristi mukuru sezvaanondipupurira, nedare rese remakurukota evakuru, kwandakagamuchirawo kwavari tsamba kuhama, ndikaenda kuDhamasiko kuti ndiuise kuJerusarema avo vaivapowo vakasungwa, kuti varangwe.
Acts Shona 22:6  Zvino zvakaitika kuti ndichifamba ndoswedera Dhamasiko, anenge masikati, pakarepo kwakapenya kubva kudenga chiedza chikuru chakandipoteredza.
Acts Shona 22:7  Zvino ndakawira pasi, ndokunzwa inzwi richiti kwandiri: Sauro, Sauro, unondishushirei?
Acts Shona 22:8  Ini ndikapindura, ndikati: Ndimwi ani, Ishe? Akati kwandiri: Ndini Jesu weNazareta waunoshusha iwe.
Acts Shona 22:9  Zvino avo vaiva neni vakaona chiedza, uye vakatya; asi havana kunzwisisa inzwi rewakataura neni.
Acts Shona 22:10  Zvino ndikati: Ndoita chii, Ishe? Ishe ndokuti kwandiri: Simuka uende kuDhamasiko; uye ikoko uchaudzwa maererano nezvinhu zvese zvakatarirwa iwe kuti uite.
Acts Shona 22:11  Zvino zvandakange ndisingaoni nekubwinya kwechiedza icho, ndakatungamirirwa neruoko nevaiva neni, ndikasvika kuDhamasiko.
Acts Shona 22:12  Zvino umwe Ananiasi, murume waishingaira pakunamata zvinoenderana nemurairo, waipupurirwa zvakanaka neVaJudha vese vakange vagerepo,
Acts Shona 22:13  akauya kwandiri ndokumira padivi pangu akati kwandiri: Sauro hama, chionazve. Neni nenguva iyo ndikamuona.
Acts Shona 22:14  Zvino akati: Mwari wemadzibaba edu wakagara akusarudza kuti uzive chido chake, nekuona Wakarurama, uye unzwe inzwi rinobva mumuromo wake.
Acts Shona 22:15  Nokuti uchava chapupu chake kuvanhu vese chezvawakaona nekunzwa.
Acts Shona 22:16  Zvino ikozvino uchanonokerei? Simuka ubhabhatidzwe uye usukwe zvivi zvako, uchidana zita raIshe.
Acts Shona 22:17  Zvino zvakaitika kuti ndadzokera kuJerusarema, uye ndichinyengetera mutembere, ndikaita chiyeverwa chemweya,
Acts Shona 22:18  ndokumuona achiti kwandiri: Kurumidza uye ubude muJerusarema ikozvino-zvino; nokuti havagamuchiri uchapupu hwako maererano neni.
Acts Shona 22:19  Ini ndikati: Ishe, ivo vanoziva kuti ini ndaiisa mutirongo nekurova musinagoge rega-rega avo vaitenda kwamuri;
Acts Shona 22:20  uye pakadururwa ropa raSitefano chapupu chenyu, neni ndakange ndimirepo ndichibvumirana nekuurawa kwake, uye ndakachengeta nguvo dzevaimuuraya.
Acts Shona 22:21  Zvino akati kwandiri: Enda, nokuti ini ndichakutuma kure kuvahedheni.
Acts Shona 22:22  Vakamuteerera kusvikira pashoko iri, ndokusimudza inzwi ravo vachiti: Wakadai ngaabviswe panyika; nokuti hazvina kufanira kuti ararame.
Acts Shona 22:23  Zvino vachidanidzira, nekurasa nguvo, vachikushira guruva mumhepo,
Acts Shona 22:24  mukuru wechuru wakaraira kuti aiswe kuimba yemauto achiti abvunzurudzwe nekurohwa netyava, kuti azive kuti chikonzeroi chavaidanidzira kudai pamusoro pake.
Acts Shona 22:25  Zvino vakati vamutandavadzira mberi nemakashu, Pauro akati kumukuru wezana wakange amirepo: Zviri pamutemo here kwamuri kurova netyava munhu ari muRoma uye asina kupiwa mhosva?
Acts Shona 22:26  Zvino mukuru wezana wakati achizvinzwa, akaswedera akaudza mukuru wechuru achiti: Chenjerai zvamoda kuita; nokuti munhu uyu muRoma.
Acts Shona 22:27  Zvino mukuru wechuru akaswedera akati kwaari: Ndiudze, iwe uri muRoma here? Iye akati: Hongu.
Acts Shona 22:28  Mukuru wechuru ndokupindura akati: Nemutengo mukuru ini ndakawana ugaro uhu. Pauro akati: Asi neni ndakaberekwa nahwo.
Acts Shona 22:29  Naizvozvo pakarepo vakabva kwaari ivo vaiva vomubvunzurudza. Nemukuru wechuru wakatyawo aziva kuti iye muRoma, uye nokuti wakange amusunga.
Acts Shona 22:30  Zvino chifume achida kuziva chokwadi, kuti nemhosva yei aipomerwa neVaJudha, wakamusunungura pazvisungo, akaraira kuti vapristi vakuru nedare ravo remakurukota rese vauye, akaburusira Pauro ndokugadzika pamberi pavo.
Chapter 23
Acts Shona 23:1  Zvino Pauro wakati achitarisisa dare remakurukota akati: Varume hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yese yakanaka, kusvikira zuva rino.
