Toggle notes
Chapter 1
Matt | Shona | 1:2 | Abhurahama wakabereka Isaka; Isaka ndokubereka Jakobho; Jakobho ndokubereka Judha nevanakomana vababa vake; | |
Matt | Shona | 1:3 | Judha ndokubereka Faresi naZara kuna Tamari; Faresi ndokubereka Esiromi; Esiromi ndokubereka Arami; | |
Matt | Shona | 1:4 | Arami ndokubereka Aminadhabhi; Aminadhabhi ndokubereka Naashoni; Naashoni ndokubereka Sarimoni; | |
Matt | Shona | 1:5 | Sarimoni ndokubereka Bhowazi kuna Rahabhi; Bhowazi ndokubereka Obhedhi kuna Rute; Obhedhi ndokubereka Jese; | |
Matt | Shona | 1:6 | Jese ndokubereka Dhavhidhi mambo; Dhavhidhi mambo ndokubereka Soromoni kumukadziwaiva waUria; | |
Matt | Shona | 1:11 | Josiyasi ndokubereka Jekoniasi nevanakomana vamai vake nenguva yekutapirwa kuBhabhironi. | |
Matt | Shona | 1:12 | Zvino shure kwekutapirwa kuBhabhironi, Jekoniasi wakabereka Saratieri; Saratieri ndokubereka Zerubhabheri; | |
Matt | Shona | 1:13 | Zerubhabheri ndokubereka Abhiudhi; Abhiudhi ndokubereka Eriakimi; Eriakimi ndokubereka Azori; | |
Matt | Shona | 1:15 | Eriyudhi ndokubereka Eriazari; Eriazari ndokubereka Matani; Matani ndokubereka Jakobho; | |
Matt | Shona | 1:17 | Naizvozvo mazera ese kubva kuna Abhurahama kusvikira kuna Dhavhidhi mazera gumi nemana; nekubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapirwa kuBhabhironi mazera gumi nemana; nekubva pakutapirwa kuBhabhironi kusvikira kuna Kristu mazera gumi nemana. | |
Matt | Shona | 1:18 | Zvino kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kwakadai: Nokuti mai vake Maria vakati vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, vasati vasangana vakaonekwa vava nemimba kubva kuMweya Mutsvene. | |
Matt | Shona | 1:19 | Zvino Josefa murume wavo zvaakange ari wakarurama, asingadi kuvafumura, waida kuvaramba muchivande. | |
Matt | Shona | 1:20 | Asi zvino wakati acharangarira zvinhu izvozvi, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa kwaari muchiroto achiti: Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuzvitorera Maria mukadzi wako; nokuti icho chakaumbwa maari ndecheMweya Mutsvene. | |
Matt | Shona | 1:21 | Uye achabereka Mwanakomana, uye uchatumidza zita rake Jesu, nokuti iye achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo. | |
Matt | Shona | 1:22 | Zvino zvese izvozvi zvakaitwa kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe kubudikidza nemuporofita achiti: | |
Matt | Shona | 1:23 | Tarira, mhandara ichava nemimba, igobereka Mwanakomana, uye vachatumidza zita rake Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari anesu. | |
Matt | Shona | 1:24 | Zvino Josefa amuka pahope akaita sezvakaraira mutumwa waIshe kwaari, akazvitorera mukadzi wake; | |
Chapter 2
Matt | Shona | 2:1 | Zvino Jesu wakati aberekwa muBhetirehemu reJudhiya, pamazuva aHerodhe mambo, tarira, kwakauya vachenjeri vachibva kumabvazuva kuJerusarema, | |
Matt | Shona | 2:2 | vachiti: Uripi iye wakazvarwa Mambo weVaJudha? Nokuti taona nyeredzi yake kumabvazuva, tauya kuzomunamata. | |
Matt | Shona | 2:4 | Zvino wakati aunganidza vapristi vakuru vese nevanyori vevanhu, akabvunza kwavari kuti Kristu uchazvarirwa kupi. | |
Matt | Shona | 2:5 | Zvino vakati kwaari: MuBhetirehemu reJudhiya; nokuti zvakanyorwa saizvozvi nemuporofita zvichinzi: | |
Matt | Shona | 2:6 | Newe Bhetirehemu nyika yaJudha, hausi mudikisa kuvatongi vaJudha; nokuti kwauri kuchabuda mutungamiriri, achafudza vanhu vangu Israeri. | |
Matt | Shona | 2:7 | Zvino Herodhe, wakati adana vachenjeri muchivande, akabvunzisisa kwavari nguva yakaonekwa nyeredzi. | |
Matt | Shona | 2:8 | Akavatuma kuBhetirehemu, akati: Endai munobvunzisisa zvemucheche; kana mamuwana mundisume, kuti ini ndiuyewo ndimunamate. | |
Matt | Shona | 2:9 | Vakati vanzwa mambo, vakabva; zvino tarira, nyeredzi yavakaona kumabvazuva yakavatungamirira, kusvikira yasvika ikamira pamusoro pepakange pane mucheche. | |
Matt | Shona | 2:11 | Vakati vapinda mumba, vakaona mucheche naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata; zvino vakati vazarura fuma yavo, vakamupemberera nezvipo, goridhe, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, nemura*. | |
Matt | Shona | 2:12 | Vakati vanyeverwa naMwari muchiroto, kuti varege kudzokera kuna Herodhe, vakabva vakaenda kunyika yavo neimwe nzira. | |
Matt | Shona | 2:13 | Vakati vaenda, tarira, mutumwa waIshe anoonekwa kuna Josefa muchiroto, achiti: Muka utore mucheche namai vake, utizire kuEgipita, uveko kusvikira ndichikuudza; nokuti Herodhe achatsvaka mucheche kuti amuparadze. | |
Matt | Shona | 2:15 | uye wakavako kusvikira pakufa kwaHerodhe; kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe nemuporofita, achiti: Ndakadana mwanakomana wangu abude muEgipita. | |
Matt | Shona | 2:16 | Zvino Herodhe, wakati aona kuti anyengerwa nevachenjeri, akatsamwa zvikuru, akatuma, akauraya vana vese vaiva muBhetirehemu nemumigumo yaro yese, kubvira pamakore maviri neari pasi, zvichienderana nenguva yaakange abvunzisisa kuvachenjeri. | |
Matt | Shona | 2:18 | MuRama rakanzwika inzwi, kuungudza nekuchema nekurira kukuru, Rakeri achichema vana vake asingadi kunyaradzwa, nokuti havachipo. | |
Matt | Shona | 2:19 | Asi Herodhe wakati afa, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa muchiroto kuna Josefa muEgipita, | |
Matt | Shona | 2:20 | achiti: Muka, utore mucheche namai vake, uende kunyika yaIsraeri; nokuti vakafa avo vaitsvaka mweya wemucheche. | |
Matt | Shona | 2:22 | Asi wakati achinzwa kuti Arikerawo anotonga muJudhiya panzvimbo yababa vake Herodhe, akatya kuendako; asi wakati anyeverwa naMwari muchiroto, akabva akaenda kumativi eGarirea. | |
Chapter 3
Matt | Shona | 3:3 | Nokuti uyu ndiye wakarehwa nezvake naIsaya muporofita, achiti: Inzwi reanodanidzira murenje: Gadzirirai mugwagwa waIshe, ruramisai nzira dzake. | |
Matt | Shona | 3:4 | Uyuwo Johwani waiva nechipfeko chake chemakushe ekamera nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake; nekudya kwake kwaiva mhashu neuchi hwedondo. | |
Matt | Shona | 3:5 | Zvino kwakabudira kwaari Jerusarema neJudhiya rese nedunhu rese rakapoteredza Joridhani; | |
Matt | Shona | 3:7 | Asi wakati achiona vazhinji veVaFarisi neVaSadhusi vachiuya kurubhabhatidzo rwake akati kwavari: Zvizvarwa zvenyoka, ndiani wakakuratidzirai kuti mutize hasha dzinouya? | |
Matt | Shona | 3:9 | Uye musafunga kutaura mukati menyu muchiti: Tina Abhurahama anova baba; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari anokwanisa kubva pamabwe aya kumutsira Abhurahama vana. | |
Matt | Shona | 3:10 | Uye ikozvinowo sanhu ratoiswa pamudzi wemiti, naizvozvo muti umwe neumwe usingaiti chibereko chakanaka unotemwa ugokandirwa mumoto. | |
Matt | Shona | 3:11 | Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura mupinde mukutendeuka; asi uyo anouya shure kwangu ane simba kupfuura ini, wandisina kufanira kutakura shangu dzake; iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene nemoto. | |
Matt | Shona | 3:12 | Ane rusero rwuri muruoko rwake, uye achachenesa buriro rake kwazvo, ndokuunganidzira zviyo zvake mudura, asi hundi achaipisa nemoto usingadzimiki. | |
Matt | Shona | 3:13 | Ipapo Jesu wakabva Garirea akasvika paJoridhani kuna Johwani, kuti abhabhatidzwe naye. | |
Matt | Shona | 3:14 | Asi Johwani wakamurambidza achiti: Ini kunodikanwa kuti ndibhabhatidzwe nemwi, asi imwi mouya kwandiri? | |
Matt | Shona | 3:15 | Asi Jesu achipindura wakati kwaari: Tenda ikozvino, nokuti saizvozvo zvakatifanira kuti tizadzise kururama kwese. Ipapo akamutendera. | |
Matt | Shona | 3:16 | Asi Jesu, wakati abhabhatidzwa, akakwira pakarepo achibva mumvura; zvino tarira, matenga akamuzarukira, ndokuona Mweya waMwari achiburuka senjiva, achiuya pamusoro pake. | |
Chapter 4
Matt | Shona | 4:3 | Zvino muidzi wakati auya kwaari, akati: Kana uri Mwanakomana waMwari, raira kuti mabwe awa aite zvingwa. | |
Matt | Shona | 4:4 | Asi iye wakapindura akati: Kwakanyorwa kuchinzi: Munhu haangararami nechingwa chega, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari. | |
Matt | Shona | 4:6 | ndokuti kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikandire pasi; nokuti kwakanyorwa kuti: Iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, uye pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe. | |
Matt | Shona | 4:8 | Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refusa, akamuratidza ushe hwese hwenyika nekubwinya kwahwo. | |
Matt | Shona | 4:10 | Ipapo Jesu akati kwaari: Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchanamata Ishe Mwari wako, uchashumira iye oga. | |
Matt | Shona | 4:12 | Zvino Jesu wakati anzwa kuti Johwani wakumikidzwa mutirongo, akabva akaenda Garirea. | |
Matt | Shona | 4:13 | Zvino wakabva Nazareta, akauya akagara muKapenaume riri pagungwa, mumiganhu yeZebhuruni neNafitarimi; | |
Matt | Shona | 4:15 | Nyika yeZebhuruni nenyika yeNefitarimi, panzira yegungwa, mhiri kwaJoridhani, Garirea revahedheni; | |
Matt | Shona | 4:16 | vanhu vakange vagere murima vakaona chiedza chikuru; nevakange vagere panharaunda nemumumvuri werufu, chiedza chakabudira kwavari. | |
Matt | Shona | 4:17 | Kubvira panguva iyo Jesu wakatanga kuparidza nokuti: Tendeukai, nokuti ushe hwekumatenga hwaswedera. | |
Matt | Shona | 4:18 | Zvino Jesu wakati achifamba-famba parutivi rwegungwa reGarirea akaona vanakomana vemunhu umwe vaviri, Simoni anonzi Petro, naAndiriya munin'ina wake, vachikandira mumbure mugungwa; nokuti vakange vari varedzi. | |
Matt | Shona | 4:21 | Zvino wakati apfuurira kubva ipapo akaona vamwe vaviri vanakomana vemunhu umwe, Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake muchikepe pamwe naZebhedhi baba vavo, vachigadzira mimbure yavo, akavadana. | |
Matt | Shona | 4:23 | Jesu akapota neGarirea rese achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, achiporesa denda rega-rega neurwere hwega-hwega pavanhu. | |
Matt | Shona | 4:24 | Shoko rake rikabudira kuSiriya yese; vakauisa kwaari varwere vese, vakabatwa nehosha dzakasiyana-siyana, nemarwadzo, nevakange vane madhimoni, nevaiva nezvipusha, nevakange vakafa mitezo; akavaporesa. | |
Chapter 5
Matt | Shona | 5:1 | Zvino wakati achiona zvaunga akakwira mugomo, zvino wakati agara pasi vadzidzi vake vakauya kwaari; | |
Matt | Shona | 5:11 | Makaropafadzwa imwi, kana vachikutukai, vachikushushai, vachikutaurirai zvakaipa zvese vachireva nhema nekuda kwangu. | |
Matt | Shona | 5:12 | Farai mupembere kwazvo, nokuti mubairo wenyu mukuru mumatenga; nokuti vakashusha saizvozvo vaporofita vakakutangirai. | |
Matt | Shona | 5:13 | Imwi muri munyu wenyika; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei? Hauchabatsiri chinhu, asi kurasirwa kunze, utsikwe-tsikwe nevanhu. | |
Matt | Shona | 5:15 | uye mwenje havautungidzi vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, uvhenekere vese vari mumba. | |
Matt | Shona | 5:16 | Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kumatenga. | |
Matt | Shona | 5:17 | Musafunga kuti ndauya kuzoparadza murairo kana vaporofita; handina kuuya kuzoparadza, asi kuzozadzisa. | |
Matt | Shona | 5:18 | Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kusvikira denga nenyika zvichipfuura, vara diki rimwe kana chidodzi chimwe kubva pamurairo hazvingatongopfuuri, kusvikira zvese zvaitika. | |
Matt | Shona | 5:19 | Naizvozvo ani nani anotyora umwe wemirairo midikisa iyi, akadzidzisa vanhu saizvozvo, achanzi mudikisa muushe hwekumatenga; asi ani nani anoita akaidzidzisa, iye achanzi mukuru muushe hwekumatenga. | |
Matt | Shona | 5:20 | Nokuti ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti kururama kwenyu kukapfuura kwevanyori nekweVaFarisi, hamungatongopindi muushe hwekumatenga. | |
Matt | Shona | 5:21 | Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usauraya; uye ani nani anouraya achava nemhosva yemutongo; | |
Matt | Shona | 5:22 | asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anotsamwira umwe wake pasina chikonzero, achava nemhosva yemutongo; neanoti kune umwe wake: Dununu! achava nemhosva yedare remakurukota; uye anoti: Benzi! achava nemhosva yegehena remoto. | |
Matt | Shona | 5:23 | Naizvozvo kana uchiuisa chipo chako kuaritari, ipapo ukarangarira kuti umwe wako ane chekupikisana newe, | |
Matt | Shona | 5:24 | siya ipapo chipo chako pamberi pearitari, uende umbonotanga wayanana neumwe wako, ugouya wopira chipo chako. | |
Matt | Shona | 5:25 | Tenderana nemudzivisi wako nekukurumidza, uchiri munzira naye, zvimwe mudzivisi angakukumikidza kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, ukakandirwa mutirongo. | |
Matt | Shona | 5:26 | Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kamari kekupedzisira. | |
Matt | Shona | 5:28 | asi ini ndinoti kwamuri: Wese anotarisa mukadzi kuti amuchive, watoita upombwe naye mumoyo make. | |
Matt | Shona | 5:29 | Uye kana ziso rako rerudyi richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; nokuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wese ukandirwe mugehena. | |
Matt | Shona | 5:30 | Zvino kana ruoko rwako rwerudyi ruchikugumbusa, urugure urasire kure newe; nokuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wese ukandirwe mugehena. | |
Matt | Shona | 5:32 | asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anoramba mukadzi wake, kunze kwemhosva yeupombwe, anomuitisa upombwe; uye ani nani anowana wakarambwa anoita upombwe. | |
Matt | Shona | 5:33 | Zvekare makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usapika nhema, asi uripire Ishe mhiko dzako; | |
Matt | Shona | 5:34 | asi ini ndinoti kwamuri: Musatongopika; kana nedenga, nokuti chigaro chaMwari cheushe; | |
Matt | Shona | 5:35 | kana nenyika, nokuti chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema, nokuti iguta raMambo mukuru; | |
Matt | Shona | 5:37 | Asi shoko renyu ngarive: Hongu, hongu; kwete, kwete; chinopfuura izvi chinobva kune wakaipa. | |