Acts Shona 23:2  Asi mupristi mukuru Ananiasi wakaraira vakange vamire naye kuti vamurove muromo.
Acts Shona 23:3  Ipapo Pauro akati kwaari: Mwari achakurova, madziro akadzudzurwa akacheneswa; nokuti iwe ugere kuti unditonge maererano nemurairo, zvino unoraira kuti ndirohwe zvinopesana nemurairo here?
Acts Shona 23:4  Zvino vakange vamirepo vakati: Unotuka mupristi mukuru waMwari here?
Acts Shona 23:5  Pauro ndokuti: Ndanga ndisingazivi, hama, kuti mupristi mukuru; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Usataura zvakaipa pamusoro pemutungamiriri wevanhu vekwako.
Acts Shona 23:6  Zvino Pauro wakati aziva kuti rimwe divi ndereVaSadhusi uye rimwe ndereVaFarisi, akadanidzira kudare remakurukota, akati: Varume hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wemuFarisi; ini ndinotongwa pamusoro petariro nekumuka kwevakafa.
Acts Shona 23:7  Wakati areva izvi, kupesana kukauya pakati peVaFarisi neVaSadhusi, chaunga ndokukamukana.
Acts Shona 23:8  Nokuti VaSadhusi vanoti hakuna kumuka, kana mutumwa, kana mweya; asi VaFarisi vanobvuma zviri zviviri.
Acts Shona 23:9  Zvino mhere-mhere huru ikamuka; vanyori vekudivi reVaFarisi vakasimuka vachipikisa zvikuru vachiti: Hatiwani chinhu chakaipa kumunhu uyu; asi kana mweya akataura naye kana mutumwa, hatingarwisani naMwari.
Acts Shona 23:10  Zvino kupesana kukuru kwakati kwauya, mukuru wechuru akatya kuti Pauro angabvamburwa navo, akaraira mauto kuti aburuke amubvute pakati pavo, amuise kuimba yemauto.
Acts Shona 23:11  Zvino usiku hwakatevera Ishe wakamira naye akati: Tsunga moyo Pauro; nokuti sezvawakapupura zvinhu maererano neni paJerusarema, saizvozvo zvakafanirawo kuti upupure kuRoma.
Acts Shona 23:12  Zvino kwakati kwaedza, vamwe veVaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nemhiko, vachiti havangadyi kana kunwa kusvikira vauraya Pauro.
Acts Shona 23:13  Zvino vaipfuura makumi mana vakange vaita mhiko iyi pamwe chete;
Acts Shona 23:14  ava vakaenda kuvapristi vakuru nevakuru vakati: Tazvisunga nemhiko huru, kuti hatidyi chinhu kusvikira tauraya Pauro.
Acts Shona 23:15  Naizvozvo ikozvino imwi nedare remakurukota taridzai kumukuru wechuru, kuti amuburusire kwamuri mangwana, sezvinonzi munoda kunyatsobvunzisisa zviri maererano naye; asi isu asati aswedera, tazvigadzira kumuuraya.
Acts Shona 23:16  Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvekuvandira, akauya akapinda mumba memauto, akaudza Pauro.
Acts Shona 23:17  Pauro ndokudanira kwaari umwe wevakuru vezana akati: Isa jaya iri kumukuru wechuru; nokuti rine chekutaura kwaari.
Acts Shona 23:18  Zvino ndokumutora, akamuuisa kumukuru wechuru, ndokuti: Pauro musungwa wandidanira kwaari akakumbira kuti ndiuise jaya iri kwamuri, rine chekutaura kwamuri.
Acts Shona 23:19  Mukuru wechuru akabata ruoko rwaro, akaenda naro parutivi vari vega, akabvunza akati: Chii chaunacho chekundiudza?
Acts Shona 23:20  Iye akati: VaJudha vatenderana kukukumbirai, kuti muburusire Pauro kudare remakurukota mangwana, sevanoda kunyatsobvunzisisa chimwe chinhu maererano naye.
Acts Shona 23:21  Naizvozvo imwi musatendeswa navo; nokuti vakamuvandira pakati pavo varume vanopfuura makumi mana, vakazvisunga nemhiko kuti havangadyi kana kunwa kusvikira vamuuraya; zvino ikozvino vakagadzirira vachimirira chivimbiso kubva kwamuri.
Acts Shona 23:22  Naizvozvo mukuru wechuru wakaregera jaya richienda, ariraira achiti: Usaudza munhu kuti wandizivisa zvinhu izvi.
Acts Shona 23:23  Zvino akadanira kwaari vamwe vaviri vevakuru vezana, akati: Gadzirirai mauto mazana maviri kuti afambe kusvikira Kesariya, nevatasvi vemabhiza makumi manomwe, nevemapfumo mazana maviri, kubva paawa rechitatu reusiku;
Acts Shona 23:24  muvawanisewo zvipfuwo, kuti vatasvise Pauro vamuise akachengeteka kumutungamiriri Ferikisi;
Acts Shona 23:26  Kiraudhio Risia kuna Ferikisi mutungamiriri changamire, kwaziwai.
Acts Shona 23:27  Uyu murume wakabatwa neVaJudha, uye angadai akaurawa navo, ndikasvika nemauto ndikamununura, ndanzwa kuti muRoma.
Acts Shona 23:28  Zvino ndakati ndichida kuziva chikonzero chavaimupomera nacho, ndikamuburusira kudare ravo remakurukota;
Acts Shona 23:29  ndikawana achipomerwa pamusoro pemashoko emurairo wavo, asi asingapomerwi chinhu chingafanira rufu kana zvisungo.
Acts Shona 23:30  Zvino ndakati ndaziviswa kuti kwakange koda kuva nekuvandirwa kwemurume uyu neVaJudha, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikarairawo vanomumhan'arira kuti vataure pamberi penyu zvavanopesana naye. Chisarai.
Acts Shona 23:31  Zvino mauto, sezvaakarairwa akatora Pauro, akamuisa kuAntipatiri neusiku.
Acts Shona 23:32  Zvino chifume, vakarega vatasvi vemabhiza kuti vaende naye, vakadzokera kuimba yemauto;
Acts Shona 23:33  ivo vakati vasvika kuKesariya, vakakumikidza tsamba kumutungamiriri, vakaisawo Pauro pamberi pake.
Acts Shona 23:34  Zvino mutungamiriri wakati averenga, akabvunza kuti ndewedunhu ripi; zvino aziva kuti ndeweKirikia,
Acts Shona 23:35  akati: Ndichakunzwa, kana vanokupomera mhosva vasvikawo; akaraira kuti achengetwe mumba maHerodhe mekutongera.
Chapter 24
Acts Shona 24:1  Zvino mushure memazuva mashanu Ananiasi mupristi mukuru wakaburuka nevakuru neumwe mumiririri wainzi Teturo; vakamhan'arira Pauro kumutungamiriri.
Acts Shona 24:2  Zvino wakati adanwa, Teturo akatanga kumupa mhosva achiti: Rugare rukuru tinorwuwana nemwi, nemabasa akanaka akaitika murudzi rwuno neurongwa hwenyu,
Acts Shona 24:3  tinozvigamuchira nemitoo yese nepanzvimbo dzese, changamire Ferikisi, nekuvonga kwese.
Acts Shona 24:4  Asi kuti ndisaramba ndichikubatirirai, ndinokukumbirai zvikuru kuti netsitsi dzenyu mutinzwe muchidimbu.
Acts Shona 24:5  Nokuti takawana murume uyu ari hosha huru, anomutsa bongozozo pakati peVaJudha vese panyika yese, ari mutungamiriri weboka reVaNazareta.
Acts Shona 24:6  Iye wakaidzawo kushatisa tembere; watakabatawo tichida kumutonga maererano nemurairo wedu,
Acts Shona 24:7  zvino mukuru wehondo Risiasi wakauya ndokumutora nechisimba chikuru mumaoko edu,
Acts Shona 24:8  akaraira vaimupa mhosva kuti vauye kwamuri; wamunogona kuti mukumubvunzisisa momene muchawana ruzivo rwezvinhu izvi zvese isu zvatinomupira mhosva.
Acts Shona 24:9  NeVaJudha vakabvumawo, vachiti zvinhu izvi zvakadaro.
Acts Shona 24:10  Zvino Pauro wakapindura, mutungamiriri amuninira kuti ataure, akati: Nokuti ndinoziva kuti mava wemakore mazhinji muri mutongi kurudzi urwu, ndinozvidavirira nemufaro mukuru zviri maererano neni,
Acts Shona 24:11  sezvo mungagona kuziva kuti mazuva achigere kupfuura gumi nemaviri kwandiri, kubvira pandakakwira kuJerusarema kunonamata;
Acts Shona 24:12  uye havana kundiwana mutembere ndichiita nharo nemunhu, kana kumutsira chaunga bongozozo, kunyange mumasinagoge kana muguta rese;
Acts Shona 24:13  uye havagoni kupa uchapupu pamusoro pezvinhu zvavanondimhan'arira ikozvino.
Acts Shona 24:14  Asi ndinobvuma izvi kwamuri, kuti nenzira yavanoti kutsauka, saizvozvo ndinoshumira Mwari wemadzibaba, ndichitenda zvinhu zvese zvakanyorwa pamurairo wese nepavaporofita;
Acts Shona 24:15  ndine tariro kuna Mwari, iyo yavanomirirawo vamene, kuti kuchava nekumuka kwevakafa, kwevakarurama pamwe nevasakarurama.
Acts Shona 24:16  Uye pachinhu ichi ini ndinoidza, kuti nguva dzese ndive nehana isina mhosva kuna Mwari nekuvanhu.
Acts Shona 24:17  Zvino shure kwemakore mazhinji ndakasvika kuzopa zvipo zvenyasha kurudzi rwangu nezvibairo;
Acts Shona 24:18  ndiri pane izvozvi vamwe VaJudha vakabva Asia vakandiwana ndakanatswa mutembere, pasina chaunga, pasina bongozozo;
Acts Shona 24:19  vanofanira kuva pano pamberi penyu vandipe mhosva kana vane chekupokana neni;
Acts Shona 24:20  kana ivo pachavo ngavareve vamene, kuti vakawana chii chisakarurama mandiri, pandakamira pamberi pedare remakurukota,
Acts Shona 24:21  kunze kweshoko iri rimwe, randakadanidzira ndimire pakati pavo rekuti: Maererano nekumuka kwevakafa ini ndinotongwa nemwi nhasi.
Acts Shona 24:22  Asi Ferikisi wakati anzwa zvinhu izvi achiziva zvakanyanya zvenzira iyo akambovamisa, achiti: Kana Risiasi mutungamiri wechuru aburukira pano, ndichanyatsoongorora zviri maererano nemwi;
Acts Shona 24:23  ndokuraira mukuru wezana kuti achengete Pauro, uye ave nerusununguko, uye kuti varege kudzivisa umwe wevekwake kushumira kana kumushanyira.