Matt | Shona | 5:39 | asi ini ndinoti kwamuri: Musapikisa wakaipa; asi ani nani anokurova padama rako rerudyi, umutendeusire rimwewo. | |
Matt | Shona | 5:44 | Asi ini ndinoti kwamuri: Idai vavengi venyu, ropafadzai vanokutukai, batai zvakanaka vanokuvengai, munyengeterere vanokubatai zvakaipa vachikushushai. | |
Matt | Shona | 5:45 | Kuti muve vana vaBaba venyu vari kumatenga, nokuti vanobudisira zuva ravo kune vakaipa nevakanaka, nemvura vanoinaisira vakarurama nevasakarurama. | |
Matt | Shona | 5:46 | Nokuti kana muchida vanokudai, mune mubairo wei? Ko, vateresiwo havaiti izvozvo here? | |
Matt | Shona | 5:47 | Uye kana muchikwazisa vamwe venyu chete, munoita zvikuru kupfuura vamwe nei? Ko, vateresiwo havaiti saizvozvo here? | |
Chapter 6
Matt | Shona | 6:1 | Chenjerai kuti basa renyu rerudo musariita pamberi pevanhu kuti muonekwe navo; kana zvisakadaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kumatenga. | |
Matt | Shona | 6:2 | Naizvozvo kana uchiita basa rerudo, rega kuridza hwamanda pamberi pako sezvinoita vanyepedzeri mumasinagoge nemunzira dzemumaguta kuti vakudzwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo. | |
Matt | Shona | 6:3 | Asi iwe kana uchiita basa rerudo, ruboshwe rwako ngarurege kuziva zvinoita rudyi rwako. | |
Matt | Shona | 6:4 | Kuti kuita kwako basa rerudo kuve pakavanda; uye Baba vako vanoona pakavanda, ivo vachakuripira pachena. | |
Matt | Shona | 6:5 | Zvino kana uchinyengetera, usava sevanyepedzeri; nokuti vanoda kunyengetera vamire mumasinagoge nepamharadzano dzenzira dzemumaguta kuti vaonekwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo. | |
Matt | Shona | 6:6 | Asi iwe kana uchinyengetera, pinda muimba yako yemukati, ugovhara mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena. | |
Matt | Shona | 6:7 | Asi kana muchinyengetera, musapamhidzira-pamhidzira zvisina maturo sevahedheni; nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nekutaura kwavo kuzhinji. | |
Matt | Shona | 6:8 | Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva chamunoshaiwa musati mavakumbira. | |
Matt | Shona | 6:9 | Naizvozvo imwi nyengeterai seizvi: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene; | |
Matt | Shona | 6:13 | uye musatipinza pakuedzwa, asi mutisunungure pakuipa. Nokuti ushe ndehwenyu nesimba nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni. | |
Matt | Shona | 6:14 | Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraiwo. | |
Matt | Shona | 6:15 | Asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakanganwiriwo kudarika kwenyu. | |
Matt | Shona | 6:16 | Uyezve kana muchitsanya, musava nezviso zvinopunyaira sevanyepedzeri; nokuti vanounyanisa zviso zvavo, kuti vaonekwe nevanhu kuti vanotsanya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo. | |
Matt | Shona | 6:18 | kuti urege kuonekwa kuvanhu kuti unotsanya, asi kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena. | |
Matt | Shona | 6:19 | Regai kuzviunganidzira fuma panyika, pane chifusi nengura zvinoodza, nepane mbavha dzinopaza dzichiba; | |
Matt | Shona | 6:20 | asi muzviunganidzire fuma kudenga, uko kusina chifusi kana ngura zvinoodza, naapo mbavha padzisingapazi kana kuba. | |
Matt | Shona | 6:22 | Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wako wese uchazara nechiedza. | |
Matt | Shona | 6:23 | Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wese uchazara nerima. Naizvozvo kana chiedza chiri mauri chiri rima, rima iro iguru sei! | |
Matt | Shona | 6:24 | Hapana angashumira vatenzi vaviri; nokuti achavenga umwe, akada umwe; kana achanamatira umwe, akazvidza umwe. Hamungashumiri Mwari naMamona*. | |
Matt | Shona | 6:25 | Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, zvamuchadya kana zvamuchanwa, kana pamusoro pemuviri wenyu, zvamuchapfeka. Upenyu hahupfuuri kudya here, nemuviri chipfeko? | |
Matt | Shona | 6:26 | Tarirai shiri dzedenga, nokuti hadzidzvari kana kukohwa kana kuunganidza mumatura, asi Baba venyu vekudenga vanodzirurira. Imwi hamudzipfuuri zvikuru here? | |
Matt | Shona | 6:28 | Nepamusoro pezvipfeko munofunganyirei? Nyatsorangarirai midovatova yenyika, inokura sei; haishingairi, hairuki; | |
Matt | Shona | 6:29 | asi ndinoti kwamuri: Kunyange Soromoni pakubwinya kwake kwese haana kupfekedzwa seimwe yeiyi. | |
Matt | Shona | 6:30 | Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo uswa hwenyika, huripo nhasi, hunokandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nekupfuurisa here imwi verutendo rudiki? | |
Matt | Shona | 6:32 | Nokuti izvozvi zvese vahedheni vanozvitsvaka, nokuti Baba venyu vekudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvese. | |
Matt | Shona | 6:33 | Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nekururama kwake, zvino izvozvi zvese zvichawedzerwa kwamuri. | |
Chapter 7
Matt | Shona | 7:2 | nokuti muchatongwa nekutonga kwamunotonga nako; uye muchayerwa zvekare nechiyero chamunoyera nacho. | |
Matt | Shona | 7:3 | Unotarisirei rubanzu rwuri muziso reumwe wako, asi usingananzereri danda riri muziso rako? | |
Matt | Shona | 7:4 | Kana ungataura sei kune umwe wako uchiti: Rega ndivhomore rubanzu muziso rako, asi tarira, danda riri muziso rako? | |
Matt | Shona | 7:5 | Munyepedzeri, tanga kuvhomora danda muziso rako, ugoona kwazvo kuvhomora rubanzu muziso reumwe wako. | |
Matt | Shona | 7:6 | Musapa chitsvene kuimbwa, kana kukandira maparera* enyu pamberi penguruve, zvimwe dzingaatsika netsoka dzadzo, dzikatendeuka dzikakubvamburai. | |
Matt | Shona | 7:8 | Nokuti umwe neumwe anokumbira anogamuchira, neanotsvaka anowana, neanogogodza anozarurirwa. | |
Matt | Shona | 7:9 | Kana ndeupi munhu kwamuri, iye kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, achamupa ibwe? | |
Matt | Shona | 7:11 | Zvino kana imwi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kumatenga vachapfuurisa sei kupa zvinhu zvakanaka ivo vanovakumbira? | |
Matt | Shona | 7:12 | Naizvozvo zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, imwi muvaitirewo saizvozvo; nokuti uyu ndiwo murairo nevaporofita. | |
Matt | Shona | 7:13 | Pindai nesuwo rakamanikana; nokuti suwo rakafara nenzira yakapamhamha inoenda kukuparadzwa, uye vazhinji varipo vanopinda naro. | |
Matt | Shona | 7:15 | Asi chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri nezvipfeko zvemakwai, asi mukati mapumhi anoparadza. | |
Matt | Shona | 7:16 | Muchavaziva nezvibereko zvavo; vanhu vanotanha mazambiringa paminzwa here, kana maonde parubayambeva? | |
Matt | Shona | 7:17 | Saizvozvo muti umwe neumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa. | |
Matt | Shona | 7:18 | Muti wakanaka haugoni kubereka zvibereko zvakaipa, nemuti wakaipa haubereki zvibereko zvakanaka. | |
Matt | Shona | 7:21 | Haasi wese anoti kwandiri: Ishe, Ishe, achapinda muushe hwekumatenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga. | |
Matt | Shona | 7:22 | Vazhinji vachati kwandiri pazuva iro: Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here, tikabudisa madhimoni muzita renyu, tikaita mabasa esimba mazhinji muzita renyu? | |
Matt | Shona | 7:23 | Zvino ipapo ndichareva kwavari pachena ndichiti: Handina kukuzivai chero nguva; ibvai kwandiri imwi vaiti vezvakaipa. | |
Matt | Shona | 7:24 | Naizvozvo umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa uye akaaita, ndichamufananidza nemurume wakachenjera, wakavaka imba yake paruware. | |
Matt | Shona | 7:25 | Zvino mvura ikaturuka, mafashame akauya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova paimba iyo, ikasawa; nokuti yakange yakateyiwa paruware. | |
Matt | Shona | 7:26 | Zvino umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, uchafananidzwa nemurume benzi, wakavaka imba yake pajecha; | |
Matt | Shona | 7:27 | zvino mvura ikaturuka, mafashame ndokuuya, mitutu ndokuvhuvhuta, ndokurova paimba iyo, ndokuwa; uye kuwa kwayo kukava kukuru. | |
Matt | Shona | 7:28 | Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mashoko iwawa, zvaunga zvakashamiswa nedzidziso yake. | |
Chapter 8
Matt | Shona | 8:2 | Zvino tarira, kwakauya ane maperembudzi, akamunamata achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa. | |
Matt | Shona | 8:3 | Jesu akatandavadza ruoko, akamubata, achiti: Ndinoda, natswa. Pakarepo maperembudzi ake akanatswa. | |
Matt | Shona | 8:4 | Zvino Jesu akati kwaari: Ona kuti usaudza munhu, asi enda unozviratidza kumupristi, ubaire chipo Mozisi chaakaraira, chive uchapupu kwavari. | |
Matt | Shona | 8:5 | Zvino Jesu wakati apinda muKapenaume, kwakauya kwaari mukuru wezana, achimukumbirisa, | |
Matt | Shona | 8:8 | Mukuru wezana akapindura akati: Ishe, handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga rangu remba; asi taurai shoko chete, zvino muranda wangu achaporeswa. | |
Matt | Shona | 8:9 | Nokuti neniwo ndiri munhu ari pasi pesimba, ndine mauto pasi pangu; zvino ndinoti kune uyu: Enda; anoenda; nekune umwe: Uya; anouya; nekumuranda wangu: Ita ichi; anoita. | |
Matt | Shona | 8:10 | Jesu wakati achizvinzwa akashamisika, akati kune vaimutevera: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handina kuwana rutendo rukuru rwakadai kunyange pakati paIsraeri. | |
Matt | Shona | 8:11 | Zvino ndinoti kwamuri: Vazhinji vachauya vachibva kumabvazuva nemavirira, vachagara pakudya naAbhurahama, naIsaka, naJakobho, muushe hwekumatenga; | |
Matt | Shona | 8:12 | asi vana veushe vachakandirwa kunze kurima rekunze kwekupedzisira; ikoko kuchava nekuchema nekugeda-geda kwemeno. | |
Matt | Shona | 8:13 | Zvino Jesu akati kumukuru wezana: Enda, zviitirwe kwauri sezvawakatenda. Muranda wake akapora nenguva iyoyo. | |
Matt | Shona | 8:14 | Jesu wakati apinda mumba maPetro, akaona mai vemukadzi wake vakaradzikwa vane fivhiri. | |
Matt | Shona | 8:16 | Zvino ava madekwani vakauisa kwaari vazhinji vaiva vakagarwa nemadhimoni; akabudisa mweya neshoko, akaporesa vese vairwara; | |
Matt | Shona | 8:17 | kuti zvizadziswe zvakataurwa naIsaya muporofita achiti: Iye wakatora utera hwedu, akatakura matenda edu. | |
Matt | Shona | 8:19 | Umwe munyori ndokuswedera akati kwaari: Mudzidzisi, ndichakuteverai kwese kwamunoenda. | |
Matt | Shona | 8:20 | Zvino Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paangatsamhidza musoro. | |
Matt | Shona | 8:21 | Umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, ndiregei nditange ndaenda ndinoviga baba vangu. | |
Matt | Shona | 8:24 | Zvino tarira, dutu guru remhepo rakamuka mugungwa, zvekuti igwa rakange rofukidzwa nemafungu; asi iye wakange arere. | |
Matt | Shona | 8:26 | Zvino akati kwavari: Munotyirei, imwi verutendo rudiki? Ndokusimuka, akatsiura mitutu negungwa; kudzikama kukuru kukavapo. | |
Matt | Shona | 8:27 | Asi vanhu vakashamisika vachiti: Uyu munhu rudzii kuti kunyange mitutu negungwa zvinomuteerera? | |
Matt | Shona | 8:28 | Wakati asvika kune rimwe divi kunyika yeVaGerigesi, vakamuchingamidza vaviri vaiva vakagarwa nemadhimoni, vachibuda kumarinda, vane hasha kwazvo-kwazvo, zvekuti kwakange kusina munhu waigona kupfuura nenzira iyo. | |
Matt | Shona | 8:29 | Zvino tarira, vakadanidzira vachiti: Tinei nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari? Mauya pano kuzotirwadzisa nguva isati yasvika here? | |
Matt | Shona | 8:31 | Madhimoni akamugombetedza achiti: Kana muchitibudisa, titenderei kuti tiende tinopinda muboka renguruve. | |
Matt | Shona | 8:32 | Zvino akati kwaari: Endai. Zvino akati abuda, akapinda muboka renguruve; zvino tarira, boka rese renguruve rakapitirikira kumateru kugungwa, dzikafira mumvura. | |
Matt | Shona | 8:33 | Zvino vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakapira zvese uye zvevakange vane madhimoni. | |
Chapter 9
Matt | Shona | 9:2 | Zvino tarira, vakauisa kwaari wakafa mitezo, arere pahwanyanza; zvino Jesu achiona rutendo rwavo akati kune wakafa mitezo: Tsunga moyo, mwana, wakanganwirwa zvivi zvako. | |
Matt | Shona | 9:6 | Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekukanganwira zvivi (wakabva ati kune wakange akafa mitezo): Simuka, tora hwanyanza hwako, uende kumba kwako. | |
Matt | Shona | 9:8 | Zvaunga zvakati zvichizviona zvikashamisika, zvikarumbidza Mwari wakapa simba rakadai kuvanhu. | |
Matt | Shona | 9:9 | Zvino Jesu wakati achipfuurapo akaona munhu anonzi Matewu agere pahofisi yemutero, akati kwaari: Nditevere! Ndokusimuka, akamutevera. | |
Matt | Shona | 9:10 | Uye zvakaitika agere pakudya mumba, zvino tarira, vateresi vazhinji nevatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu nevadzidzi vake. | |
Matt | Shona | 9:11 | Zvino VaFarisi vakati vachizviona, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei Mudzidzisi wenyu achidya nevateresi nevatadzi? | |
Matt | Shona | 9:13 | Asi endai mudzidze kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi uye kwete chibairo; nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi vauye mukutendeuka. | |
Matt | Shona | 9:14 | Ipapo kwakasvika kwaari vadzidzi vaJohwani, vachiti: Nemhaka yei isu neVaFarisi tichitsanya kazhinji, asi vadzidzi venyu vasingatsanyi? | |
Matt | Shona | 9:15 | Jesu ndokuti kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kuchema here apo muwani anavo? Asi mazuva achasvika pachabviswa muwani kwavari, ipapo vachatsanya. | |
Matt | Shona | 9:16 | Hakuna anoisa chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu, nokuti icho chinonamirwa pairi chinobvarura panguvo, buri rikanyanya. | |
Matt | Shona | 9:17 | Uye havadiri waini itsva muhombodo tsaru; zvikasadaro hombodo dzinoputika, waini ikateuka, nehombodo dzikaparara; asi vanodira waini itsva muhombodo itsva, zvichengeteke zviri zviviri. | |
Matt | Shona | 9:18 | Wakati achitaura zvinhu izvozvi kwavari, tarira, kwakasvika umwe mutungamiriri akamunamata, akati: Mukunda wangu achangofa; asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, uye achararama. | |