Acts Shona 24:24  Zvino shure kwemamwe mazuva, Ferikisi wakasvika nemukadzi wake Drusira muJudhakadzi, akatuma kunodana Pauro, akamunzwa pamusoro perutendo kuna Kristu.
Acts Shona 24:25  Zvino wakati achataura zvekururama nezvekuzvidzora uye zvekutonga kunouya, Ferikisi akatya akapindura akati: Enda zvaikozvino; kana ndikazova nenguva yakafanira, ndichakudana;
Acts Shona 24:26  panguva iyoyo waitarisirawo kuti mari ichapiwa kwaari naPauro, kuti amusunungure; naizvozvo wakamudanawo kazhinji achitaura naye.
Acts Shona 24:27  Asi makore maviri akati azadziswa, Ferikisi akagamuchira waimutevera Pokio Fesitasi; Ferikisi akada kufadza VaJudha akasiya Pauro akasungwa.
Chapter 25
Acts Shona 25:1  Zvino Fesitasi wakati asvika padunhu iro, shure kwemazuva matatu akakwira kuJerusarema achibva Kesariya.
Acts Shona 25:2  Zvino mupristi mukuru nevakuru veVaJudha vakamhan'arira Pauro kwaari, vakamukumbirisa,
Acts Shona 25:3  vachikumbira nyasha dzinopikisana naye, kuti amudanire kuJerusarema, vakavandira kuti vamuuraye panzira.
Acts Shona 25:4  Asi Fesitasi wakapindura, kuti Pauro wakachengetwa paKesariya, uye kuti iye amene wakange okurumidza kuendako.
Acts Shona 25:5  Akati: Naizvozvo avo vanokwanisa pakati penyu ngavaburuke neni; kana pane chisina kururama kumurume uyu, ngaamupe mhosva.
Acts Shona 25:6  Wakati agara pakati pavo mazuva anopfuura gumi, wakaburukira Kesariya; chifume agara pachigaro chekutonga akaraira kuti Pauro auiswe.
Acts Shona 25:7  Zvino wakati asvika, VaJudha vakaburuka vachibva kuJerusarema vakamira vakamukomba, vachiuisa mhosva zhinji uye dzinorema pana Pauro, dzavakange vasingagoni kusimbisa,
Acts Shona 25:8  iye achizvidavirira akati: Kumurairo weVaJudha, kana kutembere, kana kuna Kesari handina kutadza chinhu.
Acts Shona 25:9  Asi Fesitasi achida kufadza VaJudha, wakapindura Pauro akati: Unoda here kukwira kuJerusarema, unotongwako pamusoro pezvinhu izvi pamberi pangu?
Acts Shona 25:10  Asi Pauro akati: Ndimire pamberi pechigaro chekutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; kuVaJudha handina kuita zvisakarurama, sezvamunozivisisa imwiwo.
Acts Shona 25:11  Nokuti kana ndakatadza uye ndakaita chinhu chakafanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvinhu zvavanondipira mhosva ivo, hakuna munhu anogona kundikumikidza kwavari pachena. Ndinoikwidza kuna Kesari.
Acts Shona 25:12  Ipapo Fesitasi ataurirana nedare remakurukota, akapindura akati: Waikwidza kuna Kesari? Kuna Kesari uchaenda.
Acts Shona 25:13  Zvino mamwe mazuva akati apfuura, mambo Agripa naBhenike vakasvika kuKesariya kuzokwazisa Fesitasi.
Acts Shona 25:14  Vakati vagarako mazuva mazhinji, Fesitasi akarondedzera zviri maererano naPauro kuna mambo, achiti: Kune umwe murume wakasiiwa naFerikisi ari musungwa,
Acts Shona 25:15  wandakati pandakange ndiri kuJerusarema, vapristi vakuru nevakuru veVaJudha vakamumhan'arira, vachikumbira mutongo unopokana naye.
Acts Shona 25:16  Vandakapindura, kuti haisi tsika yeVaRoma kukumikidza pachena chero munhu kurufu, uyo anopiwa mhosva asati ambotarisana nevanomupa mhosva, akagamuchira mukana wekuzvipindurira maererano nemhosva.
Acts Shona 25:17  Naizvozvo vakati vaungana pano, pasina kunonoka, nezuva raitevera ndakagara pachigaro chekutonga, ndikaraira kuti murume auiswe.
Acts Shona 25:18  Vamhan'ari vakamusimukira vakasamupa mhosva yezvandaifungira ini,
Acts Shona 25:19  asi vaiva nezvimwe zvavaimupikisa maererano nechitendero chavo, uye zveumwe Jesu wakange afa, Pauro waaiti mupenyu.
Acts Shona 25:20  Zvino ini zvandakange ndisina chokwadzi maererano negakava rakadai, ndakati anoda kuenda kuJerusasrema here, anotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvi.
Acts Shona 25:21  Pauro wakati aikwidza kuti achengeterwe mutongo wamambo mukuru, ndakaraira kuti achengetwe, kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.
Acts Shona 25:22  Agripa ndokuti kuna Fesitasi: Neni ndinoda kunzwa munhu uyu. Iye akati: Mangwana muchamunzwa.
Acts Shona 25:23  Naizvozvo chifume, Agripa wakati asvika naBhenike, vachionekera kwazvo, vakapinda mumba mekutambira mhosva, nevatungamiriri vezvuru, nevarume vakuru veguta, Fesitasi araira, vakauya naPauro.
Acts Shona 25:24  Zvino Fesitasi akati: Mambo Agripa, nevarume vese vari pano nesu, munoona uyu, chaunga chese cheVaJudha wachakandikumbira zvese paJerusarema nepano, vachidanidzira kuti haafaniri kuramba achirarama.
Acts Shona 25:25  Asi ini ndakati ndawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, uye kuti iye pachake waikwidza kuna mambo mukuru, ndagura kumutumira.
Acts Shona 25:26  Asi handina chinhu chakasimba chandinganyorera ishe pamusoro pake. Naizvozvo ndauya naye pamberi penyu, uye zvikuru pamberi penyu, mambo Agripa, kuti mamuongorora, ndingava nechandinganyora.
Acts Shona 25:27  Nokuti ndinoona zvisina musoro kutuma musungwa, pasina kutaridzwawo mhosva dzakanangana naye.
Chapter 26
Acts Shona 26:1  Zvino Agripa akati kuna Pauro: Unotenderwa kuzvitaurira. Ipapo Pauro akatandavadza ruoko, akazvipindurira achiti:
Acts Shona 26:2  Pane zvese zvandakamhan'arirwa neVaJudha, mambo Agripa, ndinoona ndichifara kuti ndodozvidavirira pamberi penyu nhasi;
Acts Shona 26:3  zvikuru nokuti ndinoziva kuti mune ruzivo rwetsika dzese nemakakava ari pakati peVaJudha; naizvozvo ndinokukumbirai, kuti mundinzwe nemoyo murefu.
Acts Shona 26:4  Naizvozvo mufambiro wangu kubva paudiki, waiva kubva pakutanga pakati perudzi rwangu paJerusarema, VaJudha vese vanoziva,
Acts Shona 26:5  vaindiziva kubva pakutanga kana vachida kupupura, kuti nenzira yakasimba yeboka rechitendero chedu ndairarama ndiri muFarisi.
Acts Shona 26:6  Uye ikozvino ndimire ndichitongwa nekuda kwetariro yechivimbiso chakaitwa naMwari kumadzibaba,
Acts Shona 26:7  marudzi edu gumi nemaviri achishumira akasimba siku nesikati vachitarisira kusvika pachiri. Nekuda kwetariro iyi, mambo Agripa, ndinopiwa mhosva neVaJudha.
Acts Shona 26:8  Sei zvichifungwa kuti zvinhu zvisingatendeseki kwamuri, kana Mwari achimutsa vakafa?
Acts Shona 26:9  Naizvozvo ini ndaifunga ndomene kuti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta;
Acts Shona 26:10  neni zvandakaita muJerusarema, uye ini ndakapfigira vazhinji vevatsvene mumatirongo, ndagamuchira simba kubva kuvapristi vakuru; nepavaiurawa ndaizvisarudza.
Acts Shona 26:11  Uye ndaivaranga kazhinji mumasinagoge ese, ndichivaroverera kuti vanyombe; zvino ndichinyanya kuvapengera, ndakavashusha kusvikira nekumaguta ekunze.
Acts Shona 26:12  Ndipo neni ndichienda kuDhamasiko nesimba uye nekutumwa kubva kuvapristi vakuru,
Acts Shona 26:13  pamasikati makuru, mambo, ndakaona munzira chiedza chichibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichipenya chakandipoteredza nevaifamba neni.
Acts Shona 26:14  Zvino takati tese tawira pasi pavhu, ndakanzwa izwi richitaura kwandiri richiti nerurimi rwechiHebheru: Sauro, Sauro, unondishushirei? Zvinokuremera kukavana nezvibayo.
Acts Shona 26:15  Zvino ini ndikati: Ndimwi ani, Ishe? Akatiwo: Ndini Jesu waunoshusha iwe.
Acts Shona 26:16  Asi simuka, uye umire netsoka dzako; nokuti ndazviratidzira izvi kwauri, ndikuite mushumiri nechapupu zvese chezvinhu zvawakaona nezvandichazviratidza nazvo kwauri,
Acts Shona 26:17  ndichikununura kuvanhu nevahedheni, vandinokutumira kwavari ikozvino,
Acts Shona 26:18  kusvinudza meso avo, nekuvatendeusa kubva murima vaende kuchiedza, nepasimba raSatani vaende kuna Mwari, kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi, uye nhaka pakati pevakaitwa vatsvene nerutendo rwuri mandiri.
Acts Shona 26:19  Naizvozvo, mambo Agripa, handina kuramba kuteerera chiratidzo chekudenga;
Acts Shona 26:20  asi ndakaparidza kutanga kune veDhamasiko neveJerusarema, nekudunhu rese reJudhiya, nekuvahedheni, kuti vatendeuke, uye vadzokere kuna Mwari, vaite mabasa akafanira kutendeuka.
Acts Shona 26:21  Nekuda kwezvinhu izvi VaJudha vakandibata mutembere, vakaidza kundiuraya.
Acts Shona 26:22  Naizvozvo ndawana rubatsiro kubva kuna Mwari, ndakamira kusvikira zuva rino, ndichipupura kuvadiki nevakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu kunze kweizvo vaporofita naMozisi zvavakataura kuti zvichaitika,
Acts Shona 26:23  kuti Kristu wakafanira kutambudzika, uye kuti ari wekutanga kumuka kuvakafa, achaparidza chiedza kuvanhu ava nekuvahedheni.