Matt | Shona | 9:20 | Zvino, tarira, mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri, wakaswedera shure kwake, akabata mupendero wenguvo yake. | |
Matt | Shona | 9:22 | Asi Jesu wakatendeuka akati amuona, akati: Mukunda, tsunga moyo; rutendo rwako rwakuponesa. Mukadzi ndokuponeswa kubva panguva iyo. | |
Matt | Shona | 9:23 | Jesu ndokusvika mumba memutungamiriri akaona varidzi venyere nechaunga chichiita mhere-mhere, | |
Matt | Shona | 9:24 | akati kwavari: Ibvai; nokuti musikana haana kufa, asi arere. Ndokumuseka vachimusvavaidza. | |
Matt | Shona | 9:25 | Asi chaunga chakati chabudiswa, akapinda, ndokubata ruoko rwake, musikana ndokumuka. | |
Matt | Shona | 9:27 | Zvino Jesu wakati opfuurapo, mapofu maviri akamutevera, achidanidzira achiti: Tinzwirei tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi! | |
Matt | Shona | 9:28 | Zvino wakati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvi here? Akati kwaari: Hongu, Ishe. | |
Matt | Shona | 9:32 | Zvino vakati vachibuda, tarira, vakauisa kwaari munhu chimumumu waiva akagarwa nedhimoni. | |
Matt | Shona | 9:33 | Zvino dhimoni rakati rabudiswa, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika zvikati: Hakuna kumboonekwa zvakadai muna Israeri. | |
Matt | Shona | 9:35 | Zvino Jesu wakapota nemaguta ese nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, nekuporesa denda rese neurwere hwese pakati pevanhu. | |
Matt | Shona | 9:36 | Asi wakati achiona zvaunga, akavanzwira tsitsi, nokuti vakange vaneta, vakapararira semakwai asina mufudzi. | |
Chapter 10
Matt | Shona | 10:1 | Zvino wakadanira kwaari vadzidzi vake gumi nevaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina, kuti vaibudise nekuporesa denda rese neurwere hwese. | |
Matt | Shona | 10:2 | Zvino mazita evaapositori gumi nevaviri ndiwawa: Wekutanga, Simoni, anonzi Petro, naAndiriya munin'ina wake; Jakobho waZebhedhi, naJohwani munin'ina wake; | |
Matt | Shona | 10:3 | Firipi, naBhatoromeo; Tomasi, naMatewu muteresi; Jakobho waArifiyo, naRebheu wainziwo Tadhiyo; | |
Matt | Shona | 10:5 | Ava gumi nevaviri Jesu akavatuma, akavaraira, achiti: Musaenda munzira yevahedheni, musapinda muguta reVaSamaria; | |
Matt | Shona | 10:8 | Poresai vanorwara, natsai vane maperembudzi, mutsai vakafa, budisai madhimoni. Makagamuchira pachena, ipai pachena. | |
Matt | Shona | 10:10 | kana homwe yerwendo, kana nguvo refu mbiri, kana manyatera, kana tsvimbo; nokuti mushandi wakafanira kudya kwake. | |
Matt | Shona | 10:11 | Muguta ripi neripi kana mumusha wamunopinda, bvunzai kuti ndiani mauri wakafanira, mugarepo, kusvikira muchibva. | |
Matt | Shona | 10:13 | Uye kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruuye pamusoro payo; asi kana isingafaniri, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. | |
Matt | Shona | 10:14 | Uye ani nani usingakugamuchiriyi, kana kuteerera mashoko enyu, kana muchibuda paimba iyo kana paguta iro, zuzai guruva retsoka dzenyu. | |
Matt | Shona | 10:15 | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvichava nani kunyika yeSodhoma neyeGomora nezuva rekutongwa kupfuura guta iro. | |
Matt | Shona | 10:16 | Tarirai, ini ndinokutumai semakwai pakati pemapumhi; naizvozvo chenjerai senyoka, mururame senjiva. | |
Matt | Shona | 10:17 | Asi svinurirai vanhu; nokuti vachakukumikidzai kumatare emakurukota, uye vachakurovai netyava mumasinagoge avo; | |
Matt | Shona | 10:18 | zvino muchauiswawo pamberi pevatungamiriri nemadzimambo nekuda kwangu, huve uchapupu kwavari nekuvahedheni. | |
Matt | Shona | 10:19 | Asi kana vachikukumikidzai, musafunganya kuti muchataura sei kana chii; nokuti muchapiwa nenguva iyo chamuchataura. | |
Matt | Shona | 10:21 | Mwanakomana wamai achakumikidza mwanakomana wamai kurufu, nababa mwana; uye vana vachamukira vabereki nekuvauraya. | |
Matt | Shona | 10:22 | Uye muchavengwa nevese nekuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvika pakuguma, ndiye achaponeswa. | |
Matt | Shona | 10:23 | Asi kana vachikushushai muguta iri, tizirai kune rimwe; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamungatongopedzi maguta aIsraeri, kusvikira Mwanakomana wemunhu asvika. | |
Matt | Shona | 10:25 | Zvakaringanira mudzidzi kuti ave semudzidzisi wake, nemuranda saishe wake. Kana vaidza Ishe weimba kuti Bheerizebhuri, vachadaro zvikuru sei veimba yake! | |
Matt | Shona | 10:26 | Naizvozvo musavatya; nokuti hakuna chakafukidzwa chisingazobvundunurwi, kana chakavanzika chisingazozikanwi. | |
Matt | Shona | 10:27 | Zvandinokuudzai murima, taurai pachiedza, nezvamunonzwa munzeve, paridzirai pamusoro pematenga edzimba. | |
Matt | Shona | 10:28 | Uye musatya vanouraya muviri, asi havagoni kuuraya mweya; asi mutye zvikuru uyo anogona kuparadza zvese mweya nemuviri mugehena. | |
Matt | Shona | 10:29 | Ko tushiri tuviri hatutengeswi nekobiri here? Asi kamwe kadzo hakangawiri pasi kunze kwekuda kwaBaba venyu. | |
Matt | Shona | 10:32 | Naizvozvo umwe neumwe achandibvuma pamberi pevanhu, ini ndichamubvumawo pamberi paBaba vangu vari kumatenga. | |
Matt | Shona | 10:33 | Asi ani nani anondiramba pamberi pevanhu, neni ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kumatenga. | |
Matt | Shona | 10:34 | Musafunga kuti ndakauya kuzoisa rugare panyika; handina kuuya kuzoisa rugare, asi munondo. | |
Matt | Shona | 10:35 | Nokuti ndakauya kuzopesanisa munhu nababa vake, nemukunda namai vake, nemuroora navamwene vake; | |
Matt | Shona | 10:37 | Anoda baba kana mai kupfuura ini haana kufanira ini; neanoda mwanakomana kana mukunda kupfuura ini haana kufanira ini; | |
Matt | Shona | 10:39 | Anowana mweya wake acharasikirwa nawo; asi anorasikirwa nemweya wake nekuda kwangu achauwana. | |
Matt | Shona | 10:40 | Uyo anogamuchira imwi anogamuchira ini; neanogamuchira ini anogamuchira iye wakandituma. | |
Matt | Shona | 10:41 | Anogamuchira muporofita muzita remuporofita achawana mubairo wemuporofita; neanogamuchira wakarurama muzita rewakarurama achawana mubairo wewakarurama. | |
Chapter 11
Matt | Shona | 11:1 | Zvino zvakaitika apo Jesu apedza kuraira vadzidzi vake gumi nevaviri, akabvira ipapo kudzidzisa nekuparidza pamaguta avo. | |
Matt | Shona | 11:2 | Zvino Johwani wakati anzwa ari mutirongo mabasa aKristu, akatuma vaviri vevadzidzi vake, | |
Matt | Shona | 11:4 | Jesu akapindura akati kwavari: Endai munoudza Johwani zvinhu zvamunonzwa nezvamunoona: | |
Matt | Shona | 11:5 | Mapofu anoonazve, uye mhetamakumbo dzinofamba, vane maperembudzi vanonatswa, nevematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, nevarombo vanoparidzirwa evhangeri; | |
Matt | Shona | 11:7 | Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza zvaunga pamusoro paJohwani akati: Makange mabuda kurenje kunoonei? Rutsanga rwunozungunuswa nemhepo here? | |
Matt | Shona | 11:8 | Asi makange mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vanopfeka zvakapfava vari mudzimba dzemadzimambo. | |
Matt | Shona | 11:9 | Asi makange mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange anopfuura kwazvo muporofita; | |
Matt | Shona | 11:10 | nokuti uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako. | |
Matt | Shona | 11:11 | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna kumuka pakati pevakaberekwa nevakadzi mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi. Asi mudikisa muushe hwekumatenga mukuru kwaari. | |
Matt | Shona | 11:12 | Uye kubva pamazuva aJohwani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwekumatenga hunopambiwa, nevapambi vanohutora nesimba. | |
Matt | Shona | 11:16 | Asi ndicharifananidza nei zera iri? Rakafanana nevana vagere pamisika, vachidanidzira kushamwari dzavo, | |
Matt | Shona | 11:17 | vachiti: Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba; takakuririrai, asi hamuna kuchema. | |
Matt | Shona | 11:19 | Mwanakomana wemunhu wakauya achidya, achinwa, zvino vanoti: Tarirai munhu anokara uye munwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi. Asi njere dzinonzi dzakarurama nevana vadzo. | |
Matt | Shona | 11:20 | Ipapo akatanga kutsiura maguta makange maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendeuka, akati: | |
Matt | Shona | 11:21 | Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nokuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga nedota. | |
Matt | Shona | 11:22 | Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuTire neSidhoni nezuva rekutongwa kupfuura imwi. | |
Matt | Shona | 11:23 | Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi muhadhesi; nokuti dai akaitwa muSodhoma mabasa esimba akaitwa mauri, vangadai vachipo kusvikira zuva rino. | |
Matt | Shona | 11:24 | Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kunyika yeSodhoma nezuva rekutongwa kupfuura iwe. | |
Matt | Shona | 11:25 | Nenguva iyo Jesu akapindura akati: Ndinokutendai, Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara, mukazvizarurira vacheche. | |
Matt | Shona | 11:27 | Zvinhu zvese zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba; hakunazve anoziva Baba kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanenge achida kuzarurira. | |
Matt | Shona | 11:29 | Torai joko rangu muise pamusoro penyu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro, ndakaderera mumoyo; uye muchawana zororo pamweya yenyu; | |
Chapter 12
Matt | Shona | 12:1 | Nenguva iyo Jesu wakagura nemumunda wezviyo nesabata; zvino vadzidzi vake vakange vane nzara, vakatanga kutanha hura ndokudya. | |
Matt | Shona | 12:2 | Asi VaFarisi vakati vachiona vakati kwaari: Tarira, vadzidzi vako vanoita zvisingatenderwi kuitwa nesabata. | |
Matt | Shona | 12:3 | Asi wakati kwavari: Hamuna kuverenga here Dhavhidhi zvaakaita paakange ava nenzara, iye nevakange vanaye; | |
Matt | Shona | 12:4 | kuti wakapinda sei mumba maMwari, akadya zvingwa zvekuratidza, zvaakange asingatenderwi kuzvidya iye kunyange nevaiva naye, kunze kwevapristi chete? | |
Matt | Shona | 12:5 | Kana hamuna kuverenga here pamurairo, kuti nemasabata vapristi vanosvibisa masabata mutembere asi vasina chavangapomerwa? | |
Matt | Shona | 12:7 | Asi dai maiziva kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi kwete chibairo, mungadai musina kupa mhosva vasina mhosva. | |
Matt | Shona | 12:10 | Zvino tarira, kwakange kune munhu akange ane ruoko rwakawonyana. Vakamubvunza vachiti: Zvakatenderwa kuporesa nemasabata here? kuti vamupe mhosva. | |
Matt | Shona | 12:11 | Asi wakati kwavari: Ndeupi munhu pakati penyu achava negwai rimwe, iro kana rikawira mugomba nemasabata, angarega kuribata akasimudza? | |
Matt | Shona | 12:12 | Naizvozvo munhu anopfuura gwai zvikuru sei! Naizvozvo zvakatenderwa kuita zvakanaka nemasabata. | |
Matt | Shona | 12:13 | Zvino akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako. Akarutandavadza, rwukaporeswa rwukagwinya serumwe. | |
Matt | Shona | 12:18 | Tarira muranda wangu wandakasanangura, mudikanwi wangu, mweya wangu maunofara maari kwazvo. Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, uye achazivisa vahedheni kutonga. | |
Matt | Shona | 12:20 | Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, netambo yemwenje inopfungaira haangadzimi; kusvikira achituma kutonga mukukunda. | |
Matt | Shona | 12:22 | Zvino kwakauyiswa kwaari wakagarwa nedhimoni, bofu uye mbeveve; akamuporesa, zvekuti bofu mbeveve rakati kutaura rikati kuona. | |
Matt | Shona | 12:24 | Asi VaFarisi vakati vachinzwa vakati: Uyu haabudisi madhimoni, kunze naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni. | |
Matt | Shona | 12:25 | Zvino Jesu wakaziva ndangariro dzavo, akati kwavari: Ushe humwe nehumwe hwakapesana huchizvipikisa hunoparadzwa, neguta rimwe nerimwe kana imba yakapesana ichizvipikisa haingamiri. | |
Matt | Shona | 12:26 | Uye kana Satani achibudisa Satani, anopesana achizvipikisa; zvino ushe hwake huchamira sei? | |
Matt | Shona | 12:27 | Uye kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanoabudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu. | |
Matt | Shona | 12:28 | Asi kana ini ndichibudisa madhimoni neMweya waMwari, saka ushe hwaMwari hwasvika kwamuri. | |
Matt | Shona | 12:29 | Kana munhu angapinda sei mumba mechikakarara akapamba nhumbi dzacho kunze kwekuti atanga kusunga chikakarara? Ipapo achapamba imba yake. | |
Matt | Shona | 12:31 | Naizvozvo ndinoti kwamuri: Vanhu vachakanganwirwa chivi chese nekunyomba, asi kunyomba Mweya hakungakanganwirwi vanhu. | |
Matt | Shona | 12:32 | Uye ani nani anotaura shoko rinopikisa Mwanakomana wemunhu achakanganwirwa; asi ani nani anotaura achipikisa Mweya Mutsvene haangakanganwirwi, kana panguva ino kana kune inouya. | |
Matt | Shona | 12:33 | Kana itai muti uve wakanaka nechibereko chawo chakanaka, kana itai muti uve wakaipa nechibereko chawo chakaipa, nokuti muti unozikanwa nechibereko. | |
Matt | Shona | 12:34 | Vana venyoka, mungagona sei kutaura zvinhu zvakanaka makaipa? Nokuti muromo unotaura kubva pazvizere mumoyo. | |
Matt | Shona | 12:35 | Munhu wakanaka anobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yakanaka yemoyo; nemunhu wakaipa anobudisa zvinhu zvakaipa pafuma yakaipa. | |
Matt | Shona | 12:36 | Asi ndinoti kwamuri: Shoko rimwe nerimwe risina maturo vanhu ravanoreva, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rekutongwa. | |
Matt | Shona | 12:38 | Zvino vamwe vevanyori neveVaFarisi vakapindura vakati: Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kubva kwamuri. | |
Matt | Shona | 12:39 | Asi wakapindura akati kwavari: Zera rakaipa rinofeva rinotsvaka chiratidzo; asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita. | |
Matt | Shona | 12:40 | Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu neusiku utatu, saizvozvo Mwanakomana wemunhu achava mumoyo wenyika mazuva matatu neusiku utatu. | |