Acts Shona 26:24  Zvino wakati achazvidavirira zvinhu izvi, Fesitasi akati nenzwi guru: Pauro, unopenga; kudzidza kukuru kunokupenza.
Acts Shona 26:25  Asi wakati: Handipengi, Fesitasi changamire; asi ndinodanidzira mashoko echokwadi uye euchenjeri.
Acts Shona 26:26  Nokuti mambo vanoziva zvezvinhu izvi ivo vandinotaura pamberi pavowo ndisingatyi; nokuti ndine chokwadi kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chakavanzika kwavari, nokuti chinhu ichi hachina kuitwa pachikona.
Acts Shona 26:27  Mambo Agripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda.
Acts Shona 26:28  Agripa ndokuti kuna Pauro: Wasara padiki wandipwisa kuva muKristu.
Acts Shona 26:29  Pauro ndokuti: Ndinoshuva kuna Mwari, kunyange nediki uye nehuru musava imwi mega, asi nevese vanondinzwa nhasi, vave vakadai sezvandiri ini, kunze kwezvisungo izvi.
Acts Shona 26:30  Zvino wakati ataura zvinhu izvi, mambo akasimuka, nemutungamiriri, naBhenike, nevakange vagere navo;
Acts Shona 26:31  vakati vabuda vakataurirana, vachiti: Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana zvisungo.
Acts Shona 26:32  Agripa ndokuti kuna Fesitasi: Munhu uyu ungadai asunungurwa dai asina kuikwidza kuna Kesari.
Chapter 27
Acts Shona 27:1  Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende kuItaria nechikepe, vakakumikidza Pauro nevamwewo vasungwa kumukuru wezana wainzi Juriasi, wehondo yamambo mukuru.
Acts Shona 27:2  Zvino takati tapinda muchikepe cheAdhiramitiyamu, chaiva choda kuenda nemugungwa tichitevedza nzvimbo dzeAsia, tikatanga kufamba nechikepe, Arisitako muMakedhonia weTesaronika anesu.
Acts Shona 27:3  Chifume tikasvika paSidhoni; Juriasi akabata Pauro zvakanaka, akamutendera kuti aende kushamwari, kuti abatsirwe.
Acts Shona 27:4  Takati tabva ipapo nechikepe tikapfuura takadzikatirwa neSaipuresi, nokuti mhepo yaitipikisa,
Acts Shona 27:5  tikati tayambuka gungwa rakatevedza Kirikia nePamufiriya, takasvika paMaira yeRisia.
Acts Shona 27:6  Ipapo mukuru wezana akawana chikepe cheAreksandiria chinoenda kuItaria, ndokutipinza machiri.
Acts Shona 27:7  Zvino takati tananaira nechikepe mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinido nemutsutsururu, mhepo isingatitenderi, tikaburuka takatevedza Kirete, kwakatarisana neSarimoni;
Acts Shona 27:8  tikapapfuura nemutsutsururu tikasvika pane imwe nzvimbo panonzi Zororo Rakanaka; pedo naro paiva neguta Rasea.
Acts Shona 27:9  Zvino nguva huru yakati yapfuura, nekufamba nechikepe ikozvino kwava nenjodzi, nokuti kutsanyawo kwakange kwatopfuura, Pauro akavayambira,
Acts Shona 27:10  achiti kwavari: Varume, ndinoona kuti rwendo rwuchava nekukuvara nekurasikirwa kuzhinji, zvisati zviri zvemutoro nechikepe chete, asi nekweupenyu hwedu.
Acts Shona 27:11  Asi mukuru wezana wakatenda mufambisi wechikepe nemwene wechikepe kupfuura zvinhu zvakarehwa naPauro.
Acts Shona 27:12  Zvino sezvo zororo rakange risina kunaka kugarwa muchando, vazhinji vakayambira kuti pabviwe, zvimwe vangagona kusvika kuFenikisi vagareko muchando, ndiro zororo reKirete, rakange rakatarira kuchamhembe kwakadziva kumavirira nekumaodzanyemba akadziva kumavirira.
Acts Shona 27:13  Zvino mhepo yechamhembe yakati ichifefetera, vakafunga kuti vawana vavariro yavo, vakabvisa zvipingo zvechikepe, vakatevedza pedo neKirete nechikepe.
Acts Shona 27:14  Asi pasina kupfuura nguva huru mhepo ine simba yainzi Yurokiridhoni, yakachirova;
Acts Shona 27:15  zvino chikepe chakati chabatwa, chisingagoni kumirisana nemhepo, tikarega tikakukurwa.
Acts Shona 27:16  Zvino takatevedza zasi kwechimwe chiwi chidiki chinonzi Kraudha, tikakwanisa kubata chikepe nemutsutsururu;
Acts Shona 27:17  chavakati vachisimudza, vakashandisa zvibatsiro, vachisunga chikepe nepasi; vachitya kuti vacharasikira paSetisi, vakaderedza seiri, ndokukukurwa saizvozvo.
Acts Shona 27:18  Zvino tichatambudzwa kwazvo nedutu remhepo, chifume vakabudisa nhumbi kunze;
Acts Shona 27:19  uye pazuva retatu, takarasa zvombo zvechikepe nemaoko edu pachedu.
Acts Shona 27:20  Zvino kwakati kusina kuonekwa zuva kana nyeredzi kwemazuva mazhinji, nedutu risati riri diki remhepo richisimba, kubva ipapo tariro yese yekuti tichaponeswa ikatorwa.