Matt | Shona | 12:41 | Varume veNinivhi vachasimuka mukutongwa nezera iri, vacharipa mhosva; nokuti vakatendeuka nemharidzo yaJona; zvino tarirai, mukuru kuna Jona ari pano. | |
Matt | Shona | 12:42 | Mambokadzi wechamhembe achasimuka mukutongwa nezera iri, agoripa mhosva; nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni; zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano. | |
Matt | Shona | 12:43 | Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu, unofamba uchigura nzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo, asi uchishaiwa. | |
Matt | Shona | 12:44 | Zvino unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda; uye uchisvika unoiwana isina chinhu, yakatsvairwa yakarongedzwa. | |
Matt | Shona | 12:45 | Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye mimwe mweya minomwe yakaipa kumupfuura pachake, ndokupinda ikagaramo; kugumawo kwemunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga. Zvichava saizvozvowo kuzera iri rakaipa. | |
Matt | Shona | 12:46 | Wakati achataura nezvaunga, tarira, mai nevanin'ina vake vakamira panze, vachitsvaka kutaura naye. | |
Matt | Shona | 12:47 | Umwe ndokuti kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vamire panze, vachitsvaka kutaura nemwi. | |
Matt | Shona | 12:48 | Asi wakapindura akati kuna iye wakamuudza: Mai vangu ndiani? Nevanin'ina vangu ndivana ani? | |
Matt | Shona | 12:49 | Zvino wakatandavadzira ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati: Tarirai, mai vangu nevanin'ina vangu. | |
Chapter 13
Matt | Shona | 13:2 | Uye zvaunga zvikuru zvakaungana kwaari, kusvikira apinda muchikepe akagara pasi; nechaunga chese chakamira pamahombekombe. | |
Matt | Shona | 13:3 | Ndokutaura zvinhu zvizhinji kwavari nemifananidzo, achiti: Tarirai, mukushi wakabuda kunokusha. | |
Matt | Shona | 13:4 | Zvino pakukusha kwake, imwe mbeu yakawira kurutivi rwenzira; shiri dzikasvika dzikaidya. | |
Matt | Shona | 13:5 | Imwe ikawira panzvimbo dzine mabwe, payakange isina ivhu zhinji; ikamera pakarepo, nokuti pakange pasina udziku hwevhu. | |
Matt | Shona | 13:8 | Asi imwe yakawira muvhu rakanaka, ikabereka chibereko, imwe zana, neimwe makumi matanhatu, neimwe makumi matatu. | |
Matt | Shona | 13:11 | Akapindura akati kwavari: Nokuti kwakapiwa kwamuri kuziva zvakavanzika zveushe hwekumatenga, asi kwavari hakuna kupiwa. | |
Matt | Shona | 13:12 | Nokuti ani nani anazvo achapiwa, uye achava nezvakawanda; asi ani nani asina achatorerwa kunyange nezvaanazvo. | |
Matt | Shona | 13:13 | Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, kuti vachiona havaoni; uye vachinzwa havanzwi, uye havanzwisisi. | |
Matt | Shona | 13:14 | Uye kwavari kwakazadziswa chiporofita chaIsaya chinoti: Nekunzwa muchanzwa, asi hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, asi hamungatongoonesesi. | |
Matt | Shona | 13:15 | Nokuti moyo wevanhu ava wava mukukutu, uye vanonzwa nenzeve nemutsutsururu, nemeso avo vakaatsinzina; zvimwe varege kuona nemeso, uye vanzwe nenzeve, uye vanzwisise nemoyo, vatendeukewo, ndigovaporesa. | |
Matt | Shona | 13:17 | Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vaporofita nevakarurama vazhinji vakange vachishuva kuona zvamunoona, asi havana kuzviona; nekunzwa zvamunonzwa, asi havana kunzwa. | |
Matt | Shona | 13:19 | Umwe neumwe anonzwa shoko reushe asi asinganzwisisi, wakaipa anosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Uyu ndiye wakakushwa kurutivi rwenzira. | |
Matt | Shona | 13:20 | Asi wakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ndiye anonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nemufaro; | |
Matt | Shona | 13:21 | asi haana mudzi maari, asi anogara kwenguva, uye kana dambudziko kana kushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo anogumburwa. | |
Matt | Shona | 13:22 | Uye wakakushwa paminzwa, ndiye anonzwa shoko, asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma zvinovhunga shoko, rova risingabereki. | |
Matt | Shona | 13:23 | Asi wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye anonzwa shoko akanzwisisa, anoberekawo zvibereko, achiita, umwe zana, neumwe makumi matanhatu, neumwe makumi matatu. | |
Matt | Shona | 13:24 | Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo, achiti: Ushe hwekumatenga hunofananidzwa nemunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make. | |
Matt | Shona | 13:25 | Asi vanhu vakati varere, muvengi wake wakauya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda. | |
Matt | Shona | 13:27 | Zvino varanda vemwene weimba vakaswedera vakati kwaari: Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda wenyu here? Zvino wawanepi mashawi? | |
Matt | Shona | 13:28 | Akati kwavari: Muvengi waita izvi. Varanda vakati kwaari: Saka munoda kuti tinoaunganidza here? | |
Matt | Shona | 13:30 | Regai zvikure pamwe zviri zviviri kusvikira pakukohwa; zvino nenguva yekukohwa ndichati kuvakohwi: Unganidzai pakutanga mashawi, muasunge mwanda kuti muapise; asi muunganidze zviyo mudura rangu. | |
Matt | Shona | 13:31 | Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo achiti: Ushe hwekumatenga hwakafanana netsanga yemasitadha*, munhu yaanotora akaidzvara mumunda make. | |
Matt | Shona | 13:32 | Iyo idiki zvirokwazvo pambeu dzese, asi kana yakura ihuru pamiriwo, inova muti, zvekuti shiri dzekudenga dzinouya dzichivaka matendere pamatavi awo. | |
Matt | Shona | 13:33 | Akataura umwe mufananidzo kwavari akati: Ushe hwekumatenga hwakafanana nembiriso, mukadzi yaakatora, akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu kusvikira hwese hwaviriswa. | |
Matt | Shona | 13:34 | Izvi zvinhu zvese Jesu wakaudza zvaunga nemifananidzo, uye pasina mufananidzo haana kutaura kwavari; | |
Matt | Shona | 13:35 | kuti chizadziswe chakarehwa nemuporofita, achiti: Ndichazarura muromo wangu nemifananidzo; ndichataura zvinhu zvakange zvakavanzika kubva pamavambo enyika. | |
Matt | Shona | 13:36 | Zvino Jesu wakati arega zvaunga zvichienda, akapinda mumba; vadzidzi vake vakaswedera kwaari, vachiti: Tidudzirei mufananidzo wemashawi emunda. | |
Matt | Shona | 13:39 | Uye muvengi wakaakusha ndidhiabhorosi; uye kukohwa kuguma kwenyika; nevakohwi vatumwa. | |
Matt | Shona | 13:40 | Naizvozvo mashawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika ino. | |
Matt | Shona | 13:41 | Mwanakomana wemunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza kubva muushe hwake zvigumbuso zvese nevanoita zvakaipa; | |
Matt | Shona | 13:43 | Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe. | |
Matt | Shona | 13:44 | Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nefuma yakavigwa mumunda, inoti kana munhu aiwana, anoiviga; zvino nemufaro wake anoenda akanotengesa zvese zvaanazvo akatenga munda uyo. | |
Matt | Shona | 13:46 | akati awana parera rimwe rine mutengo mukuru, akaenda akanotengesa zvese zvaakange anazvo, akaritenga. | |
Matt | Shona | 13:47 | Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemumbure wakakandirwa mugungwa, ukaunganidza marudzi ese ehove. | |
Matt | Shona | 13:48 | Iwo kana wazara, vanoukwevera pamahombekombe, ndokugara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasira kunze. | |
Matt | Shona | 13:49 | Zvichava saizvozvo pakuguma kwenguva; vatumwa vachabuda, vachaparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama, | |
Matt | Shona | 13:52 | Zvino akati kwavari: Naizvozvo munyori umwe neumwe wakadzidziswa zveushe hwekumatenga wakafanana nemunhu, mwene weimba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvisharu pafuma yake. | |
Matt | Shona | 13:54 | Uye wakati asvika kunyika yekwake akavadzidzisa musinagoge ravo, kusvikira vashamisika vakati: Kunobvepi kune uyu kuchenjera uku nemabasa esimba? | |
Matt | Shona | 13:55 | Uyu haasi mwanakomana wemuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, nevanin'ina vake Jakobho naJose naSimoni naJudhasi here? | |
Matt | Shona | 13:56 | Nehanzvadzi dzake hadzisi nesu dzese here? Ko zvinobvepi kune uyu zvinhu izvozvi zvese? | |
Matt | Shona | 13:57 | Vakagumbuswa naye. Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haavi asina kukudzwa kunze kwemunyika yekwake nemumba make. | |
Chapter 14
Matt | Shona | 14:2 | akati kuvaranda vake: Uyu ndiJohwani Mubhabhatidzi; iye wakamuka kuvakafa, naizvozvowo mabasa esimba awa anobata maari. | |
Matt | Shona | 14:3 | Nokuti Herodhe wakange abata Johwani akamusunga akamuisa mutirongo nekuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripi munin'ina wake. | |
Matt | Shona | 14:6 | Asi kwakati kuchichengetedzwa zuva rekuberekwa kwaHerodhe, mukunda waHerodhiasi akatamba pakati pavo, akafadza Herodhe. | |
Matt | Shona | 14:8 | Zvino iye, wakati amborairwa namai vake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohwani Mubhabhatidzi. | |
Matt | Shona | 14:9 | Mambo akashungurudzika, asi nekuda kwemhiko, uye kwevakange vagere naye pakudya, wakaraira kuti apiwe. | |
Matt | Shona | 14:13 | Jesu wakati azvinzwa, akabvapo nechikepe, akaenda kunzvimbo yerenje ari ega; asi zvaunga zvakati zvichizvinzwa zvikamutevera netsoka zvichibva mumaguta. | |
Matt | Shona | 14:14 | Zvino Jesu wakati abuda akaona chaunga chikuru, akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo. | |
Matt | Shona | 14:15 | Zvino ava madekwani, vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti: Iyi inzvimbo yerenje, uye ikozvino nguva dzaenda; regai zvaunga zviende, kuti vaende kumisha vanozvitengera kudya. | |
Matt | Shona | 14:19 | Akaraira zvaunga kuti zvigare pasi pauswa, zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, ndokumedura akapa zvingwa kuvadzidzi, vadzidzi ndokupa kuzvaunga. | |
Matt | Shona | 14:22 | Pakarepo Jesu wakamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vamutungamirire mhiri, iye acharega zvaunga zvichienda. | |
Matt | Shona | 14:23 | Zvino wakati arega zvaunga zvichienda, akakwira mugomo ari ega kunonyengetera; akati ava madekwani, wakange ari ega ipapo. | |
Matt | Shona | 14:24 | Asi chikepe zvino chakange chava pakati pegungwa chichitambudzwa nemafungu; nokuti mhepo yakange ichipikisa. | |
Matt | Shona | 14:25 | Nenguva yechina yemurindiro yeusiku Jesu akaenda kwavari achifamba pamusoro pegungwa. | |
Matt | Shona | 14:26 | Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka vachiti: Chipoko; ndokudanidzira nekutya. | |
Matt | Shona | 14:28 | Petro ndokumupindura akati: Ishe, kana muri imwi, ndirairei ndiuye kwamuri pamusoro pemvura. | |
Matt | Shona | 14:29 | Ndokubva ati: Uya. Petro ndokuburuka muchikepe akafamba pamusoro pemvura, kuenda kuna Jesu. | |
Matt | Shona | 14:30 | Asi wakati achiona mhepo ine simba, akatya; zvino otanga kunyura, akadanidzira, achiti: Ishe, ndiponesei! | |
Matt | Shona | 14:31 | Pakarepo Jesu wakatandavadza ruoko, akamubata, akati kwaari: Iwe werutendo rudiki, unokononei? | |
Matt | Shona | 14:33 | Vakange vari muchikepe ndokuuya vakamunamata vachiti: Zvirokwazvo muri Mwanakomana waMwari. | |
Matt | Shona | 14:35 | Varume venzvimbo iyo vakati vamuziva vakatuma shoko panyika yese iyo yakapoteredza, vakauisa kwaari vese vairwara. | |
Chapter 15
Matt | Shona | 15:2 | Sei vadzidzi venyu vachidarika tsika yevakuru? Nokuti havashambi maoko avo kana vachidya chingwa. | |
Matt | Shona | 15:3 | Asi akapindura akati kwavari: Nemhaka yei imwiwo muchidarika murairo waMwari nekuda kwetsika yenyu? | |
Matt | Shona | 15:4 | Nokuti Mwari wakaraira achiti: Kudza baba namai vako; uye kuti: Anotuka baba kana mai, anofanira kufa rufu. | |
Matt | Shona | 15:5 | Asi imwi munoti: Ani nani anoti kuna baba kana kuna mai: Chipi nechipi chaungabatsirwa neni chibairo, | |
Matt | Shona | 15:6 | naizvozvo haatongokudzi baba vake kana mai vake; naizvozvo mashayisa murairo waMwari maturo netsika yenyu. | |
Matt | Shona | 15:8 | Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemuromo wavo, vachindikudza nemiromo; asi moyo wavo uri kure neni. | |
Matt | Shona | 15:11 | Hazvisi zvinopinda mumuromo zvinosvibisa munhu; asi izvo zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu. | |
Matt | Shona | 15:12 | Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakati kwaari: Munoziva kuti VaFarisi vakati vachinzwa shoko iri vakagumbuka here? | |
Matt | Shona | 15:13 | Asi wakapindura akati: Chinomera chimwe nechimwe Baba vangu vekudenga chavasina kudzvara chichadzurwa. | |
Matt | Shona | 15:14 | Varegei; vatungamiriri vakapofumara vemapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ari maviri. | |
Matt | Shona | 15:17 | Nazvino hamunzwisisi here, kuti zvese zvinopinda mumuromo zvinoenda mudumbu, uye zvinoraswa kunze? | |
Matt | Shona | 15:19 | Nokuti mumoyo munobuda ndangariro dzakaipa, umhondi, ufeve, upombwe, umbavha, uchapupu hwenhema, kunyomba. | |
Matt | Shona | 15:20 | Izvi ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya nemaoko asina kushambwa hazvisvibisi munhu. | |
Matt | Shona | 15:22 | Zvino tarira, mukadzi muKenani wakabva kumiganhu iyo akadanidzira kwaari achiti: Ndinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi; mukunda wangu wakabatwa zvakaipa nedhimoni. | |
Matt | Shona | 15:23 | Asi haana kumupindura shoko. Vadzidzi vake ndokuuya kwaari vakamukumbirisa vachiti: Muindisei, nokuti anodanidzira shure kwedu. | |
Matt | Shona | 15:24 | Asi wakapindura akati: Handina kutumwa zvimwe, kunze kwekumakwai akarasika eimba yaIsraeri. | |
Matt | Shona | 15:26 | Asi wakapindura akati: Hazvina kunaka kutora chingwa chevana ndokukandira imbwanana. | |
Matt | Shona | 15:27 | Asi iye akati: Hongu, Ishe, asi nembwanana dzinodya zvezvimedu zvinowa patafura yavatenzi vadzo. | |
Matt | Shona | 15:28 | Zvino Jesu akapindura akati kwaari: Haiwa mukadzi, rutendo rwako rukuru! Ngazvive kwauri sezvaunoda. Mukunda wake akaporeswa kubva panguva iyo. | |
Matt | Shona | 15:29 | Jesu ndokubva ipapo akauya parutivi rwegungwa reGarirea; akakwira mugomo, akagara ipapo. | |
Matt | Shona | 15:30 | Zvino zvaunga zvikuru zvakauya kwaari zvine mhetamakumbo, mapofu, zvimumumu, zvirema, nevamwe vazhinji, vakavakanda patsoka dzaJesu; akavaporesa; | |
Matt | Shona | 15:31 | zvekuti zvaunga zvakashamisika zvichiona zvimumumu zvichitaura, zvirema zvakagwinya, vanokamhina vachifamba, nemapofu achiona; vakarumbidza Mwari waIsraeri. | |
Matt | Shona | 15:32 | Jesu ndokudanira vadzidzi vake kwaari akati: Ndinonzwa tsitsi nechaunga, nokuti vakagara neni zvino mazuva matatu vasina chinhu chekudya, uye handidi kuvaindisa vasina kudya, zvimwe vangaziya panzira. | |
Matt | Shona | 15:33 | Vadzidzi vake ndokuti kwaari: Tichawanepi zvingwa zvakawanda zvakadaro murenje, kuti tigutise chaunga chikuru chakadai? | |
Matt | Shona | 15:34 | Jesu ndokuti kwavari: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe, nehove diki shomanene. | |
Matt | Shona | 15:36 | Akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akamedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa chaunga. | |
Chapter 16
Matt | Shona | 16:1 | VaFarisi neVaSadhusi ndokuuya vachimuidza, vakamukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga. | |
Matt | Shona | 16:2 | Asi wakapindura akati kwavari: Kana ava madekwani munoti: Kunze kwakanaka; nokuti denga rakatsvuka. | |
Matt | Shona | 16:3 | Uye mangwanani munoti: Nhasi kunze kwakaipa; nokuti denga rakatsvuka richikwidibira. Vanyepedzeri, munoziva kuparadzanisa mamiriro edenga, asi hamugoni kuparadzanisa zviratidzo zvenguva here? | |
Matt | Shona | 16:4 | Zera rakaipa uye rinofeva richitsvaka chiratidzo; asi haripiwi chiratidzo, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita. Ndokuvasiya, akaenda. | |
Matt | Shona | 16:8 | Zvino Jesu azviziva akati kwavari: Imwi verutendo rudiki, nemhaka yei muchirangana pakati penyu kuti hamuna kutora zvingwa? | |
Matt | Shona | 16:9 | Muchigere kunzwisisa here, kana kurangarira zvingwa zvishanu zvevanezvuru zvishanu, uye matengu mangani amakanonga? | |
Matt | Shona | 16:11 | Hamunzwisisi sei, kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa kuti mungwarire mbiriso yeVaFarisi neVaSadhusi? | |
Matt | Shona | 16:12 | Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yechingwa, asi dzidziso yeVaFarisi neVaSadhusi. | |
Matt | Shona | 16:13 | Jesu wakati asvika kumativi eKesariya yeFiripi, akabvunza vadzidzi vake, achiti: Vanhu vanoti ini Mwanakomana wemunhu ndini ani? | |
Matt | Shona | 16:14 | Ndokubva vati: Vamwe vanoti Johwani Mubhabhatidzi, uye vamwe Eria, vamwewo Jeremiya, kana umwe wevaporofita. | |
Matt | Shona | 16:17 | Jesu akapindura akati kwaari: Wakaropafadzwa, Simoni mwanakomana waJona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzarurira izvozvo, asi Baba vangu vari kumatenga. | |
Matt | Shona | 16:18 | Neni ndinoti kwauri: Ndiwe Petro, uye pamusoro peruware urwu ndichavaka kereke yangu, nemasuwo egehena* haangaikundi. | |
Matt | Shona | 16:19 | Uye ndichapa kwauri kiyi dzeushe hwekumatenga; uye chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kumatenga; nechipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kumatenga. | |
Matt | Shona | 16:20 | Ipapo akarairisa vadzidzi vake kuti varege kuudza munhu kuti ndiye Jesu iye Kristu. | |
Matt | Shona | 16:21 | Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza kuvadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema, uye kutambudzika zvizhinji zvichibva kuvakuru nevapristi vakuru nevanyori, nekuurawa, nekumutswa nezuva retatu. | |
Matt | Shona | 16:22 | Petro akamutora parutivi, akatanga kumutsiura akati: Ngazvirege kutongoitika kwamuri, Ishe; izvi hazvingatongoitiki kwamuri. | |
Matt | Shona | 16:23 | Asi iye wakatendeuka akati kuna Petro: Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu. | |
Matt | Shona | 16:24 | Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake: Kana ani nani achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. | |
Matt | Shona | 16:25 | Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo; asi ani nani anorasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu achahuwana. | |
Matt | Shona | 16:26 | Nokuti munhu anobatsirwei kana akawana nyika yese, akarasikirwa nemweya wake? Kana munhu achapei chive muripo wemweya wake? | |
Matt | Shona | 16:27 | Nokuti Mwanakomana wemunhu achauya mukubwinya kwaBaba vake nevatumwa vake, ipapo achapa mubairo umwe neumwe zvichienderana nebasa rake. | |
Chapter 17
Matt | Shona | 17:1 | Zvino shure kwemazuva matanhatu Jesu wakatora Petro naJakobho naJohwani munin'ina wake, akavakwidza mugomo refu vari vega. | |
Matt | Shona | 17:2 | Zvino akashandurwa chimiro pamberi pavo, uye chiso chake chikapenya sezuva, nenguvo dzake dzikachena sechiedza. | |
Matt | Shona | 17:4 | Zvino Petro akapindura akati kuna Jesu: Ishe, zvakatinakira kuva pano; kana muchida, ngatiite pano matumba matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria. | |
Matt | Shona | 17:5 | Wakati achataura, tarira, gore rinopenya rakavadzikatira; uye tarira, inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo; inzwai iye. | |
Matt | Shona | 17:9 | Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, achiti: Musaudza munhu chiratidzo ichi, kusvikira Mwanakomana wemunhu amuka kubva kuvakafa. | |
Matt | Shona | 17:10 | Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti: Vanyori vanogotaurirei vachiti Eria anofanira kutanga kuuya? | |
Matt | Shona | 17:11 | Jesu akapindura akati kwavari: Eria achatanga kusvika zvirokwazvo, achavandudza zvinhu zvese. | |
Matt | Shona | 17:12 | Asi ndinotaura kwamuri kuti Eria wakatosvika, asi havana kumuziva, asi vakamuitira zvese zvavakada; saizvozvowo Mwanakomana wemunhu achatambura navo. | |
Matt | Shona | 17:15 | Ishe, donzwirai mwanakomana wangu tsitsi, nokuti ane zvipusha, anotambudzika kwazvo; nokuti kazhinji anowira mumoto, kazhinji mumvura. | |
Matt | Shona | 17:17 | Jesu akapindura akati: Haiwa zera risina rutendo nerakakombama, ndichava nemwi kusvikira rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhi? Muuisei pano pandiri. | |
Matt | Shona | 17:18 | Zvino Jesu akaritsiura, dhimoni rikabuda kwaari, mwana akaporeswa kubva panguva iyo. | |
Matt | Shona | 17:19 | Zvino vadzidzi vakauya kuna Jesu vari vega, vakati: Isu takange tisingagoni nei kuribudisa? | |
Matt | Shona | 17:20 | Jesu akati kwavari: Nemhaka yekusatenda kwenyu. Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana mune rutendo rwakaita setsanga yemasitadha, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko; uye richabva; uye hakuna chinhu chingakukonai. | |
Matt | Shona | 17:22 | Zvino vachakagara muGarirea, Jesu wakati kwavari: Mwanakomana wemunhu obva okumikidzwa mumaoko evanhu, | |
Matt | Shona | 17:24 | Zvino vakati vachisvika Kapenaume, vaigamuchira mutero vakauya kuna Petro, vakati: Mudzidzisi wenyu haateri here? | |
Matt | Shona | 17:25 | Akati: Hongu. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akamutangira achiti: Unofungei Simoni? Madzimambo enyika anotora muripo kana mutero kuna vana ani? Kuvanakomana vavo kana kuvatorwa? | |
Chapter 18
Matt | Shona | 18:1 | Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti: Ko ndiani mukurusa paushe hwekumatenga? | |
Matt | Shona | 18:3 | Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana musingashandurwi mukava sevacheche, hamungatongopindi muushe hwekumatenga. | |
Matt | Shona | 18:4 | Naizvozvo ani nani anozvininipisa semucheche uyu ndiye mukurusa muushe hwekumatenga. | |
Matt | Shona | 18:6 | Asi ani nani anogumbusa umwe wevacheche ava vanotenda kwandiri, zvaiva nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe kupoteredza pamutsipa wake, anyudzwe mukudzika kwegungwa. | |
Matt | Shona | 18:7 | Ine nhamo nyika nemhaka yezvigumbuso! Nokuti kunodikanwa kuti zvigumbuso zviuye; asi une nhamo munhu uyo chigumbuso wachinouya naye! | |
Matt | Shona | 18:8 | Zvino kana ruoko rwako kana rutsoka rwako zvichikugumbusa, uzvigure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri mhetamakumbo kana uri chirema pakuti une maoko maviri kana tsoka mbiri ukandirwe mumoto wekusingaperi. | |
Matt | Shona | 18:9 | Kana ziso rako richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu une ziso rimwe pakuti une meso maviri ukandirwe mugehena remoto. | |
Matt | Shona | 18:10 | Chenjerai musazvidza umwe wevadiki ava, nokuti ndinoti kwamuri: Kumatenga vatumwa vavo vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kumatenga. | |
Matt | Shona | 18:12 | Munofunga sei? Kana umwe munhu ane makwai zana, rimwe rawo rikarasika, haangasii here makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, akaenda kumakomo kunotsvaka rakarasika? | |
Matt | Shona | 18:13 | Kana zvikaitika kuti ariwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Anorifarira kupfuura makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika. | |
Matt | Shona | 18:14 | Saizvozvo hakusi kuda kwaBaba venyu vari kumatenga, kuti umwe wevadiki ava aparare. | |
Matt | Shona | 18:15 | Asi kana umwe wako akutadzira, enda umudzore pakati pako naye mega; kana akakunzwa, wawana umwe wako. | |
Matt | Shona | 18:16 | Asi kana asinganzwi, tora umwe kana vamwe vaviri newe, kuti nemuromo wezvapupu zviviri kana zvitatu shoko rese risimbiswe. | |
Matt | Shona | 18:17 | Kana asina hanya nekuvanzwa, uudze kereke; asi kana asina hanya nekunzwa kerekewo, ngaave kwauri semuhedheni nemuteresi. | |
Matt | Shona | 18:18 | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchasunga panyika, chichasungwa kudenga; uye chipi nechipi chamunosunungura panyika, chichasunungurwa kudenga. | |
Matt | Shona | 18:19 | Zvekare ndinoti kwamuri: Kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechinhu chipi nechipi chavanokumbira, chichaitwa kwavari naBaba vangu vari kumatenga. | |
Matt | Shona | 18:21 | Zvino Petro wakauya kwaari akati: Ishe, umwe wangu uchanditadzira kangani, ndichimukanganwira? Kusvikira kanomwe here? | |
Matt | Shona | 18:22 | Jesu akati kwaari: Handiti kwauri: Kusvikira kanomwe; asi: Kusvikira makumi manomwe akapamhidzirwa kanomwe. | |
Matt | Shona | 18:23 | Naizvozvo ushe hwekumatenga hunofananidzwa neumwe mambo, wakange achida kugadzirisa zvemari nevaranda vake. | |
Matt | Shona | 18:24 | Zvino wakati achitanga kugadzirisa zvemari, umwe akauyiswa kwaari wakange ane chikwereti chematarenda* gumi rezvuru. | |
Matt | Shona | 18:25 | Asi zvaakange asina chaangaripa nacho, ishe wake akaraira kuti atengeswe pamwe nemukadzi wake nevana, nezvese zvaakange anazvo, kuti muripo uitwe. | |
Matt | Shona | 18:26 | Naizvozvo muranda wakawira pasi, akamunamata, achiti: Ishe, ivai nemoyo murefu neni, ndichakuripirai zvese. | |
Matt | Shona | 18:27 | Zvino ishe wemuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamukanganwira chikwereti. | |
Matt | Shona | 18:28 | Asi muranda uyo wakati achibuda, akawana umwe wevaranda vaibata pamwe naye, wakange ane ngava kwaari remadhenario* zana; akamubata, akamudzipa, akati: Ndiripe zvaunofanira. | |
Matt | Shona | 18:29 | Zvino muranda waibata pamwe naye akawira pasi patsoka dzake akamugombetedza achiti: Uve nemoyo murefu neni, ndichakuripira zvese. | |
Matt | Shona | 18:30 | Asi iye haana kuda, asi wakaenda, akamukanda mutirongo, kusvikira aripa chikwereti. | |
Matt | Shona | 18:31 | Zvino varanda vaibata pamwe naye vakati vachiona zvakange zvaitika, vakashungurudzika kwazvo, vakaenda vakaudza ishe wavo zvese zvakaitika. | |
Matt | Shona | 18:32 | Zvino ishe wake wakati amudanira kwaari akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukanganwira chikwereti icho chose, nokuti wakandigombetedza. | |
Matt | Shona | 18:33 | Ko newe hausaifanira kunzwira tsitsi here umwe muranda unobata pamwe newe, seniwo ndakakunzwira tsitsi? | |
Matt | Shona | 18:34 | Zvino ishe wake akatsamwa, akamukumikidza kuvarwadzisi, kusvikira aripa zvese zvakafanira kwaari. | |
Chapter 19
Matt | Shona | 19:1 | Zvino zvakaitika apo Jesu apedza mashoko awa, akabva kuGarirea, akasvika kumiganhu yeJudhiya mhiri kweJoridhani. | |
Matt | Shona | 19:3 | VaFarisi vakauyawo kwaari, vachimuidza vachiti kwaari: Zvinotenderwa here kumunhu kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi? | |
Matt | Shona | 19:4 | Akapindura, akati kwavari: Hamuna kurava here, kuti iye wakavaita kubva pakutanga wakavaita murume nemukadzi? | |
Matt | Shona | 19:5 | Akati: Nekuda kwaizvozvi munhu achasiya baba namai, uye achanamatira kumukadzi wake; avo vaviri vachava nyama imwe. | |
Matt | Shona | 19:6 | Naizvozvo havachisiri vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo izvo Mwari zvaakabatanidza munhu ngaarege kuparadzanisa. | |
Matt | Shona | 19:8 | Akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo yenyu Mozisi wakakutenderai kuramba vakadzi venyu; asi kubva pakutanga zvakange zvisina kudaro. | |
Matt | Shona | 19:9 | Asi ndinoti kwamuri: Ani nani anoramba mukadzi wake, kunze kwemhaka yeupombwe, akawana umwe, anopomba; neanowana wakarambwa anopomba. | |
Matt | Shona | 19:10 | Vadzidzi vake vakati kwaari: Kana nyaya yemunhu nemukadzi yakadaro, hazvibatsiri kuwana. | |
Matt | Shona | 19:12 | Nokuti kune vatenwa, vakaberekwa vakadaro kubva mudumbu ramai; uye kune vatenwa, vakaitwa vatenwa nevanhu; uye kune vatenwa vakazviita vatenwa nekuda kweushe hwekumatenga. Anogona kugamuchira izvi, ngaagamuchire. | |
Matt | Shona | 19:13 | Zvino kwakauyiswa kwaari vana vadiki, kuti aise maoko pamusoro pavo, anyengetere; asi vadzidzi vakavatsiura. | |
Matt | Shona | 19:14 | Asi Jesu wakati: Tenderai vana vadiki, musavadzivisa kuuya kwandiri; nokuti ushe hwekumatenga ndehwevakadai. | |
Matt | Shona | 19:16 | Zvino tarira, kwakaswedera umwe akati kwaari: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi kuti ndive neupenyu husingaperi? | |