Acts Shona 27:21  Zvino yakati yava nguva refu vasingadyi, ipapo Pauro akamira pakati pavo, akati: Haiwa, varume, mungadai makanditeerera mukasabva paKirete, mukapukunyuka kukuvara uku nekurasikirwa.
Acts Shona 27:22  Asi ikozvino ndinokukurudzirai kuti mutsunge moyo; nokuti hakungavi nekurasikirwa neupenyu pakati penyu, asi kwechikepe.
Acts Shona 27:23  Nokuti usiku huno kwakamira neni mutumwa waMwari, wandiri wake, newandinoshumira,
Acts Shona 27:24  achiti: Usatya Pauro; unofanira kumira pamberi paKesari; zvino tarira, Mwari wakupa vese vanofamba newe muchikepe.
Acts Shona 27:25  Naizvozvo varume tsungai moyo; nokuti ndinotenda kuna Mwari kuti zvichava saizvozvi senzira yandakaudzwa nayo.
Acts Shona 27:27  Zvino usiku hwegumi neuna hwakati hwasvika, tichangomveeswa muAdhira, panenge pakati peusiku, vafambisi vechikepe vakafunga kuti imwe nyika yoswedera kwavari;
Acts Shona 27:28  vakakanda gavi rekuyera kudzika vakawana mafadomi* makumi maviri; vakati vapfuura zvishoma, vakakandazve gavi rekuyera kudzika, vakawana mafadomi gumi nemashanu;
Acts Shona 27:29  zvino vakatya kuti zvimwe tichawira pamabwe, vakakanda zvipingo zvina neshure kwechikepe, vakashuva kuedza.
Acts Shona 27:30  Zvino vafambisi vechikepe vakati vachitsvaka kutiza muchikepe, vaburusira igwa mugungwa, vachiita sevanenge vokanda zvipingo mberi kwechikepe,
Acts Shona 27:31  Pauro akati kumukuru wezana nekumauto: Kana ava vakasagara muchikepe, imwi hamugoni kuponeswa.
Acts Shona 27:32  Ipapo mauto akagura mabote egwa, ndokurirega rikawa.
Acts Shona 27:33  Zvino kwakati koedza, Pauro akakumbirisa vese kuti vadye, achiti: Nhasi izuva regumi nechina ramakagarira muchitsanya, musingadyi chinhu.
Acts Shona 27:34  Saka ndinokukumbirisai kuti mudye; nokuti ndezveruponeso rwenyu; nokuti hakuna ruvhudzi rwuchawa pamusoro weumwe wenyu.
Acts Shona 27:35  Wakati areva zvinhu izvi, atora chingwa, akavonga kuna Mwari pamberi pavo vese, akati achimedura akatanga kudya.
Acts Shona 27:37  Zvino isu, mweya yese yaiva muchikepe, taiva mazana maviri nemakumi manomwe nevatanhatu.
Acts Shona 27:38  Zvino vakati vaguta kudya vakarerusa chikepe, vachikanda zviyo kunze mugungwa.
Acts Shona 27:39  Kwakati kwaedza, vakasaziva nyika; asi vakaona rimwe mhenderekedzo rekuzorora raiva nemahombekombe ejecha, vakarangana kana vaigona, kuti vasundire chikepe pariri.
Acts Shona 27:40  Zvino vakagura zvipingo, vakazvisiya mugungwa, nenguva iyoyo vakasunungura zvisungo, vakasimudzira seiri repamberi kumhepo, vakaruramira kumahombekombe.
Acts Shona 27:41  Zvino vakati vachiwira panzvimbo pamasanganirano emakungwa, vakagumhirisa chikepe pasi; muromo ukabatira ndokurambira usingazununguki, asi rutivi rweshure rukavhunika nesimba remafungu.
Acts Shona 27:42  Zvino zano remauto rekuti vauraye vasungwa, kuti zvimwe vamwe vangashambira vakatiza.
Acts Shona 27:43  Asi mukuru wezana achida kuponesa Pauro, akavadzivisa pazvinangwa zvavo, akaraira kuti vanogona kushambira vatange kuzviwisira mugungwa, vaende kunyika;
Acts Shona 27:44  uye vakasara, vamwe pamatanda, vamwe pane zvimwe zvipenga zvechikepe. Saizvozvowo zvakaitika kuti vese vakasvika kunyika vari vapenyu.
Chapter 28
Acts Shona 28:1  Zvino vakati vapona, ipapo vakaziva kuti chiwi chinonzi Merita.
Acts Shona 28:2  Zvino vatorwa vakatiitira unyoro husina kujairika; nokuti vakavesa moto, vakatigamuchira tese, nekuda kwemvura yaitanga uye nekuda kwechando.
Acts Shona 28:3  Zvino Pauro wakati aunganidza svinga rehuni, akaisa pamoto, kwakabuda chiva kubva murudziyira, chikakwinyira paruoko rwake.
Acts Shona 28:4  Zvino vatorwa vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana vachiti: Zvirokwazvo munhu uyu imhondi, iye kunyange apukunyuka gungwa, kururama hakumutenderi kurarama.
Acts Shona 28:5  Iye ndokuzuzira chikara mumoto, akasambokuvara.
Acts Shona 28:6  Zvino vakatarisira kuti iye achazvimba, kana kuwira pasi pakarepo akafa; asi vakati vatarira nguva refu, vakaona pasina chinhu chisina kujairika chaitika kwaari, vakashandura fungwa dzavo voti iye ndimwari.
Acts Shona 28:7  Zvino panharaunda yenzvimbo iyo paiva neminda yemukuru wechiwi wainzi Pubhirio; iye wakatigamuchira akatigarisa zvakanaka mazuva matatu.
Acts Shona 28:8  Zvino zvakaitika kuti baba vaPubhirio vakange varere vakabatwa nefivhiri nemudumbu weropa; kwavari Pauro kwaakapinda, akanyengetera, akaisa maoko pamusoro pavo, akavaporesa.
Acts Shona 28:9  Naizvozvo izvi zvakati zvaitika, vamwewo vaiva nezvirwere pachiwi vakaswedera ndokuporeswa;
Acts Shona 28:10  ivo vakatikudzawo nerukudzo ruzhinji, uye toenda nechikepe, vakakwidza zvinhu zvaidikanwa.
Acts Shona 28:11  Zvino shure kwemwedzi mitatu takabva nechikepe cheArekizandiria, chakange chagara muchando pachiwi, chaiva nechiratidzo chekuti Dhiosikuri*.
Acts Shona 28:12  Zvino tasvika paSirakuse takagara mazuva matatu.
Acts Shona 28:13  Tabvapo tikatenderera tikasvika kuRegiomu; zvino shure kwezuva rimwe mhepo yechamhembe ikasimuka, zuva repiri tikasvika muPuteori;
Acts Shona 28:14  matakawana hama, tikakumbirwa kugara nadzo mazuva manomwe; saizvozvowo takaenda kuRoma.
Acts Shona 28:15  Zvino kubva ipapo hama dzakati dzanzwa nezvedu, dzikabuda kuzotichingamidza kudzamara Apio Foramu nepaDzimba Dzevaeni Nhatu; ivo Pauro vaakati achiona, akavonga Mwari, akatsunga moyo.
Acts Shona 28:16  Zvino takati tasvika kuRoma, mukuru wezana akakumikidza vasungwa kumutungamiriri wevarindi; asi Pauro wakatenderwa kugara ari ega, nemuuto anomurinda.
Acts Shona 28:17  Zvino zvikaitika shure kwemazuva matatu, kuti Pauro wakadanira vaiva vakuru veVaJudha pamwe; zvino vakati vaungana, akati kwavari: Varume hama, ini ndisina kuita chinhu chinopesana nerudzi kana tsika dzemadzibaba, ndiri musungwa ndabva kuJerusarema ndakumikidzwa pamaoko eVaRoma;
Acts Shona 28:18  ivo vakati vandiongorora vakada kundisunungura, nokuti pakange pasina chikonzero cherufu kwandiri.
Acts Shona 28:19  Asi VaJudha vakaramba, ndikarovererwa kuikwidza kuna Kesari, kwete kuti ndaiva nechinhu chekumhan'arira rudzi rwangu.
Acts Shona 28:20  Naizvozvo nekuda kwechikonzero ichi ndakudanai kuti ndikuonei, nditaure nemwi; nokuti ndakamoneredzwa neketani iyi nekuda kwetariro yaIsraeri.
Acts Shona 28:21  Zvino vakati kwaari: Isu hatina kugamuchira tsamba kubva kuJudhiya pamusoro pako, uye hakuna umwe wehama, wakati asvika, akatipira kana kutaura chinhu chakaipa pamusoro pako.
Acts Shona 28:22  Asi tinoda kunzwa newe zvaunofunga; nokuti maererano nebato iri tinoziva kuti rinopikiswa kwese-kwese.
Acts Shona 28:23  Zvino vakati vamutarira zuva, vazhinji vakauya kwaari kuimba yevaenzi; akavadudzira achivapupurira ushe hwaMwari, akavagombedzera zviri maererano naJesu, zvese kubva pamurairo waMozisi nevaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwani.
Acts Shona 28:24  Zvino vamwe vakatenda zvinhu zvakataurwa, asi vamwe vakasatenda.
Acts Shona 28:25  Zvino zvavakange vasingawirirani pachavo, vakaenda, Pauro ataura shoko rimwe chete rekuti: Mweya Mutsvene wakataura zvakanaka naIsaya muporofita kumadzibaba edu,
Acts Shona 28:26  achiti: Enda kurudzi urwu ugoti: Nekunzwa muchanzwa, uye hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, uye hamungatongoonesesi.
Acts Shona 28:27  Nokuti moyo wevanhu ava wakasindimadzwa, uye nenzeve vanonzwa nemutsutsururu, nemeso avo vakavhara; kuti zvimwe vangaona nemeso, nekunzwa nenzeve, nekunzwisisa nemoyo, zvino vatendeuke, ndigovaporesa.
Acts Shona 28:28  Naizvozvo ngazvizikanwe kwamuri, kuti ruponeso rwaMwari rwunotumirwa kuvahedheni, ivo vachanzwawo.
Acts Shona 28:29  Zvino wakati ataura zvinhu izvi, VaJudha vakaenda, vachiita nharo huru pakati pavo.
Acts Shona 28:30  Pauro akagara makore maviri agere muimba yake pachake yaairipira mari, uye akagamuchira vese vaipinda kwaari,
Acts Shona 28:31  achiparidza ushe hwaMwari, nekudzidzisa zviri maererano naIshe Jesu Kristu, neushingi hwese, pasina kudziviswa.