Matt | Shona | 19:17 | Akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, ndiye Mwari. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo. | |
Matt | Shona | 19:20 | Jaya rikati kwaari: Izvozvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu; ndichiri kushaiwei? | |
Matt | Shona | 19:21 | Jesu akati kwariri: Kana uchida kuva wakaperera, enda utengese zvaunazvo upe varombo, uye uchava nefuma kudenga; ugouya pano unditevere. | |
Matt | Shona | 19:22 | Asi jaya rakati ranzwa shoko iro rikaenda richishungurudzika; nokuti rakange rine nhumbi zhinji. | |
Matt | Shona | 19:23 | Jesu akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mufumi ucharemerwa kupinda muushe hwekumatenga. | |
Matt | Shona | 19:24 | Ndinotizve kwamuri: Zvakarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari. | |
Matt | Shona | 19:25 | Vadzidzi vake vakati vazvinzwa, vakashamisika kwazvo, vachiti: Saka ndiani angagona kuponeswa? | |
Matt | Shona | 19:26 | Asi Jesu wakatarira akati kwavari: Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvese zvinobvira. | |
Matt | Shona | 19:27 | Ipapo Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya zvese, tikakuteverai; zvino tichava nei? | |
Matt | Shona | 19:28 | Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Imwi makanditevera, pakuberekwa kutsva kana Mwanakomana wemunhu agara pachigaro cheushe chekubwinya kwake, imwiwo muchagara pazvigaro zveushe gumi nezviviri, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri. | |
Matt | Shona | 19:29 | Uye umwe neumwe wakasiya dzimba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwezita rangu, uchagamuchira zvine zana, akagara nhaka yeupenyu husingaperi. | |
Chapter 20
Matt | Shona | 20:1 | Nokuti ushe hwekumatenga hwakafanana nemunhu, mwene weimba, wakabuda mangwanani-ngwanani kunopinza basa vashandi mumunda wake wemizambiringa. | |
Matt | Shona | 20:2 | Wakati atenderana nevabati padhenario* pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa. | |
Matt | Shona | 20:4 | akati kwavari: Endai imwiwo mumunda wemizambiringa, ndigokupai chero zvakafanira. Vakaendawo. | |
Matt | Shona | 20:6 | Zvino neawa rinenge regumi nerimwe wakabuda, akawana vamwe vamire vasina chekuita, akati kwavari: Makamirirei pano zuva rese musina chekuita? | |
Matt | Shona | 20:7 | Vakati kwaari: Nokuti hapana munhu wakatipinza basa. Akati kwavari: Endai nemwiwo mumunda wemizambiringa, muchagamuchira chero zvakafanira. | |
Matt | Shona | 20:8 | Kuzoti ava madekwani, mwene wemunda wemizambiringa wakati kumutariri wake: Dana vabati, uvape mubairo, uchitanga kune vekupedzisira, kusvikira kune vekutanga. | |
Matt | Shona | 20:9 | Zvino vakati vachiuya veawa rinenge regumi nerimwe, vakagamuchira umwe neumwe dhenario. | |
Matt | Shona | 20:10 | Asi vekutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti vachagamuchira zvakapfuura; asi ivowo vakagamuchira umwe neumwe dhenario. | |
Matt | Shona | 20:12 | vachiti: Ava vekupedzisira vakabata awa rimwe chete, asi mavaenzanisa nesu takatakura mutoro wezuva nekupisa. | |
Matt | Shona | 20:13 | Asi wakapindura akati kune umwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana here neni padhenario? | |
Matt | Shona | 20:15 | Ko handitenderwi kuita zvandinoda nezvangu here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here? | |
Matt | Shona | 20:16 | Saizvozvo vekupedzisira vachava vekutanga, nevekutanga vekupedzisira; nokuti vazhinji vakadanwa, asi vashoma vachasarudzwa. | |
Matt | Shona | 20:17 | Jesu wakati achikwira kuJerusarema akatora vadzidzi gumi nevaviri vari vega munzira, akati kwavari: | |
Matt | Shona | 20:18 | Tarira, tinokwira kuJerusarema, zvino Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa kuvapristi vakuru nevanyori, vachamutongera rufu. | |
Matt | Shona | 20:19 | Vachamukumikidza kuvahedheni, kuti vasveveredze, varove netyava, nekuroverera pamuchinjikwa; asi nezuva retatu achamuka. | |
Matt | Shona | 20:20 | Zvino kwakauya kwaari mai vevanakomana vaZebhedhi nevanakomana vavo, vakanamata vachikumbira chimwe chinhu kwaari. | |
Matt | Shona | 20:21 | Akati kwavari: Munodei? Vakati kwaari: Taurai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, umwe kuruboshwe, muushe hwenyu. | |
Matt | Shona | 20:22 | Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kunwa mukombe wandava kuzonwa ini here, uye kubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini? Vakati kwaari: Tinogona. | |
Matt | Shona | 20:23 | Akati kwavari: Muchanwa zvirokwazvo mukombe wangu, nekubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi, nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kuti ndipe, asi ndezvevakazvigadzirirwa naBaba vangu. | |
Matt | Shona | 20:25 | Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti vatungamiriri vevahedheni vanovatsikirira, nevakuru vanoratidza simba pamusoro pavo. | |
Matt | Shona | 20:26 | Asi hazvingazodaro pakati penyu; asi ani nani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu. | |
Matt | Shona | 20:28 | SeMwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nekupa upenyu hwake huve rudzikunuro rwevazhinji. | |
Matt | Shona | 20:30 | Zvino tarira, mapofu maviri agere parutivi rwenzira, akati achinzwa kuti Jesu wopfuura, akadanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi! | |
Matt | Shona | 20:31 | Chaunga chikaatsiura kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi! | |
Chapter 21
Matt | Shona | 21:1 | Vakati vachiswedera kuJerusarema, vasvika kuBhetifage pagomo reMiorivhi, ipapo Jesu akatuma vadzidzi vaviri, | |
Matt | Shona | 21:2 | achiti kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, nedhongwana rinayo; sunungurai, muuyise kwandiri. | |
Matt | Shona | 21:3 | Kana ani nani achitaura chinhu kwamuri, muchati: Ishe anozvida; pakarepo achazvitumira. | |
Matt | Shona | 21:5 | Udzai mukunda weZiyoni: Tarira Mambo wako anouya kwauri, ari munyoro, akatasva mbongoro, nedhongwana, mwana wechipfuwo chemutoro. | |
Matt | Shona | 21:7 | vakauisa mbongoro nedhongwana, vakaisa nguvo dzavo pamusoro pazvo; vakamugadza pamusoro pazvo. | |
Matt | Shona | 21:8 | Chaunga chikuru kwazvo chikawarira nguvo dzacho munzira; vamwe vakatema matavi pamiti vakawarira munzira. | |
Matt | Shona | 21:9 | Zvaunga zvakange zvakamutungamirira nevakange vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana* kuMwanakomana waDavhidhi! Wakaropafadzwa iye anouya muzita raIshe! Hosana kumusoro-soro! | |
Matt | Shona | 21:12 | Zvino Jesu wakapinda mutembere yaMwari, akadzingira vese vaitengesa nevaitenga mutembere, akapidigura matafura evaitsinhanha mari, nezvigaro zvevaitengesa njiva. | |
Matt | Shona | 21:13 | Akati kwavari: Kwakanyorwa kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yemunyengetero; asi imwi munoiita bako remakororo. | |
Matt | Shona | 21:15 | Asi vapristi vakuru nevanyori vakati vachiona zvinhu zvinoshamisa zvaakange achiita, nevana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! vakatsamwa, | |
Matt | Shona | 21:16 | vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivava here? Jesu akati kwavari: Hongu, hamuna kutongoverenga here, kuti: Mumuromo mavacheche nevanoyamwa makapedzeredza rumbidzo? | |
Matt | Shona | 21:19 | Zvino wakati achiona umwe muonde panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha chete; akati kwauri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri kusvikira narinhi. Pakarepo muonde ukasvava. | |
Matt | Shona | 21:21 | Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nerutendo, musiri vasina chokwadi, hamungaiti izvi kumuonde chete, asi kunyange kana mukati kugomo iri: Simudzwa ukandirwe mugungwa; zvichaitwa. | |
Matt | Shona | 21:22 | Nezvese zvipi nezvipi zvamunokumbira mumunyengetero, kana muchitenda, muchazvigamuchira. | |
Matt | Shona | 21:23 | Wakati apinda mutembere, vapristi vakuru nevakuru vevanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri? | |
Matt | Shona | 21:24 | Jesu akapindura akati kwavari: Neni ndichakubvunzai shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzai kuti ndinoita izvi nesimba ripi. | |
Matt | Shona | 21:25 | Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabvepi? Kudenga here kana kuvanhu? Zvino vakataurirana pakati pavo vachiti: Kana tikati: Kudenga; uchati kwatiri: Saka sei musina kumutenda? | |
Matt | Shona | 21:26 | Asi kana tikati: Kuvanhu; tinotya chaunga; nokuti vese vakatora Johwani semuporofita. | |
Matt | Shona | 21:27 | Vakapindura Jesu vakati: Hatizivi. Iye ndokuti kwavari: Neni handingakuudziyi simba randinoita naro izvi. | |
Matt | Shona | 21:28 | Zvino munofungei? Munhu waiva nevanakomana vaviri; akauya kune wekutanga, akati: Mwana, enda nhasi unobata mumunda wangu wemizambiringa. | |
Matt | Shona | 21:30 | Akaenda kune wechipiri akataura saizvozvo. Iye akapindura akati: Ndinoenda, ishe; akasaenda. | |
Matt | Shona | 21:31 | Ndeupi pavaviri akaita kuda kwababa? Vakati kwaari: Wekutanga. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari. | |
Matt | Shona | 21:32 | Nokuti Johwani akauya kwamuri nenzira yekururama, mukasamutenda; asi vateresi nezvifeve vakamutenda, asi imwi makati muchiona, hamuna kutendeuka shure kwaizvozvi kuti mumutende. | |
Matt | Shona | 21:33 | Inzwai umwe mufananidzo. Kwaiva neumwe munhu, mwene weimba, wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini mauri, akavaka shongwe, akauhaisa* kuvarimi, akaenda kunze kwenyika. | |
Matt | Shona | 21:34 | Kuzoti nguva yezvibereko yaswedera, akatuma varanda vake kuvarimi kuti vagamuchire zvibereko zvake. | |
Matt | Shona | 21:35 | Asi varimi vakabata varanda vake, umwe vakarova, umwe vakauraya, umwe vakataka nemabwe. | |
Matt | Shona | 21:37 | Asi pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti: Vacharemekedza mwanakomana wangu. | |
Matt | Shona | 21:38 | Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuurayeyi tibate nhaka yake. | |
Matt | Shona | 21:41 | Vakati kwaari: Achaparadza zvakaipa ava vakaipa, akahaisa vamwe varimi munda wemizambiringa, vachamupa zvibereko nenguva dzazvo. | |
Matt | Shona | 21:42 | Jesu akati kwavari: Hamuna kutongoverenga here pamagwaro panoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakava musoro wekona; kubva kuna Ishe izvi zvaitika zvinoshamisa pameso edu? | |
Matt | Shona | 21:43 | Naizvozvo ndinoti kwamuri: Ushe hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri, hukapiwa kurudzi rwunobereka zvibereko zvahwo. | |
Matt | Shona | 21:44 | Uye anowira pamusoro pebwe iri, achavhunikanya; asi pane upi neupi warinowira richamukuya. | |
Matt | Shona | 21:45 | Vapristi vakuru neVaFarisi vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti anotaura nezvavo. | |
Chapter 22
Matt | Shona | 22:2 | Ushe hwekumatenga hwakafananidzwa neumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wemuchato; | |
Matt | Shona | 22:4 | Akatuma zvekare vamwe varanda, achiti: Udzai vakakokerwa muti: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu, nzombe dzangu nezvakakora zvabaiwa, uye zvinhu zvese zvagadzirwa; uyai kumuchato. | |
Matt | Shona | 22:5 | Asi havana kuzvikoshesa, vakaenda, umwe kumunda wake pachake, umwe kukutengeserana kwake; | |
Matt | Shona | 22:7 | Zvino mambo wakati azvinzwa, wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza mhondi idzo, akapisa guta ravo. | |
Matt | Shona | 22:8 | Zvino akati kuvaranda vake: Muchato wagadzirwa, asi vakange vakokwa vakange vasina kufanira. | |
Matt | Shona | 22:10 | Varanda avo vakabudira kunzira, vakaunganidza vese nekuwanda kwevavakawana, zvese vakaipa nevakanaka; imba yemuchato ikazara nevagere pakudya. | |
Matt | Shona | 22:11 | Zvino mambo wakati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona ipapo munhu asina kupfeka chipfeko chemuchato; | |
Matt | Shona | 22:12 | akati kwaari: Shamwari, wapinda sei pano usina chipfeko chemuchato? Akashaya remuromo. | |
Matt | Shona | 22:13 | Zvino mambo akati kuvaranda: Musungei makumbo nemaoko, mumubvise, mukandire kurima rekunze kwekupedzisira; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno. | |
Matt | Shona | 22:16 | Vakatuma kwaari vadzidzi vavo vane VaHerodhe, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, uye munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, musingarangariri zvemunhu, nokuti hamutariri chimiro chevanhu. | |
Matt | Shona | 22:21 | Vakati kwaari: ZvaKesari. Ipapo akati kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari. | |
Matt | Shona | 22:24 | vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakati: Kana munhu akafa asina vana, munin'ina wake achawana mukadzi wake, agomutsira mukoma wake mbeu. | |
Matt | Shona | 22:25 | Paiva pakati pedu nevanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa; uye asina mbeu, akasiya mukadzi wake kumunin'ina wake. | |
Matt | Shona | 22:29 | Jesu ndokupindura, akati kwavari: Munorasika, musingazivi magwaro, kana simba raMwari; | |
Matt | Shona | 22:31 | Asi maererano nekumuka kwevakafa, hamuna kuverenga here zvakataurwa kwamuri naMwari, achiti: | |
Matt | Shona | 22:32 | Ini ndiri Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? Mwari haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu. | |
Matt | Shona | 22:37 | Jesu akati kwaari: Ida Ishe Mwari wako, nemoyo wako wese, uye nemweya wako wese, uye nemurangariro wako umwe neumwe. | |
Matt | Shona | 22:42 | achiti: Munofungei pamusoro paKristu? Mwanakomana waani? Vakati kwaari: WaDhavhidhi. | |
Matt | Shona | 22:44 | Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako? | |
Chapter 23
Matt | Shona | 23:3 | saka zvese chero zvipi zvavanokuudzai kuti muzvichengete, chengetai nekuita; asi musaita semabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti. | |
Matt | Shona | 23:4 | Nokuti vanosunga mitoro inorema uye inorwadza kutakura, vachiisa pamafudzi evanhu, asi havadi kuisudurusa nemunwe wavo. | |
Matt | Shona | 23:5 | Asi mabasa avo ese vanoaita kuti vaonekwe nevanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera* avo, vanorebesa mipendero yenguvo dzavo; | |
Matt | Shona | 23:8 | Asi imwi musaidzwa Rabhi, nokuti umwe ndiye mudzidzisi wenyu, Kristu; imwi mese muri hama. | |
Matt | Shona | 23:12 | Zvino ani nani anozvikwiridzira achaderedzwa; uye ani nani anozvideredza, achakwiridzirwa. | |
Matt | Shona | 23:13 | Asi mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwekumatenga; nokuti imwi hamupindi, zvekare hamutenderi vanopinda kupinda. | |
Matt | Shona | 23:14 | Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munodya dzimba dzechirikadzi, uye muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchagamuchira kutongwa nekupfuurisa. | |
Matt | Shona | 23:15 | Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopoteredza gungwa nenyika kuzoita umwe atendeuke kuva muJudha; kana ava saizvozvo, munomuita mwanakomana wegehena kukunda imwi kaviri. | |
Matt | Shona | 23:16 | Mune nhamo, vatungamiriri vakapofumara, munoti: Ani nani anopika netembere, hachisi chinhu, asi ani nani anopika negoridhe yetembere, ane ngava. | |
Matt | Shona | 23:17 | Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Goridhe, kana tembere inoita goridhe rive dzvene? | |
Matt | Shona | 23:18 | Uye: Ani nani anopika nearitari, hachisi chinhu; asi ani nani anopika nechipo chiri pamusoro payo, ane ngava. | |
Matt | Shona | 23:19 | Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Chipo, kana aritari inoita chipo chive chitsvene? | |
Matt | Shona | 23:23 | Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopa chegumi cheminte* neadhiri* nekumini*, muchirega zvakakosha zvemurairo zvinoti: Mutongo netsitsi nekutendeka; izvi zvakafanira kuita nekusarega zvimwe. | |
Matt | Shona | 23:25 | Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati muzere neupambi nekusazvidzora. | |
Matt | Shona | 23:26 | MuFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati memukombe nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo. | |
Matt | Shona | 23:27 | Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti makafanana nemarinda akadzudzurwa kuitwa machena, anoonekwa akanaka zvirokwazvo kunze, asi mukati muzere nemafupa evakafa netsvina yese. | |
Matt | Shona | 23:28 | Saizvozvo nemwi munoonekwa kunze makarurama kuvanhu, asi mukati muzere neunyepedzeri neuipi. | |
Matt | Shona | 23:29 | Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munovaka marinda evaporofita, nekushongedza makuva evakarurama, | |
Matt | Shona | 23:30 | muchiti: Dai taiva pamazuva emadzibaba edu, tingadai tisina kugoverana navo paropa revaporofita. | |
Matt | Shona | 23:34 | Naizvozvo, tarirai, ini ndinotumira kwamuri vaporofita nevakachenjera nevanyori; vamwe vavo vamuchauraya nekuvaroverera pamuchinjikwa; vamwe vavo vamucharova netyava mumasinagoge enyu, nekushusha muguta nemuguta. | |
Matt | Shona | 23:35 | Kuti kuuye pamusoro penyu ropa rese rakarurama, rakateurirwa panyika, kubva paropa raAberi wakarurama, kusvikira paropa raZakaria, mwanakonana waBharakia, wamakauraya pakati petembere nearitari. | |
Matt | Shona | 23:37 | Jerusarema! Jerusarema! Iwe unouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndakange ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, semhambo inounganidza hukwana dzayo muzasi memapapiro, asi hamuna kuda. | |
Chapter 24
Matt | Shona | 24:1 | Zvino Jesu wakabuda akabva patembere; vadzidzi vake ndokuswedera kuzomuratidza zvivakwa zvetembere. | |
Matt | Shona | 24:2 | Jesu akati kwavari: Hamuoni zvinhu izvi zvese here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakungatozongosiiwi pano ibwe pamusoro pebwe risingatongoputsirwi pasi. | |
Matt | Shona | 24:3 | Kuzoti agere pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari vega vachiti: Tiudzei, zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chekuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipi? | |
Matt | Shona | 24:5 | nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye vachatsausa vazhinji. | |
Matt | Shona | 24:6 | Zvino muchanzwa zvehondo nerunyerekupe rwehondo; chenjerai, musakanganiswa; nokuti zvese zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere. | |
Matt | Shona | 24:7 | Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe, uye kuchava nenzara nematenda nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana. | |
Matt | Shona | 24:9 | Ipapo vachakukumikidzai mukutambudzika, uye vachakuurayai; uye muchavengwa nemarudzi ese nekuda kwezita rangu. | |
Matt | Shona | 24:14 | Uye evhangeri iyi yeushe ichaparidzwa munyika yese chive uchapupu kumarudzi ese; ipapo kuguma kuchasvika. | |
Matt | Shona | 24:15 | Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakarehwa naDhanyeri muporofita, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaanzwisise), | |
Matt | Shona | 24:21 | Nokuti ipapo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakavapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye kusingazovipozve. | |
Matt | Shona | 24:22 | Dai mazuva ayo asaipfupiswa, hakuna nyama zvachose yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa mazuva ayo achapfupiswa. | |
Matt | Shona | 24:24 | Nokuti kuchamuka vana kristu venhema nevaporofita venhema, vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso, zvekuti kana zvichibvira, vatsause nevasanangurwa. | |
Matt | Shona | 24:26 | Naizvozvo kana vakati kwamuri: Tarirai, ari murenje, musabuda; tarirai ari mudzimba dzemukati, musatenda. | |
Matt | Shona | 24:27 | Nokuti semheni inobuda kumabvazuva ichipenya kusvikira kumavirira, kuchava saizvozvo nekuuya kweMwanakomana wemunhu. | |
Matt | Shona | 24:29 | Pakarepo shure kwekutambudzika kwemazuva ayo zuva richasvibiswa, nemwedzi hauzopi chiedza chawo, uye nyeredzi dzichawa kudenga, nemasimba ekumatenga achazungunuswa. | |
Matt | Shona | 24:30 | Uye ipapo kuchaonekwa chiratidzo cheMwanakomana wemunhu kudenga; uye ipapo marudzi ese enyika achachema, uye achaona Mwanakomana wemunhu achiuya pamakore ekudenga nesimba nekubwinya kukuru. | |
Matt | Shona | 24:31 | Uye achatuma vatumwa vake nekurira kukuru kwehwamanda, vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumigumo yematenga kusvikira kumigumo yawo. | |
Matt | Shona | 24:32 | Asi dzidzai mufananidzo kubva pamuonde: Kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha rava pedo. | |
Matt | Shona | 24:34 | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri kusvikira izvozvi zvese zvaitika. | |
Matt | Shona | 24:36 | Asi zvezuva iro neawa hakuna anozviziva, kwete kunyange vatumwa vekumatenga, asi Baba vangu chete. | |
Matt | Shona | 24:38 | Nokuti sepamazuva akatangira mafashame, vaidya nekunwa, vachiwana nekuwaniswa, kusvikira zuva Nowa raakapinda muareka, | |
Matt | Shona | 24:39 | uye vakange vasingazivi, kusvikira kwasvika mafashame avabvisa vese, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu. | |
Matt | Shona | 24:43 | Asi zivai izvi, kuti dai mwene weimba aiziva kuti inguva yekurinda ipi ichasvika mbavha, angadai airinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe. | |
Matt | Shona | 24:44 | Naizvozvo imwiwo ivai makagadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri, Mwanakomana wemunhu anouya. | |
Matt | Shona | 24:45 | Ko ndiani muranda wakatendeka, wakangwara, ishe wake wakamugadza pamusoro pevaranda vake kuti avape kudya nenguva yakafanira? | |
Matt | Shona | 24:46 | Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika anomuwana achiita saizvozvo. | |
Chapter 25
Matt | Shona | 25:1 | Panguva iyo ushe hwekumatenga huchava hwakafananidzwa nevasikana gumi vakatora marambi avo vakabuda kunochingamidza muwani. | |
Matt | Shona | 25:9 | Asi vakachenjera vakapindura vachiti: Zvimwe haangakwaniri isu nemwi; asi zviri nani endai kune vanotengesa munozvitengera. | |
Matt | Shona | 25:10 | Vakati vachienda kunotenga, muwani akasvika. Zvino vakange vakagadzirira vakapinda naye mumuchato, mukova ukapfigwa. | |
Matt | Shona | 25:13 | Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana awa Mwanakomana wemunhu raachauya mariri. | |
Matt | Shona | 25:14 | Nokuti zvakaita semunhu wakafamba rwendo, akadana varanda vake, akavapa zvaaiva nazvo. | |
Matt | Shona | 25:15 | Uye kune umwe wakapa matarenda* mashanu, umwe maviri, umwe rimwe, umwe neumwe zvakakwanirana nesimba rake; pakarepo akafamba rwendo. | |
Matt | Shona | 25:16 | Uye wakagamuchira matarenda mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akaita mamwe matarenda mashanu. | |
Matt | Shona | 25:20 | Kwakauya wakange agamuchira matarenda mashanu akauisa mamwe matarenda mashanu achiti: Ishe, makandikumikidza matarenda mashanu; tarirai, ndawana pamusoro pawo mamwe matarenda mashanu. | |
Matt | Shona | 25:21 | Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako. | |
Matt | Shona | 25:22 | Wakange agamuchira matarenda maviri akauyawo akati: Ishe, makandikumikidza matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri pamusoro pawo. | |
Matt | Shona | 25:23 | Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako. | |
Matt | Shona | 25:24 | Asi wakange agamuchira tarenda rimwe naiye wakauya akati: Ishe, ndakange ndichikuzivai imwi kuti muri munhu wakawoma, munokohwa pamusina kudzvara, munounganidza pamusina kukusha; | |
Matt | Shona | 25:26 | Ishe wake akapindura akati kwaari: Muranda wakaipa une usimbe, wakange uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudzvara, ndichiunganidza pandisina kukusha. | |
Matt | Shona | 25:27 | Saka waifanira kuisa mari yangu kuvatsinhanisi vemari, neni pakusvika ndingadai ndagamuchira zvangu nezvibereko. | |
Matt | Shona | 25:29 | Nokuti wese anazvo achapiwa ave nezvakawandisa; asi kubva kune asina kuchatorwa nechaanacho. | |
Matt | Shona | 25:30 | Uye muranda pasina murasirei kurima rekunze kwekupedzisira; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno. | |
Matt | Shona | 25:31 | Zvino kana Mwanakomana wemunhu achiuya mukubwinya kwake, nevatumwa vatsvene vese vanaye, ipapo achagara pachigaro cheushe chekubwinya kwake. | |
Matt | Shona | 25:32 | Zvino pamberi pake pachaunganidzwa ndudzi dzese; uye achadziparadzanisa vamwe kubva kune vamwe, semufudzi anoparadzanisa makwai kubva kumbudzi. | |
Matt | Shona | 25:34 | Zvino Mambo achati kune vari kuruoko rwake rwerudyi: Uyai, imwi makaropafadzwa naBaba vangu, mugare nhaka yeushe hwakagadzirirwa imwi kubva pakuvamba kwenyika. | |
Matt | Shona | 25:35 | Nokuti ndakange ndine nzara, mukandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukandipa chekunwa; ndakange ndiri mweni, mukandigamuchira; | |
Matt | Shona | 25:36 | ndakashama, mukandipfekedza; ndakange ndichirwara, mukandishanyira; ndakange ndiri mutirongo, mukauya kwandiri. | |
Matt | Shona | 25:37 | Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, tikakupai chekudya, kana mune nyota, tikapa chekunwa? | |
Matt | Shona | 25:40 | Uye Mambo achapindura ati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Sezvamakaitira umwe wehama dzangu idzi mudikisa, makaitira ini. | |
Matt | Shona | 25:41 | Ipapo uchatiwo kune vari kuruoko rweruboshwe: Ibvai kwandiri, imwi makatukwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa dhiabhorosi nevatumwa vake. | |
Matt | Shona | 25:42 | Nokuti ndakange ndine nzara, mukasandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukasandipa chekunwa; | |
Matt | Shona | 25:43 | ndakange ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndakashama, mukasandipfekedza; ndichirwara, nemutirongo, mukasandishanyira. | |
Matt | Shona | 25:44 | Ipapo avawo vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana makashama, kana muchirwara, kana muri mutirongo, tikasakushandirai? | |
Matt | Shona | 25:45 | Zvino achavapindura achiti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamusina kuitira umwe wevadikisa ava, hamuna kuitirawo ini. | |
Chapter 26
Matt | Shona | 26:2 | Munoziva kuti mushure memazuva maviri ichava pasika, uye Mwanakomana wemunhu achatengeswa kuti arovererwe pamuchinjikwa. | |
Matt | Shona | 26:3 | Ipapo kwakaungana vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu muchivanze chemupristi mukuru wainzi Kayafasi. | |
Matt | Shona | 26:7 | kwakasvika kwaari mukadzi nechinu chearibhasiteri* chechizoro chinokosha zvikuru, akadururira mumusoro wake agere pakudya. | |
Matt | Shona | 26:10 | Asi Jesu aziva wakati kwavari: Munotambudzirei mukadzi? Nokuti aita basa rakanaka kwandiri. | |
Matt | Shona | 26:13 | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kwese kunozoparidzirwa evhangeri iyi panyika yese, izvi mukadzi zvaaitawo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake. | |
Matt | Shona | 26:14 | Ipapo umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Judhasi Isikariyoti, wakaenda kuvapristi vakuru, | |
Matt | Shona | 26:15 | akati: Munoda kundipei, ini ndigomukumikidza kwamuri? Vakamutemera masirivheri makumi matatu. | |
Matt | Shona | 26:17 | Nerekutanga rezvingwa zvisina mbiriso vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tikugadzirirei kudya pasika? | |
Matt | Shona | 26:18 | Akati: Endai muguta kune umwe munhu, muti kwaari: Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yava pedo; ndichaita pasika kwauri nevadzidzi vangu. | |
Matt | Shona | 26:22 | Zvino vakashungurudzika zvikuru, vakatanga umwe neumwe wavo kuti kwaari: Ishe, zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? | |
Matt | Shona | 26:24 | Mwanakomana wemunhu anoenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuberekwa. | |
Matt | Shona | 26:25 | Judhasi uyo wakamutengesa ndokupindura akati: Rabhi*, zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? Akati kwaari: Wataura iwe. | |
Matt | Shona | 26:26 | Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa vadzidzi akati: Torai, idyai, ichi ndiwo muviri wangu. | |
Matt | Shona | 26:28 | Nokuti iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji rekukanganwirwa kwezvivi. | |
Matt | Shona | 26:29 | Asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino handichatongonwi zvechibereko ichi chemuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro nemwi chava chitsva muushe hwaBaba vangu. | |
Matt | Shona | 26:31 | Ipapo Jesu wakati kwavari: Imwi mese muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, uye makwai eboka achaparadzirwa. | |
Matt | Shona | 26:33 | Asi Petro wakapindura akati kwaari: Kunyange vese vakagumburwa nekuda kwenyu, ini handingatongogumburwi. | |
Matt | Shona | 26:34 | Jesu akati kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Muusiku huno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu. | |
Matt | Shona | 26:35 | Petro akati kwaari: Kunyange zvakandifanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Vadzidziwo vese vakadaro. | |
Matt | Shona | 26:36 | Zvino Jesu wakasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi: Garai pano ndichamboenda ndinonyengetera uko. | |
Matt | Shona | 26:37 | Akatora pamwe naye Petro nevanakomana vaviri vaZebhedhi, akatanga kusuruvara nekushungurudzika. | |
Matt | Shona | 26:38 | Ipapo akati kwavari: Mweya wangu unosuruvara kwazvo kusvikira parufu; garai pano murinde neni. | |
Matt | Shona | 26:39 | Akaenda mberi zvishoma, akawa nechiso chake, akanyengetera achiti: Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri. Asi kusava sezvandinoda ini asi sezvamunoda imwi. | |
Matt | Shona | 26:40 | Akauya kuvadzidzi, akavawana varere, akati kuna Petro: Saka hamuna kugona kurinda neni awa rimwe here? | |
Matt | Shona | 26:41 | Rindai munyengetere, kuti musapinda mumuedzo; mweya unoda zvirokwazvo, asi nyama ine utera. | |
Matt | Shona | 26:42 | Akaendazve rwechipiri akanyengetera, achiti: Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura kubva kwandiri, kunze kwekuti ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe. | |
Matt | Shona | 26:45 | Ndokuuya kuvadzidzi vake ndokuti kwavari: Chirambai murere muzorore; tarirai, awa raswedera, Mwanakomana wemunhu wotengeswa mumaoko evatadzi. | |
Matt | Shona | 26:47 | Zvino achataura, tarira, Judhasi umwe wevanegumi nevaviri wakasvika, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo chichibva kuvapristi vakuru nevakuru vevanhu. | |
Matt | Shona | 26:48 | Zvino iye wakamutengesa wakavapa chiratidzo achiti: Uyo wandichatsvoda, ndiye, mumubate. | |
Matt | Shona | 26:50 | Jesu akati kwaari: Shamwari, wavingei? Ipapo vakaswedera vakaisa maoko pana Jesu, vakamubata. | |
Matt | Shona | 26:51 | Uye tarira, umwe wevaiva naJesu akatandavadza ruoko, akavhomora munondo wake akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake. | |
Matt | Shona | 26:52 | Ipapo Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako munzvimbo yawo, nokuti vese vanobata munondo vanoparara nemunondo. | |
Matt | Shona | 26:53 | Kana unofunga here kuti handigoni ikozvino kukumbira kuna Baba vangu, vakandigadzikira mapoka emauto evatumwa anopfuura gumi nemaviri? | |
Matt | Shona | 26:55 | Nenguva iyo Jesu wakati kuzvaunga: Mabuda semunovinga gororo neminondo netsvimbo kuzondibata here? Ndaigara nemwi zuva nezuva ndichidzidzisa mutembere, asi hamuna kundibata. | |
Matt | Shona | 26:56 | Asi izvi zvese zvaitika, kuti magwaro evaporofita azadziswe. Ipapo vadzidzi vese vakamusiya, vakatiza. | |
Matt | Shona | 26:57 | Avo vakange vabata Jesu vakamuendesa kuna Kayafasi mupristi mukuru, apo pakange paungana vanyori nevakuru. | |
Matt | Shona | 26:58 | Asi Petro wakamutevera ari kure kusvikira pachivanze chemupristi mukuru, akapinda mukati, akagara nevaranda kuzoona mugumo. | |
Matt | Shona | 26:59 | Zvino vapristi vakuru nevakuru nedare remakurukota rese vakatsvaka uchapupu hwenhema hunopikisa Jesu kuti vamuuraye. | |
Matt | Shona | 26:60 | Asi havana kuhuwana, kunyange zvapupu zvenhema zvizhinji zvakauya, zvikasahuwana. Pakupedzisira kwakasvika zvapupu zvenhema zviviri, | |
Matt | Shona | 26:62 | Zvino mupristi mukuru akasimuka akati kwaari: Haupinduri chinhu here? Ava vanopupurei zvinopikisana newe? | |
Matt | Shona | 26:63 | Asi Jesu wakanyarara. Mupristi mukuru akapindura akati kwaari: Ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utiudze kana iwe uri Kristu, Mwanakomana waMwari. | |
Matt | Shona | 26:64 | Jesu akati kwaari: Wataura iwe; asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya pamakore edenga. | |
Matt | Shona | 26:65 | Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguvo dzake achiti: Wanyomba; tichiri kudirei zvapupu? Tarirai, ikozvino manzwa kunyomba kwake. | |
Matt | Shona | 26:69 | Petro wakange agere panze pachivanze; ndokuuya kwaari umwe murandakadzi achiti: Iwewo wakange una Jesu weGarirea. | |
Matt | Shona | 26:71 | Zvino wakati abuda pasuwo, umwe mukadzi akamuona, akati kune vaivapo: Uyuwo wakange ana Jesu weNazareta. | |
Matt | Shona | 26:73 | Shure kwechinguva chidiki kwakauya vakange vamirepo vachiti kuna Petro: Zvirokwazvo iwewo uri wavo; nokuti kunyange kutaura kwako kunokuratidza. | |
Matt | Shona | 26:74 | Zvino wakatanga kutuka nekupika kuti: Handizivi munhu uyu. Pakarepo jongwe rikarira. | |
Chapter 27
Matt | Shona | 27:1 | Kwakati kwaedza, vapristi vakuru vese nevakuru vevanhu vakarangana kupikisa Jesu kuti vamuuraye. | |
Matt | Shona | 27:2 | Vakati vamusunga vakamutungamidza ndokunomukumikidza kuna Pondiyo Pirato mutungamiriri. | |
Matt | Shona | 27:3 | Zvino Judhasi wakange amutengesa aona kuti wapiwa mhosva, akazvidya moyo akadzosera makobiri esirivheri makumi matatu kuvapristi vakuru nevakuru, | |
Matt | Shona | 27:6 | Vapristi vakuru vakatora makobiri esirivheri vakati: Hazvitenderwi kuaisa muchivigiro chezvipo, nokuti mutengo weropa. | |
Matt | Shona | 27:9 | Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti: Vakabva vatora makobiri esirivheri makumi matatu, mutengo waiye wakatarirwa mutengo, iye vana vaIsraeri wavakatarira mutengo; | |
Matt | Shona | 27:11 | Zvino Jesu wakamira pamberi pemutungamiriri. Mutungamiriri akamubvunza achiti: Iwe uri mambo weVaJudha here? Jesu akati kwaari: Unoreva iwe. | |
Matt | Shona | 27:13 | Pirato ndokuti kwaari: Haunzwi kuti zvinhu zvingani zvavanopupura kupokana newe here? | |
Matt | Shona | 27:14 | Asi haana kumupindura kunyange pashoko rimwe chete, zvekuti mutungamiriri wakashamisika zvikuru. | |
Matt | Shona | 27:15 | Zvino pamutambo mutungamiriri aiva netsika yekusunungurira chaunga musungwa umwe wavanenge vada. | |
Matt | Shona | 27:17 | Naizvozvo vakati vaungana, Pirato akati kwavari: Ndeupi wamunoda kuti ndikusunungurirei: Bharabhasi kana Jesu anonzi Kristu? | |
Matt | Shona | 27:19 | Zvino wakati agara pachigaro chekutonga, mukadzi wake akatumira kwaari, achiti: Usava nechokuita neuyo wakarurama, nokuti ndatambudzika zvinhu zvizhinji nhasi muchiroto pamusoro pake. | |
Matt | Shona | 27:20 | Asi vapristi vakuru nevakuru vakakumbirisa zvaunga kuti vakumbire Bharabhasi, vaparadze Jesu. | |
Matt | Shona | 27:21 | Mutungamiriri akapindura akati kwavari: Ndeupi wevaviri wamunoda kuti ndikusunungurirei? Ivo vakati: Bharabhasi. | |
Matt | Shona | 27:22 | Pirato akati kwavari: Ko ndichamuitei Jesu anonzi Kristu? Vese vakati kwaari: Ngaarovererwe pamuchinjikwa. | |
Matt | Shona | 27:23 | Zvino mutungamiriri akati: Nokuti wakaita chii chakaipa? Asi vakanyanya kudanidzira vachiti: Ngaarovererwe pamuchinjikwa! | |
Matt | Shona | 27:24 | Pirato wakati achiona kuti hazvibatsiri chinhu asi kutoti poita bongozozo, wakatora mvura akageza maoko pamberi pechaunga achiti: Handina mhosva neropa reuyu wakarurama; muchazvionera imwi. | |
Matt | Shona | 27:25 | Vanhu vese ndokupindura vakati: Ropa rake ngarive pamusoro pedu nepamusoro pevana vedu. | |
Matt | Shona | 27:26 | Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi wakati arova Jesu netyava, akamukumikidza kuti arovererwe pamuchinjikwa. | |
Matt | Shona | 27:27 | Zvino mauto emutungamiriri akaisa Jesu mumba memutungamiriri, hondo yese ikaunganira kwaari. | |
Matt | Shona | 27:29 | Vakati varuka korona yeminzwa, ndokupfekedza musoro wake, nerutsanga muruoko rwake rwerudyi. Vakafugama pamberi pake vakamuseka vachiti: Hekanhi, Mambo weVaJudha! | |
Matt | Shona | 27:31 | Vakati vamuseka, vakamukurura nguvo, vakamupfekedza nguvo dzake vakamuendesa kunoroverera pamuchinjikwa. | |
Matt | Shona | 27:32 | Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, wainzi Simoni. Vakamumanikidza uyu kuti atakure muchinjikwa wake. | |
Matt | Shona | 27:34 | vakamupa vhiniga yakavhenganiswa nenduru kuti anwe; asi wakati aravira akasada kunwa. | |
Matt | Shona | 27:35 | Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake vachikanda mujenya, kuti zvizadziswe zvakarehwa nemuporofita zvinoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakanda mujenya pamusoro pechekupfeka changu. | |
Matt | Shona | 27:37 | Vakaisa pamusoro pemusoro wake rugwaro rwemhosva yake rwakanyorwa kuti: UYU NDIJESU MAMBO WEVAJUDHA. | |
Matt | Shona | 27:38 | Ndokurovererwa pamuchinjikwa makororo maviri pamwe naye, umwe kuruoko rwerudyi, umwe kuruboshwe. | |
Matt | Shona | 27:40 | vachiti: Iwe unoputsa tembere nekuivaka nemazuva matatu, zviponese; kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa. | |
Matt | Shona | 27:42 | Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa. Kana ari Mambo waIsraeri, ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, tigomutenda. | |
Matt | Shona | 27:43 | Waivimba naMwari; ngaachimusunungura ikozvino kana achimuda. Nokuti wakati: Ndiri Mwanakomana waMwari. | |
Matt | Shona | 27:45 | Zvino kubva paawa rechitanhatu kwakava nerima panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe. | |
Matt | Shona | 27:46 | Neawa rinenge repfumbamwe Jesu wakadanidzira nenzwi guru achiti: "Eri, Eri rama sabakitani?" Ndiko kuti: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei? | |
Matt | Shona | 27:48 | Pakarepo umwe wavo akamhanya, akatora chipanje, akazadza nevhiniga ndokuisa parutsanga, akamupa kuti anwe. | |
Matt | Shona | 27:51 | Zvino tarira, vheiri retembere rakabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka. | |
Matt | Shona | 27:53 | Vakati vabuda pamakuva shure kwekumuka kwake vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa kuvazhinji. | |
Matt | Shona | 27:54 | Zvino mukuru wezana nevaiva naye vakarinda Jesu vakati vachiona kudengenyeka kwenyika nezvinhu zvakaitika, vakatya zvikuru vachiti: Zvirokwazvo uyu wakange ari Mwanakomana waMwari. | |
Matt | Shona | 27:55 | Nevakadzi vazhinji vakange varipo, vakatarira vari kure, vakange vatevera Jesu vachibva Garirea vachimushandira. | |
Matt | Shona | 27:56 | Pakati pavo paiva naMaria Magidharini, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vevanakomana vaZebhedhi. | |
Matt | Shona | 27:57 | Zvino ava manheru kukasvika umwe mufumi achibva Arimatiya wainzi Josefa. Iyewo pachake waiva mudzidzi waJesu. | |
Matt | Shona | 27:58 | Uyu wakaenda kuna Pirato akakumbira mutumbi waJesu. Ipapo Pirato akaraira kuti mutumbi aupiwe. | |
Matt | Shona | 27:60 | Akauradzika muguva rake idzva, raakange achera muruware; akakungurusira ibwe guru pamukova weguva, akabva. | |
Matt | Shona | 27:62 | Nezuva raitevera, raitevera zuva rekugadzirira, vapristi vakuru neVaFarisi vakaungana kuna Pirato, | |
Matt | Shona | 27:63 | vachiti: Ishe, tinorangarira kuti munyepedzeri uyo wakati achiri mupenyu: Mushure memazuva matatu ndichamuka. | |
Matt | Shona | 27:64 | Naizvozvo rairai kuti guva richengetwe kusvikira zuva retatu; zvimwe vadzidzi vake vangauya usiku vakamuba, vagoti kuvanhu: Wakamuka kuvakafa; kurasika kwekupedzisira kukazova kwakanyanya pane kwekutanga. | |
Chapter 28
Matt | Shona | 28:1 | Zvino pakupera kwesabata kotanga kuedza, koenda kumusi wekutanga wevhiki, kwakasvika Maria Magidharini neumwe Maria kuzoona guva. | |
Matt | Shona | 28:2 | Zvino tarira, kwakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru, nokuti mutumwa waIshe wakaburuka kubva kudenga, akaswedera, akakungurusa ibwe kubva pamukova, akagara pamusoro paro. | |
Matt | Shona | 28:3 | Kuonekwa kwake kwakange kwakaita semheni, nechipfeko chake chaiva chichena semagada echando. | |
Matt | Shona | 28:5 | Asi mutumwa akapindura akati kuvakadzi: Musatya imwi; nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu wakange arovererwa pamuchinjikwa. | |
Matt | Shona | 28:7 | Kurumidzai kuenda munoudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa; uye tarirai anokutungamirirai kuGarirea, ikoko muchanomuona; tarirai, ndakuudzai. | |
Matt | Shona | 28:8 | Ndokubva vakakurumidza kubuda paguva vane kutya nemufaro mukuru, vakamhanyira kunoudza vadzidzi vake. | |
Matt | Shona | 28:9 | Zvino vakati vachienda kunoudza vadzidzi vake, tarira, Jesu wakavachingamidza, achiti: Hekanhi! Vakaswedera vakabata tsoka dzake vakamunamata. | |
Matt | Shona | 28:10 | Zvino Jesu akati kwavari: Musatya; endai, munoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea, uye vachanondionako. | |
Matt | Shona | 28:11 | Vakati vachifamba, tarira, vamwe vevarindi vakaenda muguta vakapira vapristi vakuru zvese zvakaitika. | |
Matt | Shona | 28:14 | Kana izvi zvikazikanwa kumutungamiriri, isu tichamunyengerera, tikuitei musava mukushungurudzika. | |
Matt | Shona | 28:15 | Ndokubva vatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Shoko iri rikaparadzirwa pakati peVaJudha kusvikira nhasi. | |
Matt | Shona | 28:18 | Jesu ndokuswedera akataura kwavari, achiti: Simba rese rakapiwa kwandiri kudenga nepanyika. | |
Matt | Shona | 28:19 | Endai naizvozvo muite marudzi ese vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba nereMwanakomana nereMweya Mutsvene; | |